Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutevedzera Mwari Wechokwadi

Kutevedzera Mwari Wechokwadi

Kutevedzera Mwari Wechokwadi

“Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.”—VAEFESO 5:1.

1. Vamwe vanodavirei pamusoro pechokwadi, uye nei kufunga kwavo kusina kururama?

“CHOKWADI chii?” (Johani 18:38) Mubvunzo iwoyo, wakabvunzwa nokutsvinya naPondiyo Pirato anoda kusvika makore 2 000 akapfuura, unopa pfungwa yokuti kunyange chokwadi chikatsvakwa zvakadini hachiwaniki. Vakawanda nhasi vangabvumirana nazvo. Chokwadi chiri kushorwa chaizvo. Ungave wakambonzwa zvichinzi munhu nomunhu anozvionera oga chaanoda kuti chinzi chokwadi, kana kuti hapana chinonzi chokwadi chakazara, kana kuti chokwadi chinongochinja-chinja. Kufunga kwakadaro hakuna kururama. Vavariro chaiyo yokutsvakurudza nokudzidza ndeyokuziva zvinhu sezvazviri, chokwadi, pamusoro penyika yatinorarama mairi. Chokwadi haisiri nyaya yemafungiro omunhu. Somuenzaniso, mweya womunhu unofa kana kuti haufi. Satani ariko kana kuti haako. Upenyu hune chinangwa kana kuti hahuna. Pachimwe nechimwe chezvataurwa izvi, panongova nemhinduro imwe chete yakarurama. Chimwe chacho ndechechokwadi, uye chimwe chacho ndechenhema; hazvigoni kuva zvechokwadi zvose.

2. Jehovha ndiMwari wechokwadi munzira dzipi, uye mibvunzoi ichakurukurwa iye zvino?

2 Munyaya yakapfuura, takadzidza kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi. Anoziva chokwadi chezvinhu zvose. Mukusiyana zvikuru nomuvengi wake anonyengera Satani Dhiyabhorosi, Jehovha anotaura chokwadi nguva dzose. Pamusoro pazvo, Jehovha anozivisa chokwadi kune vamwe kakawanda. Muapostora Pauro akakurudzira hama dzake dzechiKristu kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1) SeZvapupu zvaJehovha, tingamutevedzera sei mukutaura chokwadi nokurarama maererano nechokwadi? Nei zvakakosha kuita kudaro? Uye tine vimbisoi yokuti Jehovha anotendera vaya vanorarama vachitaura chokwadi? Regai tione.

3, 4. Muapostora Pauro naPetro vakatsanangura sei zvaizoitika mu“mazuva okupedzisira”?

3 Tinorarama panguva yakazara nhema dzechitendero. Sezvakafanotaurwa nomuapostora Pauro afuridzirwa naMwari, vanhu vakawanda mu“mazuva okupedzisira” ano vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vanoratidza kuti havana simba racho. Vamwe vanoramba chokwadi, vaine “ndangariro dzakaora chose.” Uyezve, ‘vanhu vakaipa nevanyengeri vanobva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa nokutsauswa.’ Kunyange vanhu vakadaro vachigarodzidza, havambosviki “pazivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—2 Timoti 3:1, 5, 7, 8, 13.

4 Muapostora Petro akafuridzirwawo kunyora nezvemazuva okupedzisira. Sokuprofita kwaakaita chaiko, vanhu havangorambi chokwadi chete asiwo vanoshora Shoko raMwari nevaya vanozivisa chokwadi charo. “Maererano nokuda kwavo,” vashori vakadaro vanokanganwa kuti nyika yezuva raNoa yakafukidzwa nemvura, zvichiratidza zvichazoitika muzuva rokutonga richauya. Mafungiro avo okuti zvinhu zvifambe sezvavanoda achareva ruparadziko kwavari panosvika nguva yaMwari yokuparadza vasingamudi.—2 Petro 3:3-7.

