Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shanduro yeNyika Itsva Inodiwa Nemamiriyoni Evanhu Pasi Pose

Shanduro yeNyika Itsva Inodiwa Nemamiriyoni Evanhu Pasi Pose

Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba

Shanduro yeNyika Itsva Inodiwa Nemamiriyoni Evanhu Pasi Pose

ZVAKATORA makore 12, mwedzi 3, uye mazuva 11 okunyatsoshanda. Zvisinei, musi waMarch 13, 1960, chikamu chokupedzisira chorugwaro rweshanduro yeBhaibheri itsva chakapedziswa. Rakanzi Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wechiRungu.

Gore rimwe gare gare, Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa shanduro iyi mubhuku rimwe chete. Bhuku romuna 1961 iroro rakadhindwa makopi miriyoni imwe chete. Nhasi, nhamba yemaBhaibheri anodhindwa yapfuura mamiriyoni zana, zvichiita kuti Shanduro yeNyika Itsva ive rimwe remaBhaibheri anoparadzirwa zvikuru. Zvisinei, chii chakakurudzira Zvapupu kuti zviite shanduro iyi?

Nei Shanduro Itsva yeBhaibheri Yaidiwa?

Kuti zvinzwisise uye zvizivise shoko reMagwaro Matsvene, kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa shanduro dzeBhaibheri dzechiRungu dzakasiyana-siyana. Nepo shanduro idzi dziine dzimwe pfungwa dzakanaka, dzinowanzovhiringidzwa netsika dzechitendero uye zvinodavirwa nechiKristudhomu. (Mateu 15:6) Naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvakaziva kuti paidiwa shanduro yeBhaibheri yaitaura nokutendeka zviri muzvinyorwa zvakafuridzirwa zvepakuvamba.

Danho rokutanga rokuzadzisa izvi rakaitwa muna October 1946 apo Nathan H. Knorr, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akafunga nezvokubudiswa kweshanduro yeBhaibheri itsva. Musi waDecember 2, 1947, Dare Rokushandura Bhaibheri reNyika Itsva rakasarudza kuita shanduro yaizoenderana nechokwadi chiri murugwaro rwepakuvamba, yaizobatanidza zvichangobva kuwanikwa nenyanzvi zvakatorwa mumanyoro eBhaibheri achangobva kuwanikwa, uye yaizoshandisa mutauro uri nyore kunzwisiswa nevaverengi vanhasi.

Pakabudiswa chikamu cheBhaibheri racho chokutanga—Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki—muchiRungu muna 1950, zvakava pachena kuti vashanduri vakanga vaita zvinangwa zvavo. Ndima dzeBhaibheri dzakanga dzisinganyatsonzwisiswi dzakava dzakajeka zvinoshamisa. Somuenzaniso, funga nezvorugwaro rwakaoma kunzwisisa rwaMateu 5:3 runoti: “Vakaropafadzwa varombo pamweya.” (Union Shona) Rwakashandurwa kuti: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” Zano romuapostora Pauro rakashandurwa kuti ‘musava nebasa nechinhu’ (King James Version) rakashandurwa kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu.” (VaFiripi 4:6) Uye mashoko omuapostora Johani okuti ‘kunyanyoda zvinhu zvenyama’ (Douay Version) anoti, “kuchiva kwenyama.” (1 Johani 2:16) Zvakajeka kuti Shanduro yeNyika Itsva yakatanga kumwe kunzwisisa kutsva.

Nyanzvi dzakasiyana-siyana dzakaomeswa mate mukanwa. Somuenzaniso, nyanzvi yeBhaibheri yokuBritain inonzi Alexander Thomson yakaona kuti Shanduro yeNyika Itsva yakatanhamara pakushandura zvakarurama chiGiriki pakuratidza nguva yezviri kuitika iye zvino. Kuenzanisira: VaEfeso 5:25 inoti, “Varume, rambai muchida vakadzi venyu” pane kungoti “Varume, idai vakadzi venyu.” (Union Shona) “Hapana imwe shanduro inobudisa pfungwa iyoyo zvakazara kudaro uye kakawanda kudaro,” akadaro Thomson nezveShanduro yeNyika Itsva.

