Kutsungirira “Munzwa Munyama”
Kutsungirira “Munzwa Munyama”
“Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira.”—2 VAKORINDE 12:9.
1, 2. (a) Nei tisingafaniri kunetseka nokuti tinotarisana nemiedzo nezvinetso? (b) Nei tichigona kuva nechivimbo kana tatarisana nemiedzo?
“VOSE vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Nei zvakadaro? Nokuti Satani anoti munhu anoshumira Mwari nokuda kwezvikonzero zvoudyire chete, uye ane shungu dzokuratidza kuti akanga asinganyepi. Jesu akamboyambira vaapostora vake vakanga vakatendeka kuti: “Satani akarayira kuti ave nemi varume akuzungurei segorosi.” (Ruka 22:31) Jesu ainyatsoziva kuti Mwari anobvumira Satani kutiedza nezvinetso zvinorwadza. Asi hazvo izvozvo hazvirevi kuti zvinetso zvose zvatinotarisana nazvo muupenyu zvinobva zvakananga kuna Satani nemadhimoni ake. (Muparidzi 9:11) Asi Satani ari kuda chaizvo kushandisa chero chaanokwanisa kuita kuti aputse kuvimbika kwedu.
2 Bhaibheri rinotiudza kuti hatifaniri kushamiswa pamusoro pemiedzo yedu. Chero chinotiwira, hachisi chinhu chitsva kana kuti chisingatarisirwi. (1 Petro 4:12) Chokwadi ndechokuti ‘zvinhu izvozvo zvatiri kutambura zvizhinji zviri kuitika musangano rose rehama [dzedu] munyika yose.’ (1 Petro 5:9) Nhasi, Satani ari kumanikidza zvisingaiti vashumiri vose vaMwari. Dhiyabhorosi anofadzwa nokutiona tichitambudzwa nezvinetso zvakaita seminzwa zvakawanda sezvinobvira. Kuti adaro, anoshandisa nyika zvokuti ingangowedzera ‘minzwa munyama yedu’ kana kuita kuti inyanyise kurwadza. (2 VaKorinde 12:7) Kunyange zvakadaro, hatifaniri kutadziswa naSatani kuvimbika. Sezvo Jehovha ‘achaita nzira yokubuda nayo’ kuti titsungirire miedzo, achaita kudaro patinotarisana nenhamo dzakaita seminzwa munyama yedu.—1 VaKorinde 10:13.
Nzira Yokutsungirira Nayo Munzwa
3. Jehovha akapindura sei apo Pauro akamukumbira kubvisa munzwa waiva munyama yake?
3 Muapostora Pauro akakumbira Mwari kuti abvise munzwa munyama yake. “Nokuda kwaizvozvi ndakateterera Ishe katatu kuti ubve.” Jehovha akatii nechikumbiro chaPauro? “Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” (2 VaKorinde 12:8, 9) Ngationgororei mhinduro iyi toona kutibatsira kwaingatiita kutsungirira zvinetso zvipi nezvipi zvakaita seminzwa zvingatirwadza.
4. Pauro akanga abatsirwa nomutsa usina kufanirwa waJehovha munzira dzipi?
4 Ona kuti Mwari akakurudzira Pauro kuonga mutsa usina kufanirwa waakanga atoratidzwa kuburikidza naKristu. Chokwadi, Pauro akanga akomborerwa zvikuru munzira dzakawanda. Jehovha akamupa norudo ropafadzo yokuva mudzidzi, kunyange zvazvo aiva mupikisi mukuru wevateveri vaJesu. (Mabasa 7:58; 8:3; 9:1-4) Zvadaro Jehovha akapa Pauro nomutsa mabasa neropafadzo dzakawanda dzinonakidza. Zvatinodzidza apa zvakajeka. Kunyange munguva dzakaomesesa, tichine zvikomborero zvakawanda zvokufara nazvo. Miedzo yedu haifaniri kumboita kuti tikanganwe kunaka kwaJehovha kwakakura.—Pisarema 31:19.
5, 6. (a) Jehovha akadzidzisa sei Pauro kuti simba raMwari rino“itwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba”? (b) Muenzaniso waPauro wakaratidza sei kuti Satani murevi wenhema?
