Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Tsvakai Akafanira’

‘Tsvakai Akafanira’

‘Tsvakai Akafanira’

DHAMASIKO raiva guta raibudirira muzana remakore rokutanga muNguva yedu Yavose. Zvarakanga rakapoteredzwa neminda yemiti yemichero, rakanga rakaita sechiteshi chengoro dzaibva kunyika dzokumabvazuva. Pasina nguva Jesu Kristu afa, muDhamasiko makanga mava neungano yechiKristu. PavaKristu vaiva muungano iyoyo paiva nevaJudha vangangove vakava vateveri vaJesu paMutambo wePendekosti muJerusarema muna 33 C.E. (Mabasa 2:5, 41) Vamwe vadzidzi vaibva Judhiya vangangove vakatamira kuDhamasiko kutambudzwa pakwakamuka pashure pokunge Stefani atemwa nematombo.—Mabasa 8:1.

Zvichida munenge muna 34 C.E., mumwe muKristu aibva kuDhamasiko ainzi Ananiyasi akapiwa basa rakaoma. Ishe akamuudza kuti: “Simuka, enda kumugwagwa unonzi Wakarurama, uye tsvaka murume anonzi Sauro anobva Taso, pamba paJudhasi. Nokuti, tarira! ari kunyengetera.”—Mabasa 9:11.

Mugwagwa wainzi Wakarurama wakanga wakareba makiromita 1,5 uye waipfuura nepakati peDhamasiko. Kubva pamufananidzo uri papeji ino womuzana remakore rechi19, tinogona kufungidzira zvaiva zvakaita mugwagwa wacho munguva dzekare. Tichifunga nezvokugadzirwa kwawainge wakaita, Ananiyasi anofanira kunge akatsvaka kwenguva yakati rebei kuti awane imba yaJudhasi. Zvisinei, Ananiyasi akaiwana uye kushanya kwaakaita kwakaita kuti Sauro ave muapostora Pauro, muzivisi anoshingaira wemashoko akanaka.—Mabasa 9:12-19.

Jesu akanga atuma vadzidzi vake uye akanga avaudza kuti va‘tsvake vakafanira’ mashoko akanaka. (Mateu 10:11) Sezviri pachena, Ananiyasi, akaita zvokutsvaka Sauro. Kufanana naAnaniyasi, Zvapupu zvaJehovha zvinotsvaka nomufaro vakafanira uye zvinofara apo vanhu vanogamuchira mashoko akanaka oUmambo. Kuvawana kunoita kuti tione kuti tiri kushandira zviripo.—1 VaKorinde 15:58.

[Mufananidzo uri papeji 32]

‘Mugwagwa wemazuva ano unonzi Wakarurama’

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Kubva mubhuku rinonzi La Tierra Santa, Volume II, 1830