Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ishe, Nei Makaramba Makanyarara?”

“Ishe, Nei Makaramba Makanyarara?”

“Ishe, Nei Makaramba Makanyarara?”

AYA ndiwo akanga ari mashoko aPope Benedict XVI, uyo akashanyira waimbova musasa wepaAuschwitz, Poland, musi waMay 28, 2006. Ari panzvimbo iyi yakaurayirwa zviuru zvemazana zvevaJudha nevamwewo, akawedzera kuti: “Munzvimbo iyi munomuka mibvunzo yakawanda zvikuru! Mubvunzo uyu unogara uchibvunzwa: Mwari akanga ari kupi mazuva iwayo? Nei akanga akanyarara? Aizorega sei vanhu vakawanda kudai vachingoramba vachiurayiwa? . . . Tinofanira kuramba tichichema kuna Mwari zvakasimba asi nokuzvininipisa tichiti: “Itai chimwe chinhu! Musakanganwa vanhu, zvisikwa zvenyu!”

Zvakataurwa napapa zvakaita kuti vanhu vataure zvavaifunga. Vamwe vanoti ane zvaasina kutaura, zvakadai sokurega noune kutaura kuti kuurayiwa kwakaitwa vanhu paAuschwitz kwakakonzerwa nokuti vaJudha vaivengwa. Vamwe vakaona sokuti aiedza kurerutsa zvakanga zvakumbirwa naPope John Paul II zvokukumbira kuti chechi iregererwe pazvivi zvayakanga yaita. Mumwe munyori wenhau dzeKaturike anonzi Filippo Gentiloni, akati: “Zvisinei, zvakanga zviine musoro kuti vatsinhiri vakawanda pavakabvunzwa mubvunzo wakaoma wokuti Mwari akanga ari kupi—mubvunzo usina mhinduro—vakatokumbira mhinduro yomubvunzo uri nyore wokuti: Pius XII akanga ari kupi?” Vanhu ava vakanga vachitaura nezvokunyarara kwaPope Pius XII munguva yoKuparadza kwacho.

Kuparadza nemamwe mabasa ose okuparadza dzinza akaitwa munhoroondo yevanhu zvaratidza kuti “munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Muparidzi 8:9) Uyezve, Musiki wevanhu haana kunge akanyarara pave pachiitika zvinhu zvinotyisa kudai. MuBhaibheri rose, anozivisa zvikonzero zvake zvokubvumira uipi. Mwari akativimbisawo kuti haana kukakanganwa vanhu. Kutaura chokwadi, nguva yakabvumira Mwari kuti vanhu vazvitonge ichakurumidza kupera. (Jeremiya 10:23) Ungada kuziva zvakawanda nezvechinangwa chaMwari nokuda kwedu here? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuti uone kupindura kunoita Bhaibheri mibvunzo yakavhiringidza Pope Benedict XVI.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Oświęcim Museum