Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vazivisi Voumambo Vanoshingaira” Vanoungana Nomufaro

“Vazivisi Voumambo Vanoshingaira” Vanoungana Nomufaro

“Vazivisi Voumambo Vanoshingaira” Vanoungana Nomufaro

TSIKA, mari, uye zvinetso zvematongerwe enyika zviri kuvhiringidza nyika. Zvisinei, mukusagadzikana kwose uku, Zvapupu zvaJehovha zvakaungana mazuva matatu ane rugare nokuda kweKokorodzano dzoRuwa dze“Vazivisi Voumambo Vanoshingaira.” Kutanga muna May 2002, kuungana uku kwakaitwa munyika yose.

Kokorodzano dzacho dzakaratidza kuti yaiva nguva yokufara zvechokwadi. Ngatimbodzokorora muchidimbu purogiramu inovaka yomuBhaibheri.

Zuva Rokutanga Rinosimbisa Kushingaira kwaJesu

Musoro wezuva rokutanga rekokorodzano waiti “Tevedzera Kushingaira kwaIshe Wedu, Jesu.” (Johani 2:17) Hurukuro yaiti “Farai Nokuungana Pamwe Chete seVazivisi voUmambo” yakakumbira noushamwari vaivapo kuti varatidzirane mufaro wagara uchioneka pakokorodzano dzevanhu vaMwari. (Dheuteronomio 16:15) Hurukuro iyi yakateverwa nokubvunzurudzwa kwevaparidzi vanoshingaira vemashoko akanaka.

Hurukuro yaiti “Fara Kwazvo Muna Jehovha” yakataura ndima imwe neimwe yePisarema 37:1-11. Takakurudzirwa kusava “neshungu” nokunotaridzika sokubudirira kwevakaipa. Kunyange vakaipa vangataura nhema nezvedu, nokufamba kwenguva Jehovha acharatidza pachena kuti vanhu vake vakatendeka chaizvoizvo ndivanaani. Hurukuro yaiti “Ratidzai Kuti Munoonga” yakakurukura maratidzire atingaita kuonga kuna Mwari. VaKristu vose vanofanira kupa Jehovha “chibayiro chokurumbidza.” (VaHebheru 13:15) Zvechokwadi, uwandu hwenguva yatinopedzera kubasa raJehovha hunobva pakuonga kwedu nemamiriro edu ezvinhu.

Hurukuro inokosha yaiva nomusoro waiti “Vazivisi voUmambo Vanopisa Nokushingaira.” Yakaratidza kuti Jesu Kristu ndiye muenzaniso wedu wakaisvonaka wokushingaira. Umambo hwokudenga hwagadzwa muna 1914, vaKristu vechokwadi vaida kushingaira kuti vazivise mashoko akanaka iwayo. Mukurukuri akataura nezvekokorodzano yepaCedar Point, Ohio, U.S.A., muna 1922 ndokutiyeuchidza nezvechikumbiro chinokosha chaiti: “Zivisai Mambo noUmambo hwake”! Nokufamba kwenguva, kushingaira kwevashumiri vaMwari vakatendeka kwakaita kuti vazivise chokwadi chinofadza choUmambo kumarudzi ose.

Hurukuro yaiti “Usatya Sezvo Uchiziva Kuti Jehovha Anesu,” yakakurukurwa masikati ezuva rokutanga, yakaratidza kuti vanhu vaMwari ndivo vanonyanya kudiwa naSatani. Zvisinei, pasinei nokushorwa kwatinosangana nakwo, kufunga kwatinoita mienzaniso yakawanda yomuBhaibheri uye yemazuva ano yokutenda kunotipa ushingi hwokutarisana nemiedzo tisingatyi.—Isaya 41:10.

Purogiramu yacho yakazoteverwa nehurukuro nhatu dzokusiyirana dzaiva nomusoro mukuru waiti “Uprofita hwaMika Hunotisimbisa Kuti Tifambe Muzita raJehovha.” Mukurukuri wokutanga akaenzanisa kuparara kwetsika, kuramba kutenda, uye kuda zvinhu, kwaiva muzuva raMika nenguva yedu. Akati: “Tariro yedu yeramangwana ichava yechokwadi kana tikava nemwoyo unoteerera uye tikava nechokwadi chokuti mufambiro wedu mutsvene uye upenyu hwedu hwakazara nemabasa okuzvipira kuna Mwari—uye kana tikasambofa takakanganwa kuti zuva raJehovha richatoti riuye chete.”—2 Petro 3:11, 12.

