Shumira Mwari Nepfungwa Inoda
Shumira Mwari Nepfungwa Inoda
“NDICHASHANDISA uye ndichanyatsoshandiswa nomufaro zvikuru nokuda kwemweya yenyu,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (2 VaKorinde 12:15) Mashoko aya anokuudzei nezvamaonero uye mafungiro ayo vashumiri vaJehovha vanofanira kuedza kushandira? Maererano neimwe nyanzvi yeBhaibheri, Pauro paakanyorera vaKristu vomuKorinde mashoko iwayo, akanga achiti: “Ndinoda kushandisa simba rangu, nguva, noupenyu, uye zvose zvandinazvo kuti mugare zvakanaka, seizvo baba vanoitira vana vavo nomufaro.” Pauro akanga akagadzirira ku“nyatsoshandiswa,” kana kuti ku“pedzwa uye kusakadzwa,” kana zviri izvo zvaizodiwa kuti aite ushumiri hwake hwechiKristu.
Uyezve, Pauro akaita zvose izvi “nomufaro zvikuru.” Ai“nyatsoda” kuzviita, rinodaro The Jerusalem Bible. Zvakadini newe? Unoda here kushandisa nguva yako, simba, mano, uye pfuma kushumira Jehovha Mwari uye zvinofarira vamwe, kunyange kana kuzviita kuchireva “kupedzwa uye kusakadzwa” pane dzimwe nguva? Uye waizoita izvi “nomufaro mukuru” here?
Vanoramba Kushumira Zvachose
Vanhu vakawanda havangozenguriri, kushumira Mwari asi vanoramba zvachose kuita kudaro. Pfungwa yavo ndeyokusaonga, rusununguko rune udyire, kunyange kupandukira. Satani akanyengera Adhamu naEvha kuti vafunge nenzira yakadaro. Akataura zvisina kururama kuti vaizo“va saMwari, [va]chiziva zvakanaka nezvakaipa”—vachikwanisa kuzvisarudzira zvakarurama nezvisina kururama. (Genesi 3:1-5) Vaya vane pfungwa yakadaro nhasi vanofunga kuti vanofanira kunyatsosununguka kuita zvavanoda chaizvoizvo vasina mutoro upi noupi kuna Mwari kana kuti kupindira kwake. (Pisarema 81:11, 12) Vanoda kushandisa zvose zvavanazvo kutsvaka zvavanofarira ivo pachavo.—Zvirevo 18:1.
Zvimwe hauna pfungwa iyi yokunyanyisa. Zvichida unoonga zvechokwadi chipo choupenyu chaunacho zvino uye tariro inotoshamisa yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. (Pisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 21:1-4) Ungave uchionga Jehovha zvikuru nokuda kwezvakanaka zvaanokuitira. Asi tose zvedu tinoda kungwarira ngozi yokuti Satani anogona kuvhiringidza kufunga kwedu zvokuti basa redu ringava chaizvoizvo risingagamuchiriki kuna Mwari. (2 VaKorinde 11:3) Izvi zvingaitika sei?
Basa Rokuzvidira Rinodiwa
Jehovha anoda basa rokuzvidira, romwoyo wose. Haambotimanikidzi kuita kuda kwake. Satani ndiye achaita chinhu chipi nechipi kuti amanikidze kana kuti anyengere vanhu kuti vaite kuda kwake. Maererano nokushumira Mwari, Bhaibheri rinotaura nezvomutoro, mirayiro, zvinodiwa, uye zvichingodaro. (Muparidzi 12:13; Ruka 1:6) Asi, vavariro yedu huru yokushumira Mwari ndeyokuti tinomuda.—Eksodho 35:21; Dheuteronomio 11:1.
1 VaKorinde 13:1-3) Vanyori veBhaibheri pavanoti vaKristu varanda vaMwari, havasi kureva uranda hunosiririsa hwokumanikidzwa. (VaRoma 12:11; VaKorose 3:24) Zviri kurehwa ndiko kuzviisa pasi kwokuzvidira kunobva pakuda zvikuru Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu nomwoyo wose.—Mateu 22:37; 2 VaKorinde 5:14; 1 Johani 4:10, 11.
