Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Nepfungwa Yokuzvipira

Kushumira Nepfungwa Yokuzvipira

Nyaya Youpenyu

Kushumira Nepfungwa Yokuzvipira

YAKATAURWA NADON RENDELL

Amai vangu vakafa muna 1927 pandaiva nemakore mashanu chete. Asi, kutenda kwavo kwakadzora upenyu hwangu zvikuru. Izvozvo zvakaitika sei?

AMAI vangu vaiva nhengo yakasimba yeChechi yeEngland pavakaroorwa nababa vangu, vaiva nyanzvi yechiuto. Hondo Yenyika I yaiva isati yaitika. Hondo Yenyika I yakatanga muna 1914, uye Amai vakapokana nomufundisi wavo nokuti aishandisa chikuva chomuchechi kupinza vanhu muchiuto. Ko mufundisi wacho akapindura kutii? “Enda kumba, usazvinetse nemibvunzo yakadaro!” Izvozvo hazvina kuvagutsa.

Muna 1917, hondo yava kutsviriridza, Amai vakaenda kunoona bhaisikopo re“Photo-Drama of Creation.” Vagutsikana kuti vakanga vawana chokwadi, vakabva vasiya chechi yavo kuti vapinde neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Vaipinda misangano neimwe ungano yaiva muYeovil, guta raiva pedyo nomusha wedu weWest Coker, muruwa rweEngland rweSomerset.

Munguva pfupi amai vakagoverana chitendero chavo chitsva nevanun’una vavo vatatu. Nhengo dzechikuru dzomuungano yeYeovil dzakanditsanangurira mashingairiro aiita amai vangu nomunun’una wavo Millie vachitenderera ndima yedu yakakura yomuruwa nebhasikoro, vachiparadzira mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri ainzi Studies in the Scriptures. Zvinosuwisa kuti mwedzi 18 yavo yokupedzisira muupenyu hwavo, Amai vakanga vava kugara varere vachirwara netibhii, iyo yakanga isati yava nomushonga panguva iyoyo.

Kuita Zvokuzvipira

Amainini Millie, avo vaigara nesu panguva iyoyo, vaitarisira Amai pavakatanga kurwara nokunditarisira nehanzvadzi yangu yaiva nemakore manomwe, Joan. Pakafa Amai, Amainini Millie pakarepo vakati vaida kutitarisira. Baba, vachifara kuti vakanga vazorodzwa pamutoro uyu, vakakurumidza kubvuma kuti Amainini Millie vagare nesu zvachose.

Takazenge tava kuda amainini vedu zvokuti uye takafara kuti vaizoramba vachigara nesu. Asi nei vakaita chisarudzo chakadaro? Makore akawanda pava paya, Amainini Millie vakatiudza kuti vaiziva kuti vaiva nebasa rokuvakira pafandesheni yakanga yasiyiwa naAmai—kudzidzisa ini naJoan chokwadi cheBhaibheri—chimwe chinhu chavaiziva kuti baba vedu vaisambofa vakaita, sezvo vakanga vasingafariri zvechitendero.

Takazozivawo kuti Amainini Millie vakanga vaita chimwe chisarudzo chaikosha zvikuru. Vaisada kufa vakaroorwa, kuti vatitarisire zvakakwana. Kuzvipira zvikuru kwakadaro! Ini naJoan tine zvikonzero zvakawanda zvokuvaonga kwazvo. Zvose zvatakadzidziswa naAmainini Millie nomuenzaniso wavo wakaisvonaka zvakaramba zviri matiri.

Nguva Yokuita Chisarudzo

Ini naJoan taipinda pachikoro chomumusha cheChurch of England uko Amainini Millie vakatimiririra zvakasimba kumukuru wechikoro padzidziso dzedu dzechitendero. Vamwe vana pavaienda kuchechi, taienda kumba, uye apo mufundisi aiuya kuchikoro kuzopa mharidzo, taigara pedu toga uye takapiwa ndima dzeMagwaro dzokudzidzira nomusoro. Izvi zvakandibatsira, sezvo ndima idzi dzichiramba dziri mundangariro mangu zvisingadzimiki.

