Chengetedza Zita Rako
Chengetedza Zita Rako
MURUME anogadzira mapurani ezvivako zvakaisvonaka anozviitira zita senyanzvi yokugadzira mapurani. Mhandara inogona muchikoro inosvika pakuzivikanwa somudzidzi akangwara. Kunyange munhu asingashandi angazviitira zita rokuti simbe. Richisimbisa kukosha kwokuzviitira zita rakanaka, Bhaibheri rinoti: “Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma yakawanda, mukurumbira wakanaka unodiwa kupfuura sirivha nendarama.”—Zvirevo 22:1, An American Translation.
Zita rakanaka rinokudziridzwa nezviito zviduku zvakawanda zvinoitwa munguva yakati. Zvisinei, chiito chimwe choupenzi chinogona kuriipisa. Somuenzaniso, kuita zvounzenza kamwe, kungaipisa mukurumbira wakanaka. Muchitsauko 6 chebhuku reBhaibheri raZvirevo, Mambo Soromoni weIsraeri yekare anopa nyevero pamafungiro uye zviito zvinogona kuipisa mukurumbira wedu wakanaka uyewo zvinokuvadza ukama hwedu naJehovha Mwari. Pazvimwe zvacho ivimbiso dzisina hanya navamwe, usimbe, kunyengera, unzenza—zviri zvinhu zvikuru zvinovengwa naJehovha. Kuteerera zano iri kuchatibatsira kuchengeta zita redu rakanaka.
Zvibvise Muvimbiso Dzoupenzi
Chitsauko 6 chaZvirevo chinotanga namashoko anoti: “Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako [chikwereti], wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, wazviteya namashoko omuromo wako, wabatwa namashoko omuromo wako, zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, zvawabatwa noruoko rwowokwako: Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kune wokwako.”—Zvirevo 6:1-3.
Chirevo ichi chinopa zano rokubatanidzwa mumabhizimisi avamwe, kunyanya vausingazivi. Hungu, vaIsraeri vaifanira ‘kubatsira hama yavo inotambura uye isina mari.’ (Revhitiko 25:35-38) Asi vamwe vaIsraeri vasingaiti zvokunonozeka vakabatanidzwa muzvirongwa zvebhizimisi zvinovimbisa pundutso uye vakawana tsigiro yemari nokukumbira vamwe vanhu kuti vavatorere ‘chikwereti,’ saka vachivaita kuti vave nomutoro wechikwereti. Mamiriro ezvinhu akafanana naiwayo angaitika nhasi. Somuenzaniso, masangano anokweretesa mari angada mumwe munhu anosaina vimbiso asati apa chikwereti chaanoona kuti chine ngozi. Kusachenjera kwakadini kuita chibvumirano chakadaro chechimbi chimbi nokuda kwavamwe! Chokwadi, zvingatotiisa mumusungo wemari, kunyange kutoita kuti tive nezita rakaipa namabhangi uye vamwe vakweretesi!
Zvirevo 6:4, 5) Zvakanaka kubuda muchibvumirano chisiri chokuchenjera pazvinokwanisika pane kuti chikubate mumusungo.
Zvakadini tikawana kuti tava mumamiriro ezvinhu akaoma nemhaka yokuti takaita chaioneka sokuchenjera pakutanga asi nokunyatsoongorora chava kuoneka huri upenzi? Zano riripo nderokurega kudada uye “[kukumbira] zvikuru kune wokwako”—uye kuramba uchikumbira. Tinofanira kuita zvose zvatinokwanisa kugadzirisa zvinhu. Rimwe duramashoko rinoti: “Edza zvose zvaunokwanisa kusvikira wabvumirana nomumwe wako wogadzirisa nyaya yacho, kuitira kuti chikwereti chenyu chirege kukuwira iwe nemhuri yako.” Uye izvi zvinofanira kuitwa nokukurumidza, nokuti mambo anowedzera kuti: “Usatendera meso ako hope, kana mafungiro ameso ako kutsimwaira; uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, seshiri paruoko rwomuteyi.” (Shanda Nesimba Sesvosve
“Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro, ugova wakachenjera,” anorayira kudaro Soromoni. Uchenjeri hworudzii hwatingawana munzira dzesvosve duku? Mambo wacho anopindura kuti: “Kunyange iro risina mutongi, kana mutariri kana mubati, rinogadzira zvokudya zvaro muzhizha, nokuunganidza zvokudya zvaro mukukohwa.”—Zvirevo 6:6-8, NW.