5 Mutsa usina kufanirwa waJehovha unoratidza kuti wakakwana mune imwe nzira. Tine simba raMwari rakawanda kwazvo rokutibatsira kukunda miedzo yedu. (VaEfeso 3:20) Jehovha akadzidzisa Pauro kuti simba raMwari riri “kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Sei? Nenzira yorudo akapa Pauro simba rose raaida kuti atsungirire muedzo wake. Kutsungirira kwaPauro nokuvimba kwake zvakakwana naJehovha kwakaratidzawo vose kuti simba raMwari rakanga riri kukunda pamurume uyu akanga asina simba uye aiva nezvivi. Zvino chifunga kuti Dhiyabhorosi akanzwa sei, uyo anotaura kuti vanhu vanongonamata Mwari pavanenge vagere zvakanaka uye vasina chiri kuvaomera. Kutendeseka kwaPauro kwakava kurohwa kumeso kwomucheri iyeye!
6 Ndiyeyuka Pauro aimbobatsira Satani kurwisana naMwari, mutambudzi asina tsitsi wevaKristu, muFarisi aishingaira, uyo pasina mubvunzo akanga agere zvakanaka kwazvo nokuti akanga akazvarirwa mumhuri yakasimukira. Pauro zvino akanga ava kushumira Jehovha naKristu so“muduku pavaapostora vose.” (1 VaKorinde 15:9) Zvaakanga akadaro, akanga achizviisa nokuzvininipisa pasi pesimba redare rinodzora rechiKristu romuzana remakore rokutanga. Uye akanga achitsungirira nokutendeka pasinei nomunzwa wake waiva munyama. Miedzo youpenyu haina kuita kuti kushingaira kwaPauro kuderere, zvikaita kuti Satani agumbuke kwazvo. Pauro haana kumbobvisa pfungwa dzake patariro yokuti aizovawo muUmambo hwokudenga hwaKristu. (2 Timoti 2:12; 4:18) Hapana munzwa, nyangwe wairwadza zvakadini, waigona kuderedza kushingaira kwake. Kushingaira kwedu ngakurambe kwakasimbawo kudaro! Nokutitsigira mumiedzo, Jehovha anotiremekedza neropafadzo yokubatsira kuratidza kuti Satani murevi wenhema.—Zvirevo 27:11.
Zvatinopiwa naJehovha Zvinokosha
7, 8. (a) Jehovha anoshandisa nzira dzipi kupa vashumiri vake simba nhasi? (b) Nei kuverenga Bhaibheri mazuva ose kuchibatsira kwazvo kuti titsungirire munzwa munyama yedu?
7 Nhasi, Jehovha anopa vaKristu vakatendeka simba achishandisa mudzimu mutsvene wake, Shoko rake, uye hama dzedu dzechiKristu. Kufanana nomuapostora Pauro, tinogona kukanda mitoro yedu kuna Jehovha mumunyengetero. (Pisarema 55:22) Kunyange zvazvo Mwari angasabvisa miedzo yedu, anogona kutipa uchenjeri hwokuitsungirira, kunyange iya yakaoma kwazvo kutsungirira. Jehovha anogona kutipawo ushingi—achitipa “simba rinopfuura romuzvarirwo”—kuti atibatsire kutsungirira.—2 VaKorinde 4:7.
8 Tinobatsirwa sei kudaro? Tinofanira kushingaira kudzidza Shoko raMwari, nokuti imomo ndimo matinowana nyaradzo yechokwadi. (Pisarema 94:19) MuBhaibheri tinoverenga mashoko anobaya mwoyo evashumiri vaMwari sezvavaikumbira kubatsirwa naMwari. Mhinduro dzaJehovha, dzinowanzosanganisira mashoko anonyaradza, dzinoda kufungisiswa. Kudzidza kuchatisimbisa kuitira kuti “simba rinopfuura romuzvarirwo rive raMwari kwete rinobva matiri.” Sezvo tichida kudya zvokudya mazuva ose kuti tivakwe miviri yedu nokuwana simba, naizvozvo tinofanira kudya mashoko aMwari nguva dzose. Ndizvo zvatinoita here? Kana tichidaro, ipapo tichaona kuti kugamuchira kwedu “simba rinopfuura romuzvarirwo” kunotibatsira kutsungirira minzwa ipi neipi yokufananidzira ingatitambudza iye zvino.
