Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofara Nemhaka Yezvandinoyeuka Zvinokosha!

Ndinofara Nemhaka Yezvandinoyeuka Zvinokosha!

Nyaya Youpenyu

Ndinofara Nemhaka Yezvandinoyeuka Zvinokosha!

YAKATAURWA NADRUSILLA CAINE

Gore racho rakanga riri 1933, uye ndakanga ndichangobva kuroorwa naZanoah Caine, akanga ari colporteur kufanana neni—mushumiri wenguva yakazara. Ndichifara kwazvo, ndakaronga kubatana nomurume wangu mumugove wake, asi kuti ndiite kudaro, ndaida bhasikoro—chinhu chinodhura chandakanga ndisina kumbokwanisa kutenga, sezvo nguva dzacho zvinhu zvakanga zvakaoma munguva yokuderera kwoupfumi. Zvino ndaizoitei?

VANZWA nezvechinetso changu, varamu vangu vakatsvaka kwairasirwa marara munzvimbo iyoyo, vachiedza kuwana mapatsi ekare kuti vandigadzirire bhasikoro. Vakaita kudaro uye zvakabva zvaita! Pandakangodzidza kuchovha chete, ini naZanoah takabva tatanga kufamba, tichichovha tichifara tichipfuura nomunharaunda dzomuEngland dzeWorcester neHereford, tichiparidza kuvose vataisangana navo.

Handina kumboziva kuti iri danho duku rokutenda raizotungamirira kuupenyu hwakazadzwa nendangariro dzinokosha. Zvisinei, hwaro hwokunamata hwoupenyu hwangu hwakanga hwatangwa nevabereki vangu vandaida zvikuru.

Makore Akanga Akaoma eHondo Huru

Ndakaberekwa muna December 1909. Nguva pfupi yakatevera amai vangu vakawana bhuku rinonzi The Divine Plan of the Ages, uye muna1914 vabereki vangu vakaenda neni kunoona “Photo-Drama of Creation,” muOldham, Lancashire. (Zvose zvakanga zvabudiswa nevaya vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha nhasi.) Kunyange zvazvo ndakanga ndiri muduku, ndinonyatsoyeuka ndichisvetuka-svetuka nomufaro tave kuenda kumba nemhaka yezvandakanga ndaona! Frank Heeley akabva atanga boka rezvidzidzo zveBhaibheri muRochdale, mataigara. Kuzvipinda kwakatibatsira semhuri kuti tinzwisise Magwaro.

Runyararo muupenyu hwedu rwakapedzwa gore rakarero nokutanga kweHondo Huru—Hondo yeNyika I, sezvatinoidana nhasi. Baba vangu vakanyorwa pasi vasingadi kuti vapinde muchiuto asi vakaramba vasina kwavakarerekera. Vakatsanangurwa mudare so“murume ane tsika dzakanaka zvikuru,” uye tsamba dzakawanda dzakapiwa kubva “kumachinda dzichidudza kuti aidavira kuti akanga ari pachokwadi mukuramba kwake kubata zvombo,” rakashuma kudaro pepanhau romunzvimbo iyoyo.

Zvisinei, pane kuregwa zvachose, baba vangu vakanyoreswa somunhu asingafaniri kupinda “muBasa Rokurwa chete.” Baba naamai vangu neni takabva tava vanhu vanosekwa. Pakupedzisira, vakaongororwa nzvimbo yavo, uye vakapiwa basa rokurima, asi vamwe varimi vakatora mukana wacho kuti zvivanakire uye vakavabhadhara mari shoma kana kuti kusambovapa chinhu. Kuti varere mhuri, amai vangu vaishanda—vachiwana kamuhoro kaduku—vachiita basa rakaoma munowachwa mbatya. Asi, zvino ndinoona kundisimbisa kwazvaiita kuti ndipedze makore okukura kwangu ndichitsungirira kurarama mumamiriro ezvinhu akaoma kudaro; zvakandibatsira kuti ndifarire zvinhu zvokunamata zvinokosha.

