Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Kunoshanda

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Kunoshanda

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Kunoshanda

Nepo vanhu vakawanda vachiona nhau yokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire sedzidziso yakanaka yakaziviswa naJesu, iye pachake akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezveakandituma.”—Johani 7:16.

HUNGU, Muvambi wezvakadzidziswa naJesu, kusanganisira zvokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire, ndiye akatuma Jesu, anova Musiki, Jehovha Mwari.

Pakutanga Mwari aida kuti vanhu vaitire vamwe sezvavanoda kuitirwawo. Akaratidza muenzaniso wakaisvonaka mukuva nehanya nezvakanakira vamwe munzira yaakasika nayo vanhu: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari, akavasika murume nomukadzi.” (Genesi 1:27) Izvi zvinoreva kuti norudo rwake, Mwari akapa vanhu chipo chounhu hwake hwakatanhamara kusvika kumwero wakati kuitira kuti vanakidzwe noupenyu murugare, mufaro, uye kuwirirana—vachigona kuita kudaro nokusingaperi. Hana yavo yavakapiwa naMwari, kana ikarovedzwa zvakarurama, inogona kuvatungamirira kuti vaitire vamwe sezvavanoda kuitirwawo.

Makaro Akatanga Kudzora

Vanhu zvavakanga vane mavambo akanaka kudaro, chii chakazoitika? Tingangoti, vanhu vakatanga kuva noudyire. Vanhu vakawanda vanoziva nhoroondo yeBhaibheri yezvakaitwa nevanhu vaviri vokutanga, sezvakanyorwa muna Genesi chitsauko 3. Vakurudzirwa naSatani, asingadi zvakarurama zvose zvaMwari, Adhamu naEvha vakaita zvoudyire ndokuramba kutonga kwaMwari vachisarudza kuzvimiririra uye kuzvisarudzira. Kuita kwavo kwoudyire uye kwokupandukira kwakaguma kwete chete nokurasikirwa zvikuru pachavo asiwo nemigumisiro yakaipa zvikuru kuvana vavaizobereka. Izvi zvakaratidza zvakajeka migumisiro yakaipa inobva pakusateerera dzidziso yakazosvika pakuzivikanwa sokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo. Pakupedzisira, ‘chivi chakapinda munyika nemhaka yomunhu mumwe norufu nemhaka yechivi, saka rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.’—VaRoma 5:12.

Kunyange zvazvo vanhu vose zvavo vakapa makotsi kunzira dzorudo dzaJehovha Mwari, haana kuvasiya. Somuenzaniso, Jehovha akapa rudzi rwaIsraeri Mutemo wake kuti uvatungamirire. Wakavadzidzisa kuti vaitire vamwe sezvavaida kuitirwawo. Mutemo wacho wairatidza mabatirwo aifanira kuitwa varanda, nherera, nechirikadzi. Waitsanangura kuti kurova, kupamba, uye kuba zvaifanira kutongwa sei. Mitemo youtsanana yairatidza kuva nehanya noutano hwevamwe. Paiva kunyange nemitemo yezvepabonde. Jehovha akapfupikisa Mutemo wacho achiudza vanhu kuti: “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe,” anova mashoko akazotaurwazve naJesu. (Revhitiko 19:18; Mateu 22:39, 40) Mutemo waivawo nemirayiridzo yokubata vatorwa vaiva pakati pevaIsraeri. Mutemo wairayira kuti: “Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva mwoyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa panyika ye[Ijipiti].” Nemamwe mashoko, vaIsraeri vaifanira kuratidza mutsa wokunzwira tsitsi varombo.—Eksodho 23:9; Revhitiko 19:34; Dheuteronomio 10:19.

Chero bedzi vaIsraeri vaitevedzera Mutemo nokutendeka, Jehovha aivakomborera. Munguva yokutonga kwaDhavhidhi naSoromoni, rudzi rwacho rwakabudirira uye vanhu vaifara uye vaigutsikana. Imwe nhoroondo yenhau inotiudza kuti: “VaJudha navaIsraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara. VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake.”—1 Madzimambo 4:20, 25.

Zvinosuruvarisa kuti, rugare nokuchengeteka zvorudzi rwacho hazvina kugara kwenguva yakareba. Kunyange zvazvo vakanga vaine Mutemo waMwari, vaIsraeri havana kuutevedzera; vakarega udyire huchivhunga kuva nehanya nevamwe kwavaifanira kuita. Izvi, pamwe nokuramba kutenda, zvakaguma nokuomerwa kwomunhu mumwe nomumwe uye kworudzi. Pakupedzisira, mugore ra607 B.C.E., Jehovha akabvumira vaBhabhironi kuti vaparadze umambo hweJudha, guta reJerusarema, uye kunyange temberi yakaisvonaka yaivemo. Nechikonzero chei? “Zvamusina kunzwa mashoko angu, tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza; ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso, nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.” (Jeremia 25:8, 9) Chakanga chiri chirango chikuru kwazvo nokuda kwokusiya kunamata Jehovha kwakachena!

