Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Aida Mutsa

Aida Mutsa

Aida Mutsa

MILTON G. HENSCHEL, nhengo yenguva refu yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akapedza upenyu hwake hwepasi pano musi woMugovera, March 22, 2003. Akanga ava nemakore 82.

Ari jaya, Milton Henschel akava mumwe wevashandi vepadzimbahwe reZvapupu zvaJehovha, akashumira kwemakore anopfuura 60. Akakurumidza kuzivikanwa nokuda kwokungwara kwake uye kufarira kwomwoyo wose basa rokuparidza Umambo. Muna 1939 akava munyori waN. H. Knorr, uyo panguva iyoyo aiva mutariri womuchina wokudhinda weZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn. Apo Hama Knorr vakatanga kutungamirira Zvapupu pasi pose muna 1942, vakaramba vaina Hama Henschel somubatsiri wavo. Hama Henschel vakaroora Lucille Bennett muna 1956, uye vakafara nokutambura pamwe chete naye.

Hama Henschel vakashanda pamwe chete naHama Knorr kusvikira pakufa kwaHama Knorr muna 1977. Vaina Hama Knorr kakawanda, Hama Henschel vakaenda kunyika dzinopfuura 150, vachishanyira nokukurudzira Zvapupu zvaJehovha pasi pose, kunyanya mamishinari nevaya vaiva muhofisi dzemapazi. Kufamba ikoko dzimwe nguva kwaitoda kusimba, dzimwe nguva kuine ngozi. Muna 1963 pavaishanyira kokorodzano muLiberia, Hama Henschel vakatambudzwa zvine utsinye pamusana pokuramba kubatanidzwa mune imwe mhemberero yenyika. * Vasingavhunduki, Hama Henschel vakadzokera kuLiberia mwedzi mishomanana gare gare kunosangana napurezidhendi wenyika yacho kuti vatsvake rusununguko rwakakura rwokunamata kweZvapupu zvaJehovha ikoko.

Pakubata nezvinetso zvakaoma, Hama Henschel vaizivikanwa nokutaura zvinhu zvinoshanda, kuda kuchinja, uye kuita zvine musoro. Vavaishanda navo vainyanya kukoshesa kurongeka kwavo, kuva kwavo nomwero, uye kutaura kwavo zvinosetsa. Sezvo vaiva nechipo chendangariro dzakapinza, vaifadza mamishinari akawanda pasi pose nokukurumidza kwavo kuyeuka mazita avo, kutaura mashoko mashomanana mumutauro womunyika macho, uye kutaura mamwe mashoko nenzira inorasisa—zvavaiita nenzira inosetsa.

Mika 6:8 (NW) inotiyeuchidza kuti Jehovha Mwari anoda kuti ti“de mutsa.” Milton Henschel acharangarirwa nokuratidza muenzaniso panyaya iyoyi. Pasinei nomutoro wake webasa unorema, airamba ari munhu ari nyore kutaura naye, munyoro, uye ane mutsa. Aifarira kuti, “Kana usina chokwadi chezvaunofanira kuita, yeuka kuti mutsa ndiwo wakarurama.” Nepo tichichema kurasikirwa nehama inodiwa iyi, tinofara kuti akatsungirira nokutendeka kusvikira kumugumo, aine chokwadi chokugamuchira mubayiro wake, “korona youpenyu.”—Zvakazarurwa 2:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1977, reChirungu, mapeji 171-7.

[Mufananidzo uri papeji 31]

M. G. Henschel aina N. H. Knorr

[Mufananidzo uri papeji 31]

Aine mudzimai wake, Lucille