Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikoro cheGiriyedhi—Makore 60 Okudzidzisa Basa Roumishinari

Chikoro cheGiriyedhi—Makore 60 Okudzidzisa Basa Roumishinari

Chikoro cheGiriyedhi—Makore 60 Okudzidzisa Basa Roumishinari

“PAMUSANA pokudzidza kwedu Bhaibheri zvakasimba, takaswedera pedyo naJehovha uye takadzidza zvakawanda nezvesangano rake. Izvi zvakatigadzirira upenyu mubasa rokune imwe nyika.” Ndokutsanangura kwakaita mumwe akapedza zvidzidzo mukirasi yokutanga kosi yezvidzidzo yaakaita paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Kubvira pachakatangwa makore 60 akapfuura, Chikoro cheGiriyedhi chave chichitumira mamishinari. Musi waMarch 8, 2003, kwakaitwa mutambo wokupedza zvidzidzo wekirasi yechi114 paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York. Vanhu 6 404 vakaungana muimba hombe uye mune dzimwe nzvimbo dzaibudiswa purogiramu yacho vakanyatsoteerera purogiramu, yaisanganisira hurukuro, kubvunzurudzwa, uye kukurukurirana mumapoka.

Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora, ndiye aiva sachigaro. Mumashoko ake okutanga akataura nezvevateereri vakabva kunyika dzakawanda, vaiumbwa nevaenzi vakabva kuAsia, Caribbean, Central neSouth America, uye Europe. Vachivakira mashoko avo pana 2 Timoti 4:5, Hama Jaracz vakasimbisa basa chairo romumishinari akadzidza paGiriyedhi—ku“ita basa romuevhangeri.” Mamishinari anopupurira chokwadi nokudzidzisa vanhu Bhaibheri.

Vadzidzi Vanopiwa Murayiridzo Wokupedzisira

Achitanga hurukuro pfupi dzakatevedzana, John Larson, nhengo yeDare reBazi reUnited States, akataura musoro unosimbisa kutenda waiti “Kana Mwari Ari Kwatiri, Ndiani Achatirwisa?” (VaRoma 8:31) Mukurukuri akatsanangura chikonzero cheBhaibheri chokuti vadzidzi vave nechivimbo chakazara musimba raJehovha rokuvabatsira kukurira chipingamupinyi chero chipi chavangasangana nacho mumabasa avo. Vachishandisa VaRoma 8:38, 39, Hama Larson vakarayira vadzidzi vacho kuti: “Mirai ndokufungisisa simba riri kushandiswa naMwari nokuda kwenyu, uye yeukai kuti hapana chingatadzisa kuti Jehovha akufarirei.”

Akatevera papurogiramu yacho aiva Guy Pierce, nhengo yeDare Rinodzora. Akasarudza musoro waiti: “Ita Kuti Maziso Ako Arambe Achifara!” (Ruka 10:23) Akatsanangura kuti mufaro wechokwadi unosanganisira kuziva Jehovha nokunzwisisa chinangwa chake chisingaperi uyewo kuona kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri. Kwose kwavanoenda, vadzidzi vangaramba vaine mufaro chaiwo nokuramba vachiita kuti maziso avo afare. Hama Pierce vakakurudzira vakapedza zvidzidzo ava kuti vafungisise kunaka kwaJehovha uye kuti vachengete pfungwa dzavo nomwoyo zviri pakuita kuda Kwake. (Pisarema 77:12) Nokuramba vaine mafungiro akanaka, vakapedza zvidzidzo vanogona kukurira zvinetso zvipi nezvipi zvavangasangana nazvo.

