Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shamwari dzaMwari mu“Friendly Islands”

Shamwari dzaMwari mu“Friendly Islands”

Shamwari dzaMwari mu“Friendly Islands”

Muna 1932 chimwe chikepe chakaunza mbeu inokosha chaizvo muTonga. Kaputeni wechikepe ichi akapa Charles Vete kabhuku kanonzi “Where Are the Dead?” (Vakafa Vari Kupi?) Charles akanyatsobvuma kuti akanga awana chokwadi. Pane imwe nguva gare gare, dzimbahwe reZvapupu zvaJehovha rakabvuma chikumbiro chaCharles chokuti ashandurire kabhuku aka mururimi rwake. Apedza basa racho akazogamuchira tubhuku 1 000 twakadhindwa ndokutanga kutuparadzira. Ndiwo matangiro akaita kuparadzirwa kwembeu dzoUmambo hwaJehovha muzvitsuwa zveTonga.

PAMEPU yeSouth Pacific, unogona kuona Tonga nechokumavirira panosangana international date line neTropic of Capricorn. Chitsuwa chacho chikuru, Tongatapu, chiri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAuckland, New Zealand nemakiromita anenge 2 000. Tonga ine zvitsuwa 171, 45 zvacho zvinogarwa nevanhu. Mutsvakurudzi akakurumbira aifamba achitsvaka nzvimbo itsva womuzana remakore rechi18 wokuBritain James Cook, akatumidza zvitsuwa izvi zviri kure kure kuti Friendly Islands (Zvitsuwa Zvine Ushamwari).

Muzvitsuwa zveTonga munogara vanhu vanenge 106 000, pane mapoka matatu ezvitsuwa—zvikuru zvacho zvinoti Tongatapu, Ha’apai, uye Vava’u. Paungano shanu dzeZvapupu zvaJehovha dziri ikoko, nhatu dzacho dziri muzvitsuwa zveTongatapu munogara vanhu vakawanda, imwe iri muHa’apai uye imwe yacho muVava’u. Kuti zvibatsire vanhu kuti vave shamwari dzaMwari, Zvapupu zvaJehovha zvine musha wemamishinari nehofisi yevashanduri pedyo neguta guru reNuku’alofa.—Isaya 41:8.

Kubva kuma1930, Charles Vete aizivikanwa kwose kwose somumwe weZvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo asina kubhabhatidzwa kutozosvikira muna 1964. Vamwe vaienda naye mubasa rokuparidza, uye muna 1966 Imba yoUmambo inokwana vanhu 30 yakavakwa. Ungano yevaparidzi voUmambo 20 yakaumbwa muna 1970 muNuku’alofa.

Kubvira ipapo, kuzadzika kwemashoko omuprofita Isaya kunogona kuonekwa zvakajeka muzvitsuwa zveTonga anoti: “Ngavakudze Jehovha, vaparidzire pazviwi kurumbidzwa kwake.” (Isaya 42:12) Basa roUmambo raramba richibudirira, richibatsira vakawanda kuti vave noukama naJehovha. Pakokorodzano yoruwa muNuku’alofa muna 2003, nhamba yepamusorosoro yevakapinda yaiva 407, uye 5 vakabhabhatidzwa. Chimwe chinoratidza kuti vanhu vangangoramba vachiwedzera, vanhu 621 vakapinda Chirangaridzo muna 2004.

Vanorarama Upenyu Huri Nyore

Zvisinei, kune dzimwe nzvimbo kure neguta guru, kuchiri kudiwa vaparidzi voUmambo. Somuenzaniso, vanhu 8 500 vanogara muzvitsuwa 16 zveboka reHa’apai vanoda kunzwa zvakawanda nezvechokwadi cheBhaibheri. Zvitsuwa zveHa’apai kunyanya zvine michindwe isina kunyanyoreba zvine mahombekombe akareba ane jecha jena. Mvura yacho yegungwa yakachena chaizvo, zvokuti unotoona zvinhu zviri pasi kutopfuura mamita 30. Mukana usingawanzowaniki kuti munhu ashambire pamakorari pamwe chete nehove dzemarudzi anopfuura zana dzine mavara akasiyana-siyana dzomunzvimbo iyi. Kazhinji misha yacho miduku. Kunyange zvazvo dzimba dzacho dziri duku, dzinovakwa zvakasimba zvokuti dzisaputswe nemadutu.

