‘Zviponese Iwe Nevanokuteerera’
‘Zviponese Iwe Nevanokuteerera’
“Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. . . . Nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.”—1 TIMOTI 4:16.
1, 2. Chii chinoita kuti vaKristu vechokwadi varambe vari mubasa ravo rinoponesa upenyu?
MUNE mumwe musha uri woga uri kuchamhembe kweThailand, vakaroorana vaviri vari Zvapupu zvaJehovha vanoedzera unyanzvi hwavo hwomutauro hwavachangobva kuwana pavanhu vedzinza rinogara mumakomo. Kuti vaudzewo vanogara mumusha wacho mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, vaviri vacho vachangobva kudzidza mutauro unonzi Lahu.
2 “Zvakaoma kutsanangura mufaro nokugutsikana zvatinazvo, kushanda pakati pavanhu vanofadza ava,” anotsanangura kudaro murume wacho. “Tinonyatsonzwa tichibatanidzwa nokuzadzika kwaZvakazarurwa 14:6, 7, kuzivisa mashoko anofadza ‘kurudzi rwose nedzinza nendimi.’ Kune nharaunda shomanana dzasara dzisati dzasvika mashoko akanaka, uye zvechokwadi iyi ndiyo imwe yadzo. Tine dzinenge fundo dzeBhaibheri dzakawanda kupfuura dzatinokwanisa kuitisa.” Zvakajeka kuti vaviri ava havana tariro yokuzviponesa ivo chete asiwo nevanovateerera. SavaKristu, tose hatina tariro yokuita saizvozvo here?
“Ramba Uchizvichenjerera Iwe”
3. Kuti tiponese vamwe, tinofanira kutanga taitei?
3 Muapostora Pauro akapa Timoti zano rokuti, “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako,” uye rinoshanda kuvaKristu vose. (1 Timoti 4:16) Zvechokwadi, kuti tibatsire vamwe kuponeswa, tinofanira kutanga tazvichenjerera isu. Tingazviita sei? Chokutanga, tinofanira kuramba takasvinurira nguva yatiri kurarama. Jesu akapa chiratidzo chinobatanidza zvakawanda kuitira kuti vateveri vake vazive paizosvika “kuguma kwegadziriro yezvinhu?” Asi, Jesu akatiwo taisazoziva musi chaiwo waizouya mugumo. (Mateu 24:3, 36) Tinofanira kuitei nechokwadi ichocho?
4. (a) Tinofanira kuva nepfungwa yorudzii pamusoro penguva yasarira gadziriro ino? (b) Ipfungwa ipi yatinofanira kudzivisa?
4 Mumwe nomumwe wedu angabvunza kuti, ‘Ndiri kushandisa nguva yose yasarira gadziriro ino kuzviponesa ini nevanonditeerera here? Kana kuti ndiri kufunga kuti, “Sezvo tisingazivi musi chaiwo uchauya mugumo, handingazvinetsi nazvo here”?’ Pfungwa yokupedzisira ine ngozi. Inonyatsopesana nezano raJesu rokuti: “Ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” (Mateu 24:44) Zvechokwadi ino haisi nguva yokurembedza maoko edu mubasa raJehovha kana kutarisa kunyika nokuda kwokuchengeteka kana kugutsikana.—Ruka 21:34-36.
5. Mienzaniso ipi yakagadzwa nezvapupu zvaJehovha zvaivapo chiKristu chisati chavapo?
5 Kutsungirira nokutendeka savaKristu ndiyo imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tiri kuzvichenjerera. Vashumiri vaMwari vomunguva yakapfuura vakaramba vachitsungirira, pasinei nokuti vaitarisira kununurwa nokukurumidza kana kuti kwete. Ataura nezvemienzaniso yezvapupu VaHebheru 11:13; 12:1.
zvaivako chiKristu chisati chavako zvakaita saAbheri, Enoki, Noa, Abrahamu, uye Sara, Pauro akati: “Kunyange vasina kuwana kuzadzika kwezvipikirwa, asi vakazviona zviri kure vakazvikwazisa vakazivisa pachena kuti vakanga vari vaeni nevagari venguva duku munyika iyoyo.” Havana kubvuma zvishuvo zvipi nezvipi zvoupenyu hwomutambarakede, uye havana kubvuma kumanikidzwa kuita unzenza hwakanga hwakavakomba, asi vakatarisira mberi nomwoyo wose ku“kuzadzika kwezvipikirwa.”—6. Maonero aiitwa ruponeso navaKristu vomuzana remakore rokutanga akaita kuti vararame sei?
