Uri muKristu “Akura Zvakakwana” Here?
Uri muKristu “Akura Zvakakwana” Here?
“PANDAIVA mucheche, ndaisitaura somucheche, ndaisifunga somucheche, ndaisirangarira somucheche.” Akanyora kudaro muapostora Pauro. Tose zvedu taimbova vacheche vasingagoni kuzvibatsira. Zvisinei, hatina kuramba takadaro nokusingaperi. Pauro akati: “Asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.”—1 VaKorinde 13:11.
Saizvozvowo, vaKristu vose vanotanga vari vacheche mumudzimu. Asi nokufamba kwenguva, vose vangasvika “pakuva vamwe mukutenda nezivo yakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari, [v]ava munhu akura zvakakwana, [v]ava nemwero woukuru hwokuzara kwaKristu.” (VaEfeso 4:13) Pana 1 VaKorinde 14:20, tinokurudzirwa kuti: “Hama, musave vana vaduku mumasimba okunzwisisa . . . Asi ivai vakuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.”
Kuvapo kwevaKristu vakakura mumudzimu, vakura zvakakwana chikomborero kuvanhu vaJehovha nhasi, zvikurukuru nokuti kune vatsva vakawanda kwazvo. VaKristu vakura zvakakwana vanowedzera kusimba kweungano. Vane pesvedzero inobatsira pamaitiro, kana kuti mafungiro, muungano ipi kana ipi yavanopinda.
Nepo kukura mumuviri kuchingoerekana kwaitika, kukura mumudzimu kunouya bedzi nenguva nokushanda. Hazvishamisi, kuti kare muzuva raPauro, vamwe vaKristu vakakundikana ku“pfuurir[a] kuti [va]ve vakuru,” pasinei nokuti vakanga vashumira Mwari kwemakore akawanda. (VaHebheru 5:12; 6:1) Zvakadini newe? Pasinei nokuti washumira Mwari kwemakore akawanda kana kuti kwenguva pfupi, zvingava zvakakodzera kuti uzviongorore nokutendeseka. (2 VaKorinde 13:5) Uri pakati paavo vanganzi zvechokwadi vakakura mumudzimu, kana vaKristu vakura zvakakwana here? Kana zvisina kudaro, ungava akadaro sei?
“Kukura Zvakakwana Mumasimba Okunzwisisa”
Mucheche mumudzimu nyore nyore ano“kandirwa kwose kwose sezvinoita mafungu uye [ano]takurwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.” Saka Pauro akakurudzira kuti: “Ngatikurei norudo muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro.” (VaEfeso 4:14, 15) Munhu angadaro sei? VaHebheru 5:14 inoti: “Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.”
Ona kuti vanhu vakuru vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa nokushandiswa, kana kuti ruzivo mukushandisa nheyo dzeBhaibheri. Sezviri pachena, munhu haangakuri mumudzimu nezuva rimwe; zvinotora nguva kukura mumudzimu. Kunyange zvakadaro, ungaita zvakawanda kushandira kuti ukure mumudzimu nokudzidza woga—zvikurukuru zvinhu zvakadzika zveShoko raMwari. Munguva dzichangopfuura Nharireyomurindi yakakurukura nhau dzakadzika dzakawanda. Vakakura mumudzimu havasiyi nyaya dzakadaro nemhaka yokuti dzine “zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa.” (2 Petro 3:16) Asi, vanodya nomufaro zvokudya zvikukutu zvakadaro!
Vaparidzi uye Vadzidzisi Vanoshingaira
Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Kushingaira mubasa rokuparidza kungawedzerawo kukura kwako mumudzimu. Kuregererei kuvavarira kuva nokugoverana kwakazara mariri sezvinobvumira mamiriro ako ezvinhu?—Mateu 13:23.
Dzimwe nguva, dzvinyiriro dzoupenyu dzingaita kuti kuwana nguva yokuparidza kuve kwakaoma. Asi, no‘kuzvishandisa nesimba’ somuparidzi, unoratidza kukoshesa kwaunoita “mashoko akanaka.” (Ruka 13:24; VaRoma 1:16) Naizvozvo ungaonekwa so“muenzaniso kune vakatendeka.”—1 Timoti 4:12.
