Zvinoita Kuti Tisakwanisa Kuzviraramira
Zvinoita Kuti Tisakwanisa Kuzviraramira
“Vaviri vanopfuura mumwe . . . Kana vakawira pasi, mumwe uchasimudza shamwari yake.”—Mambo Soromoni
MAMBO SOROMONI womuIsraeri yekare akazivisa kuti: “Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vane mubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe uchasimudza shamwari yake; asi uri oga une nhamo kana achiwira pasi, haana mumwe ungamusimudza.” (Muparidzi 4:9, 10) Muongorori akachenjera wemaitiro evanhu uyu anojekesa kudiwa kwoushamwari uye kukosha kwokusazvitsaura pane vamwe. Zvisinei, aya akanga asiri maonero omunhu chete. Zvakataurwa naSoromoni zvakanga zvichibva pauchenjeri hwaMwari nokufuridzira kwake.
Hakusi kuchenjera kuzvitsaura. Vanhu vanotoda kubatsirana. Tose zvedu tinoda simba norubatsiro rwatinowana kubva kune vamwe vanhu. “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake,” chinodaro chimwe chirevo cheBhaibheri. “Unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” (Zvirevo 18:1) Saka hachisi chinhu chinoshamisa kuti masayendisiti anoongorora magariro evanhu anokurudzira vanhu kuti vabatane neboka rakati uye vafarire vamwe.
Pakati pokukurudzira kumutsidzira upenyu hwomunzanga, Purofesa Robert Putnam anotaura nezvo“kusimbisa simba rokutenda muna Mwari.” Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvakanaka kwazvo panyaya iyi nokuti zvinodzivirirwa muungano dzakaita semhuri pasi pose. Maererano nemashoko omuapostora Petro, ‘vanoda sangano rose rehama,’ idzo ‘dzinotya Mwari noruremekedzo.’ (1 Petro 2:17) Zvapupu zvinodzivisawo kuzvitsaura pane vamwe nezvinozokonzerwa nokuzvitsaura uku zvinorwadza nokuti mabasa akanaka akawanda ane chokuita nokunamata kwechokwadi anoita kuti zvirambe zvakabatikana nokubatsira vavakidzani vazvo kudzidza chokwadi chinowanikwa muShoko raMwari, Bhaibheri.—2 Timoti 2:15.
Rudo Noushamwari Zvakachinja Upenyu Hwavo
Zvapupu zvaJehovha zvinoumba nzanga yakabatana umo nhengo imwe neimwe inoita basa rinokosha. Somuenzaniso, funga nezvenyaya yaMiguel, Froylán, naAlma Ruth, nhengo nhatu dzemhuri imwe chete yokuLatin-America. Vakazvarwa vane chirwere chemapfupa chinokonzera kupfupika. Vose vari vatatu vanoshandisa mawiricheya. Kusonganira neZvapupu kwakachinja sei upenyu hwavo?
Miguel anoti: “Ndakambova nenguva dzokutambudzika, asi pandakatanga kusonganira nevanhu vaJehovha, upenyu hwangu hwakachinja.
Kuzvitsaura pane vamwe kune ngozi zvikuru. Kusonganira nevamwe vandinotenda navo pamisangano yechiKristu, ndichiva navo vhiki nevhiki, kwakandibatsira zvikuru kugutsikana.”Alma Ruth anowedzera kuti: “Ndaimbova nenguva dzokuora mwoyo kukuru; ndainzwa ndakasuwa kwazvo. Asi pandakadzidza nezvaJehovha, ndakanzwa kuti ndaigona kuva noukama hwapedyo naye. Ichocho chakasvika pakuva chinhu chinokosha kwazvo pane zvose muupenyu kwandiri. Mhuri yangu yakatitsigira kwazvo, uye izvozvo zvaita kuti tibatane zvakanyanya.”
Baba vaMiguel vakadzidzisa Miguel nenzira yorudo kuverenga nokunyora. Zvadaro Miguel akabatsirawo Froylán naAlma Ruth kuverenga nokunyora. Izvi zvakanga zvakakosha kuti vasimbe pakunamata. “Kudzidza kuverenga kwakatibatsira kwazvo nokuti zvino taigona kudya zvokudya zvomudzimu nokuverenga Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri,” anodaro Alma Ruth.
Panguva ino, Miguel anoshumira somukuru wechiKristu. Froylán akaverenga Bhaibheri rose kapfumbamwe. Alma Ruth akawedzera basa rake kuna Jehovha nokushanda somushumiri piyona, kana kuti muzivisi woUmambo wenguva yakazara, kubvira muna 1996. Anoti: “Nechikomborero chaJehovha ndakakwanisa kuita izvi, sezvo ndichitsigirwa nehanzvadzi dzangu dzechiKristu dzandinoda idzo dzinondibatsira kwete kungoparidza chete asiwo kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 11 zvandakakwanisa kutanga.”
