Tinofanira Kuona Sei Vanhu Zuva raJehovha Sezvarinoswedera Pedyo?
Tinofanira Kuona Sei Vanhu Zuva raJehovha Sezvarinoswedera Pedyo?
“Jehovha haanonoki pachipikirwa chake, . . . asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—2 PETRO 3:9.
1, 2. (a) Jehovha anoona sei vanhu nhasi? (b) Mibvunzo ipi yatingazvibvunza?
VASHUMIRI vaJehovha vane basa rokuti va“ite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” (Mateu 28:19) Sezvatinoita basa iri tichimirira “zuva guru raJehovha,” tinofanira kuona vanhu sezvaanoita. (Zefania 1:14) Saka anovaona sei? Muapostora Petro anoti: “Jehovha haanonoki pachipikirwa chake, sezvinofunga vamwe vanhu kuti kunonoka, asi anokushivirirai nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Mwari anoona vanhu somunhu mumwe nomumwe anokwanisa kusvika pakupfidza. “Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Chokwadi, Jehovha anofara apo ‘wakaipa anotendeuka panzira yake oramba ari mupenyu’!—Ezekieri 33:11.
2 Tinoona vanhu semaonero anoita Jehovha here isu pachedu? Kufanana naye, tinoona vanhu vemarudzi ose nemadzinza sevanogona kuva “makwai anofudzwa naye” here? (Pisarema 100:3; Mabasa 10:34, 35) Ngatimbotarisa mienzaniso miviri inoratidza kukosha kwokuva nemaonero aMwari. Muzviitiko zvose zviri zviviri, kuparadzwa kwakanga kwava pedyo, uye vashumiri vaJehovha vakafanoudzwa izvi. Mienzaniso iyi inokosha zvikuru sezvatinomirira zuva guru raJehovha.
Abrahamu Aiva Nemaonero aJehovha
3. Jehovha aiona sei vanhu vaigara muSodhoma neGomora?
3 Muenzaniso wokutanga uri pamusoro patateguru akatendeka Abrahamu nemaguta akaipa eSodhoma neGomora. Jehovha paakanzwa “kudanidzira kweSodhoma neGomora,” haana kuparadza maguta iwayo pakarepo nevagari vawo. Akatanga aferefeta. (Genesi 18:20, 21) Ngirozi mbiri dzakatumwa kuSodhoma, uko dzakanogara mumba momurume akarurama Roti. Usiku hwakasvika ngirozi dzacho, “varume veguta . . . vakakomba imba, vaduku nevakuru, vanhu vose vokumativi ose,” vachida kurara nengirozi dzacho. Sezviri pachena, kuora kwetsika dzevagari veguta racho kwakaratidza kuti vaiva vakafanira kuparadzwa. Asi, ngirozi dzacho dzakaudza Roti kuti: “Une vamwe pano here? Kana mukuwasha, kana vanakomana vako, kana vanasikana vako, navose vaunavo muguta; uvabudise muno!” Jehovha akazarura nzira yokuponesa nayo vamwe vaigara muguta iroro, asi pakupedzisira, Roti bedzi nevanasikana vake vaviri ndivo vakapona pakuparadzwa uku.—Genesi 19:4, 5, 12, 16, 23-26.
4, 5. Nei Abrahamu akateterera achimirira vanhu veSodhoma neGomora, uye maonero aaiita vanhu vacho akanga akafanana neaJehovha here?
4 Zvino, ngatidzokerei shure kunguva apo Jehovha akazivisa chinangwa chake chokuongorora maguta eSodhoma neGomora. Pakanga pari panguva iyoyo apo Abrahamu akateterera achiti: “Zvimwe vangavapo vakarurama vane makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasanzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vane makumi mashanu varimo here? Ngazvive kure nemi kuita kudaro, kuuraya vakarurama pamwe chete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa; ngazvive kure nemi; Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” Abrahamu akashandisa mashoko okuti “ngazvive kure nemi” kaviri. Kubva mumaziviro ake, Abrahamu aiziva kuti Jehovha aisazoparadza vakarurama pamwe nevakaipa. Jehovha paakataura kuti aisazoparadza Sodhoma kudai maiva ne“vakarurama vane makumi mashanu mukati meguta,” Abrahamu akaramba achideredza nhamba yacho kusvikira yasara gumi chete.—Genesi 18:22-33.