6 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakazvionawo sa“vagari vokune imwe nyika” munyika ino. (1 Petro 2:11) Kunyange pavakaponeswa pakaparadzwa Jerusarema muna 70 C.E., vaKristu vechokwadi havana kurega kuparidza kana kudzokera kumararamiro okunyika. Vaiziva kuti ruponeso rukuru rwakanga rwakamirira vanoramba vakatendeka. Chokwadi, nguva refu yatopera muna 98 C.E., muapostora Johani akatonyora kuti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17, 28.
7. Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza sei kutsungirira mazuva ano?
7 Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvakapfuurirawo mubasa rechiKristu, kunyange zvazvo zvaisangana nokutambudzwa kunotyisa. Zvakatsungirira pasina here? Zvechokwadi kwete, nokuti Jesu akativimbisa kuti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa,” kunyange iwoyo ukava mugumo wegadziriro yakare kana kuti kuguma kwoupenyu hwomunhu hwazvino. Murumuko, Jehovha achayeuka ndokupa mubayiro vashumiri vake vose vakatendeka vakafa.—Mateu 24:13; VaHebheru 6:10.
8. Tingaratidza sei kuti tinoonga kutsungirira kwavaKristu vomunguva yakapfuura?
8 Uyezve, tinofara kuti vaKristu vakatendeka vomunguva yakapfuura vaisangofunga nezvokuponeswa kwavo chete. Zvechokwadi isu vakadzidza nezvoUmambo hwaMwari nemhaka yezvose zvavakaita tinofara kuti vakatsungirira mukuita basa ravakarayirwa naJesu kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Chero bedzi mukana uchiramba wakatizarukira, tinogona kuratidza kuonga kwedu nokuparidzira vamwe vasati vanzwa mashoko akanaka. Zvisinei, kuparidza rinongova danho rokutanga mukuita vadzidzi.
‘Chenjerera Kudzidzisa Kwako’
9. Pfungwa yakanaka ingatibatsira sei kutanga fundo dzeBhaibheri?
9 Basa redu harisi rokuparidza chete asiwo rinobatanidza kudzidzisa. Jesu akatipa basa rokudzidzisa vanhu kuchengeta zvinhu zvose zvaakarayira. Ichokwadi kuti mune dzimwe ndima, vashoma vanoratidza kuda kudzidza pamusoro paJehovha. Asi kusava netariro pamusoro pendima kungavhiringidza zvose zvatinoedza kuita kuti titange fundo dzeBhaibheri. Yvette, mumwe piyona ari mune imwe ndima yakanga yanzi navamwe haina chimuko, akacherechedza kuti vaeni vaishanyira nharaunda iyoyo, vakanga vasina pfungwa yakashata yakadaro, aitanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Pashure pokunge ava netariro yakakura, Yvette akawanawo vanhu vaida kudzidza Bhaibheri.
10. Basa redu rinokosha savadzidzisi veBhaibheri nderei?
10 Vamwe vaKristu vangazeza kuudza vanofarira nezvokudzidza Bhaibheri nokuti vanonzwa sokuti vangasakwanisa kuitisa fundo. Ichokwadi kuti unyanzvi hwedu hwakasiyana-siyana. Asi hatifaniri hedu kuva nounyanzvi hwakanyanya kuti tibudirire savadzidzisi veShoko raMwari. Shoko rakachena reBhaibheri rine simba, uye Jesu akataura kuti vakafanana namakwai vanoziva inzwi roMufudzi pavanorinzwa. Saka, basa redu nderekungotaura shoko roMufudzi Akanaka, Jesu, zvakajeka sezvatinokwanisa kuita.—Johani 10:4, 14.