Miti yemibreadfruit nemimango inopa mimvuri nezvokudya. Mazuva ose, kutsvaka zvokudya nokuzvibika kunotora chikamu chikuru chezuva. Kunze kwenyama yenguruve, vanogara muzvitsuwa izvi vanodya zvinhu zvakasiyana-siyana zvavanobata mugungwa. Muminda yemhuri munorimwa zvinhu zvine midzi inodyiwa uyewo miriwo. Miti yakadai semiorenji nemimwe yakafanana nayo inongozvimerera musango, mikokonati nemibhanana yakawanda chaizvo. Ruzivo rwemishonga, yemashizha, yemakwati uye midzi zvinongoitwa musiyiranwa.

Vanhu vazvo vane ushamwari ndicho chinhu chakanakisisa pazvitsuwa zveHa’apai, vakajairana norunyararo rwenharaunda iyi. Upenyu huri nyore ndiwo mararamiro avo. Vakadzi vakawanda vanoita zvokugadzira zvinhu—kuruka mabhasikiti, machira etapa, nemametsi. Vakadzi vechiTonga pavanenge vachishanda vanenge vakagara zvavo pamumvuri vachidya nyaya, vachiimba, uye vachiseka, kazhinji vana vanenge vachitambawo zvavo kana kuti vachipfodora hope zvavo pedyo naipapo. Kazhinji vakadzi ndivo vanoenda vachitsvaka zvinowanikwa mumahombekombe, shellfish nezvimwewo zvipuka zvomugungwa zvinodyiwa, uye zvimwe zvinomera mugungwa zvakati omararei zvinoita saradhi inonaka zvokuti dhu.

Varume vakawanda vanoswera vachirima, vachibata hove, vachiveza, vachigadzira zvikepe uye kusona mambure. Vakadzi, varume, uye vana vanoshanyira hama, vanoenda kunorapwa, kunotenga kana kutengesa zvinhu zvavo kune zvimwe zvitsuwa vari muzvikepe zviduku zvine denga zvavanoshandisa pakubata hove.

Hapana Nzvimbo Iri Kure Zvokusasvikwa Nemashoko Akanaka

Nzvimbo ine runyararo zvakadai ndiyo yakashanyirwa nemamishinari maviri akaroorana uye vashumiri vari mapiyona vaviri panguva yeChirangaridzo muna 2002. Pane vaimbenge vakurukurwa navo pano neapo, uye vanhu vomuHa’apai vakanga vambogamuchira mabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha, kunyange kutodzidza Bhaibheri neZvapupu.

Vadzidzisi veBhaibheri vaishanya ava vaiva nezvinangwa zvitatu: kugovera mabhuku eBhaibheri, kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu, uye kukoka vanofarira kuti vauye kuzochengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Zvinangwa zvitatu izvi zvakakwanisika. Vanhu 97 vakabvuma vakauya kuzopinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Vamwe vavo vakafamba vari muzvikepe zvisina denga pasinei nokuti kwainaya chaizvo uye kuine mhepo yakasimba. Pamusana pemamiriro akaipa okunze, vazhinji vakarara panzvimbo yakaitirwa Chirangaridzo, vakatozodzokera kumisha yavo mangwana acho.

Ukuwo matambudziko omukurukuri akanga asiri matete. “Handifaniri hangu kukuudzai kuti zvinotyisa sei kukurukura hurukuro mbiri dzeChirangaridzo manheru mamwe chete mumutauro usiri waamai,” anodaro mumishinari wacho aiva mukurukuri. “Munogona kufungidzira kuti ndaitya zvakadini. Chokwadi munyengetero wakandibatsira! Ndakayeuka mashoko nemaumbirwo ezvirevo andakanga ndisingambofungiri kuti ndaiziva.”

Pamusana pokuti vaevhangeri ava vakakudziridza kufarira kwaivapo muzvitsuwa zveHa’apai, vanhu vana vakaroorana veikoko vakabhabhatidzwa. Mune chimwe chiitiko, mumwe murume akafarira mabhuku eZvapupu paaidzidzira kuva mushumiri mune imwe chechi yomunharaunda imomo.