5 Jehovha aizodai akateerera kuteterera kwaAbrahamu here kudai kwakanga kusingawirirani nemaonero ake? Sezviri pachena kwete. Se“shamwari yaJehovha,” Abrahamu sezviri pachena aiziva uye aiva nemaonero akaita seaJehovha. (Jakobho 2:23) Jehovha paakazorangarira nezveSodhoma neGomora, akanga achida kufunga nezvokuteterera kwaAbrahamu. Nei? Nokuti Baba vedu vokudenga “hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”
Maonero Aiita Jona Vanhu Akasiyana Chaizvo
6. Vanhu veNinevhe vakaita sei Jona paakaparidza?
6 Zvino funga nezvomuenzaniso wechipiri—waJona. Panguva ino guta rakanga rarongerwa kuparadzwa rakanga riri reNinevhe. Muprofita Jona akaudzwa kuti azivise kuti uipi hweguta iroro hwakanga ‘hwasvika kuna Jehovha.’ (Jona 1:2) Kusanganisira misha yaro, Ninevhe rakanga riri guta guru, “rwendo rwamazuva matatu, kur[i]poteredza.” Jona paakazoteerera ndokupinda muNinevhe, akaramba achizivisa kuti: “Kwasara mazuva ane makumi mana, ipapo Ninevhe richaparadzwa.” Vanzwa izvi, “vanhu veNinevhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga.” Kunyange mambo weNinevhe akapfidza.—Jona 3:1-6.
7. Jehovha akaona sei kupfidza kwevanhu veNinevhe?
7 Izvozvo zvakanga zvakapesana chaizvo nezvakaitika muSodhoma! Jehovha akaona sei vaNinevhe vakapfidza? Jona 3:10 inoti: “Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.” Jehovha “akazvidemba” mupfungwa yokuti akachinja zvaaida kuita kuvaNinevhe nokuti vakachinja nzira dzavo. Mitemo yaMwari haina kuchinja, asi Jehovha akachinja chisarudzo chake paakaona kuti vaNinevhe vakanga vapfidza.—Maraki 3:6.
8. Nei Jona akatsamwa?
8 Jona paakaona kuti Ninevhe raisazoparadzwa, akaona zvinhu semaonero aJehovha here? Kwete, nokuti tinoudzwa kuti: “Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.” Chiizve chimwe icho Jona akaita? Nhau yacho inoti: “Akanyengetera [kuna] Jehovha, akati: Haiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tarshishi; nokuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari une nyasha une ngoni, usingachimbidziki kutsamwa, uzere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa.” (Jona 4:1, 2) Jona aiziva nezvounhu hwaJehovha. Zvisinei, panguva iyoyo, muprofita wacho akatsamwa uye haana kuona semaonero aiita Mwari vagari veNinevhe vakanga vapfidza.
9, 10. (a) Jehovha akadzidzisa Jona chidzidzo chokutii? (b) Nei tingati pakupedzisira Jona akava nemaonero aJehovha evanhu veNinevhe?
9 Jona akabuda muNinevhe, ndokuvaka musasa, ndokugara mumumvuri wawo “achiti ndigoona zvichaitirwa guta.” Jehovha akaita kuti muchindwe ukure kuti ugopa mumvuri kuna Jona. Zvisinei, zuva rakatevera racho, muti wacho wakaoma. Jona paakatsamwa nazvo, Jehovha akati: “Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwe . . . ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinevhe, riya guta guru, muna Jona 4:5-11) Zvechokwadi Jona akawana chidzidzo pamusoro pemaonero anoita Jehovha vanhu!
vanhu vanopfuura zvuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?” (10 Mhinduro yaJona kune zvakataurwa naMwari pamusoro pokunzwira urombo vanhu veNinevhe haina kunyorwa. Asi, zviri pachena kuti muprofita wacho akagadzirisa maonero ake vaNinevhe vakapfidza. Tinoguma tataura kudaro nokuti Jehovha akamushandisa kunyora nhoroondo yakafuridzirwa iyi.