Ndakasiya chikoro ndiine makore 14 kuti ndiite kosi yokudzidzira basa kwemakore mana pafekitari yaigadzira chizi. Ndakadzidzawo kuridza piyano, uye kutamba mimhanzi kwakava chinhu chandaifarira. Chokwadi cheBhaibheri, kunyange zvacho chakanga chadzika midzi mumwoyo mangu, chakanga chisati chashanda mandiri. Ipapo rimwe zuva muna March 1940, chimwe Chapupu chechikuru chakandikoka kuti ndiende nacho kugungano kuSwindon, mufambo wemakiromita 110. Albert D. Schroeder, mushumiri aitungamirira Zvapupu zvaJehovha muBritain, ndiye akapa hurukuro yavose. Gungano racho rakaratidza kuti ndiro rakabva rachinja upenyu hwangu.

Hondo Yenyika II yaitsviriridza. Ndaiitei noupenyu hwangu? Ndakasarudza kudzokera kuImba yoUmambo yeYeovil. Pamusangano wangu wokutanga kupinda, uchapupu hwomumugwagwa hwakatangwa. Pasinei nokuti ndaisaziva zvakawanda, ndakazvipira kuitawo basa iri, izvo zvakashamisa vakawanda vaizviti shamwari dzangu avo vaindinyomba pavaipfuura!

Muna June 1940, ndakabhabhatidzwa muguta reBristol. Shure kwomwedzi mumwe chete ndakanyoresa sapiyona wenguva dzose—muparidzi weevhangeri wenguva yakazara. Hakusi kufara kwandakaita tangoti gare gare pakaratidza hanzvadzi yangu kuzvitsaurira kwayo nokubhabhatidzwa mumvura!

Kupayona Munguva Yehondo

Gore rimwe chete hondo yatanga, ndakagamuchira mapepa okundipinza muchiuto. Pandakanyoresa somunhu asingadi kupinda muchiuto nokuda kwechitendero changu muYeovil, ndaifanira kumira pamberi pedare muBristol. Ndakanga ndava kupayona naJohn Wynn muCinderford, kuGloucestershire, uye pashure pacho muHaverfordwest neCarmarthen, kuWales. * Pava paya, mudare remhosva muCarmarthen, ndakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu mujeri rokuSwansea, nefaindi ye£25 [Z$1 875,00]—mari yakanga yakawanda zvikuru mazuva iwayo. Ndakazopedzisira ndapiwa mumwe mutongo wemwedzi mitatu ndatadza kubhadhara faindi iyoyo.

Pane rimwe dare rechitatu, ndakabvunzwa kuti: “Hauzivi here kuti Bhaibheri rinoti, ‘Ipai Kesari zvaKesari’?” Ndikati “Hungu ndinozviziva, asi ndiri kuda kupedzisa ndima iyoyo: ‘naMwari zvaMwari.’ Ndizvo zvandiri kuita izvozvo.” (Mateu 22:21, King James Version) Mavhiki mashomanana gare gare, ndakagamuchira tsamba yaindiudza kuti ndakanga ndasunungurwa pakumanikidzwa kupinda muchiuto.

Mukutanga kwa1945, ndakakokwa kuti ndivewo mumhuri yeBheteri yomuLondon. Muchirimo chakatevera, Nathan H. Knorr, uyo aitungamirira mubasa rokuparidzira renyika yose, nomunyori wake, Milton G. Henschel, vakashanya kuLondon. Ndaive pakati pehama sere dzechiduku dzomuBritain dzakanyorwa kuti dzinopinda kirasi yechisere yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chokudzidzisa mamishinari.

