Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaitika zvomuBhaibheri—Zvakarurama Zvakadini?

Zvakaitika zvomuBhaibheri—Zvakarurama Zvakadini?

Zvakaitika zvomuBhaibheri—Zvakarurama Zvakadini?

MUBHUKU ravo rinonzi Battles of the Bible, Chaim Herzog, aimbova mutungamiriri weNyika yeIsrael, naMordechai Gichon, purofesa akarega basa wesayenzi yezvokuchera matongo paTel Aviv University, vanotaura kuti:

“Kutsanangurwa kwounyanzvi kunoitwa hondo dzomuBhaibheri . . . hakungagoni kutsanangurwa senganowo zvadzo. Somuenzaniso, pane uchapupu hwakakwana pakurwisana kwaGidhiyoni nevaMidhiyani pamwe chete nomubatanidzwa wemauto aivabatsira, sezvinotaurwa muzvitsauko 6-8 zvaVatongi, kana zvichienzaniswa nezvimurenga zveTrojan War, zvinotsanangurwa naHomer mudetembo rake rinonzi Iliad. Nezvezvakanyorwa naHomer, vanhu vaigona kusvika pamhenderekedzo dzose dzegungwa uye mataundi ose aiva pedyo uye ainge akachengetedzwa zvaitorwa senzvimbo yakaitikira zvinhu . . . Izvi handizvo zvakaita nyaya yomuBhaibheri yokurwa kwaGidhiyoni. Kudorododzwa kwemafambiro ounyanzvi uye zvakaitika zvichienderana nezvainge zvakaita nzvimbo yacho uyewo zvaiitwa nemapoka acho ose airwisana—panhandare yakareba makiromita 60—hazvigoni kutaurwazve neimwe nzira . . . Saka tinova nesimba rokubvuma kuti kutaurwa kwounyanzvi kunoitwa nyaya dzokurwa dzomuBhaibheri ichokwadi.”

Unogona kudzidza pamusoro pokurwa kwaGidhiyoni uchishandisa mepu iri pamapeji 18 ne19 ebhurocha remepu rinonzi “Ona Nyika Yakanaka. * Nyaya yacho yakatanga apo “vaMidhiyani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezreeri.” Gidhiyoni akadana marudzi aiva pedyo kuti amubatsire. Izvi zvakaitika patsime raHarodhi uye pagomo reMore, uye kudzika nomuMupata waJodhani. Atandanisa vavengi kusvikira vayambuka rwizi rwaJodhani, Gidhiyoni akavakunda.—Vatongi 6:33–8:12.

Mepu iyoyo iri mubhurocha rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” inoratidza nzvimbo dzakawanda dzinotaurwa nezvadzo uye mamiriro adzakaita. Imwe mepu (peji 15) inoratidza nzvimbo dzemadzinza aIsraeri. Mepu mbiri idzi dzinogona kukubatsira kuona kururama kwakaita nyaya iyi yomuBhaibheri.

Izvi zvinobudisa pachena zvakaonekwa naPurofesa anonzi Yohanan Aharoni, zvokuti: “Zvakaita nyika dzomuBhaibheri uye zvaiitika madziri zvinonyatsodyidzana zvokuti hapana chimwe chazvo chinogona kunyatsonzwisiswa kana pasina chimwe chacho.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Mepu iri nechokumashure: Yakabva pamepu dzePictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel