Jehovha Ndiye Mubatsiri Wedu
Jehovha Ndiye Mubatsiri Wedu
“Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, wakaita kudenga napasi.”—PISAREMA 121:2.
1, 2. (a) Nei zvingataurwa kuti tose zvedu tinoda kumbobatsirwa? (b) Jehovha Mubatsiri akadini?
NDIANI asingatombodi kubatsirwa? Chokwadi ndechokuti tose tinoda kumbobatsirwa—pakutarisana nechinetso chikuru, kutsungirira kufirwa kunorwadza, kushingirira muedzo wakaoma. Vanhu pavanenge vachida kubatsirwa, vanowanzoenda kune shamwari ine hanya. Kutaurirana zvinorema neshamwari yakadaro kungarerutsa zvakakuremera zvacho. Asi munhuwo akaita sewe ane paanogumirawo. Uyewo, vamwe vangasakwanisa kubatsira nguva dzose panenge pachidiwa rubatsiro.
2 Zvisinei, kune Mubatsiri ane simba nezvokutibatsira nazvo zvisingaperi. Uyezve anotivimbisa kuti haazombotisiyi. Ndiye Anotaurwa nomunyori wepisarema nechivimbo chakakwana kuti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.” (Pisarema 121:2) Neiko munyori wepisarema uyu aiva nechokwadi chokuti Jehovha aizomubatsira? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo ngationgororei Pisarema 121. Izvozvo zvichatibatsira kuona chikonzero nei isuwo tingatarira nechivimbo kuna Jehovha soMubatsiri wedu.
Haambokundikani Kubatsira
3. Munyori wepisarema angave akatarira kumakomo api, nechikonzero chei?
3 Munyori wepisarema akatanga nokuratidza kuti, sezvo Jehovha ari iye akasika zvose tine chikonzero chokuvimba naye chokuti: “Ndichasimudzira meso angu kumakomo; kubatsirwa kwangu kuchabvepiko? Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, wakaita kudenga napasi.” (Pisarema 121:1, 2) Munyori wepisarema haana kungosimudzira meso chero kugomowo zvaro. Pakanyorwa mashoko aya, temberi yaJehovha yaiva muJerusarema. Guta iroro raiva pamusoro pemakomo eJudha, ndiro raifananidzira nzvimbo yaigarwa naJehovha. (Pisarema 135:21) Munyori wepisarema angave akasimudzira meso ake kumakomo eJerusarema kwainge kwakavakirwa temberi yaJehovha, aine chivimbo chokubatsirwa. Neiko munyori wepisarema aivimba chaizvo nokuti Jehovha aigona kumubatsira? Nokuti Ndiye “Wakaita kudenga napasi.” Kutaura zvazviri, munyori wepisarema akanga achiti, ‘Chokwadi hapana chingambotadzisa Musiki ane masimba ose kundibatsira!’—Isaya 40:26.
4. Munyori wepisarema akaratidza sei kuti Jehovha anoramba achitarira zvinodiwa nevanhu vake, uye nei izvozvo zvichinyaradza?
4 Munyori wepisarema akazotsanangura kuti Jehovha anogara akagadzirira kubatsira vashumiri vake, achiti: “Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; muchengeti wako haangakotsiri. Tarirai, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.” (Pisarema 121:3, 4) Mwari haangatenderi vaya vanovimba naye kuti va“tedzemuke” kana kuti vawe zvokuti havazomuki. (Zvirevo 24:16) Nei zvakadaro? Nokuti Jehovha akafanana nomufudzi akanyatsosvinura ari kurinda makwai ake. Izvozvo hazvinyaradzi here? Acharamba achingotarisira zvinodiwa nevanhu vake. Anoramba achingovarinda masikati nousiku.
5. Nei Jehovha achinzi ari ‘kuruoko rworudyi?’
5 Munyori wepisarema aine chivimbo chokuti Jehovha Mudziviriri wevanhu vake akavimbika, akanyora kuti: “Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi. Zuva haringakubayi masikati, nomwedzi usiku.” (Pisarema 121:5, 6) Kune munhu ainge ari parwendo netsoka muMiddle East, nzvimbo ine mumvuri yaizomudzivirira pakubanda kwezuva. Jehovha akaita somumvuri kuvanhu vake, achivadzivirira pakugocha kwokupisa kwenhamo. Ona kuti Jehovha anonzi ari ‘kuruoko rworudyi.’ Pakurwa kwaiitwa kare, ruoko rworudyi rwomurwi rwakanga rusina kunyatsodzivirirwa nenhoo, iyo yaibatwa noruoko rworuboshwe. Shamwari yakavimbika yaigona kuuya kuzorwa iri kurudyi rwomurwi ichimudzivirira. Jehovha anomira padivi revanamati vake akavimbika, sezvaiita shamwari yakadaro, akagadzirira kuvabatsira.
6, 7. (a) Munyori wepisarema anotivimbisa sei kuti Jehovha haazomboregi kubatsira vanhu vake? (b) Nei tichigona kuva nechivimbo chakafanana nechomunyori wepisarema?
6 Jehovha achazomborega kubatsira vanhu vake here? Izvozvo hazvitombofungiki. Munyori wepisarema akapedzisa achiti: “Jehovha uchakuchengeta pazvakaipa zvose; uchachengeta mweya wako. Jehovha uchakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.” (Pisarema 121:7, 8) Ona kuti munyori haachatauri zvenguva ino asi yemberi. Mundima 5 munyori wepisarema amboti: “Jehovha ndiye muchengeti wako.” Asi mundima idzi, munyori wepisarema ava kuti “Jehovha uchakuchengeta.” Saka vanamati vechokwadi vanovimbiswa kuti rubatsiro rwaJehovha ruchasvika munguva yemberi. Hazvinei nokuti vanoenda kupi, hazvinei nokuti vanotarisana nematambudziko akaita sei, havazombovi kure zvokuti anotadza kuvabatsira.—Zvirevo 12:21.
7 Zvechokwadi, munyori wePisarema 121 aiva nechivimbo chokuti Musiki ane simba rose anotarisira vashumiri vake nounyoro hwakafanana nehwomufudzi uye achiramba achidaro somurindi akasvinurira nguva dzose. Tine chikonzero chiri chose chokuonawo zvinhu sezvaiita munyori wepisarema, nokuti Jehovha haachinji. (Maraki 3:6) Izvi zvinoreva kuti ticharamba tichingodzivirirwa pakukuvadzwa chaikoiko here? Aiwa, asi chero bedzi tichiramba tichivimba naye kuti ndiye Mubatsiri wedu, achatidzivirira pane zvose zvingatikanganisa pakunamata kwedu. Zvinongouya zvoga kuti tibvunze kuti, ‘Jehovha anotibatsira sei?’ Ngationgororei nzira ina dzaanoita nadzo kudaro. Munyaya ino, tichakurukura kuti akabatsira sei vashumiri vake munguva dzekare. Munyaya inotevera, tichakurukura kuti anobatsira sei vanhu vake nhasi.
Kubatsirwa Nengirozi
8. Nei zvisingashamisi kuti ngirozi dzinofarira kugara zvakanaka kwevashumiri vaMwari vepasi pano?
8 Jehovha anodzora mamiriyoni nemamiriyoni engirozi. (Dhanieri 7:9, 10) Ava vanakomana vomudzimu vanoita zvaanoda nokutendeseka. (Pisarema 103:20) Vanonyatsoziva kuti Jehovha anoda chaizvo vanhu vanomunamata uye kuti anoda kuvabatsira. Saka hazvishamisi kuti ngirozi dzinofarira chaizvo kugara zvakanaka kwevashumiri vaMwari vepasi pano. (Ruka 15:10) Saka, zvechokwadi ngirozi dzinofanira kufarira kushandiswa naJehovha kuti dzibatsire vanhu. Kare, ngirozi dzakashandiswa sei naJehovha kuti dzibatsire vashumiri vake vepasi pano?
9. Ipa muenzaniso wokuti ngirozi dzakapiwa sei simba naMwari rokudzivirira vanhu vakatendeka.
9 Ngirozi dzakapiwa simba naMwari kuti dzidzivirire uye dzinunure vanhu vakatendeka. Ngirozi mbiri dzakabatsira Roti nevanasikana vake kuti vatize kuparadzwa kweSodhoma neGomora. (Genesi 19:1, 15-17) Ngirozi imwe chete yakauraya varwi veAsiriya 185 000 vaityisidzira Jerusarema. (2 Madzimambo 19:35) Dhanieri paakakandwa mugomba reshumba, Jehovha “akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba.” (Dhanieri 6:21, 22) Ngirozi yakasunungura muapostora Petro mujeri. (Mabasa 12:6-11) Bhaibheri rinotaura mimwe mienzaniso yakawanda yokudzivirira kwengirozi, zvichiratidza kuti Pisarema 34:7 rinotaura chokwadi parinoti: “Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya, nokuvarwira.”
10. Jehovha akashandisa sei ngirozi kuti ikurudzire muprofita Dhanieri?
10 Pane imwe nguva, Jehovha akashandisa ngirozi kuti dzikurudzire nokusimbisa vanhu vakatendeka. Muenzaniso unobata mwoyo unowanikwa pachitsauko 10 chaDhanieri. Panguva iyoyo, zvichida Dhanieri akanga oda kusvitsa makore 100. Sezviri pachena, muprofita wacho akanga akaora mwoyo chaizvo pamusana pokuti Jerusarema rakanga richiri dongo uye kuti temberi yakanga yanonoka kuvakwazve. Akatambudzikawo pashure pokuratidzwa zvinhu zvinotyisa. (Dhanieri 10:2, 3, 8) Norudo, Mwari akatumira ngirozi kuti inomukurudzira. Ngirozi yacho yakayeuchidza Dhanieri kanopfuura kamwe chete kuti akanga achi“dikanwa kwazvo” mumaziso aMwari. Izvi zvakaguma nei? Muprofita wacho akanga akwegura akaudza ngirozi yacho kuti: ‘Wandisimbisa.’—Dhanieri 10:11, 19.
11. Ndoupi mumwe muenzaniso wokushandiswa kwakaita ngirozi kutungamirira basa rokuparidza mashoko akanaka?
11 Jehovha akashandisawo ngirozi kuti dzitungamirire basa rokuparidza mashoko akanaka. Ngirozi yakatungamirira Firipi kuti aparidze nezvaKristu kumukuru mukuru weEtiopiya, achibva azobhabhatidzwa. (Mabasa 8:26, 27, 36, 38) Nguva pfupi gare gare, Mwari akanga ava kuda kuti mashoko akanaka aparidzwe kuvanhu Vemamwe Marudzi vakanga vasina kudzingiswa. Pane zvaakaratidzwa, ngirozi yakaenda kuna Koneriyasi munhu weMamwe Marudzi aitya Mwari, ikamurayira kuti ashevedze muapostora Petro. Nhume dzakabva kuna Koneriyasi padzakawana Petro dzakamuudza kuti: “Koneriyasi . . . akapiwa mirayiridzo yaMwari nengirozi tsvene kuti akudane kuti uuye kumba kwake kuti anzwe zvinhu zvauchataura.” Petro akabva angoenda, uye munhu weMamwe Marudzi asina kudzingiswa akabva ava muungano yechiKristu. (Mabasa 10:22, 44-48) Chimbofunga kuti waizonzwa sei kuziva kuti ngirozi yakakubatsira kuwana munhu anoda upenyu!
Kubatsirwa Nomudzimu Mutsvene
12, 13. (a) Nei vaapostora vaJesu vaiva nechikonzero chakanaka chokubvuma kuti mudzimu mutsvene waigona kuvabatsira? (b) Mudzimu mutsvene wakabatsira vaKristu vomuzana remakore rokutanga munzira ipi?
12 Nguva pfupi asati afa, Jesu akavimbisa vaapostora vake kuti vaisazosara vasina rubatsiro. Baba vaizovapa “mubetseri, mudzimu mutsvene.” (Johani 14:26) Vaapostora vaiva nechikonzero chakanaka chokubvuma kuti mudzimu mutsvene waigona kuvabatsira. Handiti Magwaro akafuridzirwa azere nemienzaniso yemashandisiro akaita Jehovha mudzimu mutsvene, simba rinopfuura rimwe rose riripo, kuti ubatsire vanhu vake.
13 Kakawanda, mudzimu mutsvene wakashandiswa kusimbisa vanhu kuti vaite zvinodiwa naJehovha. Mudzimu mutsvene wakapa simba Vatongi kuti vanunure vaIsraeri. (Vatongi 3:9, 10; 6:34) Mudzimu iwoyo wakapa simba vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti varambe vachiparidza pasinei nokushorwa kwemarudzi ose. (Mabasa 1:8; 4:31) Kubudirira kwavo mukuita ushumiri hwavo kwakapa uchapupu hwakasimba hwokushanda kwomudzimu mutsvene. Chiizve chingave chakaita “vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza” kuti vagone kuparidza shoko roUmambo munyika yose yaizivikanwa panguva iyoyo?—Mabasa 4:13; VaKorose 1:23.