Iwe Une Mafungiro Api?
11. Zvingangodaro kuti Abrahamu aizoona sei vanhu varipo nhasi?
11 Nhasi tiri kutarisana nokumwe kuparadza—kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa mukati mezuva guru raJehovha. (Ruka 17:26-30; VaGaratiya 1:4; 2 Petro 3:10) Abrahamu aizoona sei vanhu vari kurarama munyika ino yava kuda kuparadzwa? Zvimwe aizova nehanya nevaya vasati vanzwa “mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Abrahamu akaramba achiteterera kuna Mwari pamusoro pevakarurama vaigona kudaro vaiva muSodhoma. Isu pachedu tine hanya nevanhu vangasiya nzira dzenyika ino iri kudzorwa naSatani kana vakapiwa mukana wokupfidza voshumira Mwari here?—1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 18:2-4.
12. Nei zviri nyore kuva nepfungwa dzakafanana nedzaJona pamusoro pevanhu vatinoona muushumiri, uye chii chatingaita nazvo?
12 Zvakafanira kushuva kuona mugumo wouipi. (Habhakuki 1:2, 3) Asi, zviri nyore kuva nemaonero akafanana neaJona, tisina hanya nokuti zvifambire zvakanaka vanhu vangapfidza. Izvi zvinogona kuitika kwazvo kana tikaramba tichisangana nevanhu vasingakendengi, vanoshora, kana kuti kunyange vane nharo patinosvika pamisha yavo neshoko roUmambo. Tingatadza kuona avo Jehovha achiri kuda kuunganidza munyika ino yakaipa. (VaRoma 2:4) Kana kunyatsozviongorora kuchiratidza kuti tinomboti fungei sezvaimboita Jona kuvaNinevhe, tinogona kunyengeterera kubatsirwa kuti tiwiriranise maonero edu neaJehovha.
13. Nei tingati Jehovha ane hanya nevanhu nhasi?
13 Jehovha ane hanya neavo vasati vave kumushumira, uye anoteerera kuteterera kwevanhu vake vakazvitsaurira. (Mateu 10:11) Somuenzaniso, “achaita kuti varuramisirwe” mukupindura minyengetero yavo. (Ruka 18:7, 8) Uyezve Jehovha achazadzika zvipikirwa zvake zvose nezvinangwa munguva yake. (Habhakuki ) Izvi zvichasanganisira kubvisa uipi hwose pasi pano, sokungoparadza kwaakaita Ninevhe pashure pokunge vagari varo vadzokerazve muuipi.— 2:3Nahumi 3:5-7.
14. Tinofanira kuitei patinenge takamirira zuva guru raJehovha?
14 Kusvikira gadziriro ino yakaipa yezvinhu yabviswa mukati mezuva guru raJehovha, tichamirira nokushivirira here, tichiita kuda kwake nokushingaira? Hatizivi mashoko ose pamusoro poukuru hwebasa rokuparidza richiri kufanira kuitwa zuva raJehovha risati rasvika, asi tinoziva kuti mashoko akanaka oUmambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa kusvika Mwari agutsikana mugumo usati wauya. Uye zvechokwadi tinofanira kuva nehanya ne“zvose zvinodikanwa” zvichada kuuyiswa sezvo Jehovha anoramba achizadza imba yake nokubwinya.—Hagai 2:7.
