Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Komborerwa Nokutevera Mambo Anotungamirirwa Nomudzimu waMwari!

Komborerwa Nokutevera Mambo Anotungamirirwa Nomudzimu waMwari!

Komborerwa Nokutevera Mambo Anotungamirirwa Nomudzimu waMwari!

“Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake.”—ISA. 11:2.

1. Vamwe vakaratidza kushushikana sei nematambudziko enyika?

“MUNYIKA umo zvematongerwo enyika, zvokugarisana, uye mhoteredzo zvaita manyama amire nerongo kudai, tingatarisira sei kuti kuchava nemamwe makore zana vanhu vachiri panyika?” Uyu mubvunzo wakabvunzwa muna 2006 nomumwe anodzidza nezvezvinhu zvomuchadenga, Stephen Hawking. Imwe nyaya yaive mumagazini inonzi New Statesman yakati: ‘Hatina kupedza urombo uye hatina kukwanisa kuita kuti panyika pave norunyararo. Pane kudaro, tinenge takatoita zvinopesana naizvozvo. Hakusi kuti hatina kumboedza. Takaedza hurumende dzakasiyana-siyana; takaedza zvinhu zvakadai seLeague of Nations kusvika kukuunganidza zvombo zvenyukireya nechinangwa chokurambidza hondo. Takarwa hondo dzakawandisa “tichida kumisa hondo” tichifunga kuti tinogona kudzimisa.’

2. Munguva pfupi, Jehovha acharatidza sei kuti ndiye changamire pasi pano?

2 Mashoko akadaro haashamisi vashumiri vaJehovha. Bhaibheri rinotiudza kuti vanhu havana kusikwa kuti vazvitonge. (Jer. 10:23) Jehovha chete ndiye ane kodzero yokutitonga saChangamire. Saka ane masimba okutiudza zvokuita, kutiudza kuti upenyu hwedu hunofanira kuva nechinangwa chei, uye kutitungamirira kuti tizadzise chinangwa ichocho. Uyezve atova pedyo kuti ashandise masimba ake kugumisa utongi hwevanhu hwakundikana. Paachadaro achaparadza vose vari kuramba kodzero yake yokutonga vachida kuramba vakaisa vanhu muuranda hwechivi, nokusakwana, uye hwa“mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” Satani Dhiyabhorosi.—2 VaK. 4:4.

3. Isaya akagara ataura kutii nezvaMesiya?

3 Munyika itsva inenge yava Paradhiso, Jehovha acharatidza norudo uchangamire hwake kuvanhu achishandisa Umambo hwaMesiya. (Dhan. 7:13, 14) Isaya akataura nezvaMambo wahwo kuti: “Zvino pachigutsa chaJese pachabuda davi; uye bukira rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko. Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake, mudzimu wouchenjeri uye wokunzwisisa, mudzimu wezano uye wokuva nesimba, mudzimu wokuziva uye wokutya Jehovha.” (Isa. 11:1, 2) Jesu, anova ndiye ‘davi rakabuda pachigutsa chaJese,’ akapiwa nomudzimu mutsvene simba rokuita zvinhu zvipi chaizvo kuti akwanise kutonga vanhu? Zvikomborero zvipi zvichawanikwa pakutonga kwake? Uye chii chatinofanira kuita kuti tiwane zvikomborero izvozvo?

Mwari Anomuti Akakodzera Kuva Mambo

4-6. Jesu ane ruzivo rwakadii runokosha ruchaita kuti akwanise kuva Mambo, Mupristi Mukuru, uye Mutongi Wenyaya akachenjera neane tsitsi?

4 Jehovha anoda kuti vanhu vaanotonga vasvike pakukwana vachitungamirirwa naMambo, Mupristi Mukuru, uye Mutongi Wenyaya akangwara zvechokwadi uye ane tsitsi. Ndokusaka Mwari akasarudza Jesu Kristu, uyo waakabatsira achishandisa mudzimu mutsvene kuti akwanise kuita mabasa iwayo anokosha zvikuru. Ngatikurukurei zvimwe zvikonzero zvichaita kuti Jesu akwanise zvakakwana kuita mabasa aakapiwa naMwari.

5 Jesu ndiye munhu anoziva Mwari kudarika vamwe vose. Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga ava nemakore asingaverengeki achiziva Baba vake zvokuti hapana mumwe munhu anomudarika kuvaziva. Mumakore iwayo, akasvika pakunyatsoziva Jehovha zvokuti aigona kunzi “mufananidzo waMwari asingaoneki.” (VaK. 1:15) Jesu pachake akati: “Aona ini aonawo Baba.”—Joh. 14:9.