Vashumiri vaJehovha Vanoziva Chokwadi

5. Maererano nomuprofita Dhanieri, chii chaizoitika mu“nguva yokupedzisira,” uye uprofita uhwu hwazadzika sei?

5 Achirondedzera “nguva yokupedzisira,” muprofita Dhanieri akafanotaura chimwe chinhu chakasiyana chaizvo chaizoitika pakati pevanhu vaMwari—kumutsidzirwa kwechokwadi chechitendero. Akanyora kuti: “Vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda.” (Dhanieri 12:4) Vanhu vaJehovha havavhiringidzwi kana kupofumadzwa noMunyengeri mukuru. Vachimhanya mumapeji eBhaibheri, vakasvika pakuwana zivo yakarurama. Muzana remakore rokutanga, Jesu akajekesera vadzidzi vake. Aka“zarura pfungwa dzavo kwazvo kuti vanzwisise zvaireva Magwaro.” (Ruka 24:45) Muzuva redu, izvozvo ndizvo zvakaitwa naJehovha. Achishandisa Shoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake, akaita kuti mamiriyoni evanhu pasi pose akwanise kunzwisisa izvo iye anotoziva kare—chokwadi.

6. Vanhu vaMwari nhasi vanonzwisisa chokwadi chipi cheBhaibheri?

6 Sevanhu vaMwari, tinonzwisisa zvinhu zvakawanda izvo neimwe nzira taidai tisina kuziva. Tinoziva mhinduro dzemibvunzo iyo vanhu vakangwara venyika vakatambura nayo kwezviuru zvemakore. Somuenzaniso, tinoziva chikonzero nei paine kutambura, nei vanhu vachifa, uye nei vanhu vasingakwanisi kuwana rugare nokubatana kwepasi pose. Takakomborerwawo nokuratidzwa zviri munguva yemberi—Umambo hwaMwari, paradhiso yepasi, uye upenyu husina mugumo mukukwana. Takasvika pakuziva Jehovha, iye Mukurusa. Takadzidza nezvounhu hwake hunofadza pamwe chete nezvatinofanira kuita kuti tiwane chikomborero chake. Kuziva chokwadi kunoita kuti tikwanise kuziva chisiri chokwadi. Kushandisa chokwadi kunotidzivirira pakuita zvinhu zvisingabhadhari, kunoita kuti tikwanise kuwana zvakanakisisa muupenyu, uye kunotipa tariro inoshamisa yenguva yemberi.

7. Chokwadi cheBhaibheri chinowanikwa navanaani, uye ndivanaani vasingachiwani?

7 Unonzwisisa chokwadi cheBhaibheri here? Kana zvakadaro, wakakomborerwa chaizvo. Munyori paanonyora bhuku, anowanzoriita kuti rinakidze boka rakati revanhu. Mamwe mabhuku anonyorerwa vanhu vakadzidza chaizvo, mamwe anonyorerwa vana, uye mamwezve anonyorerwa vanoita mabasa akati. Kunyange Bhaibheri richiwanikwa nyore nevanhu vose, rakaitirwa kuti rinzwisiswe neboka rakati revanhu. Jehovha akarigadzirira vanozvininipisa, vanyoro venyika. Vanhu vakadaro vanogona kunzwisisa zvinotaura Bhaibheri, pasinei nedzidzo yavo, tsika, chinzvimbo chavo muupenyu, kana kuti dzinza ravo. (1 Timoti 2:3, 4) Ukuwo, kunzwisisa Bhaibheri hakupiwi kune vanhu vaya vasina mwoyo wakarurama, pasinei nokungwara kana kudzidza kwavangave vakaita. Vanozvitutumadza, vanozvikudza, havagoni kunzwisisa chokwadi chinokosha cheShoko raMwari. (Mateu 13:11-15; Ruka 10:21; Mabasa 13:48) Mwari oga ndiye aigona kugadzira bhuku rakadaro.

Vashumiri vaJehovha Vanotaura Chokwadi

8. Nei Jesu aiva chokwadi pachake?

8 SaJehovha, Zvapupu zvake zvakatendeka zvinotaura chokwadi. Jesu Kristu, Chapupu chokutanga chaJehovha, akasimbisa chokwadi nezvinhu zvaakadzidzisa uye nenzira yaakararama nokufa nayo. Akatsigira chokwadi cheshoko raJehovha nezvipikirwa. Saka pakupedzisira, Jesu pachake aiva chokwadi, sezvaakataura pachake.—Johani 14:6; Zvakazarurwa 3:14; 19:10.

