“Chishongo cheGarireya Yose”
“Chishongo cheGarireya Yose”
MAKIROMITA anenge 6,5 chete kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweNazareta, guta rakakurira Jesu, ndiko kwaiva neguta risingambotaurwi nezvaro muEvhangeri. Kunyange zvakadaro, rakarumbidzwa se“chishongo cheGarireya yose” nomunyori wenhau dzakaitika wechiJudha akakurumbira womuzana remakore rokutanga anonzi Flavius Josephus. Iro raiva guta reSepphoris. Tinozivei nezveguta iri?
Pashure pokunge Herodhi Mukuru afa, zvichida muna 1 B.C.E., vagari vomuSepphoris vakapandukira Roma, zvikaita kuti guta ravo riparadzwe. Mwanakomana waHerodhi ainzi Andipasi akagara nhaka Garireya nePeriya ndokusarudza matongo eSepphoris senzvimbo yeguta rake guru idzva. Guta racho rakavakwazve nemavakiro echiGiriki neechiRoma, asi vakawanda vaigara imomo vaiva vaJudha. Maererano naPurofesa Richard A. Batey, rakava “muzinda wokutarisira kwehurumende Garireya nePeriya,” kusvikira Andipasi avaka Tibheriyasi munenge muna 21 C.E. kuti atsive Sepphoris seguta guru. Iyi ndiyo nguva yairarama Jesu pedyo neguta racho.
Purofesa James Strange, akachera paiva neSepphoris, anodavira kuti guta racho raimbova nenzvimbo yaichengeterwa magwaro ehurumende, nzvimbo yepfuma, nzvimbo yezvombo, mabhengi, zvivako zvevanhu vose, uye misika yaitengesa zviumbwa zvevhu, magirazi, zvigadzirwa zvesimbi, zvishongo, uye zvokudya zvakasiyana-siyana. Maiva nevagadziri vemachira nevatengesi vemachira nezvitoro zvaigona kutengwa mabhasiketi, fenicha, pefuyumu, nezvimwewo. Vanhu vaigara imomo panguva iyoyo vanofungidzirwa kuva vaiva pakati pe8 000 ne12 000.
Jesu akamboshanyira here guta guru iri rakanga rakabatikana, raingova kure neNazareta nechinhambwe chingafambwa kweawa imwe chete? Evhangeri hadzitipi mhinduro. Zvisinei, The Anchor Bible Dictionary rinoti, “imwe nzira ingangodaro yaishandiswa kubva kuNazareta kuenda kuKana yeGarireya yaipfuura nomuSepphoris.” (Johani 2:1; 4:46) Uri muNazareta, chikomo cheSepphoris chinooneka, chakakwirira mamita 120 kubva mubani. Vamwe vanodavira kuti Jesu paakapa mufananidzo wokuti “guta harigoni kuvanzwa kana riri pamusoro pegomo,” zvichida aifunga nezveguta iri.—Mateu 5:14.
Pashure pokunge Jerusarema raparara muna 70 C.E., Sepphoris rakava guta guru revaJudha muGarireya uye gare gare nzvimbo yaiva neSanihedrini, dare repamusoro revaJudha. Kwenguva yakati, rakabudirira somuzinda wokudzidza wevaJudha.
Mepu/Mufananidzo uri papeji 32]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Gungwa reGarireya
GARIREYA
Kana
Tibheriyasi
SEPPHORIS
Nazareta
PERIYA
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Pottery: Excavated by Wohl Archaeological Museum, Herodian Quarter, Jewish Quarter. Owned by Company for the Reconstruction of the Jewish Quarter in the Old City of Jerusalem, Ltd