Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga magazini eNharireyomurindi omunguva pfupi yapfuura here? Ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

Nei tingava nechokwadi chokuti kuzadzika kwouprofita hwe“denga idzva nenyika itsva” huri pana Isaya 65:17-19 kwaisanganisira zvinopfuura kudzoka kwavaJudha kubva kuutapwa?

Nokuti vaapostora Petro naJohani, vachinyora muzana remakore rokutanga C.E., vakataura nezvokuzadzika kwenguva yemberi, kunosanganisira zvikomborero zvichauya. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4)—4/15, mapeji 10-12.

Chii chingatsigira ngano dzekare dzechiGiriki dzotwumwari twaiva nechisimba?

Kungava kunatsiridzwa uye kukanganiswa kwechokwadi chokuti Mafashamo asati aitika dzimwe ngirozi dzakapfeka miviri yevanhu ndokurarama upenyu hwechisimba, hwounzenza pasi pano. (Genesi 6:1, 2)—4/15, peji 27.

Ndedzipi dzimwe ngozi idzo vaKristu vakakura mumudzimu vangadzivisa pamichato?

Zvinokosha kudzivisa mitambo yokuzvifadza ine ruzha rwakanyanya, ingatanga kana doro richiwanika zviri nyore uye kana pachitambwa nziyo dzine ruzha zvisina mwero. Kana zvisina kutaurwa kuti mabiko achange akazarukira vose, vasina kukokwa havafaniri kupinda. Murume anenge achichata anofanira kuva nechokwadi chokuti vaKristu vanokwanisa kutarisira vanenge varipo kuzosvikira mhemberero yapera panguva yakanaka.—5/1, mapeji 19-22.

Chii chinorehwa nokududzwa kwevanakomana vakaita “semiti yemiorivhi” vakakomberedza tafura yomurume pana Pisarema 128:3?

Kakawanda mapazi matsva anobukira padzinde rehunde yomuti womuorivhi. Apo hunde huru yomuti wachembera inenge isingachabereki michero yakawanda, mapazi matsva anogona kuva hunde dzakasimba dzakaupoteredza. Kufanana neizvozvo, vabereki vanogona kufara kuva nevana vanobereka zvibereko vachishumira Jehovha pamwe navo.—5/15, peji 27.

Ndezvipi zvimwe zvinobatsira zvinowanwa nevana kubva mumamiriro ezvinhu emhuri anofadza?

Anoita kuti vaone chiremera zvakanaka, vakoshese unhu hwakanaka, uye vave noushamwari hunofadza navamwe. Mamiriro ezvinhu akadaro anogonawo kuvaita kuti vave noushamwari naMwari.—6/1, peji 18.

Mune imwe nyika yokuMabvazuva, chii chakaitwa kukurudzira pfungwa yokuti vaKristu vose ihama?

Ungano dzose dzakakurudzirwa kuti dzirege kudana vamwe vanhu namazita okukudza. Panzvimbo paizvozvo, vose vanofanira kudanwa zvakafanana sehama.—6/15, mapeji 21, 22.

Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchira mishonga inobva muropa here?

Tinodavira kuti murayiro weBhaibheri wokuti ‘regai ropa’ unorambidza kuisirwa ropa rose kana kuti zvimwe zvinhu zvikuru zvinoriumba (plasma, masero matsvuku, masero machena, uye maplatelet). (Mabasa 15:28, 29) Nezvezvinhu zviduku zvinobva muzvinhu zvikuru zvinoriumba, muKristu mumwe nomumwe anozvisarudzira, achifunga zvinotaura Bhaibheri uye ukama hwake naMwari.—6/15, mapeji 29-31.

Chaizvoizvo, zvinogoneka here kuwana rugare rwomwoyo nhasi?

Hungu. Achishandisa Bhaibheri, Jesu Kristu ari kutungamirira vanhu kunzira yokunamata kwakachena uye rugare runotsanangurwa pana Isaya 32:18. Uyezve, vaya vanowana rugare rwakadaro vane tarisiro yokuva norugare rusingaperi panyika mukuzadzika kwePisarema 37:11, 29.—7/1, peji 7.

George Young akava nebasai munhau yazvino yemabasa anoitirwa Mwari?

Kutanga muna 1917, akaratidza kuva mutakuri wechiedza wemashoko akanaka oUmambo munyika dzakawanda. Ushumiri hwake hwakamuita kuti afambe muCanada yose, kuzvitsuwa zveCaribbean, kuBrazil nedzimwe nyika dzeSouth America, kuCentral America, kuSpain, kuPortugal, kune yaimbova Soviet Union panguva iyoyo, uye kuUnited States.—7/1, mapeji 22-7.

1 VaKorinde 15:29 inorevei painotaura nezvevamwe kuti “vari kubhabhatidzwa kuti vave vakafa”?

Pfungwa yacho iri pakuti vaKristu pavanozodzwa nomudzimu mutsvene, vanonyudzwa munzira youpenyu inotungamirira kurufu rwavo uye kuzomutsirwa kuupenyu hwokudenga.—7/15, peji 17.

Muapostora Pauro akanga achiitei mune akatsanangurwa kuti makore ake asingataurwi nezvawo?

Zvingava kuti akabatsira kutanga kana kuti kusimbisa ungano muSiriya neKirikiya. Dzakawanda dzenguva dzakaoma dzinodudzwa pana 2 VaKorinde 11:23-27 dzinofanira kuve dzakaitika mukati menguva iyoyi, zvichiratidza kuti akanga achiita ushumiri hwokushingaira.—7/15, mapeji 26, 27.

Chii chingatibatsira kuti tive vanonzwisisa pane zvatinotarisira?

Rangarira kuti Jehovha anonzwisisa. Kunyengetera kwaari kunogona kutibatsira kuti tive nomwero pamafungiro edu, uye kunoratidza kuzvininipisa. Chimwe chingatibatsira kuva nemaonero matsva nokutaura neshamwari yakakura mupfungwa.—8/1, mapeji 29, 30.