Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Enoki Akafamba naMwari Munyika Isingadi Mwari

Enoki Akafamba naMwari Munyika Isingadi Mwari

Enoki Akafamba naMwari Munyika Isingadi Mwari

DHIYABHOROSI anoita nharo nechivimbo kuti anogona kubvisa vanhu vose kuna Mwari, uye pane imwe nguva zvakanga zvoita sokunge akanga obudirira. Kwemakore anoda kusvika mazana mashanu Abheri afa, hapana akazvisiyanisa nevamwe somushumiri waJehovha akatendeka. Pane kuti zvidaro, mufambiro wokuita zvivi uye usingadiwi naMwari ndiwo wakanga wakajairika.

Yaiva nguva iyoyo yokuparara kwezvokunamata yakararama Enoki panyika. Maererano nenguva yomuBhaibheri zvinonzi akaberekwa muna 3404 B.C.E. Kusiyana nevaakararama navo, Enoki akava murume anodiwa naMwari. Muapostora Pauro akamutaurawo pavashumiri vaJehovha vaiva nokutenda kwomuenzaniso kuvaKristu. Enoki aiva ani? Zvinetsoi zvaangave aifanira kusangana nazvo? Akazvikunda sei? Uye kuvimbika kwake kunokosha sei kwatiri?

Mumazuva aEnoshi, makore anoda kusvika mazana mana Enoki asati avapo, “vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.” (Genesi 4:26) Zita raMwari rakanga ragara richishandiswa kubvira apo vanhu vakatanga kuvapo. Saka zviri pachena kuti kudana zita raJehovha kwakatanga Enoshi ari mupenyu kwaisava kudana mukutenda uye kunamata kwakachena. Dzimwe nyanzvi dzechiHebheru dzinoti Genesi 4:26 inofanira kuti “vakatanga nenzira yokumhura” kana kuti “kumhura kwakatanga.” Vanhu vangave vakashandisa zita raJehovha kwavari ivo kana kuti kune vamwe vanhu vavaiita sevanoenda nokwavari kuti vataure naMwari mukunamata. Kana kuti zvichida vaitumidza zita rake kuzvidhori.

‘Enoki Akafamba naMwari Wechokwadi’

Kunyange zvazvo Enoki akanga akapoteredzwa nevanhu vasingadi Mwari, ‘akaramba achifamba naMwari wechokwadi,’ Jehovha. Hazvitaurwi kunzi madzitateguru ake—Seti, Enoshi, Kenani, Maharareri, naJaredhi—vakafamba naMwari. Zvichida kana vakadaro havana kuzviita sezvakaitwa naEnoki, aiva nemararamiro ayo sezviri pachena akamusiyanisa navo.—Genesi 5:3-27.

Kufamba naJehovha kwaida kuti Enoki azive Mwari uye ave pedyo naye izvo zvaingobvira bedzi nokuti airarama maererano nezvinodiwa naMwari. Jehovha akatendera kuzvipira kwaEnoki. Kutaura zvazviri, Septuagint yechiGiriki inoti “Enoki aifadza zvikuru” kuna Mwari, pfungwa yakataurwawo nomuapostora Pauro.—Genesi 5:22; VaHebheru 11:5.

Chainyanya kukosha paukama hwakanaka hwaEnoki naJehovha kwaiva kutenda kwake. Anofanira kunge aitenda “mbeu” yakapikirwa yo“mukadzi” waMwari. Kudai akaona Adhamu, Enoki angadai akawana mamwe mashoko emabatiro aiita Mwari nevanhu vaviri vokutanga muEdheni. Zivo yaMwari yaiva naEnoki yakaita kuti ave munhu ai“mutsvaka nemwoyo wose.”—Genesi 3:15; VaHebheru 11:6, 13.

Kuna Enoki uye kwatiri, kuva noukama hwakanaka naJehovha kunoda inopfuura zivowo zvayo yaMwari. Kana tichinyanya kukoshesa ukama hwepedyo nomumwe munhu, hachisi chokwadi here kuti mafungiro edu uye zvatinoita zvinopesvedzerwa nemaonero ake? Tinodzivisa mashoko kana zviito zvingaparadza ushamwari hwacho. Uye kana tikafunga kuchinja mamiriro edu ezvinhu, hatifungiwo kuti zvingaita sei paukama hwacho here?

Kuda kuramba tiine ukama hwepedyo naMwari kune zvakunoitawo pazviito zvedu. Zivo yakarurama yezvaanotendera nezvaasingatenderi inodiwa. Zvadaro tinoda kutungamirirwa nezivo iyoyo, tichiedza kumufadza mumafungiro uye muzviito.