Masvosve akarongeka zvinoshamisa uye anozivikanwa nokubatana. Nomuzvarirwo, anounganidza zvokudya zvawo zvenguva yemberi. Haana “mutongi, kana mutariri kana mubati.” Chokwadi, masvosve ane zimai asi ndimai chete mukuti rinoita mazai uye kuti ndiro zimai renzvimbo yacho. Haripi mirayiridzo. Kunyange pasina foromani anoatungamirira kana mutarisiri anoatarisira, masvosve anoramba achishanda pabasa rawo asinganeti.
Sesvosve, hatifaniri here kushandawo nesimba? Kushanda nesimba uye kuedza kuvandudza basa redu kwakatinakira pasinei nokuti tiri kuteverwa mumashure here kana kwete. Hungu, kuchikoro, kubasa kwedu, uye paya patinenge tichiita mabasa omudzimu, tinofanira kuita zvakanakisisa. Sezvo svosve richibatsirika nokushanda kwaro nesimba, saka Mwari anoda kuti isu ‘tiwane zvakanaka pakubata kwedu kwose.’ (Muparidzi 3:13, 22; 5:18) Hana yakachena nokugutsikana somunhu mibayiro yokushanda nesimba.—Muparidzi 5:12.
Achishandisa mibvunzo miviri isina mhinduro, Soromoni anoedza kumutsa simbe pausimbe hwayo nokuti: “Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira riniko? Uchamuka riniko pahope dzako?” Achitevedzera matauriro ayo, mambo anowedzera kuti: “Kumbovata zvishomanana, kumbotsimwaira zvishomanana, kumbofungatira maoko zvishomanana, ndizorore; saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, nokushayiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.” (Zvirevo 6:9-11) Nepo simbe ine nungo, urombo hunoiwira nokukurumidza segororo, uye kushaya kunoirwisa somunhu akashonga nhumbi dzokurwa. Nokukurumidza minda yesimbe inozara sora neminzwa. (Zvirevo 24:30, 31) Nenguva isipi bhizimisi rayo rinorasikirwa. Ko mushandirwi angashivirira simbe kwenguva yakareba sei? Uye mudzidzi ane usimbe chaizvo angatarisira kubudirira muchikoro here?
Tendeseka
Achitaurazve humwe unhu hunoparadza mukurumbira wakanaka womunhu munzanga noukama hwake naMwari, Soromoni anopfuurira kuti: “Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, ndiye anofamba nomuromo une nhema; anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, anodudzira neminwe yake; ane zvisakarurama pamwoyo pake, anosifungira vamwe zvakaipa, anokusha kupesana.”—Zvirevo 6:12-14.
Rondedzero iyi ndeyomunyengeri. Murevi wenhema anowanzoedza kuvanza nhema dzake. Sei? Kwete “nomuromo une nhema” chete asiwo namajangariko. Imwe nyanzvi inoti: “Majangariko, chimiro chenzwi, uyewo chitarisiko chechiso zvingashandiswa senzira dzokunyengera, seri kwechiso chinoita sechechokwadi kune pfungwa dzounyengeri uye mafungiro asingawirirani.” Munhu asina maturo akadaro anoronga zvirongwa zvakaipa uye anokonzera kupesana nguva yose. Zvinhu zvinozomugumira nepi?
“Saka njodzi yake ichamuwira kamwe kamwe,” anopindura kudaro mambo weIsraeri. “Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.” (Zvirevo 6:15) Paanofumurwa, mukurumbira womurevi wenhema unoparara pakarepo. Achamuvimbazve ndiani? Kuguma kwake zvechokwadi injodzi, nokuti “varevi venhema vose” vari pakati pevaya vachatambura rufu nokusingaperi. (Zvakazarurwa 21:8) Napatinogona napo, ngati“zvibat[ei] nokutendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.