Migove Youmishinari

Musi waMay 23, 1946, takapinda mungarava yainzi Liberty tichibva pachiteshi chokuCornwall kuFowey. Kaputeni wepachiteshi chacho ainzi Collins, aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye sezvatakasimuka, akaridza sairini. Sezvinongowanzoitika, tose taiti uku tiri kufara uku tiri kusuwa sezvataiona mahombokombe okuEngland achisara. Patakayambuka Atlantic gungwa rakanga rakazara mafungu, asi pashure pemazuva 13 takasvika muUnited States tisina chatiwana.

Kupinda Gungano raMwari reMarudzi Anofara remazuva masere kuCleveland, Ohio, kubva musi waAugust 4 kusvika ku11, 1946 kwaiva chiitiko chisingakanganwiki. Paiva nevapindi 80 000, kusanganisira 302 vaibva kune dzimwe nyika 32. Pakokorodzano iyoyo magazini yeMukai! * yakatanga kubudiswa, uye bhuku rokushandisa kudzidza Bhaibheri rainzi “Mwari Ngaave Wechokwadi” rakabudiswa kuchita chevanhu vaizofara.

Takapedza zvidzidzo paGiriyedhi muna 1947, uye ini naBill Copson takagoverwa kunoshandira kuEgypt. Asi tisati taenda, ndakabatsirwa nokudzidziswa basa romuhofisi naRichard Abrahamson paBheteri yokuBrooklyn. Takaburukira muAlexandiria, uye ndakakurumidza kujairana nemararamiro okuMiddle-East. Zvisinei, kudzidza mutauro weArabic kwakanga kwakaoma saka ndaitofanira kushandisa makadhi okupupura mumitauro mina.

Bill Copson akagara kwemakore manomwe, asi ini ndakatadza kuita kuti vhiza rangu rimutsiridzwe pashure pegore rokutanga, saka ndaifanira kubuda munyika yacho. Pandinotarira shure kugore iroro roushumiri hwoumishinari ndinoona riri iro rine zvibereko kupfuura mamwe ose muupenyu hwangu. Ndakava neropafadzo yokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinopfuura 20 vhiki imwe neimwe, uye vamwe vevakadzidza chokwadi ipapo vachiri kushingaira kurumbidza Jehovha. Kubva kuEgypt ndakanzi ndiende kuCyprus.

Cyprus uye Israel

Ndakatanga kudzidza mutauro mutsva, chiGiriki, uye kuedza kurovedzana nechaitaurwa imomo. Nguva pfupi gare gare, apo Anthony Sideris akakumbirwa kuti atamire kuGreece, ndakagadzwa kuti nditarisire basa romuCyprus. Panguva iyoyo hofisi yebazi yomuCyprus yaitarisirawo Israel, uye ndichiperekedzana nedzimwe hama, ndaifanira kushanyira nguva nenguva Zvapupu zvishoma zvaiveko.

Parwendo rwangu rwokutanga kuIsrael, takava nekagungano kaduku muHaifa, kakapindwa nevanhu 50 kusvika ku60. Nokuparadzanisa marudzi emo, takaita purogiramu yegungano racho mumitauro mitanhatu! Pachimwe chiitiko ndakakwanisa kuratidza muJerusalem rimwe firimu rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, ndikapa hurukuro yavose yakataurwa nezvayo zvakanaka nepepanhau rechiRungu.

MuCyprus maiva neZvapupu 100 panguva iyoyo, uye zvaifanira kurwira kutenda kwazvo zvakasimba. Mhomho dzaitungamirirwa nevapristi vechechi yeGreek Orthodox dzaikanganisa magungano edu, uye kwandiri kaiva kokutanga kutemwa nematombo tichipupurira mumaruwa. Ndakatozodzidza kukurumidza kutiza! Tichipikiswa zvine chisimba zvakadaro, zvaisimbisa kutenda pakatumirwa mamwe mamishinari kuchitsuwa chacho. Dennis naMavis Matthews pamwe chete naJoan Hulley naBeryl Heywood vakabatana neni muFamagusta, asi Tom naMary Goulden naNina Constanti, wokuCyprus akaberekerwa kuLondon, vakaenda kuLimassol. Panguva imwe cheteyo, Bill Copson akatamisirwawo kuCyprus, achizoteverwa naBert naBeryl Vaisey.