Zvadaro kirasi yacho yakagamuchira mashoko anokurudzira okuonekana kubva kuvarayiridzi vaviri vakanga vachivadzidzisa zuva nezuva. “Uri Kutsvaka Mbiri Here?” ndomubvunzo wakabvunzwa naLawrence Bowen mumusoro wehurukuro yake. Vanhu vakawanda vanofunga nezvembiri maererano nokurumbidzwa, kukudzwa, uye kuzivikanwa kwavo. Zvisinei, munyori wepisarema Asafi akasvika pakunzwisisa mbiri chaiyo—pfuma inokosha youkama hunokudzwa naJehovha. (Pisarema 73:24, 25) Vadzidzi vakanga vachipedza zvidzidzo vakakurudzirwa kuramba vaine ukama hwepedyo naJehovha kuburikidza nokuramba vachidzidza Bhaibheri zvakadzama. Ngirozi “dzinoda kutarisisa” muzvinhu zvine chokuita nokuitwa kwechinangwa chaJehovha achishandisa Kristu. (1 Petro 1:12) Dzinoda kudzidza zvakawanda sezvadzingagona nezvaBaba vadzo kuti dziratidze mbiri yake. Mukurukuri wacho akazokurudzira vadzidzi kupa mbiri kuna Jehovha mumabasa avo oumishinari nokubatsira vamwe kuwana pfuma inokosha kwazvo.

Mabharani wechikoro, Wallace Liverance, akagumisa hurukuro dzaitevedzana dzokuzarura nehurukuro yaiti “Taura Uchenjeri hwaMwari Muchakavanzika Chitsvene.” (1 VaKorinde 2:7) Uchenjeri hwaMwari uhwu hwakataurwa nezvahwo nomuapostora Pauro paaiita basa rake roumishinari chii? Inzira yaJehovha yokuchenjera uye ine simba yokuunza rugare nokubatana pasi pose. Uchenjeri uhwu huri pana Jesu. Pane kuparidza zvinetso zvevanhu, Pauro akabatsira vanhu kuona kuti Mwari aizopedza sei migumisiro yechivi chaAdhamu. (VaEfeso 3:8, 9) Mukurukuri akakurudzira vateereri vake achiti: “Shandisai ropafadzo yenyu yebasa sezvakaitwa naPauro, uyo akaona basa rake roumishinari somukana wokubatsira nawo vanhu kuona kuti Jehovha aizoita sei chinangwa chake.”

Pashure peiyi, Mark Noumair, mumwezve murayiridzi weGiriyedhi, akatungamirira mukukurukurirana zvine upenyu nevadzidzi vanoverengeka vekirasi yacho. Musoro waiti “Kudzidza Shoko raMwari Kunobereka Vashumiri Vanoshingaira” wakasimbisa mashoko aPauro ari pana VaRoma 10:10. Kirasi yacho yakarondedzera zvakaitika mubasa romumunda zvakawanda zvavakanga vasangana nazvo pavakanga vachipinda chikoro. Zvavakasangana nazvo zvakaratidza kuti patinodzidza ndokufungisisa Shoko raMwari, zvinhu zvakanaka maererano naJehovha Mwari noUmambo hwake zvichazadza mwoyo wedu uye zvichawanikwa pamiromo yedu. Mumwedzi mishanu yavakagara paWatchtower Educational Center, vadzidzi vakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvinopfuura 30 nevanhu vanofarira mundima dzinogaroshandwa dzeungano dziri pedyo.

Vakakura Mumudzimu Vanotaura

Panguva yavo yokudzidza, vadzidzi vakabatsirwa nokusonganirana nenhengo dzemhuri yeBheteri yeUnited States. Nhengo dzebazi dzinoti Robert Ciranko naRobert P. Johnson dzakabvunzurudza vanhu vanoverengeka vave vachishumira Jehovha kwenguva refu vakatendeka, kusanganisira vatariri vanofambira panguva iyoyo vakanga vari kudzidziswa basa ravo paWatchtower Educational Center. Vose vakabvunzurudzwa ava ndevaya vakanga vapedza zvidzidzo paGiriyedhi avo pane imwe nguva vakamboshumira semamishinari. Zvaikurudzira vadzidzi nemhuri dzavo neshamwari kunzwa mashoko ouchenjeri kubva kuvarume vomudzimu ava vane unyanzvi.

Mazano avo aisanganisira okuti: “Ramba wakabatikana nepaunogona napo muushumiri uye muungano.” “Usanyanyova anozvikoshesa. Ramba wakaisa pfungwa dzako pachinangwa chako somumishinari, uye ona nzvimbo yauri kushumira somusha wako.” Mamwe mashoko anobatsira akaratidza kuti kudzidza paGiriyedhi kunoshongedzera sei mushumiri kuita basa rakanaka, pasinei nokwaanotumirwa. Heano mamwe acho: “Takadzidza kushandira pamwe.” “Chikoro chakatibatsira kugamuchira tsika itsva.” “Takadzidziswa kushandisa Magwaro munzira itsva.”