Venga Chinovengwa naJehovha
Kuvenga chakaipa—chidziviso chakadini pakuita mabasa akaipa anokanganisa mukurumbira wedu wakanaka! Saka hatifaniri kushandira kuvenga chakaipa here? Asi chii chaizvoizvo chatinofanira kuvenga? Soromoni anoti: “Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodurura ropa risine mhaka; mwoyo unofunga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; chapupu chinonyengera chinoreva nhema, uye unokusha kupesana pakati pehama.”—Zvirevo 6:16-19.
Zvinhu zvinomwe zvinotaurwa nazvirevo ndizvo zvikuru zvacho uye chaizvoizvo zvinofukidza mhando dzose dzouipi. “Meso anozvikudza” uye “mwoyo unofunga mano akaipa” zvivi zvinoitwa mupfungwa. “Rurimi runoreva nhema” uye “chapupu chinonyengera chinoreva nhema” mashoko echivi. “Maoko anodurura ropa risine mhaka” uye “tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata” mabasa akaipa. Uye Jehovha anonyanyovenga munhu uya anofarira kukusha kupesana pavanhu vanenge vakazvigarira pamwe murugare. Kuwedzera kwenhamba yacho kubva patanhatu kusvika panomwe kunoratidza kuti ndandanda yacho haina kupera, sezvo vanhu vachiramba vachiwedzera mabasa avo akaipa.
Zvechokwadi, tinoda kusema chinovengwa naMwari. Somuenzaniso, tinofanira kudzivisa “meso anozvikudza” kana kumwe kuratidza kupi nokupi kudada. Uye guhwa rinokuvadza chokwadi rinofanira kudziviswa, nokuti rinogona kukonzera “kupesana pakati pehama” nyore nyore. Nokuparadzira runyerekupe rwakaipa, mashoko asina kururama okutsoropodza, kana manyepo, tingave tisiri ku“durura ropa risine mhaka,” asi chokwadi tingaparadza mukurumbira wakanaka womumwe munhu.
“Usachiva Kunaka Kwake”
Soromoni anotanga chikamu chinotevera chezano rake nokuti: “Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; usarasa kudzidzisa kwaamai vako. Uzvisungire nguva dzose pamwoyo wako; uzvishonge pamutsipa wako.” Chikonzero chacho? “Kana uchifamba, zvichakutungamirira; kana uchivata pasi, zvichakurinda; kana womuka, zvichataurirana newe.”—Zvirevo 6:20-22.
Kurerwa naMagwaro kungatichengetedza pamusungo wounzenza chaizvoizvo here? Hungu, kungadaro. Tinovimbiswa kuti: “Murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza, kurayira kwokurayirirwa inzira youpenyu; kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa.” (Zvirevo 6:23, 24) Kuyeuka zano reShoko raMwari uye kurishandisa se‘mwenje patsoka dzedu nechiedza panzira yedu’ kuchatibatsira kudzivisa kukoka kwokubata kumeso kwomukadzi wounzenza, kana murume akaipa munyaya iyi.—Pisarema 119:105.
“Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako;” anorayira kudaro mambo akachenjera, “arege kukubata namafungiro ameso ake.” Nei? “Nokuti nokuda kwechifeve munhu ungasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; mukadzi womumwe munhu unovhima upenyu hunokosha.”—Zvirevo 6:25, 26.
