Kugutsikana Nebasa raJehovha Usina Kuroora Kana Kuroorwa
“Kubatsirwa Kwangu Kunobva Kuna Jehovha”
Kugutsikana Nebasa raJehovha Usina Kuroora Kana Kuroorwa
“VAKAWANDA vedu tinofara chaizvo kunyange zvazvo tisina kuroorwa,” akadaro mumwe mukadzi wechiKristu wokuSpain. Chii chinoita kuti agutsikane? “Hatidi kuzvidya mwoyo nezvinhu zvakawanda kuitira kuti tigone kushumira Mwari wedu Jehovha zvizere.”
Mafungiro akadaro anoenderana nezvinotaura Shoko raMwari nezvokusaroora kana kusaroorwa. Muapostora Pauro paakataura nyaya dzine chokuita nokuroorana, akataura mashoko aya ouchenjeri akafuridzirwa anoti: “Kune vanhu vasina kuroora nechirikadzi ndinoti, zvakanaka kuti varambe vari sezvandiri.” Pauro akanga asina kuroora. Asi akapa chikonzero chei paakapa zano rokusaroora kana kusaroorwa? Akataura kuti munhu akaroora ane mwoyo miviri, asi murume asina kuroora kana kuti mukadzi asina kuroorwa “anofunganya nezvezvinhu zvaShe.” (1 VaKorinde 7:8, 32-34) Kushumira Jehovha ndicho chinhu chikuru chinoita kuti munhu asina kuroora kana kuroorwa afare uye agutsikane.
Kusaroora Kana Kusaroorwa Nechinangwa Chakanaka
Mashoko aPauro angaoma kunzwisisa kune vanhu vane tsika dzinonyanya kukoshesa kuroorana uye kuva nemhuri. Zvisinei, Jesu Kristu—iye pachake akanga asina kuroora asi aifara uye aigutsikana—akataura chinangwa chakanaka nokuda kwevaKristu vasina kuroora kana kuroorwa. Akati: “Kune ngomwa dzakazviita ngomwa dzoga nemhaka youmambo hwokumatenga. Regai anogona kuzviwanira nzvimbo azviwanire nzvimbo.”—Mateu 19:12.
Maererano nemashoko iwayo, vakawanda vakaona kuti kusaroora kunoita kuti vakwanise kushumira Mwari pasina chinovakanganisa sezvinoita vanhu vakaroora. (1 VaKorinde 7:35) Zviuru zvevaKristu zviri kunamata Jehovha zvichifara zvisina kuroora kana kuti kuroorwa, uye zvinowana mufaro mukushingaira kubatsira vamwe. *
VaKristu vakawanda vasina kuroora kana kuroorwa vanoziva kuti vanhu vakaroora kana kuroorwa handivo voga vanofara uye kuti vanhu vasina kuroora kana kuti kuroorwa havasi vose vasingafari. Mumapoka acho ose, vamwe vacho dzimwe nguva vanofara uyewo vanoshungurudzika. Chokwadi, Bhaibheri rinonyatsotaura kuti kuroora pachako kunounza ‘dambudziko panyama.’—1 VaKorinde 7:28.
Kusaroora Kana Kusaroorwa Nokuda Kwemamiriro Ezvinhu
Vakawanda havana kuroora kana kuroorwa kwete nokuti havadi, asi nokuda kwemamiriro ezvinhu. Vangashuva rudo, ushamwari uye chidakadaka zvingawanikwa nevakaroorana. Zvisinei, vamwe vangatadza kuroora kana kuroorwa iye zvino pamusana pemari kana kuti zvimwewo zvinhu. Vamwe vaKristu—vakawanda vavo hanzvadzi dzechiKristu dzinodiwa—vakaramba vasina kuroorwa nokuti 1 VaKorinde 7:39) Nokuvimbika, vanongotsvaka wokuroorana naye pavanamati vaJehovha vakazvitsaurira uye vakabhabhatidzwa.
vakatsunga kuteerera zano reBhaibheri rokuroorwa “munaShe bedzi.” (Dzimwe nguva, vamwe vevanhu ava vanosurukirwa. Pashure pokubvuma kuti anombosurukirwa, mumwe muKristu asina kuroorwa anoti: “Tinoziva mutemo waJehovha uye hatingadi kuita zvisingamufadzi munzira chero ipi zvayo. Tingada kuroora kana kuroorwa, asi pasinei nokuti vanhu vari munyika vanoedza kakawanda zvakadini ‘kutirongera wokuroorana naye,’ tiri kuramba takasimba. Hatitombodi kuroorana nevarume kana vakadzi vasingatendi.” VaKristu vakadaro vanofanira kurumbidzwa pamusana pokushandisa zano reBhaibheri kwavanoita uye kuramba vaine tsika dzakanaka chaizvo kuti vafadze Jehovha pasinei nokushushikana kupi nokupi kwavangaita mupfungwa.
Jehovha Anobatsira Zvikuru
Jehovha akavimbika kune vaya vanoratidza kuvimbika kwaari munyaya dzakadai sokusaroora kana kusaroorwa nevanhu vasingamushumiri. Kubva pane zvakaitika kwaari, Mambo Dhavhidhi aigona kupupurira kuti: ‘Akavimbika Jehovha achamuitirawo nokuvimbika.’ (Pisarema 18:25) Uye kune vaya vanomuteerera nokutendeka, Mwari anovimbisa kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” (VaHebheru 13:5) Tichitevedzera Jehovha, tinogona kurumbidza zvikuru vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vemazera ose avo vanoomerera vakatendeka paShoko raMwari. Tinogonawo kunyengetera kuti Jehovha avasimbise kuti vakurire matambudziko avo.—Vatongi 11:30-40.
VaKristu vakawanda vasina kuroora kana kuti kuroorwa vanoona kuti kuita zvizere basa rokudzidzisa Bhaibheri kunoita kuti upenyu hwavo huve nechinangwa. Somuenzaniso, funga nezvaPatricia, mumwe piyona asina kuroorwa, kana kuti muevhangeri wenguva yakazara ane makore epakati pema30. Anoti: “Kunyange zvazvo kusaroorwa kuine miedzo, kwandipa mukana wokuva piyona wenguva dzose. Sezvo ndisina kuroorwa, purogiramu yangu inogona kuchinjika, izvo zvinoita kuti ndive nenguva yakawanda yokudzidza. Ndakadzidzawo kuvimba naJehovha zvikuru, kunyanya munguva dzinoedza.”
Mafungiro akadaro anobva pachipikirwa cheBhaibheri chinokurudzira, chokuti: “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye, iye uchazviita.” (Pisarema 37:5) Zvechokwadi, vanamati vaJehovha vose vakatendeka, vakaroora kana kuti vasina, vanganyaradzwa uye vangasimbiswa nemashoko akafuridzirwa anoti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 7 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2005, July/August.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
“Munhu asina kuroora anofunganya nezvezvinhu zvaShe, kuti angawana sei tendero yaShe.”—1 VAKORINDE 7:32.
[Bhokisi riri papeji 8]
KUITA KUTI KUSAROORA KANA KUSAROORWA KUVE NOMUBAYIRO
Jesu, uyo asina kumboroora, akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”—Johani 4:34.
Vanasikana vana vaFiripi vakanga vasina kuroorwa vakaramba vakabatikana ‘kuprofita.’—Mabasa 21:8, 9.
Hanzvadzi dzechiKristu dzisina kuroorwa dzinozivisa shoko roUmambo dzinobatanidzwawo ‘muuto guru revakadzi vanozivisa mashoko akanaka.’—Pisarema 68:11.