Chiedza chaMwari Chinodzinga Rima!
Chiedza chaMwari Chinodzinga Rima!
“Jehovha uchavhenekera rima rangu.”—2 SAMUERI 22:29.
1. Chiedza chinei chokuita noupenyu?
“MWARI akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo.” (Genesi 1:3) Nemashoko iwayo anokosha, nhoroondo yokusika iri muna Genesi inoratidza kuti kuna Jehovha ndiko kunobva chiedza, pasi pano paisazova noupenyu chisipo. Kuna Jehovha ndikowo kunobva chiedza chomudzimu, chinokosha kuti titungamirirwe muupenyu. (Pisarema 43:3) Mambo Dhavhidhi akaratidza kubatana kwakanyatsoita chiedza chomudzimu noupenyu paakanyora kuti: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.”—Pisarema 36:9.
2. Sezvakaratidza Pauro, chiedza chakabatana zvikuru nei?
2 Makore anenge 1 000 pashure penguva yakararama Dhavhidhi, muapostora Pauro akataura nezvenhoroondo yokusika. Achinyorera ungano yechiKristu yaiva muKorinde, akati: “Mwari ndiye akati: ‘Chiedza ngachipenye murima.’” Ipapo Pauro akaratidza kuti chiedza chomudzimu chakabatana zvikuru nezivo inobva kuna Jehovha paakawedzera kuti: “Akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere nezivo ine mbiri pamusoro paMwari nechiso chaKristu.” (2 VaKorinde 4:6) Chiedza ichi chinosvika sei kwatiri?
Bhaibheri—Rinofambisa Chiedza
3. Kuburikidza neBhaibheri, Jehovha anopa chiedza chei?
3 Jehovha anotumira chiedza chomudzimu zvikurukuru achishandisa Shoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri. Saka sezvatinodzidza Bhaibheri tichipinza mupfungwa zivo inobva kuna Mwari, tiri kubvumira chiedza chake kutivhenekera. Kuburikidza neBhaibheri, Jehovha anovhenekera chiedza pazvinangwa zvake uye anotiudza kuti tingaita sei kuda kwake. Izvi zvinoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa uye zvinobatsira kugutsa zvatinoda pakunamata. (Muparidzi 12:1; Mateu 5:3) Jesu akasimbisa kuti tinofanira kutarisira zvatinoda pakunamata, paaidzokorora mashoko oMutemo waMosesi achiti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.’”—Mateu 4:4; Dheuteronomio 8:3.
4. Jesu “chiedza chenyika” munzirai?
4 Jesu anobatanidzwa zvikuru nechiedza chomudzimu. Chokwadi, akazviti ndiye “chiedza chenyika” ndokuti: “Anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.” (Johani 8:12) Kutaura uku kunotibatsira kunzwisisa basa rinokosha rina Jesu pakutaurira vanhu chokwadi chaJehovha. Kana tichida kudzivisa rima tofamba muchiedza chaMwari, tinofanira kuteerera zvose zvinotaurwa naJesu tonyatsotevera muenzaniso nedzidziso dzake sezvakanyorwa muBhaibheri.
5. Vateveri vaJesu vakava nomutoroi pashure porufu rwake?
5 Mazuva mashomanana asati afa, Jesu, achizviti zvekare chiedza, akaudza vadzidzi vake kuti: “Chiedza chichava pakati penyu kwenguva duku. Fambai muchine chiedza, kuti rima rirege kukukurirai; uye anofamba murima haazivi kwaari kuenda. Pamunenge muchine chiedza, ivai nokutenda muchiedza, kuti muve vanakomana vechiedza.” (Johani 12:35, 36) Vaya vakava vanakomana vechiedza vakadzidza “muenzaniso wemashoko anopa utano” weBhaibheri. (2 Timoti 1:13, 14) Vakabva vashandisa mashoko anopa utano aya kukwevera vamwe vanhu vane mwoyo yakatendeseka kubva murima kupinda muchiedza chaMwari.
