Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvipira Kunounza Chikomborero chaJehovha

Kuzvipira Kunounza Chikomborero chaJehovha

“Rubatsiro Rwangu Runobva Kuna Jehovha”

Kuzvipira Kunounza Chikomborero chaJehovha

MUMWE murume anochovha bhasikoro nomusango rokuCameroon. Kwemaawa akawanda, anochovha mumigwagwa izere mvura nemadhaka, achitarisana nengozi kuitira kuti asimbise vamwe. Kuti vaende kunodzidzisa rimwe boka riri kwaro roga, vamwe vari muZimbabwe vanofamba makiromita 15 vachiyambuka nzizi dzakazara, vakadengezera mbatya dzavo neshangu kuti dzisanyorova. Kune imwewo nzvimbo, mumwe mukadzi anomuka na4 kunze kwoedza kuti ashanyire uye adzidzise mumwe mukoti anongokwanisa kuwana awa imwe chete yokudzidza mangwanani iwayo.

Ndezvipi zvinoitwa nevanhu ava zvakafanana? Vose vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha vanoita basa rokudzidzisa chokwadi cheBhaibheri. Vanosanganisira mapiyona enguva dzose uye mapiyona chaiwo, mamishinari, vatariri vanofambira, uye zviuru zvevakazvipira vari pamisha yeBheteri munyika yose. Vanozivikanwa nokuzvipira kwavanoita. *

Vavariro Yakarurama

Zvapupu zvaJehovha zviri kuteerera zano rakapiwa Timoti nomuapostora Pauro rokuti: “Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, somushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Asi chii chinokurudzira mazana ezviuru zveZvapupu kuti zvive vashumiri venguva yakazara?

Vashumiri venguva yakazara pavanobvunzwa kuti nei vachishanda nesimba mubasa raJehovha, mhinduro yavo inosanganisira kuda kwavanoita Mwari nevanhu. (Mateu 22:37-39) Izvi zvakakodzera chaizvo, nokuti dai vasingakurudzirwi norudo, kushanda nesimba kwose kwavaizoita kwaizoshaya basa.—1 VaKorinde 13:1-3.

Basa Rokuzvipira

VaKristu vose vakazvitsaurira vakabvuma kudanwa naJesu, achiti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.” (Mateu 16:24) Kuzviramba zvinoreva kuzviisa pasi nokuzvidira kuti tive vanhu vaJehovha Mwari naJesu Kristu uye kuti vatitungamirire. Kune vakawanda, izvi zvakaita kuti vazvipire kuita basa roushumiri hwenguva yakazara.

Zvapupu zvakawanda zvinoedza nepazvinogona napo kuwedzera basa razvinoitira Jehovha. Chimbofunga nezvaJúlia, piyona wenguva dzose ane makore 56, ari kuSão Paulo, kuBrazil. Anoyeuka kuti, “Imwe hama yokuChina yakandiridzira runhare ichibvunza kana ndaida kudzidza mutauro wokuChina. Nemhaka yezera rangu, ndakanga ndisina kumbofunga nezvokudzidza mumwe mutauro. Asi kwapera mazuva mashomanana, ndakabvuma kumboedza kunyange zvakanga zvakaoma. Iye zvino ndava kukwanisa kupa mharidzo dzomuMagwaro nomutauro wokuChina.”

Hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha iri kuPeru inoti: “Mumakore achangodarika, mazana emapiyona enguva dzose akatamira kundima dzisina ungano, achiratidza ushingi uye kuzvipira. Vanotamira kumataundi ari kure kusina zvinhu zvakawanda zvemazuva ano zvinoita kuti upenyu huve nyore uye kune mikana mishomanana yokuwana mabasa. Hama nehanzvadzi idzi dzinoda kuita zvose zvadzinogona kuti dzirambe dziri mundima idzodzo. Asi chinonyanya kukosha ndechokuti basa ravo muushumiri rinounza zvikomborero mundima dzakawanda. Vatariri vanofambira vanoti mapoka matsva akaumbwa nemhaka yokuzvipira kwemapiyona enguva dzose aya.”

Vamwe vaKristu vakaisa upenyu hwavo pangozi kuti vabatsire vavanotenda navo. (VaRoma 16:3, 4) Mumwe mutariri wedunhu ari munzvimbo yasakadzwa nehondo muAfrica anoti: “Tisati tasvika parodhibhuroku yokupedzisira yaiva pakati penzvimbo dzaiva nevapanduki nedzaidzorwa nehurumende, ini nomudzimai wangu takakombwa nevakuru vakuru vana vevapanduki nevarindi vavo, vakatibvunza kuti taiva vanaani. Pavaiongorora zvitupa zvedu, vakaona kuti taibva kunharaunda yaidzorwa nehurumende, saka vakatanga kutifungira. Ndakanzi ndaiva musori. Naizvozvo vakasarudza kuti vandikandire mugomba. Ndakatsanangura kuti taiva vanaani, uye vakapedzisira vatirega tichienda.” Ungano dzacho dzakafara chaizvo kuti vaviri vakaroorana ava vakazvipira vakabudirira kudzishanyira!

Pasinei nematambudziko avanotarisana nawo, vashumiri venguva yakazara vakadaro vari kuwedzera munyika yose. (Isaya 6:8) Vashandi vanoshingaira ava vanokoshesa ropafadzo yavo yokushumira Jehovha. Achizvipira nenzira yakafanana, iye zvino mamwe mamiriyoni ava kurumbidza Jehovha. Iyewo ari kuakomborera zvikuru. (Zvirevo 10:22) Vaine chivimbo chokuti vacharamba vachikomborerwa uye vachitsigirwa, vanhu vanoshanda nesimba ivavo vane maonero omunyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2005, November/December.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Vanhu vako vachazvipa nomwoyo unoda pazuva raunoenda neuto rako.” —PISAREMA 110:3.

[Bhokisi riri papeji 8]

JEHOVHA ANOKOSHESA VASHUMIRI VAKE VAKAZVIPIRA

“Ivai vakasimba, musingazununguki, muchigara muine zvizhinji zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.”—1 VaKorinde 15:58.

“Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaHebheru 6:10.