9. Vakuru vangatsigira sei vari kutsungirira zvinetso?
9 Vakuru vechiKristu vanotya Mwari vanogona kuva “utiziro pamhepo,” kana kuti “chivando pakunaya kukuru kwemvura,” kureva kuti, dziviriro panhamo nezvinetso. Vakuru, vanoda kukodzera rondedzero iyoyo yakafuridzirwa, vanokumbira nokuzvininipisa uye nomwoyo wose kuti Jehovha avape “rurimi rwavakadzidziswa” kuitira kuti vazive mapinduriro avangaita vanotambura nemashoko akakodzera. Mashoko anotaurwa nevakuru anogona kuita semvura inopfunha-pfunha iyo inotonhodza nokuita kuti pfungwa dzedu dzigadzikane munguva dzakaoma dzoupenyu. Nokutaura “nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza,” vakuru vanotsigira zvechokwadi hama nehanzvadzi dzavo dzokumudzimu dzingadaro dziri kupera simba kana kuora mwoyo zvichikonzerwa nomumwe munzwa uri munyama yadzo.—Isaya 32:2; 50:4; 1 VaTesaronika 5:14.
10, 11. Vashumiri vaMwari vangakurudzira sei vamwe vari kutambura nemiedzo yakakura?
10 Vashumiri vose vaJehovha vari mumhuri yake yakabatana yechiKristu. Hungu, “somunhu oga tiri mitezo yomumwe nomumwe,” uye “tinosungirwawo kudanana.” (VaRoma 12:5; 1 Johani 4:11) Tingaita sei zvatinosungirwa kuita izvi? Maererano na1 Petro 3:8, tinoita kudaro ‘nokunzwirana ngoni, kudanana kwazvo sehama, uye kunzwira tsitsi zvikuru’ vose vane ukama nesu mukutenda. Kana vari vaya vari kutsungirira munzwa munyama uri kurwadza zvikuru, vangava vaduku kana vakuru, tose zvedu tinogona kufunga nezvavo kupfuura zvenguva dzose. Sei?
11 Tinofanira kuedza kunzwa tichinetseka nokutambura kwavanoita. Kana tisina tsitsi, tisingarwadziwi, kana kuti tisingambonetseki, tingaita kuti kutambura kwavo kunyanyise tisingazivi. Kuziva kwedu miedzo yavo kunofanira kutiita kuti tingwarire pane zvatinotaura, matauriro atinozviita, uye maitiro atinoita. Kuva kwedu netariro uye vanokurudzira kunogona kubatsira kuderedza mamwe marwadzo makuru eminzwa ipi neipi iri kuvatambudza. Nokudaro tingaratidza kuti tiri yamuro inosimbisa kwavari.—VaKorose 4:11.
Kutsungirira Kwaitwa Nevamwe Zvinobudirira
12-14. (a) Mumwe muKristu akaitei kuti atsungirire kenza? (b) Hama nehanzvadzi dzainamata nomukadzi uyu dzakamukurudzira sei?
12 Sezvatinosvika pedyo nomugumo wemazuva ano okupedzisira, “marwadzo enhamo” ari kuwedzera zuva nezuva. (Mateu 24:8) Saka, miedzo ingangotambudza munhu wose pasi pano, kunyanya vashumiri vaJehovha vakatendeka, avo vari kuda kuita kuda kwake. Somuenzaniso, funga nezvomumwe muKristu aiva muushumiri hwenguva yakazara. Akaonekwa kuti aiva nekenza uye aifanira kubviswa nhengo dzinobudisa mate. Apo iye nomurume wake vakaziva kuti aiva nechirwere ichi, pakarepo vakataura naJehovha mumunyengetero murefu wokuteterera. Akazoti vakanzwa kugadzikana kusingadaviriki. Kunyange zvakadaro, akamborarama achiti pamwe omborwadziwa zvakanyanya, pamwe zvomboita nani, kunyanya paaitsungirira kurwadza kwaikonzerwa nokurapwa kwaaiitwa.
13 Kuti ibate nemamiriro ayo ezvinhu, hanzvadzi iyi yakaedza kudzidza zvakawanda sezvayaigona nezvekenza. Yakakurukura navanachiremba vayo. MuNharireyomurindi neMukai!, nemamwe mabhuku echiKristu, yakawana nhoroondo dzevanhu dzairatidza kuti vakatsungirira sei urwere uhwu. Yakaverengawo ndima dzakakodzera dzomuBhaibheri dzinoratidza kukwanisa kwaJehovha kutsigira vanhu vake mumatambudziko, nemamwewo mashoko anobatsira.