6. Ichokwadi chipi chinokosha pamusoro pechiedza nerima chatinowana pana 1 Johani 1:5?
6 Muapostora Johani akanyora kuti: “Mwari chiedza uye hamuna kana nerima rose mukuva pamwe naye.” (1 Johani 1:5) Cherechedza musiyano uripo pakati pechiedza nerima. Chiedza chomudzimu chinobva kuna Jehovha, uye hazvigoni kunzi ane chokuita nerima romudzimu. Saka zvino, rima rinobva kunaani?
Rima Romudzimu—Kwarinobva
7. Ndiani ari kukonzera rima romudzimu renyika, uye ane simba rei?
7 Muapostora Pauro akataura nezva“mwari wegadziriro ino yezvinhu.” Nemashoko iwayo, aireva Satani Dhiyabhorosi. Akaenderera mberi achiti iyeyu “akapofumadza pfungwa [dzevasingatendi], kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.” (2 VaKorinde 4:4) Vakawanda vanoti vanodavira muna Mwari; asi nhamba yavo inoramba ichiwedzera haidaviri kuti kuna Dhiyabhorosi. Nei? Havadi kubvuma kuti rimwe simba rakaipa, rinopfuura vanhu ringangodaro riripo uye rinodzora mafungiro avo. Kunyange zvakadaro, sokuratidza kunoita Pauro, Dhiyabhorosi ariko zvechokwadi, uye anodzora vanhu zvokuti havagoni kuona chiedza chechokwadi. Simba raSatani rokudzora mafungiro evanhu rinoonekwa muuprofita hunomurondedzera souyo “ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Somugumisiro wemabasa aSatani, zvakafanotaurwa naIsaya iye zvino zvinoshanda kuvanhu vose kunze kwevaya vanoshumira Jehovha, paakati: “Tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu.”—Isaya 60:2.
8. Vaya vari murima romudzimu vanoratidza sei kuti vakavhiringika?
8 Hazvibviri kuona chinhu murima rakati ndoo. Zviri nyore kwazvo kuti munhu arasike kana kuvhiringika. Saizvozvowo, vaya vari murima romudzimu vanoshaya nzwisiso uye nokukurumidza vanovhiringika mupfungwa yomudzimu. Vanogona kutadza kutsauranisa chokwadi nenhema, zvakanaka nezvakaipa. Muprofita Isaya akataura nezvevaya vari murima rakadaro paakanyora kuti: “Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.” (Isaya 5:20) Vaya vanogara murima romudzimu vanodzorwa namwari werima, Satani Dhiyabhorosi, uye vanopedzisira vaparadzaniswa netsime rechiedza noupenyu.—VaEfeso 4:17-19.
Kubva Murima Kuenda Kuchiedza—Chinetso Chacho
9. Tsanangura madiro anoita vatadzi rima mose mupfungwa chaiyo uye yomudzimu.
9 Jobho akanga akatendeka akataura nezvemadiro anoita vatadzi rima paakati: “Ziso remhombwewo rinomirira rubvunza vaeni, achiti: Hakuna ziso richandiona; ndokufukidza chiso chake.” (Jobho 24:15) Vatadzi variwo murima romudzimu, uye rima rakadaro rinogona kudzungaidza. Muapostora Pauro akataura kuti unzenza, kuba, makaro, kudhakwa, kutuka, uye ugororo zvinhu zvakajairika kune vaya vanobatwa mumusungo murima iroro. Asi chero ani zvake anouya kuchiedza cheShoko raMwari anogona kuchinja. Mutsamba yake kuvaKorinde, Pauro anojekesa kuti kuchinja kwakadaro kunogona kuitika. VaKorinde vakawanda vaimboita mabasa erima, asi Pauro akavataurira kuti: “Asi makagezwa mukachena, asi makatsveneswa, asi makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu nomudzimu waMwari wedu.”—1 VaKorinde 6:9-11.