Mavambo Maduku

Daniel Hughes, mudzidzi weBhaibheri aifarira zvikuru, akabva angotanga kugara nesu. Akanga ari mucheri wemarasha muRuabon, musha uri anenge makiromita 20 kubva kuOswestry, kwatakanga tatamira. Sekuru Dan, sokudana kwandaivaita, vairamba vachionana nemhuri yedu, uye pose pavaiuya kuzotiona, nguva dzose hurukuro dzavo dzakanga dziri dzomuMagwaro. Havaimbotaura zvinhu zvisina basa. Kirasi yokudzidza Bhaibheri yakatangwa muOswestry muna 1920, uye Sekuru Dan vakandipa bhuku rinonzi The Harp of God muna 1921. Ndairikoshesa zvikuru nokuti rakaita kuti dzidziso dzeBhaibheri dzive nyore kunzwisisa.

Uyewo kwaiva naPryce Hughes, * akazova mushumiri anotungamirira wehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yomuLondon. Aigara nemhuri yake pedyo paBronygarth, pane muganhu weWales, uye hanzvadzi yake, Cissie, akava shamwari yepedyo yaamai vangu.

Ndinoyeuka mufaro womuna 1922 pakauya chikumbiro choku‘zivisa Mambo noUmambo hwake.’ Mumakore akatevera, kunyange zvazvo ndakanga ndichiri pachikoro, ndakabatana nevamwe nomwoyo wose mukuparadzira maturakiti acho aikosha, zvikurukuru rinonzi Ecclesiastics Indicted muna 1924. Ndichitarira shure mumakore iwayo, chokwadi yakanga iri ropafadzo kusonganira nehama nehanzvadzi dzakatendeka—pakati padzo paiva naMaud Clark * nomumwe wake Mary Grant, * Edgar Clay, * Robert Hadlington, Katy Roberts, Edwin Skinner, * pamwe naPercy Chapman naJack Nathan, * vakaenda vose kuCanada kunobatsira basa ikoko.

Hurukuro yeBhaibheri yaiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizotongofa” yakaratidza kuva uchapupu hwepanguva mundima yedu huru. Musi waMay 14, 1922, Stanley Rogers, hama yaPryce Hughes, akauya kubva kuLiverpool kuti ape hurukuro iyi muChirk, musha unongova kuchamhembe kweguta redu, uye gare gare manheru iwayo paImba yeBhaisikopo muOswestry. Ndichine rimwe remahendibhiri akadhindwa zvakanaka nokuda kwechiitiko ichocho. Panguva yose iyi, boka redu duku rakaramba richisimbiswa nokushanya kwevatariri vanofambira vatatu—taivadana kuti mapilgrim—Herbert Senior, Albert Lloyd, naJohn Blaney.

Nguva Yokusarudza

Muna 1929, ndakasarudza kubhabhatidzwa. Ndakanga ndine makore 19, uye panguva imwecheteyo, ndakasangana nomuedzo wangu wokutanga. Ndakasangana nejaya rakanga rina baba vaiita zvematongerwe enyika. Taidanana, uye akati aida kundiroora. Gore rakatangira izvi, bhuku rinonzi Government rakanga rabudiswa, saka ndakamupa rimwe. Asi zvakakurumidza kuva pachena kuti akanga asingafariri zvehurumende yokudenga, unova musoro webhuku iri. Ndaiziva kubva mune zvandaidzidza kuti vaIsraeri vekare vakarayirwa kuti vasaroorane nevasingatendi uye kuti nheyo iyi inoshanda kuvaKristu. Naizvozvo, kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma kuzviita, ndakaramba kuroorwa naye.—Dheuteronomio 7:3; 2 VaKorinde 6:14.

Ndakawana simba kubva mumashoko omuapostora Pauro okuti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.” (VaGaratiya 6:9) Sekuru Dan vanodiwa vakandibatsirawo pavakanyora kuti: “Mumiedzo mikuru nemidiki, shandisa VaRoma 8, ndima 28,” inoti: “Zvino tinoziva kuti Mwari anoita kuti mabasa ake ose ashandire pamwe kuti zvinakire vanoda Mwari, vaya vari vakadanwa maererano nokuda kwake.” Zvakanga zvisiri nyore, asi ndaiziva kuti ndakanga ndaita chisarudzo chakarurama. Gore iroro ndakanyoresa somucolporteur.