Mukurukuri wechipiri pahurukuro dzacho dzokusiyirana akataura kutsoropodza kwaMika vatungamiriri vechiJudha. Vaidzvinyirira varombo, vanhu vakanga vasina chinodzivirira. Asi Mika akafanotaurawo nezvokukunda kwokunamata kwechokwadi. (Mika 4:1-5) Tasimbiswa nomudzimu mutsvene waJehovha, tinotsunga kuzivisa mashoko aya anozorodza etariro. Asi zvakadini kana tichinzwa tichivhiringidzwa nourwere kana kuti tichinzwa tiine zvimwe zvinotitadzisa neimwe nzira? Mukurukuri wechitatu akati: “Zvinodiwa naJehovha zvinoratidza kunzwisisa uye zvinokwanisika.” Akaenderera mberi kukurukura zvinhu zvakasiyana-siyana zviri pana Mika 6:8, patinoverenga kuti: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”

Sezvo tsika dzakaora dzenyika dzingakanganisa vaKristu, tose zvedu takabatsirwa nehurukuro yaiva nomusoro waiti “Ramba Wakachena Mutsika Nokurinda Mwoyo Wako.” Somuenzaniso, kuramba takachena kuchabatsira kuti tive nemhuri inofara. SevaKristu, hatifaniri kumbofunga kunyange pfungwa yokuita unzenza hwepabonde.—1 VaKorinde 6:18.

Hurukuro yaiti “Ngwarira Unyengeri” yakaratidza kuti tinobata nokungwarira sechepfu chokwadi chakamonyorotswa, chokwadi chisina kukwana, uye kunyatsonyepa kunoparadzirwa nevakaramba kutenda. (VaKorose 2:8) Saizvozvowo, hatifaniri kuzvinyengera tichifunga kuti tinogona kugutsa chido chedu chokutadza pasingavi nezvinozovapo zvinokuvadza.

“Namata Mwari Wechokwadi Bedzi” ndiwo waiva musoro wehurukuro yokupedzisira pazuva rokutanga. Mamiriro ezvinhu ari munyika zvaari kuramba achiwedzera kuoma, zvinokurudzira kwazvo kuziva kuti Jehovha achakurumidza kuunza nyika yake itsva yakarurama! Ndiani achagara imomo? Vaya vanonamata Jehovha chete. Kutibatsira isu, vana vedu, uye vatinodzidza navo Bhaibheri kusvika danho iri, mukurukuri akabudisa bhuku idzva rokudzidza rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi. Chokwadi takafara kurigamuchira!

Zuva Rechipiri Rinosimbisa Kushingairira Zvakanaka

Zuva rechipiri rekokorodzano raiva nomusoro waiti “Shingairira Zvakanaka.” (1 Petro 3:13) Mukurukuri wokutanga akakurukura rugwaro rweBhaibheri rwezuva racho. Akasimbisa kuti kuita rugwaro rwezuva nguva dzose, kune chinangwa, kunoita kuti tiwedzere kushingaira.

Kwakabva kwauya hurukuro yokusiyirana yaiti “Vazivisi voUmambo Vanopa Mbiri Kuushumiri Hwavo.” Chikamu chokutanga chakasimbisa kudiwa kwokubata Shoko raMwari zvakarurama. (2 Timoti 2:15) Kushandisa kwatinoita Bhaibheri zvakanaka kunovhura nzira yokuti ‘rive nesimba’ muupenyu hwevanhu. (VaHebheru 4:12) Tinofanira kuenda kuBhaibheri torishandisa zvinotendisa. Chikamu chechipiri pahurukuro dzokusiyirana dzacho chakatikurudzira kuramba tichidzokera kuvanhu vanofarira. (1 VaKorinde 3:6) Kugadzirira uye ushingi zvinodiwa kuramba tichidzokera kune vanhu vose vanofarira. Chikamu chechitatu chakakurudzira kuti tione munhu wose watinosangana naye seangangoita mudzidzi uye chakaratidza kuti kubvunza kana angada kudzidza Bhaibheri pakushanya kwokutanga kunogona kutungamirira kumufaro wokubatsira vanhu kuva vadzidzi.