Vakatendeseka
Kukura kuti uve munhu akura mumudzimu kunosanganisirawo kushanda zvakasimba kuti urambe wakatendeseka. Sezvakanyorwa pana Pisarema 26:1, Dhavhidhi akati: “Nditongerei Jehovha, nokuti ndakafamba nokusanyengera kwangu.” Kutendeseka kunaka kwetsika, kuzara kwadzo. Zvisinei, hazvirevi kukwana. Dhavhidhi pachake akaita zvivi zvakakomba zvinoverengeka. Asi nokuti akabvuma kutsiurwa uye akagadzirisa nzira yake, akaratidza kuti mwoyo wake wakanga uchiri kuda Jehovha Mwari zvechokwadi. (Pisarema 26:2, 3, 6, 8, 11) Kutendeseka kunosanganisira kuzara kana kururama, kwokuzvipira kwomwoyo. Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni kuti: “Ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama.”—1 Makoronike 28:9.
Kutendeseka kunosanganisira kusava “rutivi rwenyika,” kugara kure nezvematongerwe enyika zvemarudzi uye hondo dzavo. (Johani 17:16) Unofanirawo kurega miitiro yakaora, yakadai soufeve, upombwe, uye kushandiswa zvisina kufanira kwezvinodhaka. (VaGaratiya 5:19-21) Zvisinei, kutendeseka kunoreva zvakawanda, zvinopfuura kungodzivisa zvinhu izvozvo. Soromoni akanyevera kuti: “Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa nokuodza chizoro chomuvhenganisi wezvinonhuwira; saizvozvo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.” (Muparidzi 10:1) Hungu, kunyange “upenzi hushoma,” hwakadai sokuita majee anonyadzisa kana kuzvibata kwakaipa nevakomana nevasikana, zvingakuvadza kuzivikanwa kwo“uchenjeri nokukudzwa.” (Jobho 31:1) Naizvozvo, ratidza kukura kwako mumudzimu nokutsvaka kuva nomuenzaniso wakanaka mukuzvibata kwako kwose, uchitodzivisa “zvinoratidza kuti zvakaipa.”—1 VaTesaronika 5:22, King James Version.
Vakavimbika
MuKristu akura zvakazara akavimbikawo. Sezvatinoverenga pana VaEfeso 4:24, muapostora Pauro anokurudzira vaKristu kuti: “Munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” MuMagwaro echiGiriki, shoko romutauro wapakutanga rokuti “kuvimbika” rinopa pfungwa youtsvene, kururama, ruremekedzo. Munhu akavimbika akazvipira, mutsvene; anocherechedza nokungwarira mabasa ake ose kuna Mwari.
Ndedzipi dzimwe nzira dzaungakudziridza nadzo kuvimbika kwakadaro? Imwe ndeyokushandira pamwe nevakuru vomuungano yako. (VaHebheru 13:17) Vachiziva kuti Kristu ndiye Musoro weungano yechiKristu akagadzwa, vaKristu vakakura mumudzimu vakavimbika kune avo vakagadzwa kuti va“fudze ungano yaMwari.” (Mabasa 20:28) Zvaizova zvisina kukodzera sei kupokana kana kuchera chiremera chevakuru vakagadzwa! Unofanirawo kunzwa pfungwa yokuvimbika ku“muranda akatendeka, akangwara” nevaari kushandisa kuparadzira “zvokudya panguva yakafanira.” (Mateu 24:45) Verenga nokushandisa mashoko anowanwa muNharireyomurindi nemamwe mabhuku nokukurumidza.
Kuratidza Rudo Nezviito Zvako
Pauro akanyorera vaKristu vaiva muTesaronika kuti: “Rudo rwenyu mose mumwe kune mumwe ruri kuwedzera.” (2 VaTesaronika 1:3) Kukura murudo rutivi runokosha zvikuru rwokukura mumudzimu. Sezvakanyorwa pana Johani 13:35 Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” Kudanana kwehama kwakadaro hakungoratidzwi nepfungwa kana kunzwa. Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words inoti: “Rudo rungazivikanwa bedzi nezviito zvarunokuchidzira.” Hungu, unopfuurira kuti uve akura mumudzimu munhau iyi nokuratidza rudo muzviito!