10, 11. Jesu akaratidza sei kuti aiva nehanya nomurume waakaita kuti akwanise kuona? (b) Nei vakawanda vasingasarudzi chiedza?
10 Munhu paanobva murima rakati ndoo achipinda muchiedza, maziso ake angangoda kanguva kuti azonyatsoona. PaBhetisaidha, Jesu akarapa murume aiva bofu asi nenzira yomutsa akazviita zvishoma nezvishoma. “Akabata bofu ruoko, akaribudisa kunze kwomusha, uye, akati apfira mate pamaziso aro, akaisa maoko ake pariri akatanga kuribvunza kuti: ‘Pane chauri kuona here?’ Murume wacho akatarira-tarira akatanga kuti: ‘Ndinoona vanhu, nokuti ndinocherechedza zvinoratidzika semiti, asi vari kufamba-famba.’ Ipapo akaisazve maoko ake pamaziso omurume wacho, murume wacho akaona zvakajeka, uye akaporeswa, uye akanga achinyatsoona zvinhu zvose.” (Mako 8:23-25) Zvichida Jesu akaita kuti murume wacho agone kuona zvishoma nezvishoma kuitira kuti murume wacho akwanise kuchinja achijairana nechiedza chezuva. Tinogona kufungidzira mufaro womurume iyeye paakanga ava kukwanisa kuona.
11 Zvisinei, mufaro wakanzwiwa nomurume iyeye unopfuurwa nomufaro wevaya vanobatsirwa kubuda murima romudzimu, zvishoma nezvishoma, vachipinda muchiedza chechokwadi. Patinoona mufaro wavo, tingashamisika kuti nei vamwe vasiri kukweverwa kuchiedza chacho. Jesu anopa chikonzero chacho: “Kutongwa kunovakirwa pachinhu ichi kuti chiedza chakauya munyika asi vanhu vakada rima panzvimbo pechiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. Nokuti uyo ane tsika yokuita zvakaipa anovenga chiedza uye haauyi kuchiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.” (Johani 3:19, 20) Hungu vakawanda vanoda kuita “zvakaipa”—zvakadai sounzenza, kudzvinyirira, kunyepa, kunyengedzera, uye kuba—uye murima raSatani romudzimu ndimo makanyanyovanakira kuti vaite sezvavanoda.
Kufambira Mberi Muchiedza
12. Takabatsirwa munzirai nokuuya kuchiedza?
12 Kubva zvatakasvika pazivo yechiedza, chii chataona chichichinja patiri? Dzimwe nguva zvakanaka kuti ticheuke tichiongorora kufambira mberi kwataita pakunamata. Miitiroi yakaipa yatakarasa? Zvinetsoi muupenyu hwedu zvatakakwanisa kururamisa? Urongwa hwedu hweramangwana hwakachinja sei? Nesimba raJehovha uye nokubatsira kwomudzimu mutsvene wake, tinogona kuramba tichichinja muunhu hwedu nemafungiro edu zvicharatidza kuti tiri kubatsirwa nechiedza. (VaEfeso 4:23, 24) Pauro anozvitaura nenzira iyi: “Maimbove rima, asi zvino mave chiedza munaShe. Rambai muchifamba sevana vechiedza, nokuti zvibereko zvechiedza zvinoumbwa nokunaka kworudzi rwose nokururama nechokwadi.” (VaEfeso 5:8, 9) Kuzvibvumira kutungamirirwa nechiedza chaJehovha kunotipa tariro nechinangwa uye kunoita kuti upenyu hwevakatipoteredza huve nani. Uye kuchinja kwakadaro kunoita kuti mwoyo waJehovha ufare kwazvo!—Zvirevo 27:11.