14. Jehovha ave achishandisa sei mudzimu mutsvene wake kubatsira vanhu vake kunzwisisa?
14 Jehovha akashandisawo mudzimu mutsvene wake kubatsira vanhu vake kuti vanzwisise. Achibatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari, Josefa akakwanisa kududzira hope dzokuprofita dzaFarao. (Genesi 41:16, 38, 39) Achishandisa mudzimu wake, Jehovha akaita kuti zvinangwa zvake zvizivikanwe navanozvininipisa nepo zvichivanzirwa vanozvikudza. (Mateu 11:25) Saka nezvezvinhu izvo Jehovha anopa vaya “vanomuda,” muapostora Pauro akati: “Mwari akazvizarurira kwatiri nomudzimu wake.” (1 VaKorinde 2:7-10) Munhu anongogona kunzwisisa zvinodiwa naMwari achibatsirwa nomudzimu mutsvene.
Kubatsirwa neShoko raMwari
15, 16. Joshua akanzi aitei kuitira kuti aite nokuchenjera?
15 Shoko raMwari rakafuridzirwa ‘rinobatsira pakudzidzisa,’ uye rinoita kuti vashumiri vaMwari ‘vakwanise kwazvo, vakashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.’ (2 Timoti 3:16, 17) Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda inoratidza kuti vanhu vaMwari munguva dzekare vakabatsirwa sei nezvikamu zveShoko rake rakanga ratonyorwa kare.
16 Magwaro akabatsira kutungamirira nomazvo vanamati vaMwari. Joshua paakanzi ave mutungamiriri waIsraeri, akaudzwa kuti: “Bhuku iyi yomurayiro [yainge yanyorwa naMosesi] haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.” Ona kuti Mwari haana kuvimbisa Joshua kuti aizomupa uchenjeri nenzira inoshamisa. Asi, kana Joshua aizoverenga nokufungisisa “bhuku yomurayiro” aizoita nokuchenjera.—Joshua 1:8; Pisarema 1:1-3.
17. Dhanieri naMambo Josiya vakabatsirwa sei nezvikamu zveMagwaro zvavaiva nazvo?
17 Shoko raMwari rakanyorwa rakabatsirawo kuzivisa zvaanoda uye zvinangwa zvake. Somuenzaniso, Dhanieri akanzwisisa pane zvakanyorwa naJeremia kuti Jerusarema raizoramba riri dongo kwenguva yakareba sei. (Jeremia 25:11; Dhanieri 9:2) Chimbofungawo zvakaitika panguva yokutonga kwaMambo Josiya weJudha. Panguva iyoyo, rudzi rwacho rwakanga rwatsauka pana Jehovha, uye zviri pachena kuti madzimambo akanga akundikana kuzvinyorera Mutemo nokuutevedzera. (Dheuteronomio 17:18-20) Asi paigadziridzwa temberi, “bhuku yomurayiro,” zvimwe iya yakanga yanyorwa naMosesi yakawanikwa. Zvimwe iri ndiro bhuku rakatanga kunyorwa, rakanga rapera makore 800 akanga apfuura. Anzwa zvaiva mariri zvichiverengwa, Josiya akaona kuti rudzi rwacho rwainge rwatsauka pane zvaidiwa naJehovha zvikuru sei, uye mambo akatora matanho akasimba kuti aite zvakanga zvakanyorwa mubhuku racho. (2 Madzimambo 22:8; 23:1-7) Hazvisi pachena here kuti vanhu vaMwari vekare vakabatsirwa nezvikamu zveMagwaro Matsvene zvavaiva nazvo?
Kubatsirwa Nevatinonamata Navo
18. Nei tingati Jehovha ndiye ari seri kwokubatsirana kwevanamati vechokwadi?
18 Jehovha anowanzotibatsira achishandisa vatinonamata navo. Kutaura zvazviri, munamati wechokwadi paanobatsira mumwe wake, Mwari ndiye anenge ari seri. Nei tichitaura kudaro? Pane zvikonzero zviviri. Kutanga, mudzimu mutsvene waMwari unobatanidzwa. Mudzimu iwoyo unobereka zvibereko, zvinosanganisira rudo norunako muna vaya vanotsvaka kubatsirwa nawo. (VaGaratiya 5:22, 23) Saka apo mumwe wevashumiri vaMwari anonzwa achida kubatsira mumwe, uhwu uchapupu hwokushanda kwomudzimu waJehovha. Chechipiri, takasikwa nomufananidzo waMwari. (Genesi 1:26) Izvi zvinoreva kuti tinokwanisa kuratidza unhu hwake, hwakadai sengoni nokunzwira tsitsi. Saka chero nguva ipi apo mumwe wevashumiri vaJehovha anobatsira mumwe, Anokonzera rubatsiro rwakadaro ndouya ane unhu huri kuratidzwa.