“Zvikonzero Zvoku‘ramba Tichinyengetera’” ndiwo waiva musoro wehurukuro yakatevera. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kutarira kuna Mwari kuti avatungamirire muzvose zvoupenyu. Tinofanira kuwana nguva yokunyengetera tiri toga. Uyezve, tinofanira kuramba tichinyengetera, nokuti Jehovha angabvumira kuti tirambe tichinyengetera kwenguva yakati asati apa mhinduro inonyatsooneka.—Jakobho 4:8.

Hurukuro yaiti “Kutaurirana Zvinhu Zvomudzimu Kunovaka” yakatikurudzira kushandisa chipo chedu chokutaura kuti tizvibatsire uye vamwe. (VaFiripi 4:8) Vakaroorana uye vana vanoda kukurukurirana zvokumudzimu zuva nezuva. Kuti dzidaro, mhuri dzinofanira kuedza kudya pamwe chete zvichida kamwe chete zvako pazuva, zvichiita kuti pave nokukurukurirana kunovaka.

Purogiramu yemangwanani yakaguma nehurukuro yaikurudzira yokuti “Kutungamirira Kuruponeso Kunoita Kuzvitsaurira Nokubhabhatidzwa.” Vaida kubhabhatidzwa vakanga vawana zivo, varatidza kutenda, vapfidza, vasiya zvakaipa, uye vazvitsaurira kuna Mwari. Pashure pokubhabhatidzwa, mukurukuri akati, vanofanira kuramba vachikura mumudzimu uye kuramba vachishingaira nokuva nomufambiro wakaisvonaka.—VaFiripi 2:15, 16.

Masikati iwayo, pfungwa huru mbiri dzakasimbiswa muhurukuro yaiti “Iva Ane Mwero, Uye Chengeta Ziso Rako Rakanaka.” Kuva nemwero zvinoreva kunyatsoziva zvatisingakwanisi uye nzvimbo yedu pamberi paMwari. Kuva nemwero kunotibatsira kuchengeta ziso redu “rakanaka”—rakatarira kuUmambo hwaMwari, kwete kuzvinhu zvenyama. Kana tikaita izvi, hatifaniri kuzvidya mwoyo, nokuti Jehovha achatipa zvatinoda.—Mateu 6:22-24, 33, 34.

Mukurukuri akatevera akaratidza kuti nei tichifanira ku“Vimba naJehovha Zvakakwana Munguva Dzokutambudzika.” Tinogona kubata sei nezvinhu zvakadai sezvatinokundikana nezvinetso zvemari kana zvoutano? Ngatikumbirei Jehovha kuti atipe uchenjeri hunoshanda uye kukumbira rubatsiro kuvamwe. Pane kusava nechokwadi kana kuodzwa mwoyo, tinofanira kusimbisa kuvimba kwedu naMwari nokuverenga Shoko rake.—VaRoma 8:35-39.

Hurukuro yokupedzisira pane dzokusiyirana pakokorodzano yacho yaiva nomusoro waiti “Kusimba Kwokutenda Kwedu Kunoedzwa Nemiedzo Yakasiyana-siyana.” Chikamu chokutanga chakatiyeuchidza kuti vaKristu vose vanotambudzwa. Zvinoshanda souchapupu, zvinosimbisa kutenda kwedu, uye zvinotipa mukana wokuratidza kuvimbika kwedu kuna Mwari. Kunyange zvazvo tisingaisi upenyu hwedu pangozi zvisina kukodzera, hatizomboshandisi nzira dzisiri mumagwaro kuti tirege kutambudzwa.—1 Petro 3:16.

