Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kuona Sei Miedzo?

Tinofanira Kuona Sei Miedzo?

Tinofanira Kuona Sei Miedzo?

MIEDZO! Munhu wose achatarisana nayo. Inogona kukonzerwa nokusiyana kwounhu, kuoma kwezvemari, utano husina kunaka, kunyengedzwa, kufurirwa nevezera kuita zvakashata, kutambudzwa, dambudziko rokuti tirambe tisina kwatakarerekera kana kuti tisanamate zvidhori, nezvimwewo zvinhu zvakawanda. Pasinei nokuti miedzo yatinosangana nayo yakadini, inowanzoita kuti tishushikane zvikuru. Tingabata sei nayo zvinobudirira? Pane nzira ipi neipi yainotibatsira nayo here?

Tsigiro Yakanakisisa

Mambo Dhavhidhi wekare akatarisana nemiedzo muupenyu hwake hwose, asi akafa akatendeka. Akakwanisa sei kutsungirira? Akaratidza kwaaiwana simba rake paakati: “Jehovha ndiye mufudzi wangu; hapana chandingashayiwa.” Akazoenderera mberi achiti: “Zvirokwazvo, kunyange ndikafamba mumupata womumvuri worufu, handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni.” (Pisarema 23:1, 4) Hungu, kuna Jehovha ndiko kunobva rutsigiro rwakakura zvikuru. Akafudza Dhavhidhi munguva dzakanga dzakaoma kwazvo, uye akagadzirira kutiitira izvozvo pazvinenge zvakakodzera.

Tingaita sei kuti Jehovha atitsigire? Bhaibheri rinoratidza nzira yacho parinoti: “Ravirai henyu, muone kuti Jehovha wakanaka.” (Pisarema 34:8) Uku kukoka kwoushamwari, asi kunorevei? Tiri kukurudzirwa kushumira Jehovha nokuwiriranisa upenyu hwedu zvizere nokuda kwake. Upenyu hwakadaro hunoreva kurega rumwe rusununguko rwedu, kurega zvimwe zvinhu. Dzimwe nguva, zvinogona kutungamirira kumiedzo—kutambudzwa uye kutambura. Asi, vaya vanobvuma nomwoyo wose kukokwa naJehovha havambodembi kuti vakaita kudaro. Jehovha achava akanaka kwavari. Achavatungamirira nokuvatarisira mumudzimu. Achavatsigira nomumiedzo kuburikidza neShoko rake, mudzimu mutsvene wake, uye ungano yechiKristu. Uye pakupedzisira achavapa mubayiro woupenyu husingaperi.—Pisarema 23:6; 25:9; Isaya 30:21; VaRoma 15:5.

Vaya vanoita chisarudzo chinochinja upenyu hwavo kuti vashumire Jehovha uye vanoomerera kuchisarudzo ichocho vanowana kuti Jehovha anozadzika zvipikirwa zvake zvose. Ndizvo zvakaitika kuvaIsraeri vakatevera Joshua kupinda muNyika Yakapikirwa. Vangoyambuka rwizi rweJodhani, kwaiva nemiedzo yavaifanira kutsungirira, hondo dzokurwa, nezvidzidzo zvakaoma zvokudzidza. Asi chizvarwa ichocho chakaratidza kuva chakatendeka zvikuru kudarika madzibaba acho, akabuda muIjipiti akafira murenje. Naizvozvo, Jehovha akatsigira vakatendeka, uye maererano nezvavakanga vachiita pakuguma kwoupenyu hwaJoshua, Bhaibheri rinoti: “Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo . . . Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakaitika.” (Joshua 21:44, 45) Izvozvo zvinogonawo kuitika kwatiri kana tikavimba zvizere naJehovha patinenge tiri mumiedzo uye nepadzimwe nguva dzose.

Chii chinganetesa chivimbo chedu muna Jehovha? Jesu akataura nezvechimwe chacho paakati: “Hapana munhu anogona kushandira vatenzi vaviri . . . Hamungagoni kushandira Mwari uye Pfuma.” (Mateu 6:24) Kana tichivimba naJehovha, hatizotsvaki kuchengetedzwa nezvinhu izvo vakawanda vari munyika vanotsvaka kuchengetedzwa nazvo, zvinhu zvokunyama. Jesu akapa vateveri vake zano kuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:33) MuKristu anoona zvinhu zvokunyama nenzira ine mwero uye anoisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwake anoita chisarudzo chakanaka. (Muparidzi 7:12) Ichokwadi kuti pane zvaangarasikirwa nazvo. Ane zvinhu zvokunyama zvaangarega kuva nazvo. Asi achakohwa mibayiro yakawanda. Uye Jehovha achamutsigira.—Isaya 48:17, 18.

Zvatinodzidza Mumiedzo

Kusarudza ‘kuravidza kuti tione kuti Jehovha akanaka’ chokwadi hakudziviriri munhu pazvinhu zvisingatarisirwi muupenyu; uye hakutidziviriri zvachose pakudenha kwaSatani nevanhu vaanoshandisa. (Muparidzi 9:11) Izvi zvingaita kuti kuvimbika nokutsunga kwomuKristu zviedzwe. Nei Jehovha achisiya vanamati vake vachibatwa nemiedzo yakadaro? Muapostora Petro akapa chimwe chikonzero paakanyora kuti: “Kwenguva duku panguva ino, kana zvichifanira kudaro, mave muchishungurudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana, kuti kutenda kwenyu kwakaedzwa, kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inoparara pasinei nokuedzwa kwayo nemoto, kuwanikwe kuri chikonzero cherumbidzo nembiri nokukudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.” (1 Petro 1:6, 7) Hungu, miedzo inotibvumira kuti tiratidze kuti kutenda kwedu uye kuda kwedu Jehovha kwakasimba sei. Uye inobatsira kupindura kushora nokupomera kwaSatani Dhiyabhorosi.—Zvirevo 27:11; Zvakazarurwa 12:10.

