Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Bhaibheri haritauri zvokurovanisa magirazi pakunwa, saka nei Zvapupu zvaJehovha zvisingarovanisi magirazi pazvinenge zvichinwa?

Kubvira kare vanhu vagara vachirovanisa magirazi ewaini (kana ezvimwe zvinwiwa zvinodhaka) pavanenge vachinwa, kunyange zvazvo vachiarovanisa zvakasiyana-siyana munzvimbo nenzvimbo. Dzimwe nguva vaya vanenge vachiita izvi vanorovanisa magirazi acho pamwe chete. Anenge achirovanisa wacho anowanzokumbira kana kushuvira mumwe munhu mufaro, utano hwakanaka, upenyu hurefu, kana zvimwewo. Vamwe vanenge vachirovanisawo vangadavira vachibvumirana kana kusimudza magirazi avo vobva vanwa waini yacho. Vakawanda vanoona izvi setsika isina kuipa kana kuti sokuratidza mutsa, asi pane zvikonzero zvakanaka nei Zvapupu zvaJehovha zvisingarovanisi magirazi pazvinenge zvichinwa.

VaKristu havaiti izvi kwete nokuti havadi kuti mumwe munhu afare kana kuti ave noutano hwakanaka. Mune imwe tsamba yakanyorerwa ungano, dare rinodzora romuzana remakore rokutanga rakapedzisa neshoko ringashandurwa kuti ‘ugwinyi kwamuri,’ ‘ngazvikufambirei zvakanaka,’ kana kuti “sarai zvakanaka.” (Mabasa 15:29) Uye vamwe vanamati vechokwadi vaiti kumadzimambo avo: “Ishe wangu . . . ngaararame nokusingagumi” kana kuti “Mambo ngaararame nokusingagumi.”—1 Madzimambo 1:31; Nehemiya 2:3.

Zvisinei, tsika yokurovanisa magirazi pakunwa yakatanga sei? Nharireyomurindi yeChirungu yaJanuary 1, 1968, yakataura mashoko ari muThe Encyclopædia Britannica (1910), Volume 13, papeji 121 anoti: “Tsika yokurovanisa magirazi pakunwa kuti vapenyu vave ‘noutano’ hwakanaka ingangove yakatorwa mutsika yaiitwa muzvitendero zvekare vanhu pavainwa vachipira kuna vanamwari vavo uye kuvakafa. Pakudya vaGiriki nevaRoma vaipira doro kuna vanamwari vavo, uye pamadyo okupemberera vainwa vachirovanisa magirazi kuitira vanamwari ava nevakafa.” Enisaikoropidhiya yacho yakatizve: “Chaizvoizvo zvaibatanidzwawo pakunwa uku kwaiva kunwira kuti vanhu vapenyu vave noutano hwakanaka.”

Izvi zvichiri kushanda here? Bhuku rinonzi The 1995 International Handbook on Alcohol and Culture rinoti: “[Kunwa nokurovanisa magirazi] zvichida itsika yaiitwa nevanhu vekare vakanga vasiri muchitendero pavainwa chinwiwa chinoyera nechinangwa chokuzvipa kuna vanamwari vavo: ropa kana kuti waini zvainwiwa kuti pave nechikomborero, munyengetero waiitwa waipfupiswa nemashoko okuti ‘rarama upenyu hurefu!’ kana kuti ‘iva noutano hwakanaka!’”

Chokwadi, hazvirevi hazvo kuti nguva dzose munamati wechokwadi anorambidzwa kuita chimwe chinhu kana kuti tsika pamusana pokuti inenge yakafanana nezvaiitwa muchitendero chenhema chekare. Chimbofunga nezvepomegraneti. Imwe enisaikoropidhiya yeBhaibheri yakakurumbira inoti: “Zvinoita sokuti pomegraneti yaishandiswa sechiratidzo chitsvene muzvitendero zvevahedheni.” Kunyange zvakadaro, Mwari akaita kuti mupristi mukuru aise mapomegraneti akagadzirwa neshinda pamupendero wenguo yake, uye mapomegraneti akashandiswa pakushongedza mbiru dzemhangura dzetemberi yaSoromoni. (Eksodho 28:33; 2 Madzimambo 25:17) Uyezve, rin’i yomuchato yaimbova nezvayaimiririra muchitendero. Asi vanhu vakawanda nhasi havazvizivi, vava kuona rin’i yomuchato souchapupu hwokuti munhu akaroora kana kuti kuroorwa.

