‘Jah Ndiye Ruponeso Rwangu’
“Tinofanira Kuteerera Mwari soMutongi Panzvimbo Pevanhu”
‘Jah Ndiye Ruponeso Rwangu’
VANHU vaJehovha vaifanira kusarudza. Vaizoteerera mutongi weIjipiti yekare akanga asingadi Mwari here? Kana kuti vaizoteerera Jehovha Mwari, vobva munzvimbo iyoyo mavaiva varanda, vonogara muNyika Yakapikirwa here?
Mwari akatumira Matambudziko Gumi panyika yacho nokuti Farao weIjipiti asingateereri akaramba kusunungura vanhu vaJehovha. Izvi zvakaratidza simba rake! Vanamwari vevaIjipiti havana zvavaikwanisa kuita kuti matambudziko iwayo asaitika.
Farao paakaudzwa kuti arege vanhu vaMwari vachienda, akatsvinya achiti: “Jehovha ndianiko, kuti nditeerere inzwi rake kuti ndirege Israeri achienda? Jehovha wacho handitombomuzivi, uyezve, handisi kuzorega Israeri achienda.” (Eksodho 5:2) Zvakaguma zvaitika ndezvokuti Ijipiti yakawirwa nematambudziko aya: (1) mvura yakachinja kuva ropa, (2) matatya, (3) unyunyu, (4) mbuo, (5) denda pazvipfuwo, (6) mamota pavanhu nepamhuka, (7) chimvuramabwe, (8) mhashu, (9) rima, uye (10) kufa kwematangwe eIjipiti, kusanganisira mwanakomana waFarao. Pakupedzisira, Farao akarega vaHebheru vachienda. Akatovakurudzira kuti vaende!—Eksodho 12:31, 32.
Vanhu vanenge mamiriyoni matatu—varume, vakadzi uye vana vevaIsraeri pamwe chete neboka guru revanhu vakanga vakavhengana—vakakurumidza kuenda. (Eksodho 12:37, 38) Zvisinei, nenguva isipi Farao akavatevera neuto rake raityisa. Zvakanga zvoita sokuti vaIsraeri vakanga vasisina kwokutizira, mberi kwavo kwaiva neGungwa Dzvuku, vaiva murenje rine ngozi, uye shure kwavo kwaiva nemauto aFarao. Asi Mosesi akaudza vanhu kuti: “Musatya henyu. Mirai makasimba muone ruponeso rwaJehovha.”—Eksodho 14:8-14.
Nenzira inoshamisa Jehovha akakamura mvura yeGungwa Dzvuku kuti vaIsraeri vatize. Asi vaIjipiti pavakatevera, Mwari akaita kuti mvura yacho iite sezvayakanga yakaita isati yakamukana. Jehovha aka“kanda ngoro dzaFarao nemauto ake ehondo mugungwa.” (Eksodho 14:26-28; 15:4) Kuramba kukudza Jehovha kwakaita kuti Farao aizvikudza afe zvinorwadza.
PaGungwa Dzvuku, Jehovha akaratidza kuti aiva “murume wehondo, akashinga.” (Eksodho 15:3) Nhoroondo yacho yakafuridzirwa inoti, “Israeri akaonawo simba guru rakanga rashandiswa naJehovha mukurwisa vaIjipiti; vanhu vakatanga kutya Jehovha, vakava nokutenda muna Jehovha.” (Eksodho 14:31; Pisarema 136:10-15) Vakaratidza kuti vaionga Mwari nemwoyo yavo yose varume vacho pavakabatana naMosesi kuimba rwiyo rwokukunda, uye hanzvadzi yake Miriyemu payakatungamirira vakadzi kutamba. *
Jehovha Achiri Mununuri
Vashumiri vaJehovha vemazuva ano vanogona kuwana zvidzidzo zvinosimbisa kutenda pachiitiko ichocho chinoshamisa chokununura kwaMwari. Chimwe chatinodzidza ndechokuti Jehovha ane simba risingaperi uye anogona kutsigira vanhu vake zvizere. Murwiyo rwavo rwokukunda, Mosesi nevaIsraeri vakaimba nomufaro vachiti: “Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rworudyi ruri kuratidza kuti rune simba kwazvo, Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rworudyi runogona kuparadza muvengi.”—Eksodho 15:6.
Chimwe chatinodzidza ndechokuti Wemasimbaose anoda chaizvo kudzivirira vanhu vake. VaIsraeri vakaimba kuti: “Jah ndiye simba rangu nokusimba kwangu, nokuti ndiye ruponeso rwangu. Uyu ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza.” Chimwezve chidzidzo ndechokuti hapana munhu angabudirira kushora zvinodiwa naJehovha Eksodho 15:2, 11.
Mwari. Murwiyo rwavo rwokukunda, vanhu vaMwari vakanga vanunurwa vakaimba kuti: “Haiwa Jehovha, ndiani akafanana nemi pakati pavanamwari? Ndiani akafanana nemi, mutsvene zvikuru kwazvo? Iye anofanira kutyiwa nenziyo dzokurumbidza, Iye anoita zvishamiso.”—Kufanana naFarao wokuIjipiti yekare, vatongi venyika yanhasi vanotambudza vanhu vaJehovha. Vatungamiriri vanozvikudza ‘vangataura mashoko okushora Wokumusorosoro, uye vangaramba vachinetsa vatsvene vaIye Mukurusa.’ (Dhanieri 7:25; 11:36) Asi Jehovha anovimbisa vanhu vake kuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri, uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchakurwisa pakutongwa. Iyi inhaka yevashumiri vaJehovha.”—Isaya 54:17.
Vashori vaMwari vachakundikana, sokukundikana kwakaita Farao neuto rake. Mabasa aJehovha okununura, akadai soRwendo rwokubva kuIjipiti, anoratidza kuti zvakarurama kutevera zvakataurwa nevaapostora vaJesu, avo vakazivisa kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 8 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2006, January/February.
[Bhokisi/Mufananidzo zviri papeji 9]
Wanga Uchizviziva Here?
• Jehovha akaita kuti mhepo yakasimba ivhuvhute usiku hwose kuitira kuti vaIsraeri vayambuke Gungwa Dzvuku panyika yakaoma.—Eksodho 14:21, 22.
• Zvaizoda kuti pavakayambuka napo pange pakafara kiromita imwe nehafu kana kupfuura kuti mamiriyoni evaIsraeri ayambuke Gungwa Dzvuku munguva pfupi kudaro.
[Mifananidzo iri papeji 9]
Vanamwari venhema veIjipiti havana kukwanisa kumisa Matambudziko Gumi aibva kuna Jehovha
[Kwazvakatorwa]
All three figurines: Photograph taken by courtesy of the British Museum