Maonero Edu Anoratidzwa Nezviito Zvedu
15. Chii chinogona kuwedzera kufarira kwedu basa rokuparidza?
15 Zvimwe tinogara munharaunda umo basa rokuparidza risingagamuchirwi zvakanaka uye hatigoni kutamira kunodiwa vazivisi voUmambo vakawanda. Ngatitii gumi vanogona kuwanikwa mundima yedu mugumo usati wauya. Tinofunga kuti gumi ivavo vakakodzera kutsvaka here? Jesu “akasiririswa” nemapoka evanhu “nokuti aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Nokudzidza Bhaibheri nokungwarira uye kuverenga nhau dziri muNharireyomurindi neMukai!, tinogona kuwana nzwisiso yakakura yezvinetso zvenyika ino. Izvi zvinogona kuzowedzerawo kunzwisisa kwedu kudikanwa kwokuparidza mashoko akanaka. Uyezve, kushandisa nokuonga mashoko anobva muBhaibheri anopiwa no“muranda akatendeka akangwara” kunogona kuwedzera kunyengetedza kwedu mundima inogara ichishandwa.—Mateu 24:45-47; 2 Timoti 3:14-17.
16. Tingawedzera sei kubudirira kwoushumiri hwedu?
16 Kuva nehanya kwedu nevaya vasati vateerera shoko reBhaibheri rinoponesa upenyu kunotituma kufunga nezvenguva nenzira dzakasiyana-siyana dzokutaura nadzo navanasaimba muushumiri hwedu. Tinowana kuti vakawanda vanenge vasiri pamba here patinosvika? Kana zvakadaro tinogona kuwedzera kubudirira kwoushumiri hwedu nokusiyanisa nguva nenzvimbo dzebasa redu rokupupurira. Vanobata hove vanoenda nguva yavanogona kubata. Tinogona kuitawo zvakafanana mubasa redu rokubata kwomudzimu here? (Mako 1:16-18) Tinodii kuedza kupupurira kwemanheru nokupupurira norunhare, uko zvinobvumirwa nomutemo? Vamwe vakawana kuti panopakwa motokari, panomira marori, pagaraji repeturu, nomuzvitoro ‘inzvimbo dzokubata’ dzinoita zvibereko. Kuva kwedu nemafungiro akaita seaAbrahamu kuvanhu kunovawo pachena patinoshandisa mikana yokupupurira zvisina kurongwa.
17. Tingakurudzira sei mamishinari nevamwe vari kushumira munyika dzisiri dzavo?
17 Mamiriyoni haasati anzwa shoko roUmambo. Mukuwedzera kukuparidza kwedu tinogona here kuratidza kuva nehanya kwedu nevanhu vakadaro kunyange tiri pamba pedu? Tinoziva here mamishinari kana kuti vashumiri venguva yakazara vari kushumira vari kune imwe nyika? Kana zvakadaro, tinogona kuvanyorera tsamba dzinoratidza kuonga kwedu basa ravo. Izvozvo zvingaratidza sei kuva nehanya nevanhuwo zvavo? Tsamba dzedu dzinokurudzira nokurumbidza dzingasimbisa mamishinari kuti arambe ari mumigove yawo, nokudaro zvichibatsira vamwe vanhu vakawanda kuti vasvike pazivo yechokwadi. (Vatongi 11:40) Tinogonawo kunyengeterera mamishinari uyewo vaya vane nzara yechokwadi vari mune dzimwe nyika. (VaEfeso 6:18-20) Imwe nzira yokuratidza nayo kuva nehanya ndeyokupa mipiro yemari kubasa reZvapupu zvaJehovha munyika yose.—2 VaKorinde 8:13, 14; 9:6, 7.
Ungakwanisa Kutama Here?
18. Vamwe vaKristu vakaitei kuti vafambisire mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo munyika dzavanogara?
18 Avo vakatamira kunzvimbo kunonyanya kudikanwa vazivisi voUmambo vakakomborerwa nokushanda kwavo kwokuzvipira. Zvisinei, zvichiramba zviri munyika yazvo, zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzira mumwe mutauro kuitira kuti zvigone kubatsira vakatamirako pakunamata. Kuedza kwakadaro kwave kuchikomborera zvikuru. Somuenzaniso, Zvapupu zvinomwe zvaibatsira vanhu vokuChina muguta reTexas, U.S.A, zvakagamuchira vanhu 114 kuzochengeta Kudya kwaShe Kwemanheru muna 2001. Avo vanobatsira mapoka akadaro vakawana minda yavo yaibvira kuchekwa.—Mateu 9:37, 38.