Chimwe chinhu chinokosha zvikuru nezveShanduro yeNyika Itsva ndiko kushandisa kwainoita zita raMwari, Jehovha, muzvikamu zvose zviri zviviri zveMagwaro echiHebheru neechiGiriki. Sezvo zita raMwari muchiHebheru richiwanikwa kanoda kusvika ka7 000 mune inowanzonzi Testamende Yekare yoga, zviri pachena kuti Musiki wedu anoda kuti vanamati vake vashandise zita rake uye kuti vazive zvaari. (Eksodho 34:6, 7) Shanduro yeNyika Itsva yabatsira mamiriyoni evanhu kuita izvozvo.

Shanduro yeNyika Itsva Yava Kubudiswa Mumitauro Yakawanda

Kubvira payakatanga kuwanikwa muchiRungu, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvakada chaizvo kuwana Shanduro yeNyika Itsva mururimi rwaamai—uye pane chikonzero chakanaka. Mune dzimwe nyika, zvakanga zvakaoma kuwana maBhaibheri akashandurirwa mumitauro yomunyika imomo nokuti vamiririri veMasangano eBhaibheri vaiaparadzira vakanga vasingafariri kuona maBhaibheri avo achiguma ava mumaoko eZvapupu zvaJehovha. Uyezve, maBhaibheri akadaro mururimi rwaamai anowanzovanza dzidziso dzinokosha. Muenzaniso chaiwo ndeweimwe shanduro mururimi rwokumaodzanyemba kweEurope iyo inovanza panotaurwa zita raMwari kuburikidza nokutsiva mashoko aJesu okuti “Zita renyu ngaritsveneswe” neokuti “Vanhu ngavakukudzei.”—Mateu 6:9.

Muna 1961, vashanduri vakatanga kushandurira rugwaro rwechiRungu rweShanduro yeNyika Itsva mune mimwe mitauro. Makore maviri gare gare, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakapedzwa mune mimwe mitauro mitanhatu. Panguva iyoyo, Zvapupu zvitatu kubva muzvina zvoga zvoga pasi pose zvaigona kuverenga Bhaibheri iri mururimi rwaamai. Asi rimwe basa rakawanda raifanira kuitwa kuti Zvapupu zvaJehovha zviite kuti Bhaibheri iri riwanike kumamiriyoni akawanda evanhu.

Muna 1989 vavariro iyoyo yakatanga kubudirira pakarongwa dhipatimendi reMabasa Okushandura padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Dhipatimendi iroro rakatanga muitiro wokushandura waibatanidza kudzidzwa kwemashoko eBhaibheri noruzivo rwemakombiyuta. Kushandisa izvi kwakaita kuti zvibvire kushandurira Magwaro echiKristu echiGiriki mune mimwe mitauro mugore rimwe uye Magwaro echiHebheru mumakore maviri—chikamu chenguva inowanzodiwa pabasa rokushandura Bhaibheri. Kubvira pakatangwa muitiro uyu, maBhaibheri 29 eShanduro yeNyika Itsva ave achishandurwa kubva muchiRungu uye achibudiswa mumitauro inotaurwa nevanhu vanopfuura mabhiriyoni maviri. Basa racho riri kufambira mberi mune mimwe mitauro 12. Kusvika panguva ino, Shanduro yeNyika Itsva yechiRungu yakashandurwa yose, kana kuti chikamu chayo mune mimwe mitauro 41.

Zvino makore 50 apfuura kubvira apo chikamu chokutanga cheShanduro yeNyika Itsva chakabudiswa musi waAugust 3, 1950, paGungano reZvapupu zvaJehovha Rokuwedzera Kwokutonga Kunoitwa naMwari muNew York City. Panguva iyoyo, Nathan H. Knorr akakurudzira vakanga vakaungana kuti: “Torai shanduro iyi. Iverengei yose, ndechimwe chinhu chamuchaita nomufaro. Idzidzei, nokuti ichakubatsirai kunzwisisa zviri nani Shoko raMwari. Ipai vamwe.” Tinokukurudzira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, nokuti shoko ririmo rinogona kukubatsira kumira ‘wakakwana uchitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’—VaKorose 4:12.

[Girafu/Mifananidzo iri papeji 8, 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

“MaBhaibheri eShanduro yeNyika Itsva Akabudiswa”

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakatanga kubudiswa muchiRungu zvino rava kuwanikwa mumimwe mitauro 41.

Magwaro echiKristu echiGiriki Bhaibheri Rakazara

1950 1

1960-69 6 5

1970-79 4 2

1980-89 2 2

1990-Present 29 19