Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

VaKristu vechokwadi vanofanira kuona sei muitiro wakapararira wevanhu vanopa vamwe makopi emapurogiramu anotengeswa ekombiyuta?

Vamwe nokukanganisa vangaedza kupembedza muitiro uyu nokushandisa mashoko aJesu anoti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” Zvechokwadi, Jesu akanga asiri kureva kupa pachena makopi emabhuku kana emapurogiramu ekombiyuta (software) anoratidza kodzero dzouridzi, ayo anodzorwa nomutemo pakushandiswa kwao. Aireva kupa sechimwe chinhu choushumiri. Jesu akaudza vaapostora vaienda kumaguta akasiyana-siyana nemisha kuti vaifanira kuparidza Umambo, kuporesa vanorwara, uye kudzinga madhimoni. Pane kuti vabhadharise izvi, vaapostora vaifanira ku“pa pachena.”—Mateu 10:7, 8.

Nokuwedzera kwenhamba yemakombiyuta anoshandiswa nomunhu pachake uye ebhizimisi, vanhu vakawanda vava kuda mapurogiramu ekombiyuta. Iwaya kakawanda anofanira kutengwa. Zvinobvumwa kuti vamwe vanhu vanonyora mapurogiramu avanopa pachena uye avanoti anogona kukopwa uye kupiwa vamwe. Asi mapurogiramu ekombiyuta akawanda anotengeswa mune zvebhizimisi. Zvisinei nokuti vari kuda kuashandisa pachavo pamusha here kana kuti mubhizimisi, vanoshandisa mapurogiramu ekombiyuta vanotarisirwa kuatenga, kuaripira mari. Kana mumwe munhu akatora kana kukopa purogiramu yekombiyuta asina kuripa, izvozvo zvaizova zvisiri pamutemo, sezvaizoita vanokopa mabhuku akasiyana-siyana nemichina, kunyange zvazvo vangaapa pachena.

Mapurogiramu akawanda ekombiyuta (kusanganisira mitambo) anoda rezenisi, muridzi kana kuti anoashandisa achifanira kuomerera pamirayiridzo yawo chaiyo uye zvaanorambidza. Marezenisi akawanda akadaro anotaura kuti munhu mumwe ndiye chete angaisa kana kushandisa purogiramu yacho—kakawanda achiiisa pakombiyuta imwe chete, ingave iri kombiyuta yepamusha kana yebhizimisi kana kuti yepachikoro. Mamwe marezenisi anoti anoishandisa angava neimwe kopi yaangazvichengetera, asi haafaniri kugadzirira vamwe vanhu makopi. Kana muridzi achida kupa purogiramu yose (kusanganisira rezenisi uye mapepa okuva muridzi), angadaro. Zvisinei, nokuita kudaro anenge agumisa kodzero dzake pachake dzokuishandisa. Marezenisi anosiyana, saka munhu anotenga purogiramu kana ari kuipiwa anofanira kuona zvinodiwa nerezenisi iroro.

Nyika dzakawanda dzinopa zvibvumirano zvekodzero dzouridzi zvinodzivirira “midziyo yedzidzo,” yakadai semapurogiramu ekombiyuta, uye dzinoedza kumanikidzira mitemo yekodzero dzouridzi. Somuenzaniso, The New York Times yaJanuary 14, 2000, yakashuma kuti “Vakuru vakuru vemapurisa okuGermany nokuDenmark vakasunga nhengo dzevavakarondedzera sechikwata chikuru chokutengesa mapurogiramu ekombiyuta zvisiri pamutemo” chaiita nokuparadzira makopi emapurogiramu ekombiyuta uye emitambo, kunyange kutotengesa mamwe acho paInternet.

Ungano yechiKristu inomirawo papi munyaya iyi? Jesu akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mako 12:17) Izvi zvinorayira vaKristu kuteerera mitemo yenyika yavo isingapesani nomutemo waMwari. Nezvehurumende, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevane simba zvikuru . . . Uyo anodzivisa simba anorwisana nezvakarongwa naMwari; avo vakarwisana nazvo vachatongwa.”—VaRoma 13:1, 2.

Harisi basa revakuru vari muungano yechiKristu kuongorora makombiyuta evamwe vavo, sokunge kuti vane chiremera chokutsanangura nokusimbisa mitemo yekodzero dzouridzi. Asi vanodavira nokudzidzisa kuti vaKristu vanofanira kudzivisa kutora zvinhu zvisiri zvavo uye vanofanira kuedza kuchengeta mutemo. Izvi zvinodzivirira vaKristu pakurangwa sevatyori vemitemo, uye zvinovaita kuti vave nehana yakanaka pamberi paMwari. Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo kune chikonzero chinogombedzera chokuti muzviise pasi, kwete bedzi nemhaka yehasha idzodzo asiwo nemhaka yehana yenyu.” (VaRoma 13:5) Saizvozvowo, Pauro akaratidza chido chevaKristu vechokwadi nemashoko aya: “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, sezvatinoda kuzvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.

[Bhokisi riri papeji 29]

Mamwe mabhizimisi nezvikoro zvinotenga marezenisi anobvumira kushandiswa nevakawanda anoratidza nhamba yevanhu inobvumirwa kushandisa purogiramu yacho. Muna 1995, ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzakakurukura nyaya yaiva nezano iri:

“Makambani akawanda anogadzira uye anotengesa mapurogiramu ekombiyuta anoaita kuti ave nekodzero dzouridzi, uye anopa rezenisi rinoratidza kuti mapurogiramu acho angashandiswa sei zviri pamutemo. Rezenisi racho rinowanzotaura kuti muridzi angasapa vamwe makopi epurogiramu yacho; kutaura zvazviri, mutemo wenyika yose wekodzero dzouridzi unoti hazvisi pamutemo kuita kudaro. . . . Mamwe mafemu makuru anotengesa makombiyuta ane mapurogiramu akatoiswa nechekare aine marezenisi. Zvisinei, zvimwe zvitoro zvemakombiyuta hazvipi marezenisi nokuti mapurogiramu azvinogara zvaisa makopi asingabvumirwi nomutemo, zvichireva kuti anotenga anotyora mutemo nokushandisa mapurogiramu acho. Zvakafananawo neizvi ndezvokuti vaKristu vanofanira kudzivisa kuisa, kana kubvisa pagadziriro yokutumira nokuverenga mashoko pakombiyuta mashoko ane kodzero dzouridzi (semabhuku eSosaiti) uye anokopwa pasina mvumo yepamutemo yevaridzi.”