Miedzo inotibatsirawo kukudziridza humwe unhu hwechiKristu. Somuenzaniso, funga mashoko omunyori wepisarema anoti: “Une hanya nounozvininipisa; asi une manyawi Jehovha unomuziva ari kure.” (Pisarema 138:6) Vakawanda vedu hatina kuzvarwa tiri vanhu vanozvininipisa, asi miedzo inogona kutibatsira kukudziridza unhu ihwohwo hunodiwa. Yeuka chakaitika kare muzuva raMosesi apo vamwe pakati pevaIsraeri vakaona zvichifinha kudya mana vhiki nevhiki, mwedzi nomwedzi. Sezviri pachena wakanga uri muedzo kwavari, kunyange zvazvo mana yacho yakanga yagoverwa nechishamiso. Chinangwa chomuedzo wacho chaiva chei? Mosesi akavaudza kuti: “[Jehovha] wakakugutsa murenje nemana . . . kuti akuninipise akuidze.”—Dheuteronomio 8:16.

Kuzvininipisa kwedu kunogona kuedzwawo saizvozvo. Sei? Somuenzaniso, tinoita sei panogadziridzwa zvinhu musangano? (Isaya 60:17) Tinotsigira basa rokuparidza nokudzidzisa nomwoyo wose here? (Mateu 24:14; 28:19, 20) Tinobvuma nomwoyo wose kutsanangurwa kwechokwadi cheBhaibheri kunoitwa no“muranda akatendeka, akangwara” here? (Mateu 24:45-47; Zvirevo 4:18) Tinoramba kumanikidzirwa kuva nomudziyo wazvino uno, chipfeko chiri mufashoni, kana kuti rudzi rutsva rutsva rwemotokari here? Munhu anozvininipisa anokwanisa kupindura mibvunzo yakadaro kuti hungu.—1 Petro 1:14-16; 2 Petro 3:11.

Miedzo inobatsira kukudziridza matiri humwe unhu hunokosha—kutsungirira. Mudzidzi Jakobho akati: “Zvose zvifungei kuva mufaro, hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, sezvamunoziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoparira kutsungirira.” (Jakobho 1:2, 3) Kubudirira kutsungirira miedzo yakatevedzana nokuvimba naJehovha zvizere kunoita kuti tive vakatsiga, vasingachinji-chinji, uye vakatendeseka. Kunotipa simba rokuvhika kurwiswa kwatichazoitwa naSatani, mwari ane hasha wenyika ino.—1 Petro 5:8-10; 1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 12:12.

Ramba Uchiona Miedzo Zvakanaka

Mwanakomana akakwana waMwari, Jesu Kristu, akatarisana nemiedzo yakawanda paaiva pasi pano uye akakohwa mibayiro mikuru kubva pakuitsungirira. Pauro akanyora kuti Jesu “akadzidza kuteerera muzvinhu zvaakatambura.” (VaHebheru 5:8) Kuvimbika kwake kusvikira afa kwakaita kuti zita raJehovha rirumbidzwe uye kwakaita kuti zvibvire kuti ape upenyu hwake hunokosha hwomunhu akakwana sorudzikinuro rwevanhu. Izvozvo zvakavhura nzira yokuti vaya vanotenda muna Jesu vawane tariro youpenyu husingaperi. (Johani 3:16) Nokuti Jesu akaramba akatendeka paaiedzwa, iye zvino ava Mupristi Mukuru wedu uye Mambo akagadzwa pachigaro choumambo.—VaHebheru 7:26-28; 12:2.

Ko isuwo? Kuvimbika kwedu pakutarisana nemiedzo kunounzawo zvikomborero zvakakura. Nezvevaya vane tariro yokudenga, Bhaibheri rinoti: “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti pakuva anotenderwa achagamuchira korona youpenyu, yakapikirwa naJehovha vaya vanoramba vachimuda.” (Jakobho 1:12) Vaya vane tariro yepasi vanovimbiswa kuti kana vakatsungirira nokutendeka, vachagara nhaka youpenyu muparadhiso yepasi. (Zvakazarurwa 21:3-6) Uye chinotokosha zvikuru, kutsungirira kwavo nokutendeka kunoita kuti zita raJehovha rirumbidzwe.

Sezvatinotevera mumakwara aJesu, tinogona kuva nechivimbo chokuti miedzo yose yatinosangana nayo munyika ino inogona kukundwa zvinobudirira. (1 VaKorinde 10:13; 1 Petro 2:21) Sei? Nokuvimba naJehovha, anogovera “simba rinopfuura romuzvarirwo” kune vaya vanovimba naye. (2 VaKorinde 4:7) Chivimbo chedu ngachive sechiya chaJobho, uyo kunyange paaitsungirira miedzo yakaoma kwazvo akataura nechivimbo kuti: “Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama.”—Jobho 23:10.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kuvimbika kwaJesu mumuedzo kwakaita kuti zita raJehovha rirumbidzwe. Kweduwo kunogona kudaro