Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Mubhuku raMika mune zvitsauko zvingani, rakanyorwa rini, uye mamiriro ezvinhu akanga akadii panguva yacho?

Bhuku raMika rine zvitsauko zvinomwe. Muprofita Mika akanyora bhuku racho muzana remakore rechisere B.C.E., apo vanhu vaMwari vesungano vakanga vakakamurwa kuva mumarudzi maviri—Israeri naJudha.—8/15, peji 9.

Maererano naMika 6:8, Mwari anodei kwatiri?

Tinofanira ‘kuita zvakarurama.’ Nzira yaMwari yokuita nayo zvinhu ndiyo muenzaniso weruramisiro, saka tinofanira kutsigira zvinodiwa kuti tive vakatendeseka uye vakavimbika. Anotiudza kuti ‘tide mutsa worudo.’ VaKristu vakaratidza mutsa une rudo nokupa vamwe zvavanoda, sepashure penjodzi. Kuti ‘tifambe tichizvininipisa’ kuna Jehovha, tinofanira kuziva zvatisingakwanisi uye tovimba naye.—8/15, mapeji 20-22.

Kana apererwa nebasa, muKristu angaitei?

Kungava kuchenjera kuongororazve mararamiro ako. Zvingabvira kurerutsa upenyu nokutamira kumusha muduku kana kusava nezvimwe zvinhu zvisingakoshi. Chokwadi, zvinokosha kurega kuzvidya mwoyo pamusana pezvinodiwa zvezuva nezuva, uchivimba kuti Mwari anogona kuita kuti zvibvire kuti tikwanise kuramba tichirarama. (Mateu 6:33, 34)—9/1, mapeji 14-15.

Tinofanira kuyeukei patinopa kana kugamuchira zvipo zvomuchato?

Zvipo zvinodhura handizvo zvinodiwa, kunyange kutarisirwa. Manzwiro omwoyo womunhu ari kupa ndiwo anonyanya kukosha. (Ruka 21:1-4) Hausi mutsa kuzivisa zita romunhu anenge apa chipo. Kuita izvozvo kunogona kunyadzisa. (Mateu 6:3)—9/1, peji 29.

Nei tichifanira kuramba tichinyengetera?

Munyengetero wenguva dzose unogona kubatsira kusimbisa ukama hwedu naMwari woita kuti tikwanise kutarisana nemiedzo yakaoma. Minyengetero yedu ingava mipfupi kana yakareba, zvichienderana nezviri kudiwa uye mamiriro ezvinhu. Munyengetero unovaka kutenda uye unotibatsira kubata nezvinetso.—9/15, mapeji 15-18.

Tinofanira kunzwisisa sei 1 VaKorinde 15:29, mune dzimwe shanduro inoshandurwa kuti “kubhabhatidzwa nokuda kwevakafa”?

Muapostora Pauro akanga achitaura kuti vaKristu vakazodzwa vanobhabhatidzwa, kana kuti kunyudzwa, muupenyu hunotungamirira kurufu rwokutendeka serwaKristu. Pashure pacho, vanomutsirwa kuupenyu hwomudzimu sezvakaitwa Kristu.—10/1, peji 29.

Tinoziva sei kuti kuva muKristu kunoreva zvinopfuura kurega zvakaipa zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 6:9-11?

Muapostora Pauro haana kungogumira pakutaura zvakaipa zvakadai soufeve, kunamata zvidhori, uye udhakwa. Achiratidza kuti kumwezve kuchinja kungadiwa, akaenderera mberi mundima inotevera achiti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo kwandiri; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobetsera.”—10/15, mapeji 18-19.

Ndivanaani vaiva vamwe vevakadzi vekare vakafadza mwoyo waMwari?

Vanosanganisira vananyamukuta Shifra naPua, vasina kuteerera Farao kuti vauraye vana vacheche vechikomana vechiIsraeri vainge vachangoberekwa. (Eksodho 1:15-20) Pfambi yainzi Rakabhi yechiKanani yakadzivirira vasori vaviri vaiva vaIsraeri. (Joshua 2:1-13; 6:22, 23) Achiratidza ungwaru, Abhigairi akabatsira kuponesa upenyu uye kudzivirira Dhavhidhi pakuva nemhosva yeropa. (1 Samueri 25:2-35) Mienzaniso kuvakadzi nhasi.—11/1, mapeji 8-11.

Zvakadaro sei kuti “nyeredzi dzakarwa dziri kudenga” naSisera, sezvinotaurwa pana Vatongi 5:20?

Vamwe vanofunga kuti izvi zvinoreva kubatsira kwaMwari. Vamwe vanotaura nezvokubatsira kwengirozi, kunaya kwematombo anobva muchadenga, kana kuti kuvimba kwaSisera nokufembera kwevaongorori venyeredzi. Sezvo Bhaibheri risingatsananguri zvose, tinogona kutora mashoko acho seanoratidza kupindira kwakati kwaMwari achirwira uto revaIsraeri.—11/15, peji 30.

Nokusafarira uye kushaya hanya nechitendero zvinoita sezvazara panyika, nei vakawanda kwazvo vachiri kutaura kuti vanodavira muna Mwari?

Vamwe vanoenda kuchechi vachitsvaka rugare rwepfungwa. Vamwe vanotarisira upenyu husingaperi pashure porufu, kana kuti kuwana utano, pfuma, uye kubudirira. Mudzimwe nzvimbo, vanhu vanotsvaka kuwana chimwe chinhu chichazadza chido chavo chokunamata chakaguma chavapo sezvo tariro yemakwikwi okuda kupfuma yakatsiva pfungwa yoMushandirapamwe. Kuziva zvikonzero zvakadaro kunogona kubatsira muKristu kutanga kurukurirano dzine musoro.—12/1, peji 3.