Kunangana Nebasa Rakaoma

Muna 1931 takagamuchira zita redu idzva, Zvapupu zvaJehovha, uye mugore iroro, takava nenhimbe huru tichishandisa kabhuku kanonzi The Kingdom, the Hope of the World. Vezvematongerwe enyika, vafundisi, uye vemabhizimisi vose vakapiwa avo. Ndima yangu yaibva kuOswestry kusvika kuWrexham, anenge makiromita 25 kuchamhembe. Rakanga riri basa rakaoma kuipedza yose.

Pakokorodzano muBirmingham gore rakatevera, pakakumbirwa vanhu 24 vaida kuzvipira. Tichida kwazvo, 24 vedu takapa mazita edu nokuda kwokuita basa idzva, tisingazivi kuti rakanga riri rei. Fungidzira kushamisika kwatakaita patakagovewa tiri vaviri vaviri kuti tigovere kabhuku ikako, The Kingdom, the Hope of the World, takapfeka zvikwangwani tichizivisa Umambo.

Ndichishanda munharaunda yechechi, ndainyara zvikuru kuonekwa, asi ndakazvinyaradza ndichiti hapana aindiziva muguta. Asi, munhu akatanga kuuya kuzotaura neni akanga ari shamwari yangu yekare yokuchikoro, akangonditarira ndokuti: “Maiwe-e, uri kuitei wakapfeka zvakadai?” Zvakaitika izvi zvakaita kuti ndisatya munhu zvekare!

Kuenda Kune Imwe Nzvimbo

Muna 1933, ndakaroorwa naZanoah, murume akanga afirwa nomukadzi uye aive mukuru kwandiri nemakore 25. Mudzimai wake wokutanga akanga ari Mudzidzi weBhaibheri aishingaira, uye Zanoah akanga aramba ari mubasa rake akatendeka pashure pokunge mukadzi wacho afa. Munguva pfupi takabva muEngland kuenda kundima yedu itsva yomuNorth Wales, kure neanenge makiromita 150. Makatoni, masutukesi, nezvimwe zvinhu zvinokosha takazvitakura pahanduro dzemabhasikoro edu zvisina kunyatsosimba, zvakasungirirwa pakati pemitanda, uye zvakarongedzwa mumabhasikiti, asi takasvika zvakanaka! Mubasa iroro takanga tisingasiyi mabhasikoro edu—taienda nawo kwose kwose, kunyange panhongonya peCader Idris, gomo romuWales rakareba anoda kuva mamita 900. Zvaigutsa zvikuru kuwana vanhu vaishuva kunzwa “aya mashoko akanaka oumambo.”—Mateu 24:14.

Takanga tisati tambogara kwenguva yakareba ikoko apo vanhu vakatiudza kuti mumwe murume anonzi Tom Pryce aimbovaparidzira, sezvataingoita. Pakupedzisira takawana Tom achigara paLong Mountain, pedyo neWelshpool—uye zvechokwadi takashamisika! Mumazuva angu okutanga kuparidza, ndakanga ndamugovera Bhuku rokudzidza Bhaibheri rinonzi Reconciliation. Akaridzidza pachake, akanyorera kuLondon kuti awane mamwe mabhuku, uye kubvira ipapo aive achishingaira kuudza vamwe nezvokutenda kwake kwaakanga achangowana. Takava nenguva yakawanda yokushanda pamwe tichifara, kakawanda isu vatatu tichidzidza pamwe kuti tikurudzirane.

Njodzi Inotungamirira Kuchikomborero

Muna 1934 macolporteur ose akanga ari pedyo neNorth Wales akakokwa kuenda kuguta reWrexham kuti anobatsira kuparadzira kabhuku kanonzi Righteous Ruler. Zuva rakatangira iyi nhimbe inokosha, pakanga paitika njodzi huru. Kuputika pamugodhi wemarasha weGresford makiromita matatu kuchamhembe kweWrexham, kwakanga kwauraya vashandi vomumugodhi 266. Vana vanopfuura 200 vakasiyiwa vasina vanababa, uye vakadzi 160 vakasiyiwa vave chirikadzi.

Taifanira kunyora vakanga vafirwa, kuvashanyira, uye kuvasiyira kabhuku. Rimwe remazita andakapiwa rakanga riri raMai Chadwick vakanga varasikirwa nemwanakomana akanga ane makore 19. Pandakashanya, mwanakomana mukuru, Jack, akanga achishanyira amai vake kuti avanyaradze. Murume uyu akandiziva asi haana kutaura kudaro. Pashure, akaverenga kabhuku kacho uye akatsvaka The Final War, kamwe kabhuku kandakanga ndamusiyira makore akati kuti akanga apfuura.