Kujairana Nokuchinja Kwezvinhu

Pakazopera 1957, ndakatanga kurwara uye ndakanga ndisisakwanisi kuramba ndiri mubasa rangu roumishinari. Ndakasuwa, ndakasarudza kudzokera kuEngland kuti ndimbonaya, kwandakasvikoramba ndichipayona kusvikira 1960. Hanzvadzi yangu nomurume wayo vakandipa pokugara nomutsa, asi zvinhu zvakanga zvachinja. Joan aiona zvinhu zvichiramba zvichioma. Kuwedzera pakutarisira murume wake nomwanasikana wake, mumakore 17 andaiva ndisipo, aiva achitarisira norudo baba vedu uye Amainini Millie, avo panguva ino vakanga vachembera uye vachirwara. Ndakaona zvakafanira kuti nditevedzere muenzaniso waamainini vangu wokuzvipira, saka ndakagara nehanzvadzi yangu kusvikira amainini vangu nababa vafa.

Zvingadai zvakava nyore zvikuru kunyatsogadzikana muEngland, asi mushure mokungoti zororei, ndakanzwa ndichifanira kudzokera kumugove wangu. Ko sangano raJehovha rakanga risina kushandisa mari yakawanda kundidzidzisa here? Saka muna 1972, ndakashandisa mari yangu kudzokera kuCyprus kunopayona ikoko zvekare.

Nathan H. Knorr akasvika kuti azoronga nezvekokorodzano yaizoitwa gore raitevera. Paakaziva kuti ndakanga ndadzoka, akarumidza kuti ndigadzwe somutariri wedunhu wechitsuwa chacho chose, ropafadzo yandakava nayo kwemakore mana. Zvisinei ibasa rainetsa, sezvo raireva kutaura chiGiriki kakawanda kacho.

Nguva Yematambudziko

Ndaigara mumusha weKarakoumi, kumabvazuva kweKyrenia nechokumahombekombe okumaodzanyemba pamba pamwe chete naPaul Andreou, chimwe Chapupu chokuCyprus chaitaura chiGiriki. Hofisi yebazi yeCyprus yaiva muNicosia, kuchamhembe kweMakomo eKyrenia. Kumavambo kwaJuly 1974, ndaiva muNicosia apo kuedza kubvisa Mutungamiriri wenyika Makarios pachigaro kwakaitika, uye ndakaona imba yake ichiroromeswa nemoto. Pazvakanga zvisina ngozi kuenda parwendo, ndakakurumidza kudzokera kuKyrenia, kwataigadzirira gungano redunhu. Pashure pemazuva maviri ndakanzwa kuputika kwebhomba rokutanga pachiteshi chengarava, ndikaona mudenga makazara herikoputa dzichiunza mauto aibva kuTurkey.

Sezvo ndaive chizvarwa cheBritain, mauto okuTurkey akandiendesa kumucheto kweNicosia, kwandakabvunzurudzwa nevakuru vakuru veUnited Nations vakazotaura nehofisi yebazi. Ndakazotarisana nepfumvu yokupinda nomutambo dzemagetsi nenhare zvakapiringishana-piringishana kuti ndiende kumisha yakanga yasiyiwa nevanhu yaiva kune rumwe rutivi rwenzvimbo iri pakati pevairwisana. Ndakazofara sei kuziva kuti kurukurirano yangu naJehovha Mwari yaisagona kukanganiswa! Minyengetero yangu yakandisimbisa muchimwe chezviitiko zvaiodza mwoyo zvikuru muupenyu hwangu.

