Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waunovimba Naye ndiMwari Chaiye Here?

Waunovimba Naye ndiMwari Chaiye Here?

Waunovimba Naye ndiMwari Chaiye Here?

Rimwe boka rakatumwa neAmerican Museum of Natural History rakanga richienda kunodzidza nyika yeArctic iyo mumwe mufambi anonzi Robert E. Peary akanga ataura kuti akaona makore manomwe akanga apfuura, muna 1906.

ARI kuCape Colgate nechokumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweNorth America, Peary akanga aona airatidzika semakomo enyika iri kure kure. Akaipa zita rokuti Crocker Land richibva pazita romumwe wevaimutsigira nemari. Hakusi kufara kwakaita nhengo dzeboka rakaita rwendo rwokunoona kana zviri zvechokwadi padzakaona nzvimbo yaiva pamberi padzo yaiva nezvikomo, mapani, uye makomo ane sinou pamusoro! Asi nenguva pfupi vakazoziva kuti vakanga vasina chavaiona kunze kwemanyiminya eArctic. Manyiminya aya akanga avhiringa maziso aPeary, uye pavakazozviziva, vakanga vashandisa nguva, simba, uye zvavaiva nazvo kuti vaongorore chinhu chakanga chisipo.

Nhasi, vanhu vakawanda vanozvipira pamwe chete nenguva yavo kuvamwari vavanodavira kuti variko. Mumazuva evaapostora vaJesu, vamwari vakadai saHemesi naZeusi vainamatwa. (Mabasa 14:11, 12) Nhasi vamwari vanonamatwa nevaShinto, vaHindu, nezvimwe zvitendero zvenyika vanosvika kumamiriyoni. Zvechokwadi sezvinotaura Bhaibheri, “kune ‘vanamwari’ vakawanda ‘nemadzishe’ akawanda.” (1 VaKorinde 8:5, 6) Vose ivava vangava vanamwari chaivo here?

Vamwari ‘Vasingagoni Kuponesa’

Somuenzaniso funga nezvokushandiswa kwezvifananidzo nezviratidzo mukunamata. Kuvaya vanovimba nazvo kana kunyengetera vachizvishandisa, zvidhori zvinoita sezvinoponesa uye sezvine simba rinopfuura revanhu rinogona kupa vanhu mubayiro kana kuvanunura pangozi. Asi zvinogona kuponesa zvechokwadi here? Nezvezvinhu zvakadaro, munyori wepisarema akaimba kuti: “Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, mubato wamaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni; zvine nzeve, asi hazvinzwi; hakuna kufema pamiromo yazvo.” Zvechokwadi, ivo ndivanamwari ‘vasingagoni kuponesa.’—Pisarema 135:15-17; Isaya 45:20.

Ichokwadi kuti vaya vanogadzira zvidhori vangati basa remaoko avo rine upenyu uye simba. Uye vaya vanonamata zvidhori vanovimba nazvo. “Vanochikwidza [chidhori] pafudzi,” akadaro muprofita Isaya, “vanochitakura, ndokuchigadzika panzvimbo yacho, icho ndokumira.” Akawedzera kuti: “Hachibvi panzvimbo yacho, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwachiri, hachigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake.” (Isaya 46:7) Chokwadi ndechokuti chidhori chinongoramba chisina upenyu pasinei nokuti vanovimba nacho vanochidavira zvakadini. Zvivezwa nezviumbwa zvakadaro ndivanamwari vasina maturo.—Habhakuki 2:18.

Kunamata, kana kuti kuyemura zvinopfuura mwero magamba evaraidzo, emitambo, uye zvematongerwe enyika, nevamwe vatungamiriri vezvitendero kwakapararira nhasi. Uyezve, mari iri kunamatwa nevakawanda. Muchimwe nechimwe cheizvi, zvidhori izvi zvinoitwa kuti zvive zvazvisiri. Hazvibviri kuti zvipe vanotenda mazviri zvose zvavanotarisira kuwana. Somuenzaniso, pfuma ingaita seinokwanisa kupedza zvinetso zvose zvoupenyu, asi simba repfuma rinonyengera. (Mako 4:19) Mumwe muongorori akabvunza kuti: “Neiko zvakadaro kuti chinhu chinotsvakwa nemaziso matsvuku zvakadaro nevanhu vakawanda zvakadaro, uye vachidavira kuti ndicho chinopedza zvinetso zvose, kana vachiwana chinofanira kuva nemigumisiro yakaipa inobva pakuora mwoyo kusvika pakunetseka nepfungwa?” Hungu, kutsvaka pfuma kungada kuti munhu arasikirwe nechinhu chine ukoshi chaihwo, chakadai soutano hwakanaka, upenyu hwemhuri hunogutsa, ushamwari hwechokwadi, kana kuti ukama hunokosha noMusiki. Mwari wake anozova chinhu ‘chenhema chisina maturo’!—Jona 2:8.

“Kwakanga Kusina Unopindura”

Upenzi kuti chinhu chisipo chiripo. Vanamati vamwari ainzi Bhaari muzuva romuprofita Eriya vakazozviziva zvavaipira. Vaidavira zvakasimba kuti Bhaari aiva nesimba rokuita kuti moto ubve kudenga wopisa chipiriso chemhuka. Vakato“dana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti: Bhaari tinzwei!” Bhaari aiva nenzeve dzaigona kunzwa nomuromo waigona kutaura here? Nyaya yacho inopfuurira kuti: “Kwakanga kusina inzwi kana unopindura.” Zvechokwadi ‘kwakanga kusina wakanga achiteerera.’ (1 Madzimambo 18:26, 29) Bhaari akanga asipo, asiri mupenyu, kana kuti Mwari anobatsira.

Zvinokosha zvikuru kuti tisvike pakuziva tonamata Mwari chaiye! Asi iye ndiani? Uye kuvimba naye kungatibatsira sei?

[Mifananidzo iri papeji 3]

Mumwe waPeary, Egingwah ari kuongorora jengachenga kuti vaone kana vava kusvika kune nyika

Robert E. Peary

[Kwazvakatorwa]

Egingwah: Kubva mubhuku rinonzi The North Pole: Its Discovery in 1909 Under the Auspices of the Peary Arctic Club, 1910; Robert E. Peary: NOAA

[Mifananidzo iri papeji 4]

Vakawanda vanonyengedzwa nezviri kunamatwa munyika muno