Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mukoma Nomunun’una Vakava Nemafungiro Akasiyana

Mukoma Nomunun’una Vakava Nemafungiro Akasiyana

Mukoma Nomunun’una Vakava Nemafungiro Akasiyana

ZVISARUDZO zvinoitwa nevabereki zvinototi zviite chimwe chinhu pavana vavo chete. Izvo ndezvechokwadi nhasi sezvazvakanga zvakaita kare mubindu reEdheni. Kupanduka kwakaita Adhamu naEvha kwakakanganisa vanhu vose zvikuru. (Genesi 2:15, 16; 3:1-6; VaRoma 5:12) Asi, mumwe nomumwe wedu ane mukana wokuvaka ukama hwakanaka noMusiki wedu kana tikasarudza kudaro. Izvi zvinoenzanisirwa nenhoroondo yaKaini naAbheri, mukoma nomunun’una vokutanga munhau yevanhu.

Hapana chinyorwa chomuMagwaro chinoti Mwari akataura naAdhamu naEvha pashure pokudzingwa kwavo muEdheni. Kunyange zvakadaro Jehovha haana kuzvivanza kuvanakomana vavo. Hapana mubvunzo kuti Kaini naAbheri vakanzwa nevabereki zvakanga zvaitika. Vaigona kuona “makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.” (Genesi 3:24) Varume ava vakapupurirawo uchokwadi hwokuzivisa kwaMwari kuti upenyu hwaizova hwedikita nemarwadzo.—Genesi 3:16, 19.

Kaini naAbheri vangave vaiziva mashoko aJehovha kunyoka okuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye napakati pembeu yako nembeu yake. Achakukuvadza mumusoro newe uchamukuvadza pachitsitsinho.” (Genesi 3:15, NW) Zvaizivikanwa naKaini naAbheri nezvaJehovha zvaizoita kuti vakwanise kuva noukama hunogamuchirika naye.

Kufungisisa nezvouprofita hwaJehovha uye unhu hwake soMutsigiri ane rudo zvinofanira kuva zvakaita kuti Kaini naAbheri vave nechido chokutenderwa naMwari. Asi vaizokudziridza chido ichocho kusvika papi? Vaizoita maererano nechido chavakazvarwa nacho chokunamata Mwari vokudziridza kumuziva kwavaimuita kusvika pamwero wokutenda maari here?—Mateu 5:3.

Mukoma Nomunun’una Vanounza Zvipiriso

Nokufamba kwenguva, Kaini naAbheri vakaunza zvipiriso kuna Mwari. Kaini akauya nemichero inobva muvhu, uye Abheri akapira matangwe emakwai ake. (Genesi 4:3, 4) Varume ava vangave vakanga vava nemakore anenge 100, nokuti Adhamu aiva nemakore 130 paakabereka mwanakomana wake Seti.—Genesi 4:25; 5:3.

Zvipiriso zvavo zvairatidza kuti Kaini naAbheri vaiziva kuti vatadzi uye kuti vanoda nyasha dzaMwari. Vanofanira kunge vaimbofunga nezvechipikirwa chaJehovha maererano nenyoka uye Mbeu yomukadzi. Zvokuti inguva yakadini nesimba zvakapedzerwa naKaini naAbheri mukukudziridza ukama hunotenderwa naJehovha hazvina kunyorwa. Asi zvakaitwa naMwari pavakaunza zvipiriso zvavo zvinotiita kuti tinzwisise pfungwa dzomukati-kati dzomumwe nomumwe wavo.

Dzimwe nyanzvi dzinoti Evha aiona Kaini se“mbeu” yacho yaizoparadza nyoka, nokuti pakazvarwa Kaini akati: “Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJehovha.” (Genesi 4:1) Kana Kaini zviri izvo zvaaifungawo, akanga akarasika zvachose. Kune rumwe rutivi, chibayiro chaAbheri chakapiwa pamwe nokutenda. Nokudaro, “nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chaikosha kupfuura chaKaini.”—VaHebheru 11:4.

Kunzwisisa kwaAbheri zvinhu zvomudzimu nokusanzwisisa kwaKaini hausiriwo chete musiyano waiva pakati pomukoma nomunun’una ava. Vaiva vakasiyanawo pamafungiro. Saka, “Jehovha [aka]gamuchira Abheri nechipiriso chake; asi Kaini nechipiriso chake haana kuchigamuchira.” Kungava kuti Kaini akangoita zvokupira zvachero, pfungwa dzake nomwoyo zvisipo uye achingoti zvimubve. Asi Mwari haana kutendera kunamatwa kwomuitirowo zvakwo. Kaini akanga ava nomwoyo wakaipa, uye Jehovha akazviona kuti aiva nevavariro dzakaipa. Zvakaitwa naKaini pakarambwa chipiriso chake zvinoratidza zvaakanga ari chaizvo. Pane kuti atsvake kugadzirisa zvinhu, “Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikawunyana.” (Genesi 4:5) Maitiro ake akaratidza pfungwa nevavariro dzakaipa.

Kunyeverwa uye Zvaakazoita

Achiziva mafungiro aKaini, Mwari akamupa zano achiti: “Watsamwireiko? Chiso chako chakawunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.”—Genesi 4:6, 7.

Ipapa pane chidzidzo kwatiri. Chaizvoizvo, chivi chinogara chiri pamukova chichida kutiparadza. Asi Mwari akatipa mano okuzvisarudzira, uye tinogona kusarudza kuita zvakarurama. Jehovha akakumbira Kaini ‘kuita zvakanaka,’ asi haana kumumanikidza kuchinja. Kaini akasarudza nzira yake oga.