Jack nomudzimai wake, May, vakawana kwandaigara uye vakauya kuzowana mamwe mabhuku. Muna 1936 vakabvuma kuti tiitire misangano pamusha wavo muWrexham. Zvichitevera kushanya kwakaitwa naAlbert Lloyd mwedzi mitanhatu gare gare, ungano yakatangwa uye Jack Chadwick ari mutariri anotungamirira. Parizvino pane ungano nhatu muWrexham.

Kurarama Mukaravhani yechiGypsy

Kusvika panguva iyi, taishandisa chero pokugara pataiwana sezvataifamba kunzvimbo nenzvimbo, asi Zanoah akasarudza kuti nguva yakanga yasvika kuti tive nomusha wedu pachedu, waizogona kudhonzwa kubva panzvimbo nenzvimbo. Murume wangu akanga ari muvezi wedzinza rechiGypsy ane unyanzvi, uye akatigadzirira karavhani yechiGypsy. Taiidana kuti Elizabeth, zita romuBhaibheri rinoreva “Mwari Wezvakawanda.”

Ndichiri kuyeuka imwe nzvimbo yatakagara—yakanga iri bindu remichero pedyo nekakova. Yaiita seParadhiso kwandiri! Hapana chakakanganisa mufaro wemakore atakagara pamwe chete mukaravhani iyoyo, kunyange zvazvo zvaioneka kuti yakanga isinganyatsokwani zvinhu. Munguva yokutonhora, magumbeze aimbooma nechando achinamatira kumadziro ekaravhani, uye madonhwe edova akanga ari chinetso chenguva dzose. Mvura yaitofanira kutakurwawo kuuya kukaravhani, dzimwe nguva kamufambo chaiko, asi takakurira zvinetso izvi pamwe chete.

Mune imwe nguva yechando ndakanga ndichirwara, uye takanga tine zvokudya zvishoma uye tisina mari. Zanoah akagara pamubhedha, akandibata ruoko, uye akandiverengera Pisarema 37:25 inoti: “Ndakanga ndiri muduku, asi zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.” Achindiyeva akati: “Kana pakasaitika chimwe chinhu nokukurumidza, tichange tave kupemha, uye handingaoni Mwari achibvumira izvozvo kuti zviitike!” Ipapo akaenda kunoparidza kuvavakidzani vedu.

Zanoah paakadzoka masikati kuti andigadzirire chokunwa, hamvuropu yakanga yakamumirira. Yakanga ine £50 [inenge Z$4 000] kubva kuna baba vake. Mamwe makore akanga apfuura Zanoah akanga apomerwa zvenhema kuti akanga adya mari yaaive achitarisira, asi zvakanga zvichangobva kuonekwa kuti akanga asina mhaka. Chipo ichi chakanga chiri chokumuripa. Chokwadi, chakauya panguva chaiyo!

Chidzidzo Chikuru

Dzimwe nguva tinodzidza zvidzidzo makore akawanda apfuura. Kuenzanisira: Ndisati ndapedza chikoro muna 1927, ndakapupura kune vandaidzidza navo vose nevadzidzisi—kusara kwomumwe chete, Lavinia Fairclough. Sezvo pakanga pasina munhu aifarira zvandaida kuita muupenyu, uye sezvo ndakanga ndisingapindirani zvakanaka naMai Fairclough, ndakasarudza kurega kuvaudza. Fungidzira kushamisika kwandakaita—uye kufara—makore 20 gare gare apo amai vangu vakandiudza kuti mudzidzisi uyu akanga adzoka kuzoshanyira shamwari dzake dzekare nevana vaakadzidzisa kuti azovaudza kuti zvino akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha!

Pandakasangana naye, ndakamutsanangurira kuti nei ndakanga ndisina kugara ndamuudza nezvokutenda kwangu uye zvandaida kuzoita muupenyu. Akateerera akanyarara ndokuzoti: “Ndakagara ndichitsvaka chokwadi. Ndicho chandakanga ndichitsvaka muupenyu hwangu!” Chiitiko ichi chakanga chiri chidzidzo chikuru kwandiri—kuti ndisamborega kupupura kune vose vandinosangana navo uye kusambofungira munhu.

