Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Rudo Rwedu Rwakawedzerwa’

‘Rudo Rwedu Rwakawedzerwa’

‘Rudo Rwedu Rwakawedzerwa’

MUSI weChishanu, March 31, 2000, Mount Usu kuHokkaido, Japan, rakaputika zvekare mushure memakore 23. Zviuru zvinogarako zvaitofanira kutiza nzvimbo yacho ine ngozi. Vakawanda vakarasikirwa nemisha yavo uye mabasa, asi zvinofadza ndezvokuti hapana mumwe wavo akafa. Pavanhu vaifanira kutiza paiva neZvapupu zvaJehovha 46, asi hazvina kusiyiwa zvakadaro.

Zuva chairo rokuputika kwacho, nokubatsira kwomushumiri anofambira wechiKristu aishanda munzvimbo yacho, zvirongwa zvemabasa okuyamura zvakaitwa. Nenguva isipi, zvokuyamura zvakanga zvotosvika kare kubva muungano dzepedyo. Nokutungamirira kwebazi reJapan, dare rokuyamura rakaumbwa nokukurumidza, uye mipiro yokuyamura yakapiwa neZvapupu zvaJehovha zvomuJapan yakanga yakawanda kwazvo. Vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha vakatumirwa kuungano yakanga yanyanya kuwirwa nenjodzi kuti vanotsigira mabasa okunamata, uye mutariri wedunhu akashanyira nzvimbo yacho kakawanda kuti ape tsigiro mupfungwa nomumudzimu.

Zvapupu zvomunzvimbo yakanga yawirwa nenjodzi yacho hazvina kurega kupinda misangano yazvo yechiKristu munguva iyoyo yakaoma zvichishandisa misha yaiva munzvimbo isina ngozi. Pazvakanzi vanhu ngavachidzoka zvavo munzvimbo yacho iyo yaiva neImba yoUmambo, hama dzakawana chivako chati tsveyamei, chatsemuka uye chakwatuka-kwatuka. Pedyo neImba yoUmambo utsi hwakanga huchiri kubuda paburi regomo rakanga rakonzerwa nokuputika. Zvapupu zvakazvibvunza kuti, ‘Kuchenjera here kuramba tichiitira misangano munzvimbo iyi? Imba yoUmambo ingagadziriswazve here?’

Zvakasarudzwa kuti pavakwe Imba yoUmambo itsva munzvimbo isina ngozi yaiva pedyo. Rubatsiro rwaidiwa rwakapiwa neveDare Rokuvaka romuDunhu iroro. Mari yakapiwa neZvapupu zvomunyika yacho yose yakashandiswa pakuvaka uku. Nzvimbo yakawanikwa nokukurumidza, uye nemhaka yokuti mazana evazvipiri akabatsira, Imba yoUmambo yacho yakapedzwa munguva pfupi pfupi. Musi weSvondo July 23, 2000, musangano wokutanga wakaitirwa muImba yoUmambo iyi yakanga ichangovakwa wakapindwa nevanhu 75. Vakawanda pane vakapinda vakasvimha misodzi yomufaro. Pakatsaurirwa Imba yoUmambo yacho muna October gore rimwe chete iroro, mumwe wevakuru vomunzvimbo iyoyo akataura neshungu kuti: “Kuputika kwakakonzera nguva dzakaoma uye kutambura. Asi chivako ichi chachinja kutya kwedu kukava mufaro. Kuda kwedu Jehovha uye hama dzedu dzechiKristu dzinodiwa kwawedzerwa!”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

Kuputika kweMount Usu: AP Photo/Koji Sasahara