11. Unganyatsobudirira sei mukubatsira mudzidzi weBhaibheri?
11 Ungataura sei shoko raJesu zvinonyatsobudirira? Chokutanga, ita kuti ujairane nezvinotaura Bhaibheri nezvemusoro uri kukurukurwa. Unofanira kunzwisisa imwe nhau pachako usati waidzidzisa vamwe. Uyewo, edza kuita kuti parambe paine kuremekedzana kwoushamwari pamunenge muchifunda. Vadzidzi, kubatanidza vaduku kwazvo, Zvirevo 16:21.
vanodzidza zviri nani pavanenge vakasununguka uye mudzidzisi achivaremekedza nokuvaratidza mutsa.—12. Ungava sei nechokwadi chokuti mudzidzi anonzwisisa zvauri kumudzidzisa?
12 Somudzidzisi, haudi kungotaura mashoko kuitira kuti mudzidzi aadzokorore nomusoro. Mubatsire kunzwisisa zvaari kudzidza. Dzidzo yomudzidzi, zvakaitika muupenyu, uye kujairana neBhaibheri zvichine chokuita nokunzwisisa kwake zvauri kutaura. Saka, ungazvibvunza kuti, ‘Anonzwisisa zvinorehwa namagwaro akaratidzwa munyaya iri kufundwa here?’ Unogona kuita kuti ataure zvaanofunga nemibvunzo isingagoni kupindurwa nokungoti hungu kana kwete asi iya inoda kutsanangura. (Ruka 9:18-20) Asiwo, vamwe vadzidzi vanozeza kubvunza mudzidzisi. Saka, vangapfuurira vasinganyatsonzwisisa zvavari kudzidziswa. Kurudzira mudzidzi kubvunza mibvunzo uye kuti akuudze paanenge asinganyatsonzwisisi.—Mako 4:10; 9:32, 33.
13. Ungabatsira sei mudzidzi kuva mudzidzisi?
13 Chinangwa chinokosha chokuitisa fundo yeBhaibheri ndechokubatsira mudzidzi kuva mudzidzisi. (VaGaratiya 6:6) Kuti zvidaro, sokudzokorora fundo yenyu, ungamukumbira kuti atsanangure imwe pfungwa namashoko akareruka, sokunge ari kuitsanangurira mumwe munhu ari kuinzwa kokutanga. Gare gare, paanenge ava kukwanisa kuitawo ushumiri, ungamukoka kuti aende newe mundima. Zvimwe achanzwa akasununguka kushanda newe, uye ruzivo rwaachawana ruchamubatsira kuwedzera chivimbo kusvika agadzirira kubuda muushumiri oga.
Batsira Mudzidzi Kuva Shamwari yaMwari
14. Vavariro yako huru somudzidzisi ndeyei, uye chii chichakubatsira kuti uite zvaunovavarira?
14 Vavariro huru yomudzidzisi wechiKristu oga oga ndeyokubatsira mudzidzi kuti aite ushamwari naJehovha. Uchaita izvi kwete namashoko ako chete asiwo nomuenzaniso wako. Kudzidzisa nomuenzaniso kunonyatsobaya mwoyo yavadzidzi. Zviito zvinogona kunyatsotaura zvinonzwika kupfuura mashoko, kunyanya pakudzidzisa tsika nokuita kuti mudzidzi ashingaire. Kana akaona kuti mashoko nezviito zvako zvinobva paukama hwakanaka naJehovha, zvingamupa shungu dzakanyanya dzokukudziridza ukama hwakadaro pachake.
15. (a) Nei zvichikosha kuti mudzidzi akudziridze pfungwa yakanaka yokushumira Jehovha? (b) Ungabatsira sei mudzidzi kuti apfuurire kufambira mberi mumudzimu?
15 Unoda kuti mudzidzi wacho ashumire Jehovha kwete nemhaka yokuti haadi kuzoparadzwa paAmagedhoni chete asi nokuti anomuda. Nokumubatsira kukudziridza pfungwa yakanaka kudaro, uchave uchivaka nezvinhu zvisingatsvi zvichapukunyuka miedzo yokutenda kwake. (1 VaKorinde 3:10-15) Pfungwa yakashata, yakadai sokuda kukutevedzera kwazvo kana mumwe munhu upi noupi, haizomupi simba rokudzivisa zvinhu zvinopesvedzera zvisiri zvechiKristu kana kuti ushingi hwokuita chakarurama. Yeuka, hausi kuzova mudzidzisi wake nokusingaperi. Paunenge uchine mukana, ungamukurudzira kuramba achiswedera pedyo naJehovha nokurava Shoko raMwari zuva nezuva nokurifungisisa. Nokuita izvi acharamba achiwana “muenzaniso wemashoko anopa utano” anobva muBhaibheri namabhuku anotsanangura Bhaibheri nguva refu pashure pokunge wapedza kufunda naye.—2 Timoti 1:13.