Hungu, kuti tifambe naMwari, tinofanira kumufadza. Ndizvo zvakaitwa naEnoki kwemazana emakore. Kutaura zvazviri, shoko rechiito rechiHebheru rinoratidza kuti Enoki “akafamba” naMwari rinoreva chiito chinodzokororwa, chinopfuurira. Mumwe murume akatendeka ‘akafamba naMwari’ aiva Noa.—Genesi 6:9.

Enoki aiva murume ane mhuri akanga ane mudzimai uye akanga abereka “vanakomana navanasikana.” Mumwe wevanakomana vake aiva Metusara. (Genesi 5:21, 22) Enoki anofanira kunge akaita zvose zvaaigona kutungamirira imba yake munzira yakaisvonaka. Zvisinei, nemhaka yokuti kwose kwose akanga akapoteredzwa nevanhu vasingadi Mwari zvaisava nyore kuti ashumire Mwari. Rameki, baba vaNoa, angangove mumwe akararama panguva imwe chete naye aitenda Jehovha. (Genesi 5:28, 29) Asi, Enoki noushingi akanamata zvechokwadi.

Chii chakabatsira Enoki kuramba akatendeka kuna Mwari? Hazvina mubvunzo kuti haana kusonganira nevaimhura zita raJehovha kana nevamwe vakanga vari shamwari dzisingakodzeri kumunamati waMwari. Kutsvaka kubatsirwa naJehovha mumunyengetero kunofanirawo kunge kwakasimbisa kushinga kwaEnoki kudzivisa chinhu chipi nechipi chaisazofadza Musiki wake.

Kuprofita Kuvanhu Vasingadi Mwari

Kuramba tichiita zvinodiwa naMwari zvakanaka kwazvo kwakaoma chaizvo kana takapoteredzwa nevanhu vasingadi Mwari. Asi Enoki akataurawo shoko rorutongeso risingadzokeri shure pavanhu vakaipa. Achitungamirirwa nomudzimu waMwari, Enoki achiprofita akazivisa kuti: “Tarirai! Jehovha akauya nemakumi ezviuru ake matsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pezviito zvavo zvose zvokusada Mwari zvavakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo izvo vanhu vanoita zvivi vasingadi Mwari vakataura pamusoro pake.”—Judha 14, 15.

Mashoko iwayo aizoitei kune vasingatendi vasina kururama? Zvine musoro kufungidzira kuti mashoko iwayo aibaya mwoyo akaita kuti Enoki asafarirwe, zvichida achiita kuti asekwe, anyombwe, uye atyisidzirwe. Vamwe vanofanira kunge vaida kumuuraya. Zvisinei, Enoki haana kuvhunduka. Aiziva zvakanga zvaitika kuna Abheri akarurama, uye saiye, Enoki akanga akashinga kushumira Mwari, pasinei nechaizoitika.

“Mwari Wakamutora”

Zviri pachena kuti Enoki akanga ava mungozi yokuda kuurayiwa ‘Mwari paakamutora.’ (Genesi 5:24) Jehovha haana kutendera kuti muprofita wake akatendeka atambudzwe nevavengi vaiva nechisimba. Maererano nomuapostora Pauro, “Enoki akatamiswa kuti asaone rufu.” (VaHebheru 11:5) Vakawanda vanotaura kuti Enoki haana kufa—kuti Mwari akamuendesa kudenga, kwaakaramba achirarama. Zvisinei, Jesu akataura zvakajeka kuti: “Hapana munhu akakwira kudenga asi uyo akaburuka achibva kudenga, Mwanakomana womunhu.” Jesu akanga ari “mutungamiriri” pane vose vakaenda kudenga.—Johani 3:13; VaHebheru 6:19, 20.

Saka, chii chakaitika kuna Enoki? ‘Kutamiswa kwake kuti asaone rufu’ kungareva kuti Mwari akaita kuti anyure kwazvo mukuona zvinhu zvouprofita, zvadaro ndokubva agumisa upenyu hwake achakadaro. Mumamiriro ezvinhu akadaro Enoki akanga asingazorwadziwi norufu. Ipapo “haana kuzomboonekwa,” sezviri pachena nokuti Jehovha akaviga muviri wake, sokuviga kwaakaita muviri waMosesi.—Dheuteronomio 34:5, 6.

Enoki akararama makore 365—asina kuwanda sezvakaita evazhinji vaakararama navo. Asi chinhu chinokosha kuvanhu vanoda Jehovha ndechokuti vamushumire nokutendeka kusvikira parufu. Tinoziva kuti Enoki akadaro nokuti “asati atamiswa akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” Magwaro haatauri kuti Jehovha akaudza sei Enoki izvi. Asi, Enoki asati afa, akapiwa vimbiso yokutendera kwaMwari, uye tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha achamuyeuka parumuko.