14 Imwe nyaya yaitaura nezvokutsungirira kuora mwoyo yakataura mashoko aya ouchenjeri: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake.” (Zvirevo 18:1) Naizvozvo, nyaya yacho yakapa zano iri: “Hatifaniri kuzviparadzanisa navamwe.” * Hanzvadzi yacho inoti: “Vakawanda vakanditaurira kuti vakanga vachindinyengeterera; vamwe vaindiridzira runhare. Vakuru vaviri vaigara vachindiridzira runhare kuti vanzwe kuti ndiri sei. Ndakatambira maruva nemakadhi akawanda ekwaziso. Vamwe vaitogadzira zvokudya. Uyezve, vakawanda vaizvipira kundiendesa kunorapwa.”
15-17. (a) Mumwe muKristu akatsungirira sei zvinetso zvakakonzerwa netsaona? (b) Vaya vari muungano vakapa tsigiro yorudzii?
15 Mumwe ave achishumira Jehovha kwenguva refu muNew Mexico, U.S.A., akapinda mutsaona yemotokari kaviri. Mutsipa nemapfudzi ake zvakakuvara, zvichiwedzera chirwere chearthritis chaave ari kutsungirira kwemakore anodarika 25. Anorondedzera kuti: “Zvaindiomera kusimudza musoro wangu uye kutakura chimwe chinhu chairema kudarika makirogiramu maviri. Asi kunyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose kwanditsigira zvikuru. Ndizvo zvakaitawo nyaya dziri muNharireyomurindi dzatakadzidza. Imwe yakataura pamusoro paMika 6:8, ichiti kuva nomwero pakufamba naMwari kunoreva kuziva zvausingakwanisi kuita. Izvi zvakandibatsira kuona kuti pasinei zvapo nemamiriro angu ezvinhu, handifaniri kuora mwoyo, kunyange zvazvo nguva yandaipedza ndiri muushumiri yaiva shoma pane yandaida. Kumushumira nevavariro dzakanaka ndiko kunonyanya kukosha.”
16 Anotiwo: “Vakuru vanogara vachindirumbidza pamusoro pezvandinoita kuti ndipinde misangano nokubuda muushumiri hwomumunda. Vechiduku vanondikwazisa vachindimbundira. Mapiyona aiva nomwoyo murefu neni uye aiwanzogadziridza zvirongwa zvawo misi yandinenge ndisinganzwi zvakanaka. Mamiriro okunze paainge asina kunaka, vaienda neni kudzokerero kana kundikoka kuti ndivewo pazvidzidzo zvavo zveBhaibheri. Uye sezvo ndakanga ndisingagoni kutakura bhegi remabhuku, vamwe vaparidzi vaiisa mabhuku angu mumabhegi avo pandaibuda mubasa rokuparidza.”
17 Cherechedza kuti vakuru vomuungano nevamwe vanamati vaibatsira sei hanzvadzi mbiri idzi kuti dzitsungirire urwere hwadzo hwakaita seminzwa. Vaiti vanoda kudzibatsira nomutsa, nechinangwa chokugovera zvadzaida pakunamata, mumuviri, uye mumanzwiro adzo. Izvozvo hazvikukurudziri kuyamura dzimwe hama nehanzvadzi dziri kuva nezvinetso here? Imiwo vechiduku munogona kuyamura vaya vari muungano yenyu vari kurwisana neminzwa iri munyama yavo.—Zvirevo 20:29.
18. Ikurudziroi yatingawana munyaya dzoupenyu dzinobudiswa mumagazini eNharireyomurindi neMukai!?
18 Magazini eNharireyomurindi neMukai! akabudisa nyaya dzoupenyu dzakawanda nenhoroondo dzeZvapupu zvakatsungirira, uye zvichiri
kutsungirira zvinetso muupenyu. Sezvaunogara uchiverenga nyaya dzakadaro, uchaona kuti dzakawanda dzehama nehanzvadzi dzako pasi pose dzakatsungirira nhamo dzemari, kufirwa nevadikanwi munjodzi, nemamiriro ezvinhu ane ngozi omuhondo. Dzimwe dzinorarama nezvirwere zvinoremadza. Dzakawanda hadzigoni kuita zvinhu zviri nyore muupenyu izvo zvinoonekwa nevakagwinya sezvisina kuoma. Urwere hwadzo hunodziedza zvakanyanya, kunyanya padzinenge dzisingagoni kuita basa rechiKristu sezvadzingada. Dzinoonga kwazvo kubatsira nokutsigirwa kwadzinoitwa nehama nehanzvadzi dzadzo, huru neduku!Kutsungirira Kunounza Mufaro