John E. Barr, nhengo yenguva refu yeDare Rinodzora, akapa hurukuro inokosha yepurogiramu yacho. Musoro wake wepaMagwaro waiva wokuti “Inzwi Ravo Rakabudira Mupasi Rose.” (VaRoma 10:18) Akabvunza mubvunzo unoti, Nhasi vanhu vaMwari vave vachikwanisa kuita basa iri rakaoma here? Hungu, zvechokwadi! Kare kuma1881, vaverengi vemagazini yeNharireyomurindi vakabvunzwa kuti: “Muri kuparidza here?” Ipapo mukurukuri wacho akayeuchidza vose vaiva muvateereri nezvechikumbiro chinokosha chakaitwa pakokorodzano yepaCedar Point, Ohio, U.S.A. muna 1922 chaiti: “Zivisai Mambo noUmambo hwake!” Nokufamba kwenguva, kushingaira kwevashumiri vaMwari vakatendeka kwakavakurudzira kuzivisa chokwadi choUmambo chinoshamisa kumarudzi ose. Nokushandisa peji yakadhindwa uye neshoko romuromo, kuziviswa kwemashoko akanaka kwasvika pasi pose panogarwa nevanhu—zvose kuti Jehovha akudzwe uye arumbidzwe. Mumhedziso yaifadza zvikuru, Hama Barr vakakurudzira vakapedza zvidzidzo kufunga nezvezvikomborero zvavo, vachiti: “Zuva nezuva, pamunonyengetera kuna Jehovha muri mubasa renyu, mutendei zvichibva pasi pemwoyo yenyu nokuda kwezvamunoita mukuzadzika kwemashoko anoti, ‘Inzwi ravo rakabudira mupasi rose.’”

Hurukuro iyi yapera, kwaziso dzakaverengwa, uye sachigaro akapa mumwe nomumwe akanga apedza zvidzidzo dhipuroma. Zvadaro, mumusanganiswa womufaro nokusuruvara pamusana pokusiya chikoro chavaida, aimiririra kirasi yacho akaverenga chisarudzo chomwoyo wose chakanyorerwa Dare Rinodzora uye mhuri yeBheteri, chairatidza kutsunga kwevadzidzi kukudza Jehovha “kubva panguva ino kusvika pakusingaperi.”—Pisarema 115:18.

Tinonyengetera kuti vakapedza zvidzidzo ava vachajaira misha yavo mitsva ndokubatsira zvakaisvonaka kufambira mberi kwebasa rokuparidza renyika yose, sezvakangoitwa nevaya vakavatangira kuenda kwemakore 60 akapfuura.

[Bhokisi riri papeji 23]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 12

Nyika dzavakatumirwa: 16

Vadzidzi: 48

Avhareji yezera: 34,4

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 17,6

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13,5

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kirasi Yechi114 Yevakapedza Zvidzidzo paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Rosa, D.; Garrigolas, J.; Lindström, R.; Pavanello, P.; Tait, N. (2) Van Hout, M.; Donabauer, C.; Martinez, L.; Millar, D.; Festré, Y.; Nutter, S. (3) Martinez, P.; Clarke, L.; Maughan, B.; Fischer, L.; Romo, G. (4) Romo, R.; Eadie, S.; Tuynman, C.; Campbell, P.; Millar, D.; Rosa, W. (5) Lindström, C.; Garrigolas, J.; Markevich, N.; Lindala, K.; van den Heuvel, J.; Tait, S.; Nutter, P. (6) Maughan, P.; Pavanello, V.; Eadie, N.; West, A.; Clarke, D.; Markevich, J. (7) Fischer, D.; Donabauer, R.; Curry, P.; Curry, Y.; Carfagno, W.; West, M.; Tuynman, A. (8) Van Hout, M.; Campbell, C.; Festré, Y.; Carfagno, C.; van den Heuvel, K.; Lindala, D.