Tevedzera Kutenda Kwaiva naEnoki

Tinogona kunyatsotevedzera kutenda kwaiva nevanhu vaida Mwari. (VaHebheru 13:7) Kwaiva kutenda kwakaita kuti Enoki ave wokutanga kushumira somuprofita waMwari akatendeka. Nyika yomuzuva raEnoki yakanga yakafanana neyedu—pachisimba, pakuzvidza, uye kusada Mwari. Zvisinei, Enoki akanga asina kudaro. Akanga aine kutenda kwechokwadi uye aiva muenzaniso wakanaka wokuzvipira kuna Mwari. Hungu, Jehovha akamupa mashoko anorema orutongeso kuti aazivise, asi akamusimbisawo kuitira kuti aazivise. Noushingi Enoki akaita basa rake, uye Mwari akamutarisira paaitarisana nokushora kwevavengi.

Kana tikatenda sezvakaita Enoki, Jehovha achatisimbisa kuti tizivise mashoko ake mumazuva ano okupedzisira. Achatibatsira kuti titarisane nechishoro takashinga, uye kuzvipira kwedu kuna Mwari kuchaita kuti tive vakasiyana kwazvo nevasingadi Mwari. Kutenda kuchatibatsira kufamba naMwari uye kuzvibata nenzira inoita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11) Nokutenda, Enoki akarurama akabudirira kufamba naJehovha munyika isingadi Mwari, nesuwo tinogona kuzviita.

[Bhokisi riri papeji 30]

Bhaibheri Rinotora Mashoko Mubhuku raEnoki Here?

Bhuku raEnoki harisi rechokwadi uye nderokunyepera. Zvinonzi rakanyorwa naEnoki asi dziri nhema. Rakanyorwa zvichida imwe nguva muzana remakore rechipiri nerokutanga B.C.E., iro ingano dzechiJudha dzakawedzeredzwa uye dzisiri dzechokwadi dzakaunganidzwa, sezviri pachena dzinobva pakutsanangurwa kwakanyanyisa kwenhoroondo pfupi iri muna Genesi inotaura nezvaEnoki. Izvozvi zvoga zvakakwana kuti vaya vanoda Shoko raMwari rakafuridzirwa vaone kuti vanofanira kusiyana nebhuku iri.

MuBhaibheri, bhuku raJudha chete ndiro rine mashoko aEnoki ouprofita anoti: “Tarirai! Jehovha akauya nemakumi ezviuru ake matsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pezviito zvavo zvose zvokusada Mwari zvavakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo izvo vanhu vanoita zvivi vasingadi Mwari vakataura pamusoro pake.” (Judha 14, 15) Nyanzvi dzakawanda dzinoita nharo kuti uprofita hwaEnoki pavanhu vasingadi Mwari vakararama panguva yaakararama hwakatorwa zvakananga muBhuku raEnoki. Zvingabvira here kuti Judha akashandisa rimwe bhuku rokunyepera risina kuvimbika?

Kuti Judha aiziva sei uprofita hwaEnoki hazviratidzwi muMagwaro. Angangodaro akatora mashoko ake kwaitorawo vanhu vakawanda, kugamuchidzanwa rakavimbika rakapfuudzwa nevanhu vekare kare. Zviri pachena kuti Pauro akadarowo paakataura zvaJanesi naJamburesi vomudare raFarao, sevanhu vaiita zvemashiripiti vangadaro vaisataurwa mazita avo avo vaipikisa Mosesi. Kana munyori weBhuku raEnoki akakwanisa kuwana mashoko ake kune zvakanyorwa kare kare, tingarambirei kuti Judha akadarowo? *Eksodho 7:11, 22; 2 Timoti 3:8.

Kuti Judha akawana sei mashoko akataurwa naEnoki pamusoro pevanhu vasingadi Mwari haisi nyaya hombe. Kuvimbika kwawo kunopupurirwa nechokwadi chokuti Judha akanyora achifuridzirwa naMwari. (2 Timoti 3:16) Mudzimu mutsvene waMwari wakamutungamirira kuti asataure chinhu chipi nechipi chaisava chechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 28 Mudzidzi Stefani akapawo mashoko asina paanowanika muMagwaro echiHebheru. Aiva nechokuita nedzidzo yaMosesi yokuIjipiti, kuti aiva nemakore 40 paakatiza muIjipiti, kuti akagara makore 40 muMidhiani, uye basa rakaitwa nengirozi kupa Mutemo waMosesi.—Mabasa 7:22, 23, 30, 38.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Enoki akataura shoko raJehovha noushingi