19. Maererano nezviri muBhaibheri, Jehovha akashandisa sei vamwe vanamati vake kuti vabatsire vamwe vavo?
19 Kare kare, Jehovha akabatsira sei achishandisa vamwe vevanamati vake? Jehovha aiwanzoita kuti mumwe wevashumiri vake ape zano kune mumwe, sezvakaita Jeremia paakapa Bharuki zano rinoponesa. (Jeremia 45:1-5) Pane dzimwe nguva vanamati vechokwadi vakanzwa vachida kubatsira nezvinhu kune vavainamata navo, sezvakaita vaKristu veMakedhoniya neveAkaya vakaratidza chido chokubatsira hama dzavo dzokuJerusarema dzainge dzawirwa nedambudziko. Muapostora Pauro akati rupo rwakadaro “runoita kuti Mwari aongwe.”—2 VaKorinde 9:11.
20, 21. Zvinhu zvakanga zvakamira sei muapostora Pauro paakasimbiswa nehama dzokuRoma?
20 Nyaya dzinonyanya kubaya mwoyo ndedzokuti vashumiri vaJehovha vakatamburira sei kuti vasimbisane nokukurudzirana. Funga nezvomuenzaniso unobatanidza muapostora Pauro. Paaienda kuRoma ari musungwa, Pauro akafamba mumugwagwa mukuru weRoma unonzi Appian Way. Chikamu chokupedzisira chorwendo rwacho chakanga chisingafadzi, nokuti vafambi vacho vaifanira kupfuura nepanzvimbo yakaderera ine machakwi. * Hama dzomuungano yeRoma dzaiziva kuti Pauro akanga ari kuuya. Dzaizoitei? Dzaizomirira dziri mudzimba dzadzo muguta here, kuti kana Pauro asvika dzozobuda kuti dzimukwazise?
21 Munyori weBhaibheri Ruka, akaperekedza Pauro parwendo urwu anotiudza zvakaitika achiti: “Tichibva ipapo [kuRoma] hama, padzakanzwa mashoko pamusoro pedu, dzakauya kuzosangana nesu tichiri kuMusika weApiyo neHotera Nhatu.” Unogona kufungidzira zvazvainge zvakaita here? Hama dzichiziva kuti Pauro akanga ari kuuya, dzakabva Roma dzichinomuchingura. Dzimwe hama dzainge dzakamumirira paMusika weApiyo, musika waiva nomukurumbira uri kunze kweRoma nemakiromita 74. Dzimwe dzacho dzakanga dzakamirira paHotera Nhatu, panzvimbo yokumbozororera yaiva kunze kweguta racho nemakiromita 58. Pauro akaita sei? Ruka anoti: “Pauro achidziona, akaonga Mwari, akashinga.” (Mabasa 28:15) Pafunge—kungoona hama idzodzo dzakanga dzazvipira kufamba rwendo rwose irworwo zvakasimbisa uye zvakanyaradza Pauro! Pauro akatenda ani nokuda kworutsigiro runobatsira urwu? Akatenda iye akazvikonzera, Jehovha Mwari.
22. Ndorupi rugwaro rwedu rwegore ra2005, uye chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
22 Zviri pachena kuti nhoroondo yakafuridzirwa yezvakaitwa naMwari yakajeka. Iye Mubatsiri asina anoenzana naye. Saka zvakakodzera kuti rugwaro rwegore ra2005 rweZvapupu zvaJehovha ruchava nemashoko anobva pana Pisarema 121:2 anoti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.” Asi Jehovha anotibatsira sei nhasi? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 20 Nyanduri wokuRoma anonzi Horace (65—8 B.C.E.), akaitawo rwendo urwu, akataura nezvokusafadza kwechikamu ichi chorwendo. Horace akatsanangura Musika weApiyo kuti “wakatsindirana nevachairi vezvikepe uye une vatarisiri vehotera vakaomera chaizvo.” Akachema-chema nezvounyunyu nematatya zvakaipa” uyewo mvura “inorwarisa.”
Unoyeuka Here?
Jehovha akapa rubatsiro munzira dzipi—
• achishandisa ngirozi?
• achishandisa mudzimu mutsvene wake?
• neShoko rake rakafuridzirwa?
• achishandisa vatinonamata navo?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]
Rugwaro rwegore ra2005 runoti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Pauro akaonga Mwari nokubatsirwa kwaakaitwa nehama dzokuRoma