Ndakanga ndarasikirwa nezvinhu zvangu zvose, asi ndakafara kuti ndakanga ndakachengetedzwa nehofisi yebazi. Zvisinei, izvi hazvina kuenderera mberi zvakadaro. Mumazuva mashomanana, mauto aipinda nechisimba akanga ava kudzora rutivi rwokumaodzanyemba rwechitsuwa. PaBheteri paifanira kubviwa, uye takatamira kuLimassol. Ndakafara kushanda nedare reikoko rakaumbwa kuti ritarisire hama 300 dzakanga dzakanganiswa nemhirizhonga yacho, zhinji dzacho dzakanga dzarasikirwa nemisha yadzo.

Kuramba Ndichichinjwa Basa

Muna January 1981, Dare Rinodzora rakandikumbira kutamira kuGreece kunobatana nemhuri yeBheteri yeAthens, asi pakazopera gore, ndakanga ndadzoka muCyprus uye ndagadzwa somutariri weDare Rebazi. Andreas Kontoyiorgis nomudzimai wake, Maro, vokuCyprus vainge vatumwa vachibva kuLondon, vakava “yamuro inosimbisa” kwandiri.—VaKorose 4:11.

Pakapedza Theodore Jaracz kushanya kwake somutariri wenyika muna 1984, ndakagamuchira tsamba yaibva kuDare Rinodzora yaingoti: “Kana Hama Jaracz vapedza, tinoda kuti uende navo kuGreece.” Hapana chikonzero chakapiwa, asi patakasvika muGreece, imwe tsamba yaibva kuDare Rinodzora yakaverengerwa Dare Rebazi, ichindigadza somutariri weDare Rebazi romunyika iyoyo.

Panguva ino muGreece maiva nevairamba kutenda. Kupomerwa kutendeutsa zvisiri pamutemo kwakanga kwakawandawo. Zuva roga roga, vanhu vaJehovha vaisungwa vachimiswa pamberi pematare. Yaiva ropafadzo chaiyo kusvika pakuziva hama nehanzvadzi dzakatendeka pamiedzo! Dzimwe nyaya dzavo dzakapedzisira dzakwidzwa kuDare reEurope reKodzero Dzevanhu, dzikatongwa zvakanaka zvikaita kuti basa rokuparidzira rifambe zvakanaka muGreece. *

Pandaishumira muGreece, ndakakwanisa kupinda kokorodzano dzandisingakanganwi muAthens, Thessalonica, uye muzvitsuwa zveRhodes neCrete. Aiva makore mana anofadza azere nezvibereko, asi kumwe kuchinja kwaiva munzira—kudzokera kuCyprus muna 1988.

Cyprus uye Kudzoka kuGreece

Pandakanga ndabva muCyprus, hama dzakanga dzawana nzvimbo yokuvaka zvivako zvebazi zvitsva muNissou, makiromita mashomanana kubva kuNicosia, uye Carey Barber, wokudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, akapa hurukuro yokutsaurira. Zvinhu zvakanga zvagadzikana pachitsuwa chacho iye zvino, uye ndakafara kuti ndakanga ndadzoka—asi hakuna kuzova kwenguva yakanyatsoreba.

Dare Rinodzora raiva rabvumira urongwa hwokuvaka musha mutsva weBheteri muGreece, makiromita akati kuti kumaodzanyemba kweAthens. Sezvo ndaikwanisa kutaura chiRungu nechiGiriki, ndakakokwa kuti ndidzoke kuzoshanda paivakwa muna 1990 ndichiturikira pakati pemhuri yevashumiri vanobva kumarudzi akasiyana-siyana vaishandapo. Ndichiri kuyeuka kufara kwandaiita ndichisvika panzvimbo yokuvaka na6:00 mangwanani muzhizha, ndichichingura mazana ehama nehanzvadzi dzechiGiriki dzakanga dzazvipira kuzoshanda nemhuri yokuvaka! Ndangariro dzokufara nokushingaira kwavaiita ndicharamba ndinadzo.

