Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Chii chingabatsira muKristu wechokwadi kana munhu waanoda akasiya Jehovha?

Zvisimbise iwe pachako uye dzimwe nhengo dzemhuri dzakatendeka. Ramba uine zvakawanda zvokuita muzvinhu zvine chokuita nokunamata. Batsira vamwe. Usamborega kuva netariro yokuti munhu wacho angadzoka. Usazvipa mhosva. Remekedza urongwa hwaMwari hwokuranga, uye udza shamwari manzwiro aunoita.—9/1, mapeji 18-21.

• Magwaro anobatsira kuziva “mazuva okupedzisira” munzira dzipi mbiri?

Bhaibheri rinofanotaura zviitiko zvaizoitika pa“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mateu 24:3, 7, 8; Ruka 21:11) Rinorondedzerawo kuchinja kwemafungiro uye maitiro evanhu vanorarama mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Zvinokosha kuti mashoko akanaka oumambo aifanira kuparidzwa panguva iyi.—9/15, mapeji 4-6.

• Ungano inofanira kuitei kana muKristu anotyaira motokari akaita tsaona inoguma nokufa kwevamwe?

Vakuru vanenge vachiongorora nyaya yacho vangaona kuti hapana mhosva yeropa nokuti mutyairi haana zvaaigona kuita mumamiriro ezvinhu akazoguma nokufa kwomunhu. Asi kana paine mhosva yeropa uye munhu wacho apfidza, achatsiurwa zvinoenderana neMagwaro uye achanzi amborega kuita zvimwe zvinhu muungano.—9/15, peji 30.

• Nei upenyu husingaperi husingabvi pakufambira mberi mune zvesayenzi?

Sayenzi iri kuedza kuita zvinhu zvinoita kuti upenyu hurebe, zvakadai sokuedza kuita kuti masero arambe achingoberekana kana kuti kurapa nokugadzira nhengo inenge ichidiwa kubva pasero kungaita kuti varwere vave nenhengo itsva inoenderana neyabviswa ine chirwere. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vanongogona bedzi kuwana upenyu husingaperi vachishandisa rudzikinuro rwaJesu.—10/1, mapeji 3-5.

• Tsika yevaJudha yokugeza ndipo pakabva tsika yokubhabhatidza kwechiKristu here?

Kwete. VaJudha vaiva netsika dzokuchenesa dzakanga dzakasiyana nokubhabhatidza kwakatangwa naJohani. Kuchenesa kwaidiwa noMutemo waMosesi kwaifanira kudzokororwa, asi kubhabhatidza kwechiKristu kunongoitwa kamwe chete.—10/15, mapeji 12-13.

• Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chii?

Ikosi inoitwa kwevhiki sere yevakuru nevashumiri vanoshumira veungano vasina kuroora uye vanokwanisa kuzoendeswa kuti vanoshumira kunodiwa vamwe vaparidzi. Vangashanda vari muungano yokwavo, vari kune imwewo nzvimbo munyika iyoyo, kana kuti vari kune imwe nyika.—11/15, mapeji 10-11.

• Munhu anopesana naKristu anotaurwa pana 1 Johani 2:18; 4:3 ndiani kana kuti chii?

Mupfungwa yakakura, “munhu anopesana naKristu” anoreva vose vanoshora kana kuti vanotaura zvokunyepa vachiti ivo ndiKristu kana kuti vamiririri vake. Mashoko aJesu naJohani anoratidza kuti munhu anopesana naKristu iboka rinoumbwa nevanhu vakawanda vanopesana naKristu vanoparadzira unyengeri hwechitendero uye vanoramba Umambo hwaMwari.—12/1, mapeji 4-6.