Soromoni ari kureva mukadzi anoita upombwe sechifeve here? Zvichida. Kana kuti angava ari kusiyanisa migumisiro inovapo pakuita unzenza nechifeve uye neiya inoitika nokuita upombwe nomukadzi womumwe munhu. Munhu anorara nechifeve angasvika “pakudya chimedu bedzi chechingwa”—paurombo hunosiririsa. Angatotambudzwa namarwadzo uye urema hwezvirwere zvinopfuudzwa pabonde, kusanganisira AIDS inouraya. Ukuwo, munhu anotsvaka kurara nomunhu akaroorana nomumwe angapinda mungozi huru nokukurumidza pasi poMutemo. Mukadzi anoita upombwe anoisa pangozi “upenyu hunokosha” hwomumwe wake waanorara naye zvisiri pamutemo. “Zvakawanda kupfuura kupfupikisa upenyu nounzenza . . . zvinotarisirwa,” rinodaro rimwe duramashoko. ‘Mutadzi anofanira kuurayiwa nomutongo worufu.’ (Revhitiko 20:10; Dheuteronomio 22:22) Munzira ipi neipi, pasinei norunako rwake rwokunze, mukadzi akadaro haafaniri kudiwa.
‘Usaisa Moto Muchipfuva Chako’
Achipfuurira kusimbisa njodzi yokuita upombwe, Soromoni anobvunza kuti: “Ko munhu angaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here? Kana munhu ungatsika mazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasapiswa here?” Achitsanangura zvinoreva muenzaniso wacho, anoti: “Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; ani naani unomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.” (Zvirevo 6:27-29) Mutadzi akadaro zvechokwadi acharangwa.
“Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba kuti agute kana achinge ane nzara,” tinoyeuchidzwa kudaro. Kunyange zvakadaro, “kana akabatwa unofanira kudzosera zvava zvinomwe; unofanira kuripa nepfuma yose yeimba yake.” (Zvirevo 6:30, 31) MuIsraeri yekare, mbavha yaisungirwa kuripa kunyange kana zvaiitorera zvose zvayaiva nazvo. * Chirango chemhombwe chinofanira kunge chaiva chikuru kwazvo, nokuti yaisava nechikonzero chokupa nokuda kwezvayainge yaita!
“Unoita upombwe nomukadzi, unoshayiwa njere,” anodaro Soromoni. Murume asina njere haagoni kusarudza chakanaka, sezvo achi“paradza upenyu hwake.” (Zvirevo 6:32) Nokunze, angaoneka somunhu akanaka, asi mukati make anenge asina kunyatsogadzikana kwazvo.
Pane zvinhu zvakawanda pane izvo mhombwe inokohwa. “Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; kunyadziswa kwake hakungatongopisikwi. Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva. Haangavi nehanya nomuripo; haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.”—Zvirevo 6:33-35.
Mbavha ingaripa zvose zvayakaba, asi mhombwe haigoni kuripa. Chii chaingaripa murume akatsamwa? Hapana zvikumbiro zvakawanda zvingaita kuti muiti wechakaipa anzwirwe tsitsi. Hapana nzira ingaita kuti mhombwe idzorere zvinoenzana nechivi chayo. Kushorwa nokurega kukudzwa kunotutirwa pazita rayo pachayo kunoramba kuripo. Uyewo, hapana imwe nzira yaingakwanisa kuzvidzikinura nayo kana kutenga rusununguko nokuda kwechirango chainofanira kuwana.
Kuchenjera kwakadini kusaita upombwe uye mimwewo miitiro namafungiro anozvidzisa zita redu rakanaka uye angazvidzisa Mwari! Saka, ngatingwarirei kuti tisaita vimbiso dzoupenzi. Ngatibvumirei kushanda nesimba nokutendeseka kuti zvinakise mukurumbira wedu. Uye sezvatinoedza kuvenga chinovengwa naJehovha, ngatiitei zita rakanaka naye navanhu.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 28 Maererano noMutemo waMosesi, mbavha yaisungirwa kuripazve nekaviri, kana, kana kuti kashanu. (Eksodho 22:1-4) Shoko rokuti “nekanomwe” ringareva mutongo wakakwana, uyo ungave waipfuura nokure zvayakanga yaba.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Ngwarira pakusainira vamwe vimbiso dzechikwereti
[Mufananidzo uri papeji 26]
Shanda nesimba sesvosve
[Mufananidzo uri papeji 27]
Ngwarira guhwa rakaipa