19. Zvinokurudzirwa kuti uitei kana uchifunga nezvokutamira kune imwe nyika kuti unowedzera basa rako rokuparidza Umambo ikoko?
19 Zvimwe iwe nemhuri yako munoona sokuti munogona kutamira kune imwe nzvimbo kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Zvechokwadi, kuchenjera kuti munhu atange “agara pasi overenga zvinodiwa.” (Ruka 14:28) Izvi zvinotonyanya kushanda apo munhu anenge achifunga nezvokutamira kune imwe nyika. Munhu upi noupi angafunga nezvomukana iwoyo angafanirawo kuzvibvunza mibvunzo yakadai seiyi: ‘Ndichakwanisa kutsigira mhuri yangu here? Ndinogona kuwana vhiza rakakodzera here? Ndinototaura mutauro wenyika yacho, kana kuti ndinoda kuudzidza here? Ndakafunga nezvemamiriro okunze netsika dzacho here? Ndinogona kuva “yamuro inosimbisa” zvechokwadi here kwete mutoro kuhama dzangu dziri munyika yacho?’ (VaKorose 4:10, 11) Kuti uzive kuti kunodiwa vaparidzi vakadini kunyika yaunenge uchifunga kutamira, nguva dzose zvakakodzera kunyorera hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha inotarisira basa rokuparidza munharaunda iyoyo. *
20. Mumwe muKristu wechiduku akashanda sei kuti abatsire vaanonamata navo uye vamwe munyika yokumwe?
20 Mumwe muKristu akashanda mubasa rokuvaka Dzimba dzoUmambo muJapan akaziva kuti kwaidiwa vashandi vane unyanzvi kuvaka nzvimbo yokunamatira muParaguay. Sezvo akanga asina kuroora uye achine simba rouduku, akatamira kunyika iyoyo ndokushanda kwemwedzi misere saiye bedzi mushandi wenguva yakazara pabasa racho. Panguva yaakanga ariko, akadzidza chiSpanish ndokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Akagona kuona kudikanwa kwevazivisi voUmambo munyika yacho. Kunyange zvazvo akadzokera kuJapan, akazoendazve kuParaguay nokukurumidza ndokunobatsira kuunganidza vanhu kupinda muImba yoUmambo iyoyo.
21. Chii chatinofanira kunyanya kuitira hanya zvikuru uye maoneroi atinofanira kuva nawo sezvatinomirira zuva guru raJehovha?
21 Mwari achaona kuti basa rokuparidza raitwa zvakazara, maererano nokuda kwake. Nhasi, ari kuita kuti basa rokukohwa kwomudzimu kwokupedzisira rikurumidze. (Isaya 60:22) Saka sezvatinomirira zuva raJehovha, ngatiite basa rokukohwa nokushingaira toona vanhu semaonero ayo Mwari wedu ane rudo anovaita.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 19 Hapasi pose pazvinobatsira kuti utamire kunyika uko basa rokuparidza rakarambidzwa kana kuti risina kusununguka. Kuita kudaro kunogona kutokuvadza vaparidzi voUmambo vari kushanda nokungwarira mumamiriro ezvinhu akadaro.
Unoyeuka Here?
• Sezvatinomirira zuva raJehovha, tinofanira kuona sei vanhu?
• Abrahamu aiona sei vanhu vakarurama vangadaro vaigara muSodhoma?
• Jona aiona sei vanhu vakapfidza vomuNinevhe?
• Tingaratidza sei kuti tinoona vanhu vasati vanzwa mashoko akanaka sezvinoita Jehovha?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 16]
Abrahamu aiona vanhu semaonero anoita Jehovha
[Mufananidzo uri papeji 17]
Jona akazova nemaonero aJehovha evaNinevhe vakapfidza
[Mifananidzo iri papeji 18]
Kuva nehanya nevanhu kunotiita kuti tifunge nezvenguva nenzira dzakasiyana-siyana dzokuparidza mashoko akanaka