16. Ungadzidzisa sei mudzidzi kunyengetera zvinobva pamwoyo?
16 Ungabatsirawo mudzidzi kuramba achiswedera pedyo naJehovha nokumudzidzisa kunyengetera zvinobva pamwoyo. Ungazviita sei? Zvimwe ungamuratidza munyengetero waJesu wokuenzanisira, pamwe neminyengetero yomwoyo wose yakawanda yakanyorwa muBhaibheri, yakadai seiya iri mumapisarema. (Pisarema 17, 86, 143; Mateu 6:9, 10) Uyewo, mudzidzi wako paanokunzwa uchinyengetera kuti uzarure nokugumisa fundo yacho, achaziva manzwiro aunoita pamusoro paJehovha. Saka, nguva dzose minyengetero yako inofanira kuratidza kuva pachokwadi nokusununguka, pamwe nokugadzikana mumudzimu nomupfungwa.
Kushandira Kuponesa Vana Vako
17. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuramba vari munzira inoenda kuruponeso?
17 Zvechokwadi, nhengo dzemhuri yedu dziri 1 Petro 5:9; VaEfeso 3:17; VaKorose 2:7) Vakawanda vevanhu vaduku ava vanosiya nzira yechiKristu pavanokura kana kuti pavanenge vava vanhu vakuru. Kana uri mubereki, ungaita sei kuti pasava nomukana mukuru wokuti zvigume zvadai? Chokutanga, ungashanda zvakaoma kuita kuti mamiriro ezvinhu mumhuri afadze. Upenyu hwemhuri hwakanaka hunoita kuti chiremera chioneke zvakanaka, unhu hwakanaka hukosheswe, uye pave noukama hunofadza navamwe. (VaHebheru 12:9) Saka, kunyatsosunganidzwa mumhuri kungava pokutangira kuita kuti ushamwari hwomwana naJehovha hukure. (Pisarema 22:10) Mhuri dzakasimba dzinoita zvinhu dzakabatana—kunyange kana vabereki vachifanira kushandisa nguva yaifanira kushandisirwa zvinhu zvomunhu oga zvinobatsira. Nokuita izvi ungadzidzisa vana vako nomuenzaniso kusarudza zvinhu zvakarurama muupenyu. Vabereki, chinonyanyodiwa navana venyu kwamuri, hazvisi zvinhu zvakanaka, asi imi—nguva yenyu, simba, uye rudo. Muri kupa vana venyu zvinhu izvi here?
pakati pevatinoda kuponesa. Nhamba huru yavana vavabereki vari vaKristu ndevepachokwadi uye va“kasimba mukutenda.” Kunyange zvakadaro, vamwe vangave vasina kuita kuti chokwadi chinyatsodzika midzi mumwoyo yavo. (18. Mibvunzo yorudzii iyo vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kuwana mhinduro?
18 Vabereki vechiKristu havafaniri kumbofa vakafungidzira kuti vana vavo vachangoerekana vava vaKristuwo. Daniel, mumwe mukuru uye baba vevana vashanu, anoti: “Vabereki vanofanira kuwana nguva yokubatsira kubvisa kusava nechokwadi
uko vana vavo vanongoerekana vava nakwo kubva kuchikoro nokune dzimwe nzvimbo. Vanofanira kubatsira vana vavo nokushivirira kuwana mhinduro dzemibvunzo yakaita seyokuti: ‘Tiri kurarama munguva yomugumo zvechokwadi here? Kune chitendero chimwe chechokwadi chaizvoizvo here? Nei mumwe munhu wandinodzidza naye kuchikoro anoita seakanaka asiri songaniro yakanaka? Zvakashata here kurara nomumwe munhu musati maroorana?’” Vabereki, munogona kuvimba naJehovha kukomborera zvose zvamunoita, nokuti iyewo anofadzwa nokugara zvakanaka kwavana venyu.19. Nei zvakanakisisa kuti vabereki pachavo vafunde navana vavo?