Somuenzaniso, pana VaRoma 15:7, tinoverenga kuti: “Gamuchiranai.” Imwe nzira yokuratidza nayo rudo kukwazisa vaunonamata navo uye vatsva pamisangano yeungano—zvine ushamwari uye zvine upenyu! Vazive somunhu oga. Iva “nehanya somunhu oga” navamwe. (VaFiripi 2:4) Zvichida ungaratidza mutsa nokukoka vakasiyana-siyana kumba kwako. (Mabasa 16:14, 15) Kusakwana kwevamwe dzimwe nguva kunoedza kudzika kworudo rwako, asi sezvaunodzidza ‘kushivirirana navo murudo,’ unoratidza kuti uri kuva akura zvakazara.—VaEfeso 4:2.
Kushandisa Zvinhu Zvedu Kutsigira Kunamata Kwakachena
Munguva dzekare, havasi vanhu vose vaMwari vakazadzikisa mutoro wavo wokutsigira temberi yaJehovha. Saka Mwari akatuma vaprofita, vakadai saHagai, naMaraki, kuti vamutse vanhu Vake munhau iyi. (Hagai 1:2-6; Maraki 3:10) VaKristu vakakura mumudzimu nhasi vanoshandisa nomufaro zvinhu zvavo kutsigira kunamatwa kwaJehovha. Tevedzera vakadaro nokutevera nheyo iri pana 1 VaKorinde 16:1, 2, ‘kutsaura chimwe chinhu’ nguva dzose chokupa kuungano nokubasa renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Shoko raMwari rinovimbisa kuti: “Anodyara zvakawanda achakohwawo zvakawanda.”—2 VaKorinde 9:6.
Usasiye zvimwe zvinhu zvaunazvo, zvakadai senguva yako nesimba. Edza ‘kutenga nguva’ kubva mumabasa anokosha zvishoma. (VaEfeso 5:15, 16; VaFiripi 1:10) Dzidza kushandisa nguva yako zvakanaka. Kudaro kungaita kuti ukwanise kubatsira muzvirongwa zvokugadziriswa kweHoro dzoUmambo nemamwe mabasa akafanana anotsigira kunamatwa kwaJehovha. Kushandisa zvaunazvo neiyi nzira kucharatidza kuti uri kuva muKristu akura zvakazara.
Pfuurira Kuti Ukure!
Varume navakadzi vanodzidza zvikuru uye vanoziva, vari vaparidzi vanoshingaira, vasina chavangapomerwa mukutendeseka kwavo, vakavimbika uye vane rudo, uye vanoda kupa simba nezvavanazvo kutsigira basa roUmambo chikomborero chikuru zvechokwadi. Hazvishamisi, kuti muapostora Pauro akakurudzira kuti: “Zvino zvatakasiya dzidziso yokutanga pamusoro paKristu, ngatipfuurirei kuti tive vakuru”!—VaHebheru 6:1.
Uri muKristu akura zvakazara, akakura mumudzimu here? Kana kuti zvimwe, uchakaita somucheche mumudzimu? (VaHebheru 5:13) Chero zvazviri, iva akatsunga kuzvishandisa kudzidza uri woga, kuparidza, nokuratidza rudo kuhama dzako. Gamuchira zano nechirango chipi nechipi chaunopiwa nevakura. (Zvirevo 8:33) Takura mutoro wako wakazara webasa rechiKristu. Nokufamba kwenguva uye nokuzvishandisa, iwewo unga“svika pakuva [mu]mwe mukutenda nezivo yakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari, [w]ava munhu akura zvakakwana, [w]ava nemwero woukuru hwokuzara kwaKristu.”—VaEfeso 4:13.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
VaKristu vakura zvakakwana vanowedzera kusimba kweungano. Vane pesvedzero inobatsira pamaitiro ayo, kana kuti mafungiro
[Mifananidzo iri papeji 29]
Vakakura mumudzimu vanotsigira mudzimu weungano nokufarira vamwe