13. Tingaratidza sei kuonga chiedza chaJehovha, uye chii chinodiwa kuti tiite kudaro?
13 Tinoratidza kuonga kwedu upenyu hunofadza zvikuru hwatinahwo nokuratidza chiedza chaJehovha—kutaurira vomumhuri medu, shamwari, nevavakidzani zvatakadzidza muBhaibheri. (Mateu 5:12-16; 24:14) Kune vaya vanoramba kuteerera, kuparidza kwedu pamwe chete noupenyu hwedu hwechiKristu hwomuenzaniso zvinovatsiura. Pauro anotsanangura kuti: “Rambai muchiva nechokwadi chezvakanaka kunaShe; uye musagoverana navo mumabasa asina zvibereko erima, asi, panzvimbo paizvozvo, itoashorai.” (VaEfeso 5:10, 11) Kubatsira vamwe kurega rima vosarudza chiedza kunoda kuti tishinge. Zvinonyanya kukosha, kunoda kuti tinzwire vamwe tsitsi nehanya nechido chomwoyo wose chokuvaratidza chiedza chechokwadi kuti vabatsirwe nokusingaperi.—Mateu 28:19, 20.
Ngwarira Zviedza Zvokubata Kumeso!
14. Panyaya yechiedza, tinofanira kuteerera nyeveroi?
14 Kune vaya vanenge vari mugungwa pakunenge kuine rima, vanofara pavanoona pose pane chiedza. Kare, moto yaimboveswa pamawere ane mabwe eEngland kuratidza vaya vanenge vawirwa nemadutu kwavanogona kuhwanda. Vashandi vomungarava vaifara kuratidzwa nezviedza izvi kune zviteshi zvavanogona kuenda kuti vachengeteke. Kunyange zvakadaro, mimwe moto yaiva yokubata kumeso. Pane kuwana chiteshi, ngarava dzakawanda dzaitsauswa dzonorovera pamhenderekedzo dzine matombo, uko zvadzainge dzakatakura zvaibiwa. Munyika ino ine unyengeri, tinofanira kungwaririra kusakwezvwa nezviedza zvokubata kumeso zvinogona kutikwezva kuti tiparare mumudzimu. “Satani anoramba achizvishandura kuva ngirozi yechiedza,” tinoudzwa kudaro. Ndizvo zvinoitawo vashumiri vake, kusanganisira vakaramba kutenda, “vashandi vanonyengera,” vano“ramba vachizvishandurawo kuva vashumiri vokururama.” Kana tikatevedzera kutaura kwenhema kwevakadaro, kuvimba kwedu neShoko raJehovha rechokwadi, Bhaibheri, kunogona kuneteswa uye kutenda kwedu kunogona kufa.—2 VaKorinde 11:13-15; 1 Timoti 1:19.
15. Chii chichatibatsira kuramba tiri pamugwagwa unoenda kuupenyu?
15 Munyori wepisarema akanyora kuti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Hungu, “mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu” wakanyatsovhenekerwa naMwari wedu ane rudo, Jehovha, “uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (Mateu 7:14; 1 Timoti 2:4) Kushandisa mirayiro yeBhaibheri kuchatidzivirira kuti tisatsauke pamugwagwa wakamanikana tichipinda munzira dzerima. Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (2 Timoti 3:16) Sezvatinokura mumudzimu, tinodzidziswa neShoko raMwari. Tichibatsirwa neShoko raMwari, tinogona kuzvitsiura kana kuti, kana zvichidiwa, kutsiurwa nevafudzi vane rudo vari muungano. Saizvozvowo tinogona kururamisa zvinhu tobvuma kurangwa mukururama nenzira yokuzvininipisa kuti tirambe tichifamba munzira inoenda kuupenyu.