Mumwe muenzaniso wakanaka kwazvo wakaratidzwa naEmelia, uyo akaita tsaona yakaita kuti ashandise wiricheya pamusana pokukuvara kwakaita makumbo ake nomuzongoza. Zvapupu zvaJehovha zvomuGuta reMexico zvakadzidza naye Bhaibheri, uye akabhabhatidzwa muna 1996. Emelia anoti: “Ndisati ndaziva chokwadi, ndaida kuzviuraya; ndakanga ndisingachadi kurarama. Ndainzwa ndisisina basa rose, ndichichema siku nesikati. Asi pandakasonganira nevanhu vaJehovha, ndakanzwa rudo rwehama. Kundifarira kwadzinoita kwave kuchindikurudzira. Mumwe wevakuru vacho ave ari somukoma kana kuti baba kwandiri. Iye nevamwe vashumiri vanoshumira vanoenda neni kumisangano nomubasa rokuparidza ndiri muwiricheya yangu.”
José, uyo akabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1992, anogara oga. Ane makore 70, uye akaenda pamudyandigere muna 1990. José aisinzwa kuora mwoyo, asi aparidzirwa nechimwe Chapupu, akabva angotanga kupinda misangano yechiKristu. Akada VaFiripi 1:1; 1 Petro 5:2) Vaanotenda navo ava i“yamuro inosimbisa” kwaari. (VaKorose 4:11) Vanomuendesa kwachiremba, vanomushanyira kumba kwake, uye vakamutsigira paakavhiyiwa kana. Anoti: “Vane hanya neni. Imhuri yangu zvechokwadi. Ndinonakidzwa noushamwari hwavo.”
zvaakanzwa nokuona ikoko. Somuenzaniso, akacherechedza ushamwari hwehama akaona kuti dzaiva nehanya naye somunhu. Vakuru nevashumiri vanoshumira vari muungano yake vava kumutarisira. (Pane Mufaro Wechokwadi Pakupa
Mambo Soromoni paakataura kuti “vaviri vanopfuura mumwe,” akanga achangobva kutaura nezvokusava nematuro kwokushandisa kwomunhu masimba ake ose kuunganidza pfuma yokunyama. (Muparidzi 4:7-9) Izvozvo ndizvo zvinowanzotsvakwa nevakawanda nhasi, kunyange zvazvo izvi zvichireva kuregeredza ukama hwevanhu zvose mukati nokunze kwemhuri.
Kuva nemakaro uye udyire kwakaita kuti vakawanda vazvitsaure pane vamwe. Izvi hazvina kumbovaita kuti vafare kana kugutsikana muupenyu, nokuti vanhu vanobvuma kukundwa nepfungwa dzakadaro vanowanzoora mwoyo uye kushaya tariro. Kusiyana naizvozvo, nyaya dzabva kurondedzerwa dzinoratidza kubatsira kwokusonganira nevaya vanonamata Jehovha uye vanokurudzirwa nokumuda kwavanoita uye kuda muvakidzani wavo. Kugarova pamisangano yechiKristu, kutsigira uye kuva nehanya kwevamwe vaKristu, uye basa rokushingaira muushumiri zvaiva zvinhu zvinokosha mukubatsira vanhu ava kukunda pfungwa dzinoodza mwoyo dzinokonzerwa nokuzvitsaura pane vamwe.—Zvirevo 17:17; VaHebheru 10:24, 25.
Sezvo tichitovimba nokubatsirana kwatinoita, zvinoitika ndezvokuti kuitirana zvinhu kunogutsa. Albert Einstein, ane basa rakabatsira vamwe, akati: “Kukosha kwomunhu . . . kunofanira kuonekwa nezvaanopa kwete zvaanokwanisa kuwana.” Izvi zvinowirirana nemashoko aya aShe wedu Jesu Kristu anoti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.” (Mabasa 20:35) Naizvozvo, nepo zvakanaka kudiwa, zvinobatsirawo kwazvo kuda vamwe.
Mumwe mutariri anofambira uyo kwemakore ave achishanyira ungano kuti adzibatsire mumudzimu uye akabatsira kuvaka nzvimbo dzokusanganira nokuda kwevaKristu vari muurombo anotaura manzwiro ake nenzira iyi: “Mufaro wokushumira hama dzangu uye kuona zviso zvadzo zvizere nokuonga unondiita kuti ndirambe ndichitsvaka mikana yokubatsira. Zvandakacherechedza ndezvokuti kuratidza kufarira vamwe ndiko kunoita kuti ufare. Uye ndinoziva kuti sevakuru, tinofanira kuva ‘soutiziro pamhepo . . . , senzizi dzemvura panzvimbo yakawoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.’”—Isaya 32:2.
Zvinofadza Kwazvo Kugara Pamwe Chete Mukubatana!