6 Jesu ndiye anotevera Jehovha pakunzwisisa zvakaita zvinhu zvakasikwa, kusanganisira vanhu. VaKorose 1:16, 17 inoti: “Pachishandiswa iye [Mwanakomana waMwari] zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki . . . Uyewo, akatangira zvimwe zvinhu zvose uye zvimwe zvinhu zvose zvakaitwa kuti zvivepo pachishandiswa iye.” Pafunge! Jesu akabatsirana naMwari pakusika zvimwe zvinhu zvose ari “mhizha.” Saka anonzwisisa kanhu kose kariko kusanganisira uropi hwemunhu hunoshamisa. Chokwadi, Jesu akangwara zvisingatauriki!—Zvir. 8:12, 22, 30, 31.

7, 8. Mudzimu waMwari wakabatsira Jesu sei muushumiri hwake?

7 Jesu akazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari. Jesu akati: “Mudzimu waJehovha uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, akandituma kuti ndiparidze kusunungurwa kunhapwa uye kuzoita kuti mapofu aone, kuzoita kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka, kuti ndiparidze gore rakakodzera raJehovha.” (Ruka 4:18, 19) Jesu paakabhabhatidzwa, zvinoita sokuti mudzimu mutsvene wakaita kuti ayeuke zvaakanga adzidza asati auya pasi pano, kusanganisira zvaidiwa naMwari kuti aite muushumiri hwake pasi pano saMesiya.—Verenga Isaya 42:1; Ruka 3:21, 22; Johani 12:50.

8 Jesu munhu mukuru uye Mudzidzisi mukuru kupfuura vose vakamborarama pasi pezuva nokuti aipiwa simba nomudzimu mutsvene uye aive nomuviri nepfungwa zvisina chivi. Vanhu vaimuteerera ‘vaitoshamiswa nemadzidzisiro ake.’ (Mat. 7:28) Chimwe chaiita kuti vashamiswe ndechokuti Jesu akakwanisa kugadzirisa chacho chinokonzera matambudziko evanhu, icho chivi, kusakwana, uye kusaziva Mwari. Aikwanisawo kuona vanhu mumwoyo mavo ovabata zvinoenderana nezvaaona.—Mat. 9:4; Joh. 1:47.

9. Chivimbo chako muna Jesu saMambo chinowedzerwa sei nokufungisisa zvaakasangana nazvo pasi pano?

9 Jesu akambovawo munhu wenyama. Zvaakasangana nazvo ari munhu wenyama uye kugara kwaakamboita nevanhu vasina kukwana zvakamubatsira zvikuru kuti azova Mambo akanaka. Muapostora Pauro akanyora kuti: “[Jesu] aisungirwa kuti ave se‘hama’ dzake muzvinhu zvose, kuti ave mupristi mukuru ane ngoni uye akatendeka muzvinhu zvine chokuita naMwari, kuti ape chibayiro chokuyananisira zvivi zvevanhu. Nokuti iye zvaakatambura paaiedzwa, anokwanisawo kuyamura vaya vari kuedzwa.” (VaH. 2:17, 18) Jesu anogona kunzwira tsitsi vaya vari mumiedzo nokuti iye wacho ‘akaedzwa.’ Tsiye nyoro dzaJesu dzakaratidzwa paaiita ushumiri hwake pasi pano. Varwere, zvirema, vaive vakadzvinyirirwa, kunyange vana, vaiuya kwaari vakasununguka. (Mako 5:22-24, 38-42; 10:14-16) Vanyoro uye vaiva nenyota yokuziva Mwari vaiuyawo kwaari. Ukuwo vaya vaidada, vaizvikudza, uye vakanga ‘vasingadi Mwari’ vaimuramba, vachimuvenga uye vachimupikisa.—Joh. 5:40-42; 11:47-53.

10. Jesu akaratidza sei zvinoshamisa kuti anotida?

10 Jesu akatifira. Pazvinhu zvinoratidza kuti Jesu akakodzera saMambo, chikuru kupfuura zvose kubvuma kwake kutifira. (Verenga Pisarema 40:6-10.) Kristu akati: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Joh. 15:13) Kusiyana nevatongi vevanhu, avo vanowanzorarama upenyu hwoumbozha, vavari kutonga vachidya nhoko dzezvironda, Jesu akatorasikirwa noupenyu hwake kuti vanhu vabatsirwe.—Mat. 20:28.