Mukurukuri wechipiri muhurukuro dzokusiyirana idzi akakurukura mibvunzo ine chokuita nezvokusava nekwatakarerekera mune zvenyika. VaKristu vekare vakanga vasiri vanhu vaidavira kuti hondo dzakashata nguva dzose, asi vaiziva kuti kuna Mwari ndiko kwavaifanira kuvimbika zvikuru. Saizvozvowo nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta zvakasimba nhungamiro iyi inoti: “Hamusi rutivi rwenyika.” (Johani 15:19) Sezvo miedzo yokusava nekwatakarerekera ichigona kuerekana yaitika, mhuri dzinofanira kuwana nguva yokudzokorora nhungamiro dzeBhaibheri panyaya iyi. Sokutaura kwakaita hurukuro yechitatu pane dzokusiyirana idzi, chinangwa chaSatani hachisi hacho chokutiuraya, asi kutimanikidzira kuva vasina kutendeka. Nokutsungirira takatendeka kunyombwa, kumanikidzirwa kuita unzenza, kurwadziwa mupfungwa, uye zvirwere, tinoita kuti Jehovha apiwe mbiri.

Kukumbira kwoushamwari kwokuti “Swedera Pedyo naJehovha” ndiko kwaiva musoro wehurukuro yezuva racho rokupedzisira. Kunzwisisa unhu hwaJehovha hunokosha kunotikwevera kwaari. Anoshandisa simba rake risingaperi kudzivirira vanhu vake, zvikurukuru mune zvokunamata. Kururamisira kwake hakuna utsinye asi kunoita kuti ape upenyu husingaperi munhu wose anoshanda nokururama. Uchenjeri hwaMwari hunooneka munzira yaakashandisa vanhu vasina kukwana kunyora Bhaibheri. Chinofadza zvikuru pane zvose rudo rwake, rwakamuita kuti aite urongwa hwokuti vanhu vawane ruponeso kuburikidza naJesu Kristu. (Johani 3:16) Mukurukuri wacho akapedzisa nokubudisa bhuku idzva rinokurudzira rinonzi Swedera Pedyo naJehovha.

Zuva Rechitatu Rinotaura Zvokushingairira Mabasa Akanaka Kwazvo

Musoro wezuva rechitatu rekokorodzano waiva wokuti “Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akanaka Kwazvo.” (Tito 2:14) Mangwanani acho akatanga zvakanaka nokukurukura kwemhuri rugwaro rwezuva. Kwakazotevera hurukuro yaiti “Unovimba naJehovha Here?” Vanhu vakaisa chivimbo chavo pasiri ipo nokuvimba nenjere dzavo nesimba. Zvisinei, kusiyana neizvi vashumiri vaJehovha vanovimba naye vakashinga uye vachifara pasinei nematambudziko.—Pisarema 46:1-3, 7-11.

Hurukuro yaiva nomusoro waiti “Vechiduku—Vakai Remangwana Renyu Nesangano raJehovha” yakakurukura mubvunzo uyu: Wechiduku anganyatsowana zvakanakisisa sei muupenyu? Izvi hazvikwanisiki nokutsvaka mari, pfuma, uye mukurumbira. Musiki wedu anokurudzira norudo vechiduku kumuyeuka vachiri vaduku. Mukurukuri akabvunzurudza vamwe vakashandisa simba rouduku muushumiri hwechiKristu, uye taigona kunzwa mufaro wavo. Uye zvakabatsira kugamuchira turakiti idzva rinonzi, Vechiduku—Muchaitei Noupenyu Hwenyu?, rakagadzirirwa kubatsira Zvapupu zvechiduku kudzika midzi yeramangwana risingaperi nesangano raJehovha!

Kwakazotevera mutambo weBhaibheri waibata pfungwa waiti “Mira Wakasimba Munguva Dzinotambudza.” Wakapa rondedzero pfupi yebasa raJeremia renguva refu kubvira pauduku hwake kusvikira pakuparadzwa kweJerusarema, zviri zvaakanga aprofita nokushingaira. Jeremia akanzwa asingakwanisi kuita basa racho, asi akakwanisa pasinei nokushorwa, uye Jehovha akamununura.—Jeremia 1:8, 18, 19.