9. Magwaro anotii nezvokutaura chokwadi?

9 Jesu akanga “azere nomutsa usina kufanirwa nechokwadi” uye “kunyengera [hakuna] kuwanikwa mumuromo make.” (Johani 1:14; Isaya 53:9) VaKristu vechokwadi vanotevedzera muenzaniso wakaratidzwa naJesu pakutaura chokwadi kune vamwe. Pauro akapa zano vamwe vaaitenda navo kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake, nokuti tiri mitezo yomumwe nomumwe.” (VaEfeso 4:25) Muprofita Zekaria akanga anyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaareve zvokwadi kune wokwake.” (Zekaria 8:16) VaKristu vanotaura chokwadi nokuti vanoda kufadza Mwari. Jehovha anotaura chokwadi uye anoziva kukuvadza kwazvinoita kutaura nhema. Naizvozvo, zvakakodzera kuti atarisire vashumiri vake kutaura chokwadi.

10. Nei vanhu vachireva nhema, uye zvinozoguma nezvisingafadzi zvipi?

10 Kune vakawanda, kutaura nhema kungaita senzira iri nyore yokuti vabatsirwe nezvimwe zvinhu. Vanhu vanoreva nhema kuti vasarangwe, kuti vawane zvimwe zvinhu, kana kuti varumbidzwe nevamwe. Asi, tsika yokureva nhema yakaipa. Pamusoro pazvo, murevi wenhema haangafarirwi naMwari. (Zvakazarurwa 21:8, 27; 22:15) Patinozivikanwa kuti tinotaura chokwadi, vamwe vanodavira zvatinotaura; vanotivimba. Zvisinei, kana tikawanikidzwa tichireva nhema kunyange kamwe chete, vamwe vangasavimba nechinhu chero chipi zvacho chatinozotaura pane imwe nguva. Pane chimwe chirevo chomuAfrica chinoreva kuti kunyepa kamwe chete kunokanganisa kutaura chokwadi kunozoitwa kane chiuru. Chimwe chinoti: “Munyepi haazotendwi, kunyange paanotaura chokwadi.”

11. Nei tichiti kutaura chokwadi hakusi kungochitaura nomuromo chete?

11 Kutaura chokwadi hakusi kungotaura chokwadi nomuromo. Mararamiro. Kunoratidza zvatiri. Tinozivisa chokwadi kune vamwe kwete nezvatinongotaura bedzi asiwo nezvatinoita. “Iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here?” akabvunza muapostora Pauro. “Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ unoba here? Iwe, unoti ‘Usaite upombwe,’ unoita upombwe here?” (VaRoma 2:21, 22) Kana tichizopa vamwe chokwadi, tinofanira kuva vechokwadi mumararamiro edu. Mukurumbira wedu wokutaura chokwadi uye kutendeseka uchava nesimba guru kwazvo rokuita kuti vanhu vateerere kana kuti vasateerera zvatinodzidzisa.

12, 13. Chii chakanyorwa nomumwe wechiduku maererano nokutaura chokwadi, uye chii chakaita kuti ave netsika dzakakwirira?

12 Vechiduku vari pakati pevashumiri vaJehovha vanonzwisisawo kukosha kwokutaura chokwadi. Murondedzero yokuchikoro yaakanyora, Jenny, uyo panguva yacho aiva nemakore 13, akanyora kuti: “Kutendeseka ndechimwe chinhu chandinokoshesa chaizvo. Zvisinei, vanhu vashoma vakanyatsotendeseka nhasi. Ndinozvivimbisa kuti ndicharamba ndakatendeseka nguva dzose muupenyu hwangu. Ndichavawo akatendeseka kunyange kana kutaura chokwadi kusingazondibatsiri ipapo kana kubatsira shamwari dzangu. Ndinova nechokwadi chokuti shamwari dzangu ndedziya dzinotaura chokwadi uye vanhu vakatendeseka.”

13 Achitaura nezverondedzero iyi, mudzidzisi waJenny akati: “Zera rako iduku kwazvo kuti unge wave netsika dzakanaka kwazvo zvakadai. Ndinoziva kuti ucharamba uine tsika dzako nokuti wakashinga.” Chii chakaita kuti musikana wokuchikoro uyu asimbe patsika zvakadaro? Musumo yerondedzero yake, Jenny akataura kuti chitendero chake “chinomuratidza tsika dzaanofanira kutevedzera muupenyu” hwake. Kwapera makore manomwe kubva zvakanyora Jenny rondedzero iyoyo. Sezvaifungidzirwa nomudzidzisi wake, Jenny achiri kuratidza tsika dzakakwirira muupenyu hwake somumwe weZvapupu zvaJehovha.