19 Vamwe vabereki vanganzwa vasingakwanisi kufunda navana vavo pachavo. Zvisinei, hamufaniri kunzwa saizvozvo, nokuti hapana mumwe ari panzvimbo iri nani yokudzidzisa vana venyu kupfuura yamuri. (VaEfeso 6:4) Kufunda navana venyu chaivo kuchaita kuti munyatsoziva zviri mumwoyo nepfungwa dzavo. Zvavanotaura ndezvemwoyo wose here kana kuti ndezvekungodzokorora? Vanonyatsotenda zvavari kudzidza here? Jehovha munhu chaiyeiye kwavari here? Mungawana mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe inokosha kana bedzi mukadzidza navana venyu pachenyu.—2 Timoti 1:5.
20. Vabereki vangaita sei kuti fundo yemhuri inakidze uye ibatsire?
20 Mungaita sei kuti purogiramu yenyu yefundo yemhuri irambe ichiitwa kana mangoitanga? Joseph, mumwe mukuru nababa vomwanakomana muduku nomwanasikana, anoti: “Kungofanana nedzimwe fundo dzeBhaibheri dzose, fundo yemhuri inofanira kufadza, ndechimwe chinhu munhu wose anotarisira kwachiri. Kuti tiite izvi mumhuri yedu, hatigoni kunyanyoomerera panhau yenguva. Fundo yedu ingapedza awa, asi kunyange kana pane imwe nguva tichingova nemaminiti gumi, tinongofunda. Chimwe chinhu chinoita kuti fundo yedu ive chinhu chikuru muvhiki kuvana vedu ndechokuti tinotamba mitambo inobva mubhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. * Kudzama kwepfungwa inosara uye kwokunzwisisa kunovapo kunokosha kwazvo kupfuura ndima dzakawanda dzatadzidza nokure.”
21. Vabereki vangadzidzisa vana vavo rini?
21 Chokwadi, kudzidzisa vana venyu hakungoitwi panguva yakarongwa yokufunda chete. (Dheuteronomio 6:5-7) Chapupu chiri muThailand chataurwa pamavambo enyaya ino chinoti: “Ndinonyatsoyeuka kuti Baba vaienda neni sei mubasa rokuparidza, takatasva mabhasikoro edu, tichienda kunzvimbo dziri kure dzendima yeungano yedu. Zvechokwadi, wakanga uri muenzaniso wakanaka kwazvo wavabereki vedu nokutidzidzisa kwavo mumamiriro ose ezvinhu zvakatibatsira kusarudza kupinda muushumiri hwenguva yakazara. Uye zvidzidzo zvacho zvichiri kushanda. Ndichiri kushanda munzvimbo dziri kure dzendima!”
22. ‘Kuzvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako’ kuchaguma nei?
22 Rimwe zuva munguva pfupi iri kutevera, panguva yakakodzera chaiyo, Jesu achauya kuzotonga gadziriro ino sezvinodiwa naMwari. Chiitiko chikuru ichocho chichabva changova nhau yepasi rose, asi vashumiri vakatendeka vaJehovha vacharamba vachimushumira vachifunga nezveruponeso rusingaperi. Unotarisira kuzova mumwe wavo here, uine vana vako navadzidzi vako veBhaibheri? Saka yeuka kuti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.”—1 Timoti 4:16.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 20 Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Ungatsanangura Here?
• Tinofanira kuva nepfungwa yorudzii, sezvo tisingazivi nguva chaiyo yokutonga kwaMwari?
• Tinga‘chenjerera kudzidzisa kwedu’ munzira dzipi?
• Ungabatsira sei mudzidzi kuva shamwari yaJehovha?
• Nei zvichikosha kuti vabereki vawane nguva yokudzidzisa vana vavo?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kudzidza kunonatswa nokuremekedzana kwoushamwari
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kutamba mitambo yenhau dzomuBhaibheri, dzakadai saSoromoni achitonga zvifeve zviviri, kunoita kuti fundo dzemhuri dzinakidze