Akapiwa Masimba Okudzikinura Vanhu

11. Chii chinotipa chivimbo chakazara muna Jesu soMudzikinuri wedu?

11 Chokwadi zvakakodzera kuti Jesu soMupristi Mukuru ndiye achatungamirira pakuita kuti chibayiro chake chorudzikinuro chitibatsire! Paaiita ushumiri hwake pasi pano, akatotiratidza zvaachatiitira soMudzikinuri paachatonga kweMakore Ane Chiuru, kana tikaramba takatendeka. Akaporesa vairwara, zvirema, akamutsa vakafa, akapa mhomho dzevanhu zvekudya, uye akatodzikamisa mamiriro okunze. (Mat. 8:26; 14:14-21; Ruka 7:14, 15) Zvinhu izvi haana kuzviita kuti ashamisire nesimba rake, asi kuti aratidze tsiye nyoro norudo. Achitaura nomunhu aiva nemaperembudzi akanga amukumbirawo kuti aporeswe akati: “Ndinoda.” (Mako 1:40, 41) Jesu acharatidza tsiye nyoro dzakadaro paachatonga kweMakore Ane Chiuru, asi achizviita pasi pose.

12. Isaya 11:9 ichazadziswa sei?

12 Kristu nevaachatonga navo vacharambawo vachifambisira mberi purogiramu yokudzidzisa yakatangwa naJesu makore 2 000 apfuura. Saka mashoko aIsaya 11:9 achazadziswa anoti: “Nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.” Zviri pachena kuti kudzidziswa ikoko kuchaitwa vanhu naMwari kuchasanganisira mirayiridzo yokuti vangachengetedza sei nyika ino nezvisikwa zvayo zvisingaverengeki, sezvakanga zvaudzwa Adhamu kuti aite. Panozopera makore 1 000, chinangwa chaMwari chepakutanga chiri pana Genesisi 1:28 chichange chazadziswa, uye rudzikinuro ruchange rwashandiswa zvizere.

Akapiwa Masimba Kuti Atonge

13. Jesu akaratidza sei kuti aida zvakarurama?

13 Kristu ndiye “akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wevapenyu nevakafa.” (Mab. 10:42) Saka zvinonyaradza sei kuziva kuti Jesu haana uori, uye kuti kururama nokutendeka zvakatoita sebhandi raakasunga muchiuno chake! (Isa. 11:5) Akaratidza kuti anovenga makaro, unyengeri, nezvimwe zvinhu zvakaipa, uye akatsiura vaya vaiitira utsinye vanhu vanotambura. (Mat. 23:1-8, 25-28; Mako 3:5) Uyezve Jesu akaratidza kuti akanga asinganyengedzwi nezvakaita munhu nechokunze, “nokuti aiziva zvakanga zviri mumunhu.”—Joh. 2:25.

14. Jesu ari kuratidza sei iye zvino kuti anoda kururama uye kururamisira, uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

14 Jesu anoda kururama uye kururamisira, uye izvi ari kuzviratidza nokutungamirira kwaari kuita basa rokuparidza nokudzidzisa rakakura kupfuura mamwe ose ati amboitwa. Hapana munhu, kana hurumende yomunhu, kana dhimoni zvinogona kumisa basa iri kusvika Mwari pachake ati zvakwana. Saka tinogona kuva nechokwadi kuti kana Amagedhoni yapfuura, hapana anozoti Mwari haana kutonga nemazvo. (Verenga Isaya 11:4; Mateu 16:27.) Zvibvunze kuti: ‘Ndinoratidza maonero aiita Jesu vanhu kana ndiri muushumiri here? Ndiri kuitira Jehovha zvose zvandinokwanisa here kunyange kana ndichirwara kana kuti mamiriro angu ezvinhu asina kutsarukana?’

15. Kuti tiitire Mwari zvose zvatinokwanisa, chii chatinofanira kugara tichiyeuka?

15 Kugara tichiyeuka kuti basa rokuparidza nderaMwari kuchatibatsira kumushumira nemweya wose. Ndiye akati riitwe; anoritungamirira achishandisa Mwanakomana wake; uye anoshandisa mudzimu wake mutsvene kupa simba vaya vanoriita. Unofadzwa here neropafadzo yauinayo yokushanda pamwe naMwari neMwanakomana wake anotungamirirwa nomudzimu mutsvene? Ndiani mumwe kunze kwaJehovha angaita kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni manomwe, vazhinji vavo vanoonekwa se“vasina kudzidza,” vaparidze shoko roUmambo kuvanhu vari munyika 236?—Mab. 4:13.

Ita Kuti Ukomborerwe naKristu!

16. Genesisi 22:18 inotii nezvezvikomborero zvaMwari?

16 Jehovha akaudza Abrahamu kuti: “Marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako nokuti wateerera inzwi rangu.” (Gen. 22:18) Izvi zvinoreva kuti vaya vanokoshesa ukama hwavo naMwari vanogona kumirira nechivimbo zvikomborero zvichaunzwa naMesiya. Saka vari kushumira Mwari iye zvino vachifunga nezvezvikomborero izvozvo.

17, 18. Jehovha akavimbisa chii pana Dheuteronomio 28:2, uye izvozvo zvinoda kuti isu tiite sei?

17 Kuvana vaAbrahamu chaivo, rudzi rwevaIsraeri, Mwari akamboti: “Zvikomborero zvose izvi [zvakanyorwa musungano yoMutemo] zvichauya pauri zvokubata, nokuti unoramba uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako.” (Dheut. 28:2) Mashoko aya anogona kushandawo kuvashumiri vaMwari nhasi. Kana uchida kukomborerwa naJehovha, “ramba uchiteerera” inzwi rake. Ukadaro zvikomborero zvake “zvichauya pauri zvokubata.” Asi ‘kuteerera’ kunosanganisirei?

18 Kuteerera kunosanganisira kufungisisa zvinotaurwa muShoko raMwari uye zvimwe zvine chokuita nokunamata zvaanotipa. (Mat. 24:45) Kunosanganisirawo kuita zvinotaurwa naMwari neMwanakomana wake. Jesu akati: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” (Mat. 7:21) Uye kuteerera Mwari kunosanganisira kuzviisa pasi nemwoyo wose peurongwa hwaakaita muungano yechiKristu hwokuva nevakuru vakagadzwa, “zvipo zviri varume.”—VaEf. 4:8.

19. Tingaita sei kuti tizowana chikomborero?

19 Vamwe ve“zvipo zviri varume” izvozvo inhengo dzeDare Rinodzora, avo vanomiririra ungano yose yechiKristu. (Mab. 15:2, 6) Tingatoti mabatiro atinoita hama dzaKristu idzi ndiwo achataura kuti tichatongwa sei pakutambudzika kukuru kuri kuuya. (Mat. 25:34-40) Saka imwe nzira yokuwana nayo chikomborero ndeyokuramba tichitsigira vakazodzwa vaMwari.

20. (a) Basa guru re“zvipo zviri varume” nderei? (b) Tingaratidza sei kuti tinotenda kuti tine hama idzi?

20 “Zvipo zviri varume” zvinosanganisirawo nhengo dzeMatare Emapazi, vatariri vanofambira uye vakuru veungano, vose vakagadzwa nomudzimu mutsvene. (Mab. 20:28) Basa guru rehama idzi nderokuvaka vanhu vaMwari ‘kusvikira vose vasvika pakubatana mukutenda nomuzivo yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari, vava munhu akura zvakakwana, vava nomwero wokukura kwakazara kwaKristu.’ (VaEf. 4:13) Ichokwadi kuti ivo vane chivi sezvatakangoitawo isu. Kunyange zvakadaro, tinowana zvikomborero kana tikaratidza kuti tinotenda kufudza kwavanotiita.—VaH. 13:7, 17.

21. Sei tichifanira kuteerera Mwanakomana waMwari iye zvino?

21 Kristu ava pedyo kuti aparadze nyika yakaipa yaSatani. Izvozvo pazvichaitika, upenyu hwedu huchange huri mumaoko aJesu, nokuti ndiye akapiwa masimba naMwari okutungamirira “boka guru revanhu . . . kuzvitubu zvemvura youpenyu.” (Zvak. 7:9, 16, 17) Saka ngatiitei zvose zvatinogona iye zvino kuti tizviise pasi nemwoyo wose uye tiratidze kutenda Mambo ari kutungamirirwa nomudzimu waJehovha.

Wadzidzei pana . . .

Isaya 11:1-5?

Mako 1:40, 41?

Mabasa 10:42?

Genesisi 22:18?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Tsiye nyoro dzaJesu dzakaoneka paakamutsa mwanasikana waJairosi

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jesu Kristu ari kutungamirira basa rokuparidza rakakura kupfuura mamwe ose ati amboitwa