Imwe Hondo—Nezvakazoitika Pashure

Hondo yakatanga kuratidza kuti yakanga yoda kutanga zvekare pakanga pava kunopera ma1930. Dennis, anova hanzvadzi yangu duku nemakore gumi akanzi anogona kusaita basa rechiuto chero bedzi achiramba ari mubasa rake rokunyika. Akanga asina kumboratidza kufarira chokwadi, nokudaro ini nomurume wangu takakumbira mapiyona omunzvimbo iyoyo Rupert Bradbury nomunun’una wake David kana vaizokwanisa kumushanyira. Vakaita kudaro, uye vakadzidza Bhaibheri naye. Dennis akabhabhatidzwa muna 1942, akazopinda mubasa rokupayona, uye akagadzwa somutariri wedunhu muna 1957.

Mwanasikana wedu, Elizabeth, akaberekwa muna 1938, uye Zanoah akakudza karavhani kuti mhuri yedu ikwane yose. Apo mwanasikana wedu wechipiri, Eunice, akaberekwa muna 1942, zvakaratidzika kuva zvokuchenjera kutsvaka musha chaiwo wokugara. Saka Zanoah akarega kupayona kwemakore mashoma, uye takatamira kuimba duku pedyo neWrexham. Gare gare, takazogara muMiddlewich muruwa ruri pedyo rweCheshire. Ndiko kwakafira murume wangu wandaida muna 1956.

Vanasikana vedu vaviri vakava vashumiri venguva yakazara, uye vose vakaroorwa uye vanofara. Eunice nomurume wake, mukuru muungano, vachiri kushanda muLondon semapiyona chaiwo. Murume waElizabeth mukuru muungano zvekare, uye mufaro kwandiri kuva navo, vana vavo, uye vazukuru chibvi vangu vana vanogara pedyo neni muPreston, Lancashire.

Ndinofara kuti ndinogona kufamba kubva pagedhi repamberi peimba yangu kuenda kuHoro yoUmambo iri pedyo nomugwagwa. Mumakore achangobva kudarika, ndakatanga kupinda neboka romutauro wechiGujarati, rinosonganirana ipapo zvekare. Kudzidza mutauro wacho kwave kusiri nyore kwandiri nokuti handichanyatsonzwa parizvino. Zvakati omei dzimwe nguva kunzwa mamwe matauriro acho asinganyatsonzwisisika, sezvingaitwa nevechiduku. Chinhu chinonetsa kuita asi chinonakidza.

Ndichiri kukwanisa kuparidza pasuo nesuo uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri mumusha wangu. Shamwari padzinondishanyira, ndinonzwa ndichifara zvikuru kurondedzera zvimwe zvezviitiko zvangu zvekare. Ndinofarira zvikuru ndangariro dzangu dzinokosha dzezvikomborero zvandakagamuchira ndichisonganira nevanhu vaJehovha kweanoda kusvika makore 90.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 “In Step With the Faithful Organization,” nyaya youpenyu yaPryce Hughes, yakabuda muNharireyomurindi yaApril 1, 1963.

^ ndima 14 Nyaya dzoupenyu dzevashumiri vaJehovha ava dzakabuda mumagazini eNharireyomurindi ekare.

^ ndima 14 Nyaya dzoupenyu dzevashumiri vaJehovha ava dzakabuda mumagazini eNharireyomurindi ekare.

^ ndima 14 Nyaya dzoupenyu dzevashumiri vaJehovha ava dzakabuda mumagazini eNharireyomurindi ekare.

^ ndima 14 Nyaya dzoupenyu dzevashumiri vaJehovha ava dzakabuda mumagazini eNharireyomurindi ekare.

^ ndima 14 Nyaya dzoupenyu dzevashumiri vaJehovha ava dzakabuda mumagazini eNharireyomurindi ekare.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Hendibhiri raizivisa hurukuro yeBhaibheri yaiti “Mamiriyoni Ari Kurarama Zvino Haasati Achizombofa,” yandakanzwa musi waMay 14, 1922

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndina Zanoah tichangobva kuroorana muna 1933

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndakamira pedyo ne“Elizabeth,” karavhani yedu yakagadzirwa nomurume wangu