Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Endai Kuzvitsuwa zvePacific—Kunoshanda!

Endai Kuzvitsuwa zvePacific—Kunoshanda!

Endai Kuzvitsuwa zvePacific—Kunoshanda!

PANHANDARE dzendege muBrisbane neSydney, Australia, zvigaro zvevatakurwi zvaingova ruzha nomufaro wakawanda kupfuura wenguva dzose. Boka revanhu 46 rakanga ragadzirira kubhururuka rakananga kuSamoa kunopisa zvikuru kundosangana nevamwe 39 vaibva kuNew Zealand, Hawaii, uye United States. Mukwende wavo waitoshamisa zvikuru—waiva zvikurukuru zvokushandisa, zvakadai sesando, masaha, uye zvokubooresa—zvinhu zvisingawanzotakurwa parwendo rwokuchitsuwa chePacific chinokwezva. Asi, chinangwa chavo chakanga chakasiyana.

Vachishandisa mari yavo pachavo kuenda ikoko, vakanga vava kuda kunopedza vhiki mbiri sevazvipiri vasingabhadharwi muchirongwa chokuvaka chaitungamirirwa neHofisi Youinjiniya Yenharaunda iri pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muAustralia. Chirongwa chacho, chinotsigirwa nemipiro yokuzvidira, chinosanganisira kuvakwa kweHoro dzoUmambo, Horo dzamaGungano, misha yemamishinari, uye mapazi kana kuti hofisi dzevashanduri nokuda kweungano dzeZvapupu zvaJehovha dziri kukura nokukurumidza muzvitsuwa zvePacific. Regai tisangane nevamwe vevashandi vacho, vaiva mumapoka okuvaka Horo dzoUmambo munyika dzekwavo.

Max, anoturika matenga ezvivako, anobva kuCowra muNew South Wales, kuAustralia. Akaroora uye ane vana vashanu. Arnold anobva kuHawaii. Iye nomudzimai wake vane vanakomana vaviri, uye iye ndipiyonawo, kana kuti mushumiri wenguva yakazara. SaMax, Arnold anoshanda somukuru muungano yokumusha kwake. Sezviri pachena, varume ava—vakangoitawo sezvakaita vakawanda vari mupurogiramu yacho—havasi vazvipiri nokuti vane nguva yokuwedzera yakawanda. Asi ivo nemhuri dzavo vanoona zvinodiwa, uye vanoda kuita zvavangagona kuti vabatsire.

Vashandi Vamarudzi Akasiyana-siyana Vanozadzikisa Zvinodiwa Zvinokosha

Imwe nzvimbo kwaidiwa unyanzvi nemabasa avo iTuvalu, nyika yomuPacific ine vanhu vanenge 10 500 inowanikwa muchikwata chiri kure chetunyika tuduku twuri pedyo neequator uye kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweSamoa. Zvitsuwa izvi, kana kuti tunyika utwu, kamwe nekamwe kane nharaunda inenge 2,5 sq km paavhareji. Pakasvika 1994, Zvapupu 61 zviri ikoko zvaida Horo yoUmambo itsva uye hofisi yeshanduro yakakura nokukurumidza.

Mune ichi chikamu chePacific chinopisa, zvivako zvinofanira kugadzirwa uye kuvakwa kuti zvisadonha panorova zvamupupuri nemadutu anotyisa anowanzovapo. Asi zvokuvakisa zvakanaka zvishoma zvinowanikwa muzvitsuwa izvi. Zvingawanikwa kupi? Zvinhu zvose—kubva pane marata nenhungo dzedenga kusvika kufanicha nemaketeni, chemba dzezvimbudzi, zvinoshandiswa pakugadzira mokugezera, kunyange masikuruu nezvipikiri—zvakaunzwa nengarava kubva kuAustralia.

Zvinhu zvacho zvisati zvasvika, rimwe boka duku rakatanga ragadzirira nzvimbo yacho nokuisa nheyo. Ipapo vashandi vemarudzi akawanda vakauya kuzomisa, kuzopenda, uye kuzoshongedzera zvivako zvacho.