Vashumiri vaJehovha Vanozivisa Chokwadi

14. Nei vashumiri vaMwari vane mutoro mukuru chaizvo wokutsigira chokwadi?

14 Ichokwadi kuti vamwe kunze kweZvapupu zvaJehovha vangataura chokwadi uye kuedza kuva vakatendeseka. Zvisinei, sevashumiri vaMwari, isu tine mutoro wakakura chaizvo wokutsigira zvinhu zvechokwadi. Takapiwa chokwadi cheBhaibheri—chokwadi chinogona kuita kuti munhu awane upenyu husingaperi. Saka, tine mutoro wokutaurira vamwe zivo iyoyo. “Munhu wose akapiwa zvakawanda, zvakawanda zvichadiwa kwaari,” akadaro Jesu. (Ruka 12:48) Zvechokwadi ‘zvakawanda zvinodiwa’ kune vaya vakakomborerwa nezivo inokosha yaMwari.

15. Mufaroi waunowana mukupa vamwe chokwadi cheBhaibheri?

15 Zvinofadza kupa vamwe chokwadi cheBhaibheri. Sevadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga, tinozivisa mashoko akanaka—shoko retariro rinonyevenutsa mwoyo—kune vaya ‘vanobatwa zvisina kufanira uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi’ uye vaya vakapofumadzwa uye vakavhiringidzwa ne“dzidziso dzemadhimoni.” (Mateu 9:36; 1 Timoti 4:1) Muapostora Johani akanyora kuti: “Handina chikonzero chikuru zvikuru chokuonga kupfuura zvinhu izvi, kuti ndive ndichinzwa kuti vana vangu vanopfuurira kufamba muchokwadi.” (3 Johani 4) Kutendeka kwe“vana” vaJohani—pamwe vaya vaakadzidzisa chokwadi—kwakamuunzira mufaro mukuru. Zvinotiunzira mufaro patinoona vanhu vachiteerera Shoko raMwari nokuonga.

16, 17. (a) Nei chokwadi chisingagamuchirwi nevanhu vose? (b) Mufaroi waungava nawo sezvaunozivisa chokwadi cheBhaibheri?

16 Chokwadi, havasi vose vachagamuchira chokwadi. Jesu akataura chokwadi pamusoro paMwari, kunyange apo kuita kudaro kwakanga kusingafarirwi nevanhu. Kuvashori vechiJudha akati: “Nei musinganditendi? Uyo anobva kuna Mwari anoteerera mashoko aMwari. Ndokusaka musingateereri, nokuti hamubvi kuna Mwari.”—Johani 8:46, 47.

17 Isu, kufanana naJesu, hatiregi kutaura chokwadi chinokosha pamusoro paJehovha. Hatitarisiri vanhu vose kugamuchira zvatinovaudza, nokuti havasi vose vakagamuchira zvakataurwa naJesu. Kunyange zvakadaro, tine mufaro wokuziva kuti zvatiri kuita zvakarurama. Nomutsa wake une rudo Jehovha anoda kuti chokwadi chiziviswe kuvanhu. Sevanhu vane chokwadi, vaKristu vanova vatakuri vechiedza munyika iri murima. Nokuita kuti chiedza chechokwadi chipenye kuburikidza nemashoko edu nezviito, tinogona kubatsira vamwe kupa mbiri kuna Baba vedu vokudenga. (Mateu 5:14, 16) Tinozivisa pachena kuti tinoramba rudzi rwokunyepera rwechokwadi chaSatani totsigira Shoko raMwari rakachena uye risina kusvibiswa. Chokwadi chatinoziva uye chatinoudza vamwe chinogona kupa rusununguko rwechokwadi kune avo vanochigamuchira.—Johani 8:32.