Zvakadini nokushandiswa kwewaini muchitendero? Somuenzaniso, pane imwe nguva varume vainamata Bhaari vokuShekemu vaka“pinda muimba yamwari wavo vakadya, vakanwa, vakatuka Abhimereki,” mwanakomana waGidhiyoni. (Vatongi 9:22-28) Unofunga kuti munhu akavimbika kuna Jehovha angadai akabatanidzwa mukunwa uku here, zvichida achikumbira kuti mwari wenhema aite kuti zvinhu zvisafambire zvakanaka Abhimereki? Achirondedzera nezvenguva iya vaIsraeri vakawanda pavakapandukira Jehovha, Amosi akati: “Vanozvambarara . . . vari pedyo neatari dzose; uye vanonwira waini yevaya vakaripiswa muimba yavanamwari vavo.” (Amosi 2:8) Vanamati vechokwadi vangave vakabatanidzwa mune izvozvo here, pasinei nokuti waini yacho yaidururirwa vamwe vanamwari kana kunwiwa nechinangwa chaienderana neizvozvo? (Jeremiya 7:18) Kana kuti munamati wechokwadi aizosimudza girazi rake rewaini okumbira kuti mwari apindire kana kuti akomborere ramangwana romumwe munhu here?

Asiwo pane imwe nguva vanamati vaJehovha vaisimudza maoko avo vachikumbira migumisiro yakanaka. Vaisimudza maoko avo kuna Mwari wechokwadi. Tinoverenga kuti: “Soromoni akamira pamberi peatari yaJehovha . . . akabva atambanudzira zvanza zvake kumatenga; akati: ‘Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi . . . inzwai muri kunzvimbo yenyu yamunogara, iko kumatenga, uye inzwai mukanganwire.’” (1 Madzimambo 8:22, 23, 30) Saizvozvowo, “Ezra . . . a[ka]rumbidza Jehovha . . . vanhu vose vakapindura kuti, ‘Ameni! Ameni!’ vachisimudza maoko avo. Vakabva vakotama, vakagwadamira Jehovha.” (Nehemiya 8:6; 1 Timoti 2:8) Zviri pachena kuti vaya vakanga vakavimbika vakanga vasiri kusimudza maoko avo kudenga kuti vakomborerwe nomumwe mwari wemhanza yakanaka.—Isaya 65:11.

Vanhu vakawanda nhasi vanorovanisa magirazi pakunwa vangasafunga kuti vari kukumbira kupindira kana kuti kukomborera kwomumwe mwari, asi havakwanisiwo kutsanangura kuti nei vachisimudzira magirazi avo ewaini kudenga. Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi havasungirwi kutevedzera zvavanoita pamusana pokuti vanhu vacho havanyanyi kufunga nezvezvazvinoreva.

Zvinongova nomusoro kuti mune zvimwewo zvinoitwa, Zvapupu zvaJehovha hazviiti zvinoitwa nevanhu vakawanda. Somuenzaniso, vamwe vanhu vanosarutira zviratidzo zvenyika, kana kuti mireza; havaoni kuita izvi sokunamata. VaKristu vechokwadi havavhiringidzi vanhu vanoita izvi, asi havabatanidzwi. Zvapupu zvakawanda pazvakaziva kuti mhemberero yaizoitwa rini zvakaita nokuchenjera kuti zvisagumbura vamwe vanhu. Chero zvazviri, hazviiti zviratidzo zvinosimudzira rudzi, zvisingaenderani nezvinotaurwa neBhaibheri. (Eksodho 20:4, 5; 1 Johani 5:21) Nhasi kurovanisa magirazi pakunwa kungasaonekwa nevakawanda sokwechitendero. Kunyange zvakadaro, pane zvikonzero zvakanaka nei vaKristu vasingarovanisi magirazi pavanenge vachinwa, uko kwakatangira muchitendero uye kunyange iye zvino kunoonekwa sokukumbira ‘denga’ kuti ripe chikomborero, sokunge kuti kutsvaka rubatsiro kubva kune mumwe munhu ane simba rinopfuura revanhu.—Eksodho 23:2.