Sezvineiwo basa rose iri rakaitwa muTuvalu rakatsamwisa mumwe mufundisi womunharaunda iyoyo uyo akazivisa panhepfenyuro kuti Zvapupu zviri kuvaka “Shongwe yeBhabheri”! Kunyange zvakadaro, ndechipi chaiva chokwadi? “Vaivaka Shongwe yeBhabheri inotaurwa muBhaibheri pavakaona kuti havachanzwisisani nokuti mutauro wavo wakanga wavhiringidzwa naMwari, vaitofanira kusiya chirongwa chacho nokusiya shongwe yacho isina kupera,” akadaro mushandi anozvipira Graeme. (Genesi 11:1-9) “Zvakasiyana zvikuru kana muchishandira Jehovha Mwari. Pasinei nokusiyana kwomutauro netsika, zvirongwa zvacho zvinopedzwa.” Uye ndizvo zvakaitawo ichi—muvhiki mbiri chete. Zvechokwadi, vanhu 163, kusanganisira mudzimai womutungamiriri wehurumende, vakapinda mutambo wetsauriro.

Doug, mutariri wechirongwa chacho, achiyeuka chiitiko chacho, anoti: “Zvaifadza kushanda nevazvipiri vanobva kune dzimwe nyika. Tine nzira dzakasiyana dzokuita zvinhu, kutaura kwakasiyana, kunyange gadziriro dzakasiyana dzokuyera, asi hapana chimwe chezvinhu izvi chakaparira zvinetso.” Pashure pokuva muzvirongwa zvakadaro zvakati zvino, anowedzera kuti: “Izvi zvinoroverera mupfungwa dzangu kuti nokutsigira kwaJehovha vanhu vake vangamisa chivako kupi zvako pasi pano, pasinei nokuva kure kana kuoma kwenzvimbo yacho. Chokwadi, tine varume vakawanda vane zvipo, asi mudzimu waJehovha unoita kuti zvikwanisike.”

Mudzimu waMwari unotuma mhuri dzeZvapupu dziri muzvitsuwa kugovera zvokudya nepokugara, izvo, kuvamwe, zvinoreva kurega zvimwe zvinhu. Uye zvinoongwa zvikuru neavo vanogamuchira mutsa wakadaro. Ken, anobva kuMelbourne, kuAustralia, akashanda muchirongwa chakadaro muFrench Polynesia. Anoti: “Takauya sevaranda, asi takabatwa semadzimambo.” Pazvinokwanisika, Zvapupu zvomunharaunda zvinobatsirawo pabasa rokuvaka. MuSolomon Islands, vakadzi vaikanya kongiri—nemaoko. Varume navakadzi zana vakakwira pamusoro pemakomo akanyorova nemvura uye vakadzika neanopfuura matani 40 emapango okuvakisa. Vana vaduku vakabatsirawo. Mumwe mushandi anobva kuNew Zealand anoti: “Ndinoyeuka hama duku yepachitsuwa yaitakura masaga maviri kana matatu esimende panguva imwe chete. Uye aifoshora mavhu zuva rose kuchipisa nokunaya.”

Kuita kuti Zvapupu zvomunharaunda zvibatsirewo mubasa racho kunobatsira. Hofisi yebazi reWatch Tower Society muSamoa inoshuma kuti: “Hama dzepachitsuwa dzakadzidza unyanzvi hwebasa hwadzingashandisa mukuvaka Horo dzoUmambo uye mukugadzirisa nokuvakazve kungaitwa pashure pedutu. Zvingadzibatsirazve kuwana chokurarama nacho munzvimbo umo vakawanda vanozviwana zvakaoma.”

Chirongwa Chokuvaka Chinopa Uchapupu Hwakanaka Kwazvo

Colin aiva kuHoniara uye akaona Horo yemaGungano yeSolomon Islands ichivakwa. Aororwa akanyorera kuhofisi yebazi reWatch Tower Society romunharaunda iyoyo neChirungu chinonzi Pidgin kuti: “Munhu wose aiva ipapo aiva nepfungwa imwe uye hapana aigunun’una, vakanga vakaita semhuri imwe.” Akadzokera kumusha wake kuAruligo, makiromita 40 kubva ipapo, iye nemhuri yake vakavaka Horo yoUmambo yavo. Ipapo vakatumirazve mamwe mashoko kuhofisi yacho anoti: “Horo yedu yoUmambo, kusanganisira tafura yomukurukuri, zvatovapo, saka tingapindira misangano kuno here?” Zvakarongwa nokukurumidza, uye vanhu vanopfuura 60 vanopinda nguva dzose.

