Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Chitsauko 53 chaIsaya chine uprofita hwaMesiya hwakakurumbira. Isa 53 Ndima 10 inoti: “Kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; akamurwarisa.” Izvi zvinorevei?

Zviri nyore kuona kuti nei mubvunzo ungamuka pamusoro paIsaya 53:10. VaKristu vechokwadi havafungi kuti Mwari wedu ane tsitsi uye munyoro angafarira kurwadzisa kana kuti kurwarisa munhu. Bhaibheri rinotipa chikonzero chokuti tivimbe kuti Mwari haafariri kutambudza vasina mhaka. (Dheuteronomio 32:4; Jeremia 7:30, 31) Kwemazana emakore pane imwe nguva Jehovha angava akabvumira kutambura nokuda kwezvikonzero zvinoenderana nouchenjeri hwake uye rudo. Asi zvechokwadi haana kukonzera kuti Mwanakomana wake anodiwa, Jesu, atambure. Saka ndima iyi iri kutii chaizvoizvo?

Tingabatsirwa kuwana zvainoreva kana tikanzvera ndima yacho yose, tichicherechedza kuvapo kuviri kweshoko rokuti “kuda.” Isaya 53:10 inoti: “Kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, uchaona zvibereko zvake, uchawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake.”

Mashoko ose eBhaibheri anoratidza kuti “zvinodikanwa naJehovha,” zvadudzwa kwokupedzisira kwendima yacho, zvinoreva kuita chinangwa chake achishandisa Umambo. Kuita kwaJehovha izvi kuchareverera uchangamire hwake uye kuchaita kuti chivi chakagarwa nhaka chibviswe pavanhu vanoteerera—zvivi zvedu. (1 Makoronike 29:11; Pisarema 83:18; Mabasa 4:24; VaHebheru 2:14, 15; 1 Johani 3:8) Chinhu chinokosha pane zvose izvi ndechokuti Mwanakomana waMwari aitofanira kuva munhu ndokupa chibayiro chorudzikinuro. Sezvatinoziva, pakuitika kwazvo Jesu akatambura. Bhaibheri rinotiudza kuti a“kadzidza kuteerera muzvinhu zvaakatambura.” Saka Jesu akabatsirwa nokutambura ikoko.—VaHebheru 5:7-9.

Jesu aifanoziva kuti nzira yakaisvonaka yaaizofamba nayo yaizosanganisira kurwadziwa. Izvozvo zvakajeka kubva mumashoko ake akanyorwa pana Johani 12:23, 24, patinorava kuti: “Awa yasvika yokuti Mwanakomana womunhu apiwe mbiri. Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, Kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu ikafa, inoramba ichingova tsanga imwe chete; asi kana ikafa, ipapo inobereka zvibereko zvakawanda.” Hungu, Jesu aiziva kuti aitofanira kuramba akatendeka kunyange kusvika pakufa. Nhoroondo yacho inopfuurira ichiti: “‘Zvino mweya wangu unonetseka, ndichatii? Baba, ndiponesei muawa ino. Kunyange zvakadaro, ndokusaka ndasvika paawa ino. Baba, ipai mbiri zita renyu.’ Naizvozvo inzwi rakabva kudenga rikati: ‘Ndakaripa mbiri uye ndicharipazve mbiri.’”—Johani 12:27, 28; Mateu 26:38, 39.

Tingatonzwisisa Isaya 53:10 mumashandisirwe aya. Jehovha ainyatsoziva kuti zvaizoitika kuMwanakomana wake zvaizobatanidza kunenge kurwadziswa kwakati. Asi achifunga zvakanaka zvine mbiri uye zvakakura zvaizoitika, Jehovha akada zvaizoitika kuna Jesu. Mupfungwa iyoyo Jehovha ‘akada kurwadzisa,’ kana kuti kurwadziswa kwaMesiya. Uyewo Jesu akada zvaaigona kuita uye akazviita. Chokwadi, sokugumisa kunoita Isaya 53:10, ‘zvinodikanwa naJehovha zvakafambiswa zvakanaka noruoko rwake.’