Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ruvengo Rwapararira

Ruvengo Rwapararira

Ruvengo Rwapararira

“Vanhu havambonzwisisi vanhu vavanovenga.”James Russell Lowell, Munyori Werondedzero Nomumiririri Wenyika.

RUVENGO rwunoita serwakatipoteredza nhasi. Mazita akadai seEast Timor, Kosovo, Liberia, Littleton, uye Sarajevo—uyewo nhengo yerimwe boka revaNazi, vanosvuurwa misoro, uye kuti vachena vari nani zvikuru—zviri mupfungwa dzedu zvisingabvisiki nepfungwa dzisingadi kubva dzamatongo akatsva, makuva anovigwa vakawanda, nezvitunha.

Kuda remangwana risina ruvengo, kurwisana, uye chisimba kwakavhiringidzwa. Danielle Mitterand, mudzimai wapurezidhendi mushakabvu wokuFrance, anoyeuka nezvoupwere hwake achiti: “Vanhu vaida kugara munzanga inoshamwaridzana yavangavimba; vaine rugare uye vachigarisana zvakanaka nevamwe; vaida kurarama upenyu hune utano hwakanaka, hune rugare uye hunoremekedzeka munyika ine simba uye ine rupo inovatarisira.” Chii chakaitika kuzvaifungwa izvozvo? Akachema-chema achiti: “Hafu yezana remakore gare gare, zvataida zvechokwadi zvavhiringidzwa.”

Kumukazve kworuvengo kuripo zvino hakufaniri kungosiyiwa kwakadaro. Rwapararira kwazvo, uye rwuri kuonekwa zvakanyanya muutsinye hunoitwa. Pfungwa yokuzvichengeta inorerutswa namamiriyoni haichakosheswi pamusana pezviito zvisina musoro zvokuvenga, chimwe chichityisa zvikuru kupfuura chakamboitika. Kunyange zvazvo mumusha medu kana munyika tisingavengani, rwunenge rwakatimirira kumwewo. Zvichida tinoona uchapupu hwarwo mazuva ose paterevhizheni uye panhau uye panhepfenyuro pazvinhu zvichangobva kuitika. Rumwe rwakatopindawo paInternet. Funga mienzaniso iyi mishoma.

Mumakore gumi apfuura urudzi hwakawedzera zvisina kumboitika. “Urudzi,” akadaro Joseph S. Nye, Jr., mutungamiriri weHarvard Center yeInternational Affairs, “huri kuwedzera munyika dzakawanda kwazvo, hahusi kudzikira. Pane kuti pave neboka rimwe renyika yose mapoka anosarurana munyika yose anofungirana ndiwo aripo. Saka izvozvowo zvinoita kuti mikana yokurwisana iwedzere.”

Rumwe ruvengo harusi pachena, rwakavanda munyika yacho kunyange munharaunda yepedyo. Vanosvuurwa misoro vashanu pavakaponda mumwe murume wechiSikh aiva ati kurei muCanada, chiitiko ichi “chakasimbisa izvo vamwe vakaona sokutangazve kwemhosva dzoruvengo munyika yaiwanzorumbidzwa kuti haisaruri rudzi.” MuGermany, pashure pokunge kurwisa rudzi kwakaitwa navanyanyisi kwamboti dzikirei mumakore apfuura, muna 1997 kwakatangazve ne27 muzana. “Chiitiko chinoodza mwoyo,” rakadaro Gurukota Rinoona Nezvomukati Manfred Kanther.

Kuchamhembe kweAlbania mushumo wakaratidza kuti vana vanopfuura 6 000 vanoita sevasungwa mumisha yavo pachavo nokuti vanotya kupfurwa nevavengi vemhuri dzavo. Vana ava vanobatanidzwa muruvengo rwemadzinza, “rwavhiringidza upenyu hwemhuri dzinosvika zviuru.” MuUnited States, maererano neFederal Bureau of Investigation (FBI), “kusarura rudzi ndiko kwakaita kuti inopfuura hafu yemhosva 7 755 dzoruvengo dzakashumwa kuFBI muna 1998 dziparwe.” Zvimwe zvezvakakonzera mhosva dzoruvengo dzakawanda zvaisanganisira kusarura zvechitendero, kwakabva dzinza kana kuti rudzi, uye urema.

Uyezve, zuva roga roga misoro yenhau inotaura kupararira kwokuvenga vanhu vausingazivi, kunyanya vapoteri, zvino vanopfuura mamiriyoni 21 avanhu. Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vevaya vanovenga vanhu vokune dzimwe nyika ndevechiduku, vachikurudzirwa nenhengo dzezvematongerwe enyika dzisina maturo uye vamwe vanenge vachitsvaka vokupomera. Zvimwe zviratidzo zvisiri pachena zvenyaya iyoyi zvinosanganisira kusavimba, kusabvumira rusununguko, uye vanhu vanozviisa muboka ravo voga kuti vave vakasiyana.

Ndezvipi zviri zvimwe zvezvikonzero zvokupararira uku kworuvengo? Uye chii chingaitwa kupedza ruvengo? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Butiro, kumusoro: UN PHOTO 186705/J. Isaac

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Daud/Sipa Press