Mumwe mupi wemazano weEuropean Union akaona chirongwa chomuTuvalu. “Ndinofunga kuti munhu wose anotaura izvozvi kwauri,” akadaro kune mumwe wevashandi, “asi kwandiri ichi chishamiso!” Mumwe mukadzi anoshanda paimba yenhare akabvunza mumwe mushanyi anozvipira kuti: “Sei mose muchifara zvakadai? Kuno kunopisa!” Vakanga vasati vaona chiKristu chichishanda nenzira inobudirira uye yokurega zvimwe zvinhu yakadaro.

Kurega Zvimwe Zvinhu Pasina Kuzozvidemba

“Anodyara zvakawanda achakohwawo zvakawanda,” rinodaro Bhaibheri pana 2 VaKorinde 9:6. Vashandi, mhuri dzavo, uye ungano dzavo vari kuramba vachidyara nomutsa mukubatsira zvimwe Zvapupu zviri muPacific. “Ungano yangu yakapa chinopfuura chikamu chimwe muzvitatu chemari yangu yokufamba nendege,” anodaro Ross, mukuru anobva kuKincumber, pedyo neSydney, “uye tezvara vangu, vakapawo US$500 (Z$19 000) yokuwedzera.” Mumwe mushandi akawana mari yerwendo urwu nokutengesa motokari yake. Mumwe akatengesa munda. Kevin aida US$900 (Z$34200) yokuwedzera, saka akafunga kutengesa hangaiwa dzake 16 dzaiva nemakore maviri. Nokumunhu waaizivana naye, akawana anoda kutenga uyo akati aizomupa mari chaiyo yaaida US$900 (Z$34200)!

Danny naCheryl vakabvunzwa kuti “Zvakanga zvakakodzera here mari yokufamba nendege uye mibhadharo yakarasika, iyo yaisvika kuinenge US$6 000 (Z$228 000)?” “Hungu! Kunyange yakapetwa kaviri, zvaizova zvinopfuura zvakakodzera,” vakapindura kudaro. Alan, anobva kuNelson, New Zealand, akawedzera kuti: “Nemari yandakashandisa kuenda kuTuvalu, ndingadai ndakaenda kuEurope uye ndichisara neimwe mari. Asi ndaizodai ndakagamuchira here zvikomborero, kana kuva neshamwari dzakawanda kwazvo dzinobva kwakasiyana-siyana, kana kuitira chinhu mumwe munhu panzvimbo pokuzviitira pachangu? Kwete! Kunyange zvakadaro, zvipi kana zvipi zvandakapa hama dzedu dzapachitsuwa, idzo dzakandipa zvakawanda kupfuura izvozvo.”

Chimwe chinhu chakaita kuti chirongwa chacho chibudirire, kutsigira kwemhuri. Nepo vamwe vadzimai vachikwanisa kuperekedza varume vavo uye kunyange kubatsira panzvimbo yacho, vamwe vane vana vanoenda kuchikoro uye mabhizimisi emhuri okutarisira. “Kuda kwomudzimai wangu kutarisira vana nomusha pandaiva ndisipo,” akadaro Clay, “kwaiva kurega zvimwe zvinhu kukuru pane kwangu.” Zvechokwadi, varume vose vasina kuenda nevadzimai vavo vanowedzera “Ameni” womwoyo wose kune izvozvo!

Kubva pakapera chirongwa chomuTuvalu, vashandi vanozvipira vakavaka Horo dzoUmambo, Horo dzemaGungano, misha yemamishinari, nemahofisi eshanduro muFiji, Tonga, Papua New Guinea, New Caledonia, nomune dzimwe nzvimbo. Zvirongwa zvakawanda, kusanganisira zvimwe zviri munzvimbo dzokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAsia, zvichiri kurongwa. Kuchava nevashandi vakakwana here?

Sezviri pachena ichocho hachizovi chinetso. “Wose akabatsira kuno muzvirongwa zvomunyika yose zvokuvaka akakumbira kuyeukwa pacharongwazve zvimwe,” yakanyora kudaro hofisi yebazi muHawaii. “Vachangodzokera kumusha, vakatanga kuchengeta mari nokuda kwezvinotevera.” Chirongwa chacho chingatadza kubudirira sei paunowedzera chikomborero chaJehovha chakapfuma kukuzvipira kusina udyire kwakadaro?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zvinhu zvokushandisa pachirongwa chacho

[Mifananidzo iri papeji 9]

Vashandi panzvimbo yokuvaka

[Mifananidzo iri papeji 10]

Sezvo chirongwa chacho chakapera, takafara nezvakanga zvaitwa nomudzimu waMwari