Vapristi veGreek Orthodox nevatsigiri vavo vakaedza kupinda maivakwa kuti vamise basa redu, asi Jehovha akanzwa minyengetero yedu, tikachengetedzwa. Ndakaramba ndiri paivakwa kusvikira musha mutsva weBheteri watsaurirwa musi waApril 13, 1991.

Kutsigira Hanzvadzi Yangu Inodiwa

Gore rakatevera, ndakadzokera kuEngalnd ndiri pazororo, ndichigara nehanzvadzi yangu nomurume wayo. Zvinosiririsa kuti pandaivepo, mukuwasha wangu akangoerekana abatwa nechirwere chemwoyo kaviri ndokubva afa. Joan akanga anditsigira nomwoyo wose mubasa rangu roumishinari. Hapana vhiki yaipfuura asina kundinyorera tsamba yokundikurudzira. Hakusi kukosha kunoita tsamba dzakadaro kumumishinari upi zvake! Iye zvino akanga ava chirikadzi, utano hwake husisina kutsarukana uye achida tsigiro. Ndaizozviita sei?

Mwanasikana waJoan, Thelma, nomurume wake vakanga vachitochengeta imwe chirikadzi yakatendeka yomuungano mavo, mumwe wevazukuru vedu uyo aigara achirwara. Saka mushure mokunyengetera zvikuru, ndakasarudza kuti ndinofanira kugara ndibatsire kutarisira Joan. Hazvina kundiitira nyore kugadziridza, asi ndine ropafadzo yokushumira somukuru muPen Mill, imwe yeungano mbiri dzomuYeovil.

Hama dzandakashumira nadzo mhiri kwemakungwa dzinogara dzichikurukura neni nenhare uye netsamba, uye izvozvo ndinozvitenda. Ndikangotaura kuti ndinoda kudzokera kuGreece kana kuti Cyprus, ndinoziva kuti handinonoki kutumirwa tikiti rendege. Asi iye zvino ndava nemakore 80, uye maziso angu noutano hwangu hazvisisina kuita sezvazvaiva. Zvinoodza mwoyo kutadza kushingaira sezvawaichiita, asi makore angu epaBheteri akandibatsira kuva netsika dzokuita zvinhu dzakanaka dzinondibatsira nhasi. Somuenzaniso, nguva dzose ndinoverenga rugwaro rwezuva ndisati ndadya kudya kwemangwanani. Ndakadzidzawo kugarisana nevanhu zvakanaka uye kuvada—chinhu chinokosha kuti mumishinari abudirire.

Sezvandinotarisa kumashure kumakore ari kuma60 andakapedza ndichirumbidza Jehovha, ndinoziva kuti ushumiri hwenguva yakazara ndihwo dziviriro yakakura zvikuru uye hunopa dzidzo yakanakisisa. Ndinogona kudzokorora nomwoyo wangu wose mashoko aDhavhidhi kuna Jehovha okuti: “Makanga muri nhare yangu yakakwirira, noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.”—Pisarema 59:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Nyaya youpenyu yaJohn Wynn, inoti “Mwoyo Wangu Unopfachukira Nokuonga,” yakabuda muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1997, mapeji 25-28.

^ ndima 23 Yaizivikanwa nezita rokuti Consolation.

^ ndima 41 Ona Nharireyomurindi, yaDecember 1, 1998, mapeji 20-1, uye September 1, 1993, mapeji 27-31; Mukai!, yaJanuary 8, 1998, mapeji 28-31, uye yechiRungu yaMarch 22, 1997, mapeji 14-5.

[Mepu dziri papeji 24]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

GREECE

Athens

CYPRUS

Nicosia

Kyrenia

Famagusta

Limassol

[Mufananidzo uri papeji 21]

Amai muna 1915

[Mufananidzo uri papeji 22]

Padenga rechivako cheBheteri yokuBrooklyn muna 1946, inini (wechina kubva kuruboshwe) nedzimwe hama dzaiva mukirasi yechisere yeGiriyedhi

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndiina Amainini Millie pashure pokudzoka kwangu kuBritain kokutanga