Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chitendero Chichaunza Rugare Rwenyika Yose Here?

Chitendero Chichaunza Rugare Rwenyika Yose Here?

Chitendero Chichaunza Rugare Rwenyika Yose Here?

KUBVA musi waAugust 28 kusvika August 31, 2000, vamiririri vanopfuura 500 vomunyika 73 vakaungana muNew York City. Vakaungana paUnited Nations nokuda kwo“Musangano Wemireniyumu Worugare Rwenyika Rwevatungamiriri Vezvitendero uye Vezvokunamata.” Vatungamiriri vacho—vakawanda vakanga vakapfeka ngowani dzemicheka, nguo refu dzeyero, ngowani dzeminhenga, kana kuti mazijasi marefu matema—vaimiririra kutenda kwevakawanda. Pakati pavo paiva nevaBaha’i, vaBuddha, zvitendero zvechiKristudhomu, vaHindu, vaIslam, vaJain, vaJudha, vaShinto, vaSikh, vaTao, nevaZoroaster.

Nhume dzacho dzakasangana paUnited Nations kwemazuva maviri okutanga emazuva mana omusangano wacho. Zvisinei, musangano wacho wakanga usina kurongwa kana kutsigirwa neUnited Nations asi nemasangano anobatsira nemari akasiyana-siyana. Kunyange zvakadaro, UN nevatungamiriri vezvitendero vakataura nezvokukosha kwokushandira pamwe kuti vapedze urombo, rusarura ganda, zvinetso zvemhoteredzo, hondo, uye zvombo zvinoparadza mhomho.

Nhume dzacho dzakasaina gwaro rakanzi “Kuzvipira Kurugare Rwepasi Pose.” Nepo vachibvuma kuti chisimba nehondo “dzimwe nguva zvinoitwa muzita rechitendero,” gwaro racho rakazivisa kuti vakasaina vacho vaizo“shandira pamwe neUnited Nations . . . kutsvaka rugare.” Zvisinei, paiva pasina zvisarudzo chaizvo zvairatidza kuti izvi zvaizoitwa sei.

Pazuva rechipiri, Bawa Jain, munyori mukuru womusangano wacho, akagumisa mashoko ake okuzarura nokutsanangura kuti makore akati izvi zvisati zvaitika akanga aona mumwe mufananidzo paUnited Nations. Mufananidzo wacho wairatidza murume akareba kupfuura chivako cheUnited Nations Secretariat. Akanga achigogodza pachivako chacho sokunge kuti chaiva musuo. Pazasi pomufananidzo wacho paiva nemashoko anoti: “Muchinda Worugare.” VaJain vakati: “[Mufananidzo wacho] wakandiorora kwazvo panguva yandakauona. Ndakabvunza vanhu vakasiyana-siyana zvawa[i]reva. Ndinofunga kuti nhasi ndine mhinduro. Kuungana kwenyu mose muri pano, vatungamiriri vezvokunamata nevezvitendero zvenyika, kunondiratidza kuti [uyu] ndiye muchinda worugare ari kugogodza pamusuo weUnited Nations.”

Bhaibheri rinotaura zvakasiyana naizvozvo. Rinoratidza kuti Muchinda Worugare ndiJesu Kristu. Achaunza rugare rwepasi pose, kwete nokuedza kwevatungamiriri vezvematongerwe enyika kana kuti vezvitendero, asi noUmambo hwaMwari. Umambo ihwohwu—hurumende yokudenga yaMwari—huchabatanidza zvinobudirira vanhu vanoteerera uye huchaita kuti kuda kwaMwari kuitike pasi pano.—Isaya 9:6; Mateu 6:9, 10.