Garotaura Chokwadi

18. Jesu akafarira Natanieri nechikonzero chei uye sei?

18 Jesu aida chokwadi uye aichitaura. Muushumiri hwake pasi pano, akafarira vaya vaitaura chokwadi. Achireva Natanieri, Jesu akati: “Onai, muIsraeri zvechokwadi, maari hamuna kunyengera.” (Johani 1:47) Pashure paizvozvo, Natanieri, uyo anofanira kuve ainziwo Bhatoromeyo, akasarudzwa kuti ave mumwe wevaapostora 12. (Mateu 10:2-4) Kukudzwa kwakadini!

19-21. Murume aimbova bofu akakomborerwa sei nokutaura kwake chokwadi noushingi?

19 Chimwe chitsauko chose chiri mubhuku reBhaibheri raJohani chinorondedzera nyaya yomumwe murume akanga akatendeka akakomborerwa naJesu. Hatizivi zita rake. Chatinoziva ndechokuti murume wacho akanga ari mupemhi aiva bofu kubva pakuzvarwa. Vanhu vakashamiswa apo Jesu akaita kuti aone. Kurapa nechishamiso uku kwakanzwiwa nevamwe vevaFarisi, vavengi vechokwadi, avo vakanga vabvumirana kuti chero ani aitenda muna Jesu aizodzingwa musinagogi. Vachiziva urongwa hwavo uhwu, vabereki vomurume aimbova bofu uyu, avo vakanga vava kutya, vakanyepera vaFarisi, vachiti vakanga vasingazivi kuti mwanakomana wavo sei akanga ava kuona uye kuti ndiani akanga amurapa.—Johani 9:1-23.

20 Murume akanga arapwa akadaidzwazve pamberi pevaFarisi. Asina basa nezvaizoitika, akataura chokwadi asingatyi. Akatsanangura maporeserwo aakaitwa uye kuti ndiJesu akamuporesa. Ashamiswa kuti varume vakadzidza ava vakanga vakakurumbira vaisadavira kuti Jesu aibva kuna Mwari, murume akanga arapwa uyu akavakurudzira asingatyi kuti vagamuchire chokwadi chaiva pachena achiti: “Kudai munhu uyu aisabva kuna Mwari, hapana chinhu chaaimbogona kuita.” Vashaya zvokutaura, vaFarisi vakapomera murume wacho kuti haana ruremekedzo ndokumudzinga.—Johani 9:24-34.

21 Jesu paakanzwa izvi, akatora nguva yake achitsvaka murume wacho nenzira yorudo. Amuwana, akawedzera kuvaka kutenda kwakanga kwaratidzwa nomurume aimbova bofu uyu. Jesu akataura pachena kuti aiva Mesiya. Murume uyu akakomborerwa nokutaura chokwadi! Chokwadi nyasha dzaMwari dzinoenda pane vaya vanotaura chokwadi.—Johani 9:35-37.

22. Nei tichifanira kurarama upenyu hwokutaura chokwadi?

22 Kutaura chokwadi chinhu chatinofanira kuramba tichiita nomwoyo wose. Kunokosha pakutanga nokuchengetedza ukama hwakanaka nevanhu uye naMwari. Kuva wechokwadi kunoreva kubuda pachena, kuva wepachokwadi, anotaurika naye, uye akavimbika, uye Jehovha ndizvo zvaanofarira. (Pisarema 15:1, 2) Kusava wechokwadi kuva anonyengera, asina kuvimbika, wenhema, uye Jehovha haazvifariri. (Zvirevo 6:16-19) Naizvozvo, tsunga kurarama upenyu hwokutaura chokwadi. Zvechokwadi, kuti titevedzere Mwari wechokwadi, tinofanira kuziva chokwadi, kutaura chokwadi, uye kurarama maererano nechokwadi.

Ungapindura Sei?

• Nei tichigona kufara kuti tinoziva chokwadi?

• Tingatevedzera sei Jehovha pakuva vanotaura chokwadi?

• Zvinobatsirei kupa vamwe chokwadi cheBhaibheri?

• Nei zvichikosha kurarama upenyu hwokutaura chokwadi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 17]

Zvavakapiwa chokwadi cheBhaibheri, vaKristu vanoshingairira kuchiudzawo vamwe

[Mifananidzo iri papeji 18]

Murume aiva bofu akarapwa naJesu akakomborerwa zvikuru nokutaura chokwadi