Chokwadi mukubatsira vamwe uye mukutsvaka ushamwari nevaya vanonamata Jehovha mune zvikomborero zvikuru nomufaro wechokwadi. “Tarirai,” akadanidzira kudaro munyori wepisarema. “Kunaka kwazvo nokufadza kwazvo Pisarema 133:1) Kubatana kwemhuri chinhu chinokosha mukutsigirana, sezvinoratidzwa nenyaya yavanaMiguel, Froylán, naAlma Ruth. Uye chikomborero chikuru kwazvo kuva vakabatana mukunamata kwechokwadi! Apa zano kuvarume nevadzimai vechiKristu, muapostora Petro akanyora kuti: “Pakupedzisira, imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchizvininipisa.”—1 Petro 3:8.
kana hama dzichigara pamwe chete norugare.” (Ushamwari hwechokwadi hunounza zvikomborero zvakakura kwazvo, zvose mupfungwa nomumudzimu. Achitaura neshamwari dzake mukutenda, muapostora Pauro akarayira kuti: “Taurai nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza, tsigirai vasina simba, ivai nemwoyo murefu kune vose. . . . Garoteverai zvakanaka kune mumwe nomumwe nokune vamwe vose.”—1 VaTesaronika 5:14, 15.
Naizvozvo, tsvaka nzira dzinoshanda dzokuitira vamwe zvakanaka. ‘Itira vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama newe mukutenda,’ nokuti izvi zvichaita kuti upenyu hwako huwedzere kukosha uye zvichabatsira kuti ugutsikane. (VaGaratiya 6:9, 10) Mudzidzi waJesu Jakobho akanyora kuti: “Kana hama kana kuti hanzvadzi isina chokupfeka uye ichishayiwa zvokudya zvakakwanira zuva rimwe, asi mumwe wenyu oti kwavari: ‘Endai norugare, mudziyirwe, mugute,’ asi musingavapi zvakafanira zvomuviri wavo, zvinobetserei?” (Jakobho 2:15, 16) Mhinduro yomubvunzo iwoyo iri pachena. Hatifaniri ‘kuramba tichiva nehanya nezvinhu zvedu zvomunhu oga, asiwo kuva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’—VaFiripi 2:4.
Kunze kwokungobatsira vamwe nezvinhu panenge paita dambudziko chete kana kuti paitika njodzi yakati, Zvapupu zvaJehovha zvakabatikana kwazvo kubatsira vamwe vanhu munzira inokosha kwazvo—nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Kushanda kweZvapupu zvinopfuura 6 000 000 mukuzivisa shoko iri retariro nenyaradzo uchapupu hwokufarira kwazvinoita vamwe norudo zvechokwadi. Asi kupa rubatsiro runobva muMagwaro matsvene kunobatsirawo kuita zvimwe zvinodiwa nevanhu. Ndezvipi izvozvo?
Kuita Chinhu Chinokosha Chinodiwa
Kuti tive nomufaro wechokwadi, tinofanira kuva noukama hwakafanira naMwari. Zvakanzi: “Chokwadi chokuti munhu, kwose kwose panguva dzose, kubvira pamavambo kusvikira panguva ino, akanzwa pfungwa yokudana kune chimwe chinhu chaaidavira kuti chakakwirira uye chine simba rakakura kupfuura rake pachake, chinoratidza kuti kunamata chinhu chiri muropa uye chinofanira kubvumwa nesayenzi. . . . Tinofanira kunzwa kutya, kushamiswa, uye ruremekedzo kuona kutsvaka kunoita vanhu vose, uye kutenda, mune munhu mukurusa.”—Man Does Not Stand Alone, rakanyorwa naA. Cressy Morrison.
Jesu Kristu akazivisa kuti: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Vanhu havaiti zvakanaka kana vakagara vakazvitsaura pane vamwe kwenguva refu. Zvisinei, zvakatonyanya kuipa kuzvitsaura kubva pane Musiki. (Zvakazarurwa 4:11) Kuwana ndokushandisa “zivo yaMwari” kunofanira kuva chinhu chinokosha muupenyu hwedu. (Zvirevo 2:1-5) Zvechokwadi, tinofanira kutsunga kugutisa nzara yedu yomudzimu, nokuti hatigoni kuzviraramira uye takaparadzana naMwari. Upenyu hunofadza uye hunopa mubayiro zvechokwadi hunotsamira paukama hwakanaka naJehovha, “Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.”—Pisarema 83:18.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Miguel: “Ndakambova nenguva dzokutambudzika, asi pandakatanga kusonganira nevanhu vaJehovha, upenyu hwangu hwakachinja”
[Mufananidzo uri papeji 5]
Alma Ruth: “Pandakadzidza nezvaJehovha, ndakanzwa kuti ndaigona kuva noukama hwapedyo naye”
[Mufananidzo uri papeji 6]
Emelia: “Ndisati ndaziva chokwadi, . . . ndainzwa ndisisina basa rose”
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kusonganira nevanamati vechokwadi kunobatsira kugutsa zvatinoda pakunamata