Pasinei zvapo nokuti Pauro akazvishandisa zvakadini mubasa raMwari, aiziva kuti izvi zvaisazoreva chinhu zvachose ‘kana akanga asina rudo.’ (Basa ratinoitira Mwari rinofanirawo kuratidza kuda kwatinoita vanhu zvikuru. “Takava vanyoro pakati penyu, sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo,” Pauro akanyorera ungano yaiva kuTesaronika kudaro. (1 VaTesaronika 2:7) Munyika dzakawanda nhasi, vanaamai vanosungirwa nomutemo kutarisira vana vavo. Asi zvechokwadi vanaamai vakawanda havaiti izvi kuti vangoteerera mutemo, vanodaro here? Aiwa. Vanozviita nokuti vanoda vana vavo. Chokwadi, amai vanoyamwisa vanofarira kurega zvimwe zvinhu zvikuru nokuda kwevana vavo! Nemhaka yokuti Pauro aiva no“rudo rukuru kwazvo” rwakafanana kune vaya vaaishumira, ai“fara zvikuru” (ai“da,” King James Version; ai“farira,” New International Version) kushandisa upenyu hwake chaihwo kuvabatsira. (1 VaTesaronika 2:8) Rudo rwunotiita kuti titevedzere muenzaniso waPauro.—Mateu 22:39.
Zvakadini Nebasa Rokuzengurira?
Chokwadi, hatifaniri kurega kuzvida kuchikurira kuda Mwari navanhu. Dzimwe nguva, panova nengozi chaiyo yokuti tingangoita basa risiri remwoyo wose, rokuzengurira. Tingatotanga kuva nepfunde-pfunde, tichigumbuka kuti hatisi kugona kurarama upenyu hwedu zvakakwana maererano nezvido zvedu pachedu. Izvi zvakaitika kune vamwe vaIsraeri vakarega kuda kwavaiita Mwari asi vachingomuitira basa zviya zvokuti chero ndaita. Zvakaguma nei? Kushumira Mwari kwakava“netsa.”—Maraki 1:13.
Zvipi nezvipi zvinopiwa kuna Mwari zvinofanira kuva ‘zvakanaka’ nguva dzose, zvisina kuremara, ‘zvakanakisisa’ zviripo. (Revhitiko 22:17-20; Eksodho 23:19) Zvisinei, pane kupa Jehovha mhuka dzavo dzakanakisisa, vanhu vomuzuva raMaraki vakatanga kupa dziya dzavakanga vasinganyatsoda ivo pachavo. Jehovha akaita sei? Akaudza vapristi kuti: “Kana muchindivigira chakapofumara chive chibayiro [munoti:] Hazvina kuipa. . . Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara [munotizve:] hazvina kuipa . . . Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here? . . . Makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here?”—Maraki 1:8, 13.
Izvi zvingaitika sei kune upi noupi wedu? Zvibayiro zvedu zvingati“netsa” kana tikasava nomwoyo nepfungwa zvinoda zvechokwadi. (Eksodho 35:5, 21, 22; Revhitiko 1:3; Pisarema 54:6; VaHebheru 13:15, 16) Somuenzaniso, Jehovha anowana zvisaririra zvenguva yedu here?
Pane munhu anganyatsofunga kuti zvaizogamuchirika kuna Mwari kana imwe nhengo yemhuri yaiva nezvinangwa zvakanaka kana kuti muRevhi aishingaira sezvineiwo aizomanikidza muIsraeri asingadi kuti asarudze mhuka yake yakanakisisa kuti aibayire apo iye chaizvoizvo akanga asingadi kuipa here? (Isaya 29:13; Mateu 15:7, 8) Jehovha akaramba zvibayiro zvakadaro uye pakupedzisira vanhu vaizvipa vacho.—Hosea 4:6; Mateu 21:43.
Fara Kuita Kuda kwaMwari
Kuti tiitire Mwari basa raachagamuchira, tinofanira kutevera muenzaniso waJesu Kristu. “Ndinotsvaka, kwete kuda kwangu ndoga,” akadaro, “asi kuda kwaiye akandituma.” (Johani 5:30) Jesu akawana mufaro mukuru mukushumira Mwari nokuzvidira. Jesu akazadzika mashoko aDhavhidhi ouprofita okuti: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu.”—Pisarema 40:8.
Kunyange zvazvo Jesu aifara kuita kuda kwaJehovha, izvi zvakanga zvisiri nyore nguva dzose. Funga zvakaitika ava kuda kusungwa, kutongwa, uye kuurayiwa. Paaiva mubindu reGetsemane, Jesu aka“shungurudzwa zvikuru” uye aka“rwadziwa.” Kunetseka mupfungwa kwakanga Mateu 26:38; Ruka 22:44.
kwakakura kwazvo zvokuti, sezvaainyengetera, “ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.”—Nei Jesu akarwadziwa zvakadaro? Chokwadi yaisava mhaka youdyire kana kuti kuzengurira kuita kuda kwaMwari kupi nokupi. Akanga akagadzirira kufa, achitotsamwiswa namashoko aPetro okuti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” (Mateu 16:21-23) Jesu ainetseka nokuti rufu rwake segororo rinozvidzwa rwaizozvidzisa sei Jehovha uye zita Rake dzvene. Jesu aiziva kuti Baba vake vaizorwadziwa zvikuru kuona Mwanakomana wavo anodiwa achibatwa nenzira youtsinye yakadaro.