Nhoroondo yacho yakafuridzirwa inopfuurira kuti: “Zvino Kaini wakataurirana nomunun’una wake Abheri; vakati vari kusango, Kaini ndokumukira Abheri munun’una wake, akamuuraya.” (Genesi 4:8) Nokudaro Kaini akava mhondi isingateereri, ine utsinye. Haana kana kutomboratidza kunyara paakabvunzwa naJehovha kuti: “Uripiko Abheri munun’una wako?” Asi, asina kana tsitsi, Kaini akapindura achichenama kuti: “Handizivi; ndini mufudzi womunun’una wangu kanhi?” (Genesi 4:9) Kunyepa zviri pachena ikoko nokuramba zvaakanga aita kwakaratidza kuti Kaini akanga akaoma mwoyo.

Jehovha akatuka Kaini ndokumudzinga munharaunda yeEdheni. Kutukwa kwakanga kwaitwa ivhu zviri pachena kuti kwaizonyanya kuoneka pana Kaini, uye nyika yaisazomeresa zvinhu paaiirima. Aizofamba-famba achidzungaira nenyika. Kunyunyuta kwaiita Kaini kuti chirango chake chakurisa kunoratidza kuti aityira kuti kuponda kwaakanga aita munun’una wake kwaizotsividzwa paari, asi haana kumboratidza kunyatsopfidza. Jehovha akaisira Kaini “chiratidzo”—chingava chiziviso chaikosha chaizivikanwa uye chaichengetwa nevamwe uye chaiva chaitirwa kumudzivirira kuti asaurayiwa achitsividzwa.—Genesi 4:10-15.

Kaini “wakabva pamberi paJehovha, akandogara panyika yeNodhi kumabvazuva kweEdheni.” (Genesi 4:16) Atora mukadzi pakati pehanzvadzi dzake kana kuti vana vevanun’una, akavaka guta raakatumidza mushure maEnoki, dangwe rake. Muzukuru waKaini, Rameki akava munhu anoda zvokurwa sezvakanga zvakaita sekuru vake vaisatya Mwari. Asi mutsara wedzinza raKaini wakatsvairwa wose muMafashamo omuzuva raNoa.—Genesi 4:17-24.

Zvidzidzo Kwatiri

Tinogona kudzidza kubva munhoroondo dzaKaini naAbheri. Muapostora Johani anokurudzira vaKristu kudanana, “kwete [kuita] saKaini, akabva kune wakaipa akaponda munun’una wake.” Uye ‘mabasa aKaini akanga akaipa, asi omunun’una wake akanga akarurama.’ Johani anotiwo: “Munhu wose anovenga hama yake muurayi, uye munoziva kuti hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.” Hungu, nzira yatinobata nayo vamwe vaKristu ine chokuita noukama hwedu naMwari uye tariro yedu youpenyu. Hatingatarisiri kuwana tendero yaMwari uku tichivenga chero upi noupi watinotenda naye.—1 Johani 3:11-15; 4:20.

Kaini naAbheri vanofanira kuva vakarerwa zvakafanana, asi Kaini akanga asina kutenda muna Mwari. Akatoratidza mudzimu waDhiyabhorosi ‘muurayi wokutanga nababa venhema.’ (Johani 8:44) Nzira yaKaini inoratidza kuti tose tine chisarudzo, kuti avo vanoita zvivi vanozviparadzanisa naMwari, uye kuti Jehovha anotonga vaya vasingapfidzi.

Ukuwo Abheri akava nokutenda muna Jehovha. Chaizvoizvo, “nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chaikosha kupfuura chaKaini, kunove kutenda kwaakapupurirwa nakwo kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira pamusoro pezvipo zvake.” Kunyange zvazvo Magwaro asina kana shoko rimwe rakataurwa naAbheri, kuburikidza nokutenda kwake kwomuenzaniso, “achiri kutaura.”—VaHebheru 11:4.

Abheri akanga ari wokutanga pamutsetse murefu wevanhu vakatendeka. Ropa rake, iro ‘raidanidzira kuna Jehovha panyika,’ harina kukanganwika. (Genesi 4:10; Ruka 11:48-51) Kana tikava nokutenda sokwaiva naAbheri, nesuo tinogona kuva noukama hunokosha uye hunogara naJehovha.

[Bhokisi riri papeji 22]

MURIMI NOMUFUDZI

Kurima muvhu nokutarisira mhuka ndiyo mimwe yemitoro yakanga yapiwa Adhamu pakutanga naMwari. (Genesi 1:28; 2:15; 3:23) Mwanakomana wake Kaini akaita zvokurima, uye Abheri akava mufudzi. (Genesi 4:2) Zvisinei, sezvo zvokudya zvevanhu zvaiva michero nemiriwo chete kusvikira pashure peMafashamo, ko hwai dzaichengeterwei?—Genesi 1:29; 9:3, 4.

Kuti dzikure zvakanaka hwai dzinoda kutarisirwa nevanhu. Basa raAbheri rinoratidza kuti vakapfuya zvipfuyo izvi kubvira pakatanga nhau yevanhu. Magwaro haatauri kana vanhu vokutanga-tanga vaishandisa mukaka wemhuka sechokudya, asi kunyange vaya vanodya miriwo chete vanogona kushandisa mvere dzehwai. Uye kana hwai dzafa, matehwe adzo ane basa zvikuru. Somuenzaniso kuti apfekedze Adhamu naEvha, Jehovha akavapa “nguo dzematehwe.”—Genesi 3:21.

Chero zvazvaive, zvinoratidza kuva nomusoro kufunga kuti Kaini naAbheri pakutanga vaishandira pamwe. Vaiita chimwe chinhu chaidiwa nevamwe vari mumhuri kuitira kuti vapfeke uye vadye.

[Mufananidzo uri papeji 23]

‘Mabasa aKaini akanga akaipa, asi omunun’una wake akanga akarurama’