Famba Muchiedza Nenzira Yokuonga
16. Tingaonga sei chipo chinoshamisa chaJehovha chechiedza?
16 Tingaratidza sei kuonga chipo chaJehovha chechiedza? Johani chitsauko 9 inotiudza kuti Jesu paakaporesa murume akazvarwa ari bofu, murume wacho akanzwa achida kutaura kuonga kwake. Sei? Akatenda muna Jesu soMwanakomana waMwari uye akamuzivisa pachena so“muprofita.” Uyezve, akataura noushingi achipikisana nevaya vaida kuedza kushora chishamiso chaJesu. (Johani 9:17, 30-34) Muapostora Petro anodana nhengo dzakazodzwa dzeUngano yechiKristu kuti “vanhu vake chaivo” [Kristu]. Nei? Nokuti vanonzwawo kufara sezvakaita murume uya wokuzvarwa ari bofu uye akaporeswa. Vanoonga Jehovha, Mubatsiri wavo, ‘nokuzivisa kwose kwose kunaka kweakavadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chinoshamisa.’ (1 Petro 2:9; VaKorose 1:13) Vaya vane tariro yepasi pano vanoongawo zvakadaro, uye vanotsigira hama dzavo dzakazodzwa mukuzivisa pachena “kunaka” kwaJehovha. Iropafadzo yakakura zvakadini iyo Mwari anopa vanhu vasina kukwana!
17, 18. (a) Munhu oga oga ane mutoro wei? (b) Mukutevedzera Timoti, muKristu oga oga anokurudzirwa kusaitei?
17 Kuonga nomwoyo wose chiedza chechokwadi kunokosha. Yeuka, hapana nomumwe wedu anozvarwa achiziva chokwadi. Vamwe vanochidzidza vakura, uye vanokurumidza kuona simba rechiedza parima. Vamwe vane mukana wakanaka kwazvo wokurerwa nevabereki vanotya Mwari. Kune vakadaro, zvingava nyore chaizvo kuti vangorerutsa havo chokwadi. Chimwe Chapupu chine vabereki vaishumira Jehovha chisati chazvarwa chinobvuma kuti zvakachitorera nguva yakawanda nesimba kuti chione kukosha kwechokwadi chachakanga chadzidza kubva chichiri chiduku uye zvainyatsoreva chokwadi ichi. Tingava vaduku kana vakuru, mumwe nomumwe wedu anofanira kukudziridza kuonga kwakadzama nokuda kwechokwadi chakaziviswa naJehovha.
18 Murume wechiduku Timoti akanga adzidziswa “zvinyorwa zvitsvene” kubva ari kamwana, asi akatozokura kuva muKristu nokuzvishandisa zvikuru muushumiri hwake. (2 Timoti 3:15) Zvino akanga ava kukwanisa kubatsira muapostora Pauro, uyo akamukurudzira kuti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” Tose zvedu, kufanana naTimoti, ngatiregei kuita chero chingatinyadzisa—kana kuti chingaita kuti Jehovha atinyarire!—2 Timoti 2:15.
19. (a) Kufanana naDhavhidhi, mumwe nomumwe wedu ane chikonzero chokutaura kuti chii? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
2 Samueri 22:29) Asika, hatingadi kuvarairwa zvedu, sezvo izvi zvichigona kuita kuti tipedzisire tadzokera kurima ratakambonunurwa mariri. Naizvozvo, nyaya inotevera ichatibatsira kuyera makoshesero atinoita chokwadi chaMwari muupenyu hwedu.
19 Tine chikonzero chose chokurumbidza Jehovha, uyo akatipa chiedza chechokwadi chake. Kufanana naMambo Dhavhidhi, tinoti: “Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu.” (Wadzidzei?
• Jehovha anopa sei chiedza chomudzimu?
• Rima romudzimu rakatipoteredza rinotipa chinetso chei?
• Ingozi ipi yatinofanira kudzivisa?
• Tingaratidza sei kuonga kwatinoita chiedza chechokwadi?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 8]
Kuna Jehovha ndiko kunobva chiedza chaicho nechomudzimu
[Mufananidzo uri papeji 10]
Sezvo Jesu akaporesa murume aiva bofu zvishoma nezvishoma, ndiwo mabatsiriro aanotiita kubuda murima romudzimu
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kutsauswa nechiedza chaSatani chokubata kumeso kunoguma nokuparara mumudzimu