Jesu ainzwisisawo kuti akanga ava kusvika kunguva inokosha mukuitwa kwechinangwa chaJehovha. Kuomerera nokutendeka kumitemo yaMwari kwaizoratidza zvisingarambiki kuti Adhamu aigona kudai akaita chisarudzo chakafanana. Kutendeka kwaJesu kwaizoratidza kuti kutaura kwaSatani kwokuti vanhu vari mumuedzo havangashumiri Mwari nokuzvidira uye nokutendeka ndokwenhema zvachose. Achishandisa Jesu, Jehovha pakupedzisira aizopwanya Satani ndokubvisa migumisiro yokupandukira kwake.—Genesi 3:15.
Mutoro wakakura sei waifanira kutakurwa naJesu! Zita raBaba vake, rugare rwepasi rose nokudenga, uye kuponeswa kwemhuri yavanhu zvose zvaitsamira pakutendeka kwaJesu. Achiziva izvi, akanyengetera achiti: “Baba vangu, kana zvichibvira, kapu iyi ngaindipfuure. Asi, kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.” (Mateu 26:39) Kunyange paaidzvinyirirwa zvakanyanyisa, Jesu haana kumboderera mukuda kwaaiita kuzviisa pasi pokuda kwaBaba vake.
“Mudzimu Unoda, asi Nyama Haina Simba”
Sezvo Jesu aitambura nokunetseka kukuru mupfungwa paaishumira Jehovha, tinogona kutarisira kuti Satani angatidzvinyirira isu zvatiri vashumiri vaMwari. (Johani 15:20; 1 Petro 5:8) Uyezve, hatina kukwana. Saka kunyange kana tichishumira Mwari nokuzvidira, hazvisi nyore kuti tidaro. Jesu akaona kutamburira kwaiita vaapostora vake kuita zvose zvaakanga avaudza kuti vaite. Ndicho chikonzero nei akati: “Zvechokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.” (Mateu 26:41) Munyama yake yakakwana makanga musina chimwe chisina simba nomuzvarirwo. Zvisinei, aiziva kusava nesimba kwenyama yavadzidzi vake, kusakwana kwavakanga vagara nhaka kuna Adhamu akanga asina kukwana. Jesu aiziva kuti nemhaka yokusakwana kwakagarwa nhaka uye kutadza kwavanhu kuita zvinhu kwakaguma kwavapo, vaizotamburira kuita zvose zvavaida kuita mubasa raJehovha.
Naizvozvo, tinganzwa sezvakaita muapostora Pauro, akarwadziwa zvikuru apo kusakwana kwakaita kuti asakwanisa kushumira Mwari zvakazara. “Mano okuda arimo mandiri,” akanyora kudaro Pauro, “asi mano okuita zvakanaka kwazvo haamo.” (VaRoma 7:18) Isuwo tinoona kuti hatigoni kuita zvakakwana zvinhu zvose zvakanaka zvatinoda kuita. (VaRoma 7:19) Izvi haisi mhaka yokuti tinozengurira. Imhaka yokungoti kusava nesimba kwenyama kunokanganisa kunyange kushingaira kwedu kwakanakisisa.
Ngatisaora mwoyo. Kana tichida nomwoyo wose kuita zvose zvatinogona, Mwari achagamuchira basa redu zvechokwadi. (2 VaKorinde 8:12) Ngatiitei ‘nepatinogona napo’ kutevedzera pfungwa yaKristu yokuzviisa pasi pokuda kwaMwari zvakakwana. (2 Timoti 2:15; VaFiripi 2:5-7; 1 Petro 4:1, 2) Jehovha achapa mubayiro uye achatsigira pfungwa yokuda yakadaro. Achatipa “simba rinopfuura romuzvarirwo” kubatsira kusava nesimba kwedu. (2 VaKorinde 4:7-10) Tichibatsirwa naJehovha isu, saPauro, ticha‘shandisa uye tichanyatsoshandiswa nomufaro zvikuru’ mubasa Rake rinokosha.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Pauro akashumira Mwari nokuzvidira nepaaigona napo
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kunyange paaidzvinyirirwa zvakanyanyisa, Jesu aiita kuda kwaBaba vake