Kunyange zvazvo vaiva varombo, murume uyu nomudzimai wake vaigara vachipa chipo chemari chakati kurei paishevedzwa mazita avo kuchechi pakuungana kwokutsvaka mari kwaiitwa gore negore. Chimwe Chapupu chainge chambovashanyira chakaudza murume wacho kuvhura Bhaibheri rake ndokuverenga pana 1 Timoti 5:8. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana munhu asingagoveri avo vari vokwake, zvikurukuru avo vari mitezo yeimba yake, aramba kutenda uye akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.” Chokwadi chiri muBhaibheri ichi chakanyatsoti dyoo pamwoyo pomurume uyu. Akaziva kuti nokubvuma zvaidiwa kuchechi zvokunyanyisa, akanga ari kukundikana kupa zvaidiwa nemhuri yake. Pakuungana kwegore negore kwokutsvaka mari kwakatevera, haana kumbokanganwa 1 Timoti 5:8, kunyange zvazvo aiva nemari muhomwe. Zita rake parakashevedzwa, akaita chivindi chokuudza mupristi kuti zvinodiwa nemhuri yake zvinofanira kuuya panzvimbo yokutanga. Saka iye nomudzimai wake vakabva vanyadziswa uye vakapopoterwa pamberi pevanhu nevakuru vechechi.

Pashure pokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, murume wacho nomudzimai wake vakava vaparidzi vemashoko akanaka. Murume wacho anoti: “Chokwadi cheBhaibheri chakandichinja. Handichaitiri mhuri yangu utsinye kana hasha. Handichanwi zvakanyanya. Vanhu vari mumusha wedu vanogona kuona kuti chokwadi chachinja upenyu hwangu. Ndinovimba kuti vachadawo chokwadi sezvandinoita.”

Chikepe Chinonzi Quest Chakashandiswa Pakutsvaka

Mwedzi mishomanana Chirangaridzo cha2002 chaitwa, chimwe chikepe chakaunza zvinhu zvinokosha chaizvo kuzvitsuwa zviri kure zveHa’apai. Chikepe chakareba mamita 18 chinonzi Quest chakabva kuNew Zealand chakafamba chichipfuura nomuzvitsuwa zveTonga. Maiva naGary naHetty, pamwe chete nomwanasikana wavo Katie. Vakaperekedzwa kaviri nehama nehanzvadzi pfumbamwe dzechiTonga uye mamishinari maviri. Zvapupu zveikoko zvakabatsira chaizvo mukufambisa chikepe ichi nounyanzvi hwazvo dzimwe nguva nomunzvimbo dzisina kumboongororwa. Uku kwakanga kusiri kufamba kwokunakidzwa. Vaivamo vaienda kunodzidzisa chokwadi cheBhaibheri. Vakasvika kure kure mugungwa pakushanyira zvitsuwa 14. Mashoko akanaka oUmambo akanga asati amboparidzwa mune zvimwe zvezvitsuwa izvozvo.

Vanhu vacho vakanzwa sei? Kazhinji, vaparidzi ava vaifamba nomumvura vakagamuchirwa nevanhu vaida kuziva zvakawanda nezvavo, vaivafarira, uye vaiva nomutsa unowanzoratidzwa muzvitsuwa izvi. Vagari vomuzvitsuwa izvi vangoziva chinangwa chokushanya uku, vairatidza kuonga chaizvo. Zvakava pachena kuZvapupu zvaishanyira zvitsuwa izvi kuti vanhu vomuzvitsuwa izvi vanoremekedza Shoko raMwari uye vanoziva zvavanoda mune zvokunamata.—Mateu 5:3.

Kazhinji, vashanyi vaigara pasi pemiti iri munzvimbo dzinogara dzichinaya vakatenderedzwa nevanhu vaiva nemibvunzo yakawanda yomuMagwaro. Ava manheru, vaikurukurirana Bhaibheri mudzimba. Vanhu vokune chimwe chitsuwa vakashevedzera kuZvapupu zvakanga zvava kuenda, kuti: “Musaende! Ndiani achapindura mibvunzo yedu kana maenda?” Chimwe Chapupu chakati: “Nguva dzose zvainge zvakaoma kusiya vanhu vakawanda kudai vakafanana nemakwai vaiva nenzara yechokwadi. Mbeu dzakawanda dzechokwadi dzakadyarwa.” Chikepe ichi chinonzi Quest pachakasvika pane chimwe chitsuwa, Zvapupu zvakawana vanhu vose vakapfeka mbatya dzemariro. Mudzimai womukuru mukuru weguta racho akanga afa. Iye pachake akatenda hama kuti dzakanga dzauya neshoko rinonyaradza rinobva muBhaibheri.