Muenzaniso Wokutevedzera

Kune rimwe divi, Jesu Kristu haana kungodzidzisa kuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire asiwo akaratidza muenzaniso wakanaka pakuita izvozvo. Akava nehanya nokugara zvakanaka kwevamwe zvichibva pamwoyo. (Mateu 9:36; 14:14; Ruka 5:12, 13) Pane imwe nguva, ari pedyo neguta reNaini, Jesu akaona imwe chirikadzi yakanga ichitambudzika mumwoyo iri mumudungwe wemariro omwanakomana wayo aiva mumwe bedzi. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Ishe paakaiona, akasiririswa naye.” (Ruka 7:11-15) Shoko rokuti “siririswa,” maererano neVine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, rinoreva “kunzwa tsitsi nechomukati-kati.” Akanzwa marwadzo epamwoyo wechirikadzi yacho, uye zvakamuita kuti aite zvinhu zvakanaka kuti anyevenutse marwadzo ayo. Chirikadzi iyoyo yakafara kwazvo apo Jesu akamutsa mukomana wacho “akamupa kuna amai vake.”!

Pakupedzisira, maererano nechinangwa chaMwari, Jesu akabvuma kutambura uye akapa upenyu hwake sorudzikinuro kuitira kuti vanhu vasunungurwe kubva muuranda hwechivi norufu. Uyu wakanga uri muenzaniso mukuru wokurarama maererano nokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo.—Mateu 20:28; Johani 15:13; VaHebheru 4:15.

Vanhu Vanoitira Vamwe Zvavanoda Kuti Ivo Vaitirwe

Munguva yatiri kurarama pane vanhu vanoitira vamwe zvavanoda kuti ivo vaitirwe here? Hungu, uye kwete pazvinenge zviri nyore kudaro chete. Somuenzaniso, muHondo Yenyika II muNazi Germany, Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvakatendeka kuna Mwari uye kuda muvakidzani uye zvakaramba kuitira vamwe zvazvisingadi kuti izvo zviitirwe. Nepo Hurumende yakamanikidzira kuvenga uye kusarura vaJudha vose, Zvapupu zvakaramba zvichiitira vamwe zvazvinoda kuti izvo zviitirwewo. Kunyange mumisasa yevasungwa, zvakaramba zvichibatsira vamwe vanhu, kugoverana zvokudya zvazvo, kunyange zvakanga zviri zvishoma, nevaJudha uye vakanga vasiri vaJudha vaiziya nenzara. Uyezve, kunyange zvazvo zvairayirwa nenyika kutora zvombo kuti zviuraye vamwe, zvakaramba kuita kudaro, sezvazvakanga zvisingadiwo kuurayiwa nevamwe. Zvaizouraya sei vanhu vazvaifanira kuda sokuda kwazvaizviita? Nokuramba kwazvo, zvakawanda zvazvo zvakatumirwa kwete kumisasa yevasungwa bedzi asi kunofa.—Mateu 5:43-48.

Sezvaunoverenga nyaya ino, uri kubatsirwa nomumwe muenzaniso wokuitira vamwe zvaunoda kuti iwe uitirwe. Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti nhasi vanhu vakawanda vanotambura vasina tariro uye pasina anovabatsira. Nokuda kweizvi, Zvapupu zvinozvipira kuita zvakanaka kuti zvibatsire vamwe kudzidza nezvetariro uye mazano anoshanda anowanika muBhaibheri. Izvi zvose ibasa redzidzo yenyika yose riri kuitwa zvino pamwero usingaenzaniswi. Zviri kuguma nei? Sezvakaprofitwa pana Isaya 2:2-4, “vanhu vazhinji,” vanotopfuura mamiriyoni matanhatu pasi pose, ‘vakadzidziswa nzira dzaJehovha uye vanofamba munzira dzake.’ Nenzira yokufananidzira, vakadzidza ku“pfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti.” Vakawana rugare nokuchengeteka munguva dzino dzakazara nematambudziko.

Zvakadini Newe?

Chimbofunga kwekanguva nezvemarwadzo nokutambura zvisingaenderani neaya mashoko okuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire, zvakaunzwa pavanhu kubvira pakupandukira muEdheni, kwakatangwa naSatani Dhiyabhorosi. Jehovha ane chinangwa chokuchinja mamiriro acho ezvinhu pasina nguva refu. Sei? “Nokuda kwaizvozvi Mwanakomana waMwari akaoneswa, kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johani 3:8) Izvi zvichaitika mukutonga kwoUmambo hwaMwari, mumaoko aJesu Kristu akangwara uye anokwanisa, akadzidzisa uye akararama maererano nokuitira vamwe zvaaida kuti iye aitirwe.—Pisarema 37:9-11; Dhanieri 2:44.

Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare akataura kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya. Zuva rose unoramba ane ngoni, achiposa; vana vake vanokomborerwa.” (Pisarema 37:25, 26) Haubvumi here nhasi kuti vanhu vakawanda vari kutora nokubvuta panzvimbo pokuva ne‘ngoni nokupa’? Zviri pachena kuti kuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo kunogona kutungamirira kurugare rwechokwadi nokuchengeteka nokuti kunoita kuti munhu ave nezvikomborero zvino uye munguva yemberi muUmambo hwaMwari. Umambo hwaMwari huchabvisa udyire hwose nouipi panyika ndokutsiva mitemo inoitwa nevanhu youori iripo iye zvino nenyika itsva inoitwa naMwari. Ipapo vanhu vose vachararama vachiitira vamwe zvavanoda kuti ivo vaitirwewo.—Pisarema 29:11; 2 Petro 3:13.

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

Jesu Kristu haana kungodzidzisa Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo asiwo akagadza muenzaniso wakaisvonaka pakuita izvozvo

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo kunogona kutungamirira kurugare rwechokwadi nokuchengeteka