19. Nei Pauro aikwanisa kufara pasinei zvapo nemiedzo nokusava nesimba kwakaita seminzwa?
19 Pauro akafara kuona masimbisiro ayo Mwari akamuita. Akati: “Ndingasva zvangu ndazvirumbidza nomufaro mukuru kwazvo pamusoro pokusava nesimba kwangu, kuti simba raKristu rirambe riri pamusoro pangu setende. Naizvozvo ndinofara nokusava nesimba, nokutukwa, nokushayiwa, nokutambudzwa nezvinetso, nokuda kwaKristu. Nokuti pandinenge ndisina simba, ndipo pandine simba.” (2 VaKorinde 12:9, 10) Pamusana pezvaiitika kwaari izvi, Pauro aigona kutaura nechivimbo kuti: “Handisi kutaura nezvokushayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana, mumamiriro ezvinhu ose andinenge ndiri. Zvechokwadi ndinoziva kuva nezvinhu zvishoma, zvechokwadi ndinoziva kuva nezvakawanda. Muzvinhu zvose uye mumamiriro ezvinhu ose ndakadzidza nzira yokuva akaguta nokuva ane nzara, zvose zviri zviviri kuva nezvakawanda uye kushayiwa. Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:11-13.
20, 21. (a) Nei tingawana mufaro mukufungisisa “zvinhu zvisingaoneki”? (b) Ndezvipi zvimwe “zvinhu zvisingaoneki” zvaunotarisira kuona muParadhiso yepasi pano?
20 Saka, naizvozvo, nokutsungirira chero munzwa upi zvawo wokufananidzira uri munyama yedu, tinogona kuwana mufaro mukuru mukuratidza munhu wose kuti simba raJehovha riri kuitwa rakakwana mukusava nesimba kwedu. Pauro akanyora kuti: “Hatiregi . . . Zvechokwadi munhu watiri nechomukati ari kuvandudzwa zuva nezuva. Nokuti kunyange kutambudzika kwacho kuri kwenguva duku uye kwakareruka, kunotiitira mbiri inokosha inotova huru zvikuru uye ndeyekusingaperi; [sezvatinoramba] takatarira . . . zvinhu zvisingaoneki. Nokuti zvinhu . . . zvisingaoneki ndezvekusingaperi.”—2 VaKorinde 4:16-18.
21 Vakawanda vevanhu vaJehovha nhasi vanotarisira kurarama muParadhiso yake yepasi pano uye kuwana zvikomborero zvaakapikira. Zvikomborero zvakadaro zvinganzi ‘hazvioneki’ kwatiri nhasi. Zvisinei, nguva iri kusvika nokukurumidza patichaona zvikomborero izvozvo nemaziso edu, hungu, tonakidzwa nazvo nokusingaperi. Chimwe chezvikomborero izvozvo ruchava rusununguko rwokusazombofanirazve kurarama nechinetso chipi nechipi chakaita somunzwa! Mwanakomana waMwari ‘achaputsa mabasa aDhiyabhorosi’ ‘oparadza uyo ane simba rokuparira rufu.’—1 Johani 3:8; VaHebheru 2:14.
22. Tinofanira kuva nechivimbo chei uye tinofanira kutsunga kuitei?
22 Naizvozvo, chero munzwa upi zvawo uri munyama yedu uri kutirwadza nhasi, ngatirambei tichiutsungirira. Kufanana naPauro, tichava nesimba rokuita kudaro kuburikidza naJehovha, uyo anotipa simba. Patinenge tichirarama muparadhiso yepasi pano, ticharumbidza Jehovha Mwari wedu mazuva ose nokuda kwezvose zvinoshamisa zvaanotiitira.—Pisarema 103:2.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 14 Ona nyaya inoti “Zvinotaura Bhaibheri: Nzira Yokukunda Nayo Kuora Mwoyo,” iri muMukai! yaMay 8, 2000.
Ungapindura Sei?
• Nei Dhiyabhorosi achiedza kuputsa kutendeseka kwevaKristu vechokwadi uye anozviita sei?
• Simba raJehovha rinoitwa sei kuti “rive rakakwana mukusava nesimba”?
• Vakuru nevamwe vangakurudzira sei vaya vanorwadziwa nezvinetso?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 18]
Katatu Pauro akanyengetera kuti Mwari abvise munzwa waiva munyama yake