Mutambo wacho wakateverwa nehurukuro yaiti “Iva saJeremiya—Zivisa Shoko raMwari Usingatyi.” Vazivisi voUmambo vemazuva ano vanowanzoreverwa nhema uye kuparadzirwa mashoko okuvengwa. (Pisarema 109:1-3) Zvisinei, saJeremiya, tinogona kutarisana nokuodzwa mwoyo nokufarira Shoko raJehovha. Uye tinovimba kuti vaya vanorwisana nesu havazokundi.

Yaienderana nenguva zvechokwadi, yaiva hurukuro yavose yaiva nomusoro waiti “Mamiriro Ezvinhu Enyika Ino Ari Kuchinja.” Zuva redu rave riine zvakawanda zviri kungochinja. Bhaibheri rakafanotaura kuti mamiriro ezvinhu akadaro, kusanganisira kudanidzira “rugare nokuchengeteka,” kwaizotungamirira kuzuva raMwari rinotyisa rokutongwa. (1 VaTesaronika 5:3) Richaita kuti pave nokuchinja kunofadza—kuguma kwehondo dzose, kuparwa kwemhosva, chisimba, uye kunyange zvirwere. Saka, pane kuvimba nenyika ino, ino inguva yokutsvaka kuzvipira kuna Mwari ndokuramba tiine mufambiro wakachena.

Pfupiso yevhiki iyoyo yechidzidzo cheNharireyomurindi yakateverwa nehurukuro yokupedzisira yekokorodzano, yaiva nomusoro waiti “Ivai Nemabasa Akanaka Kwazvo Akawanda Sevazivisi voUmambo Vanoshingaira.” Mukurukuri akataura nezvokukurudzirwa kwatakanga taitwa nepurogiramu yacho mumudzimu uye akatikurudzira kuvimba naJehovha. Mukugumisa, takakurudzirwa kuva vakachena, vane rudo, uye kuva vazivisi voUmambo hwaMwari vanoshingaira.—1 Petro 2:12.

Tiine mafungiro akafanana neevashumiri vaJehovha vomuzuva raNehemia, chokwadi takadzokera kumba tichifara pamusana pezvikomborero zvokumudzimu zvatakagamuchira pa“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” Kokorodzano Dzoruwa. (Nehemia 8:12) Kokorodzano iyi haina kukuzadza nomufaro uye kutsunga kuramba uchipfuurira somuzivisi woUmambo anoshingaira here?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]

Bhuku Idzva Rokubatsira Kudzidza!

Pamugumo wezuva rokutanga rekokorodzano, vaivapo vakafara nokubudiswa kwebhuku idzva rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi. Rakaitwa kuti rizodzidzwa nevaya vakapedza kudzidza bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi uye chokwadi richasimbisa kutenda kwevaya ‘vanoda upenyu husingaperi.’—Mabasa 13:48.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo uri pabutiro rebhuku: U.S. Navy photo

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 24]

Rubatsiro Rwokuswedera Pedyo naMwari

Mukurukuri wokupedzisira pazuva rechipiri rekokorodzano akazivisa kubudiswa kwebhuku idzva rinonzi Swedera Pedyo naJehovha. Rine zvikamu zvikuru zvina, chimwe nechimwe chichitaura zvinhu zvikuru izvo Jehovha anazvo—simba, ruramisiro, uchenjeri, uye rudo. Chikamu chimwe nechimwe chebhuku racho chine chitsauko chinoratidza kuti Jesu Kristu akapa sei muenzaniso wakajeka unoratidza unhu hwaMwari. Chinangwa chikuru chebhuku iri ndechokutibatsira isu nevadzidzi vedu veBhaibheri kuvaka ukama hwepedyo uye hwakasimba naJehovha Mwari.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 26]

Nhungamiro Yevechiduku Mune Zvokunamata

Zuva rechitatu rekokorodzano rakanga rakasiyana nemamwe mukuti pakabudiswa turakiti rinokosha rine musoro unoti Vechiduku—Muchaitei Noupenyu Hwenyu? Zvarakagadzirirwa kubatsira Zvapupu zvechiduku kuita zvisarudzo zvakanaka maererano neramangwana razvo, turakiti idzva iri rinopa zano rinobva muMagwaro rokuvaka basa risingaperi muushumiri hwaJehovha.