Zvimwe zvitsuwa zvaisasvikika zviri nyore. Hetty anotsanangura kuti: “Chimwe chitsuwa chakanga chisina pokunyatsopinda napo, chaingova nemawere akareba mamita anoverengeka kubva mugungwa. Saka vanhu vaigona kupinda muchitsuwa chacho vachishandisa kachikepe kaduku duku kerabha. Taifanira kutanga takandira mabhegi edu kuvanhu vaida chaizvo kutigamuchira vaiva pamhenderekedzo. Zvadaro, sezvo kachikepe kedu kaiita sekanokwira mawere acho, taifanira kusvetukira kunze kasati kadzokerazve pasi.”

Zvisinei, havasi vose vaiva muchikepe vaiva nyanzvi dzokufamba mugungwa. Pashure pokufamba kwevhiki mbiri, kaputeni wacho akanyora nezverwendo rwavo rwokudzokera kuchitsuwa chikuru cheTongatapu achiti: “Tichine maawa 18 okufamba mugungwa. Hatingagoni kufamba kusvikira tasvika tisina kumbomira pamusana pevasiri kunzwa zvakanaka nemhaka yokufamba mugungwa. Tiri kufara kudzokera kumba asi takasuwawo nokuti tiri kusiya vakawanda chaizvo vanzwa shoko roUmambo zvino. Tiri kuvasiya mumaoko aJehovha, vachabatsirwa nomudzimu mutsvene uye nengirozi dzake kuti vakure mune zvokunamata.”

Zvitsuwa Zvinogona Kubudirira

Inenge mwedzi mitanhatu Quest yabva, mapiyona chaiwo maviri Stephen naMalaki, vakanzi vanoshanda kuboka rezvitsuwa reHa’apai. Ikoko vakanobatana mukudzidzisa Bhaibheri nevamwe vakaroorana vana vakanga vachangobva kubhabhatidzwa. Kukurukurirana kupenyu panyaya dzeBhaibheri kuri kuitwa, uye vaparidzi ava vari kushandisa Bhaibheri zvakanaka chaizvo.

Musi waDecember 1, 2003 muHaʹapai makaumbwa ungano yechishanu pazvitsuwa zveTonga. Pane vaya vanopinda, pane vana vakawanda. Vakadzidza kunyatsoteerera. Vanogara vakati zii, uye vanoda kupindura kana pakabvunzwa mibvunzo. Mutariri wedunhu akati “kuziva kwavanoita Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kunoratidza kuti vabereki vari kukoshesa basa ravo rokunyatsoroverera chokwadi cheBhaibheri muvana vavo.” Zviri pachena kuti pane mukana wakakura wokukohwa dzimwezve shamwari dzaJehovha pazvitsuwa izvi.

Anopfuura makore 70, Charles Vete paakashandurira kabhuku keChirungu kanonzi Vakafa Vari Kupi? mumutauro waamai vake weTongan, haana kumboziva kuti mbeu yoUmambo yaizodzika midzi mumwoyo yevanhu vomunyika yake. Kubvira pamavambo maduku iwayo, Jehovha aramba achikomborera kuwedzera kuri kuramba kuchiitika kwemashoko akanaka muchikamu ichocho chenyika yedu chiri kure. Zvechokwadi nhasi zvinogona kutaurwa kuti zvitsuwa zvegungwa zveTonga zviri pakati pezvimwe zviri kure zviri kutendeukira kuna Jehovha. (Pisarema 97:1; Isaya 51:5) “Zvitsuwa Zvine Ushamwari” zvino zvava misha yeshamwari dzaJehovha dzakawanda.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Charles Vete, 1983

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kugadzira micheka ye“tapa”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Chikepe chinonzi “Quest” chakashandiswa kuparadzira mashoko akanaka muTonga

[Mufananidzo uri papeji 11]

Boka revashanduri muNukuʹalofa

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 9]

Kugadzira micheka yetapa: © Jack Fields/CORBIS; zviri pamapeji 8 ne9, uye kubata hove: © Fred J. Eckert