Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Kanganwiranai Zvikuru’

‘Kanganwiranai Zvikuru’

‘Kanganwiranai Zvikuru’

UNODAVIRA kuti Mwari akakukanganwira zvivi zvako here? MuUnited States, zvinoita sokuti vanhu vakuru vakawanda vanodavira kudaro. Dr. Loren Toussaint, munyori wokutanga weongororo yakaitwa paUniversity of Michigan Institute for Social Research, anoshuma kuti pavanhu 1 423 vokuAmerica vakabvunzurudzwa, vanopfuura 80 muzana yevanhu vakuru vane makore anopfuura 45 vakati Mwari akavakanganwira zvivi zvavo.

Zvisinei chinoshamisa ndechokuti 57 muzana chete yevakabvunzurudzwa vakati vakanga vakanganwirawo vamwe. Nhamba iyoyo inotiyeuchidza mashoko aJesu aakataura muMharidzo yepaGomo anoti: “Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo; asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.” (Mateu 6:14, 15) Hungu, kukanganwira kwaMwari zvivi zvedu, pamwero wakati, kunoenderana nokuda kwedu kukanganwira vamwe.

Muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu vaiva muKorose nezvenheyo yomutemo iyi. Akavakurudzira kuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru kana pane munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha sezvaakakukanganwirai zvikuru, nemiwo itai kudaro.” (VaKorose 3:13) Chokwadi, izvi hazvisi nyore kuita nguva dzose. Somuenzaniso, kana mumwe munhu akakuudza mashoko asina musoro kana kuti ehasha, zvingasava nyore kukanganwira.

Kunyange zvakadaro, kukanganwira kunobatsira zvakawanda. Dr. David R. Williams, muongorori mukuru, achitaura maererano nezvaakanga aongorora akati: “Takawana kuti kukanganwira vamwe kwakabatana zvikuru noutano hwepfungwa hwevanhu vokuAmerica vezera riri pakati nepakati uye vati kurei.” Izvi zvinopindirana nemashoko aMambo akachenjera Soromoni, uyo makore anenge 3 000 akapfuura akanyora kuti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.” (Zvirevo 14:30) Sezvo kukanganwira kuchikurudzira ukama hwakanaka naMwari uye nomuvakidzani wedu, tine chikonzero chakanaka chokuda kukanganwirana zvikuru zvinobva pamwoyo.—Mateu 18:35.