Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ongai uye Farai

Ongai uye Farai

Ongai uye Farai

“KUDA kuonga chinhu chinokosha mukurarama kwevanhu,” yakadaro Calgary Herald, pepanhau rokuCanada. Herald racho rakataura mashoko evadzidzi vegiredhi rokutanga vane makore mapfumbamwe vakanga vakumbirwa nomudzidzisi wavo kunyora nezvezvinhu zvose zvavaionga nokuda kwazvo. Mumwe wechiduku akati aionga mhuri yake ‘nokuti yakamurera.’ Kamwewo kasikana kaionga mhuri yako, kachiti: “Vanondichengeta zvakanaka, ndine utano hwakanaka, vane hanya neni, vanondida, vanondipa zvokudya, uye kudai pakanga pasina vabereki vangu, ndingadai ndisiri panyika pano.”

Kusaonga kunoita kuti pave nokusagutsikana kusingaperi. Maererano nomumwe muzivi wezvechitendero J. I. Packer, “takasikwa kuti tive nechivimbo naMwari uye kuti tivimbe nomumwe nomumwe.” Izvi zvinotiyeuchidza nezvezano reBhaibheri rokuchenjera rakataurwa mazana emakore akapfuura rinoti: “Zviratidzei kuti munoonga.” (VaKorose 3:15) Mashoko okuonga uye kufarira vamwe zvinobva pamwoyo anobatsira kuti pave noukama hwokuva nehanya nevamwe.

Uyezve, nokuonga uye kukoshesana, tinozviratidzawo kuti tinoonga Jehovha, uye iye anocherechedza izvozvi. Bhaibheri rinoti: “Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rose kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Mwari anotivimbisa kuti anoyeuka uye anoonga rudo runoratidzwa nevanhu nokuda kwezita rake. (VaHebheru 6:10) Hungu, tine chikonzero chakanaka chokuratidza kuonga kwedu nokuti uku kunaka kwaMwari, kukaratidzwa zuva nezuva, kunofadza Jehovha uye kunowedzera mufaro wedu. Zvakafanana nezvinotaurwa pana Zvirevo 15:13 kuti: “Mwoyo, wakafara, unofadza chiso.”