“Nguva Dzokudzorerwa” Dzava Pedyo!
“Nguva Dzokudzorerwa” Dzava Pedyo!
Nguva shomanana Jesu asati akwira kudenga, vamwe vevadzizi vake vakatendeka vakamubvunza kuti: “Ishe, mave kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?” Mhinduro yaJesu yairatidza kuti nguva yakati kuti yaizopfuura Umambo husati hwauya. Munguva iyoyo, vateveri vake vaizova nebasa guru rokuita. Vaizofanira kuva zvapupu zvaJesu “muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.”—Mabasa 1:6-8.
BASA iroro raisakwanisa kupedzwa mumazuva, mavhiki, kana mwedzi mishomanana. Zvisinei, vadzidzi havana kutombozengurira kutanga kuparidzira. Asi havana kurega kufarira nyaya yokudzorerwa. Muapostora Petro akataura nezvayo kuboka rakaungana muJerusarema achiti: “Pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti mwaka yokusimbaradzwa iuye ichibva kuna iye Jehovha uye kuti atumire Kristu akagadzwa nokuda kwenyu, Jesu, uyo denga, zvechokwadi, rinofanira kuchengeta mariri kusvikira nguva dzokudzorerwa kwezvinhu zvose idzo Mwari akataura nezvadzo nemiromo yevaprofita vake vatsvene vemunguva yekare.”—Mabasa 3:19-21.
Idzi “nguva dzokudzorerwa” dzaizounza “mwaka yokusimbaradza” kubva kuna Jehovha. Uku kudzorerwa kwakafanotaurwa kwaizouya mumatanho maviri. Kutanga, kwaizova nokudzorerwa kwomudzimu kunosimbaradza, kuri kutoitika iye zvino. Kechipiri, kwaizoteverwa nokutangwa kweparadhiso chaiyo yapasi.
Nguva Dzokudzorerwa Dzinotanga
Sezvakataurwa nomuapostora Petro muJerusarema, denga ‘rakachengeta Jesu mariri.’ Ndizvo zvazvakanga zvakaita kusvikira muna 1914, apo Jesu akatora simba rake roUmambo ndokutanga kutonga saMambo waMwari waakagadza. Panguva iyoyo, Petro akafanotaura kuti Jehovha aizo“tumi[ra]” mwanakomana wake mupfungwa yokuti Aizobvumira Jesu kuita basa rake ari munhu anokosha muzvinangwa zvaMwari. Bhaibheri rinotsanangura chiitiko chacho richiita zvokufananidzira richiti: “Uye [sangano raMwari rokudenga] [r]akabereka mwanakomana, munhurume, [Umambo hwaMwari Huri Mumaoko aJesu Kristu] achafudza marudzi ose netsvimbo yedare.”—Zvakazarurwa 12:5.
Asi marudzi akanga asingadi hawo kuzviisa pasi pokutonga kwaKristu. Akatotsvinyira vadzorwi vake vepasi, avo vanozivikanwa nhasi seZvapupu zvaJehovha. Sevaapostora vakazvitangira, Zvapupu hazvina kuzengurira kugamuchira “basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:17) Kushorwa kwebasa raiitwa neava vaKristu vapachokwadi kwakatanga kubva munyika imwe kuchienda kune imwe. Muna 1918, nhengo dzaiva nemitoro dzevashandi vedzimbahwe reWatch Tower Society muBrooklyn, kuNew York, dzakaendeswa kumatare edzimhosva dzichipomerwa zvokurongerwa ndokutongerwa zvoutsinye mitongo yokugara mujeri kwenguva yakareba. Kwenguva yakati zvakaratidzika sokunge basa ramazuva ano rokupupurira “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi” raizokundikana.—Zvakazarurwa 11:7-10.
Zvisinei, muna 1919, nhengo dzaiva mujeri dzevashandi vepadzimbahwe dzakabudiswa ndokusunungurwa papomero dziya dzenhema dzose. Hadzina kumbononoka kutangazve kufambisa basa romudzimu rokudzorerwa. Kubvira ipapo, vanhu vaJehovha vave vachibudirira mumudzimu zvisati zvamboitika.
Nhimbe yakakura yakatangwa yokudzidzisa vanhu vamarudzi ose kuchengeta zvakarayirwa naKristu kuti vateveri vake vaite. (Mateu 28:20) Zvaifadza zvakadini kuona vamwe vaimbenge varatidzira unhu hunenge hwemhuka vachichinja matarisikiro avo! Vakabvisa unhu hwekare, hunokonzera miitiro yakadai se“hasha,” “kutaura zvakaipa,” “nokutaura kunonyadzisa,” ndokupfeka unhu hutsva, “uhwo nezivo yakarurama hunoitwa hutsva maererano nomufananidzo [waMwari] akahusika.” Mupfungwa yomudzimu, mashoko omuprofita Isaya ari kuzadzika kunyange iye zvino anoti: “Bere [munhu aimboratidzira unhu hunenge hwebere] richagara negwayana [munhu anoratidzira unyoro], ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete.”—VaKorose 3:8-10; Isaya 11:6, 9.
Kumwe Kudzorerwa Kwava Pedyo!
Kuwedzera kukudzorerwa kwakagumisira neparadhiso yomudzimu nhasi, nguva iri kuchimbidza kuswedera apo pasi redu richava paradhiso chaiyo. Kanzvimbo kaduku kepasi kaive paradhiso apo Jehovha akaisa madzitateguru edu, Adhamu naEvha, mubindu reEdheni. (Genesi 1:29-31) Ndiko kusaka tichitaura nezveParadhiso seichadzorerwa. Zvisinei, izvozvo zvisati zvaitika, chitendero chenhema chinoshora Mwari chinofanira kutanga chabviswa pasi pano. Vezvematongerwo enyika vepasi rino ndivo vachaita izvi. (Zvakazarurwa 17:15-18) Pedzezvo, vezvematongerwo enyika nevezvokutengeserana, vose nevatsigiri vavo, vachaparadzwa. Pakupedzisira, vokupedzisira vevavengi vaMwari—Satani nemadhimoni ake—vachapfigirwa kwemakore ane chiuru—nguva ichatorwa nechirongwa chokudzorerwa. Munguva iyoyo, “renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.” (Isaya 35:1) Pasi rose richasvika pakusava nenyonganyonga. (Isaya 14:7) Kunyange mamiriyoni akafa achadzorerwa kuupenyu pasi pano. Vose vachazvionera kubatsira kwokudzorerwa kunoitwa nechibayiro chorudzikinuro. (Zvakazarurwa 20:12-15; 22:1, 2) Panenge pasina vanhu vakapofumara, matsi, kana vanokamhina pasi pano. “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu kuchangopera, Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vachasunungurwa kwenguva pfupi uye vachaona kuti chinangwa chaMwari nepasi chinenge chazadzika sei kusvika pakadaro. Pakupedzisira, vachaparadzwa zvachose.—Zvakazarurwa 20:1-3.
Pasi parichasvika kumugumo wemakore ane chiuru okudzorerwa, “zvinhu zvose zvinofema” zvicharumbidza Jehovha, uye zvichadaro nokusingaperi. (Pisarema 150:6) Uchava pakati pazvo here? Unogona kuvapo.