Dzidza Kubva ‘Pakuumbwa Kwakaitwa Chokwadi’
“[Mune] kuumbwa kwezivo nokwechokwadi zviri muMutemo.”—VAR. 2:20.
1. Nei tichifanira kufarira kunzwisisa zvinorehwa neMutemo waMosesi?
KUNZWISISA zvinorehwa nezvinhu zvakawanda zviri muMutemo waMosesi kwaizotiomera kudai pasina tsamba dzakafemerwa dzaPauro. Somuenzaniso, mutsamba yaakanyorera vaHebheru, akajekesa kuti Jesu ‘somupristi mukuru akatendeka,’ aigona sei kupa “chibayiro chokuyananisira” kamwe chete zvachose zvichiita kuti vaya vanotenda machiri vakwanise kuwana “kununurwa kusingaperi.” (VaH. 2:17; 9:11, 12) Pauro akatsanangura kuti tebhenekeri yaingova “mumvuri wezvinhu zvokudenga” uye kuti Jesu akava Murevereri we“sungano iri nani” kupfuura yairevererwa naMosesi. (VaH. 7:22; 8:1-5) Mumazuva aPauro, kutsanangurwa ikoko kweMutemo kwaikosha chaizvo kuvaKristu, uye kuchiri kukosha nanhasi. Kunotibatsira kunyatsonzwisisa kukosha kweurongwa hwatakaitirwa naMwari.
2. VaKristu vechiJudha vaiva nani pakudini pane veMamwe Marudzi?
2 Zvimwe zvakanyorwa naPauro kuvaKristu vaiva muRoma, akazvinyorera vaya vaiva vaJudha vainge vakadzidziswa Mutemo waMosesi. Akaratidza kuti sezvo vakadaro vaiziva mutemo waMwari, vaiva nani pakuti vaiva ne“kuumbwa kwezivo nokwechokwadi” pamusoro paJehovha nemitemo yake yakarurama. Kunzwisisa ‘kuumbwa kwechokwadi’ ikoko uye kunyatsokuremekedza, kwaibatsira vaKristu vechiJudha, sezvakwainge kwaita vaJudha vakavatangira, kuti vatungamirire uye vadzidzise vaya vaisaziva mutemo uyo Jehovha akapa vanhu vake.—Verenga VaRoma 2:17-20.
MIMVURI YECHIBAYIRO CHAJESU
3. Tinobatsirwa sei nokudzidza pamusoro pezvibayiro zvevaJudha vekare?
3 Kuumbwa kwechokwadi kwakataurwa naPauro kuchiri kukosha kwatiri kuti tinzwisise zvinangwa zvaJehovha. Zvidzidzo zvaiva muMutemo waMosesi zvichiri kushanda nanhasi. Tichifunga izvozvo, ngatikurukurei zvibayiro zvakasiya-siyana nezvinopiwa zvaitaurwa muMutemo, zvaitungamirira vaJudha vaizvininipisa kuna Kristu nokuvabatsira kunzwisisa zvaidiwa naMwari. Sezvo zvinodiwa naJehovha kuvashumiri vake zvisingachinji, tichaonawo kuti mitemo yaMwari yaakapa vaIsraeri pamusoro pezvibayiro nezvinopiwa inogona kutibatsira kuongorora zvakaita basa redu dzvene.—Mar. 3:6.
4, 5. (a) Mutemo waMosesi waiyeuchidza vanhu vaMwari nezvechii? (b) Mutemo waMwari pamusoro pezvibayiro waifananidzirei?
4 Zvikamu zvakawanda zveMutemo waMosesi zvaiyeuchidza vaJudha kuti vaiva nechivi. Somuenzaniso, wose aibata munhu akafa aifanira kucheneswa. Mhou tsvuku yakanaka yaiurayirwa rudzi rwose, yopiswa. Madota ayo aichengetwa kuti agadziriswe “mvura yokuchenesa,” iyo yaisaswa pamunhu aicheneswa pazuva rechitatu nerechinomwe kubva pazuva raakabata chitunha. (Num. 19:1-13) Sechiyeuchidzo chokuti kuzvarwa kwemwana kwaipfuudza chivi, mukadzi aibereka mwana aifanira kuva asina kuchena kwenguva yakati, uye pashure aifanira kupa chibayiro chokuti ayananisirwe.—Revh. 12:1-8.
5 Zvibayiro zvemhuka zvaidiwa mumamiriro ezvinhu akawanda eupenyu kuti zviyananisire zvivi. Pasinei nokuti munamati wacho aizviziva here kana kuti kwete, zvibayiro zvacho nezviya zvakazopiwa patemberi yaJehovha, zvaiva “mumvuri” wechibayiro chakakwana chaJesu.—VaH. 10:1-10.
CHIKONZERO CHOKUPA CHIBAYIRO
6, 7. (a) Chii chaibatsira vaIsraeri pakusarudza chibayiro chokupa, uye izvi zvaifananidzirei? (b) Mibvunzo ipi yatingazvibvunza?
6 Jehovha aida kuti chero mhuka yaizopiwa sechibayiro ive “yakanaka” pazvose, isiri bofu, isina kukuvara, kuremara, kana kuti isingarware. (Revh. 22:20-22) VaIsraeri pavaipa michero kana zviyo kuna Jehovha, zvaifanira kuva ‘zvibereko zvokutanga,’ ‘zvakanakisisa zvacho’ pane zvavaikohwa. (Num. 18:12, 29) Jehovha aingogamuchira zvibayiro zvakanakisisa chete. Mutemo uyu pamusoro pezvibayiro waifananidzira kuti chibayiro chaJesu chaizova chisina gwapa, chisina ruvara uye kuti Jehovha aizopa chibayiro chakanakisisa, chaaida chaizvo kuti adzikinure vanhu.—1 Pet. 1:18, 19.
7 Kana munhu ainyatsoonga Jehovha nokuda kwezvakanaka zvake zvose, aisazosarudza chakanakisisa pane zvaaiva nazvo here kuti chive chibayiro? Munhu aizvisarudzira kuti opa chibayiro chakaita sei. Zvisinei, aiziva kuti Mwari aisazofarira chinopiwa chakaremara nokuti izvozvo zvaizoreva kuti aingopawo zvechirango, achitozviona semutoro chaiwo. (Verenga Maraki 1:6-8, 13.) Izvi zvinofanira kuita kuti tiongorore basa redu ratinoitira Mwari nokuzvibvunza kuti: ‘Chikonzero changu chokushumira Mwari ndechei? Ndinofanira kumboongorora here kuti basa randinoitira Mwari rakaita sei uye kuti vavariro yangu yokumushumira ndeyei?’
8, 9. Nei tichifanira kufunga nezvemaonero evaIsraeri pavaipa zvibayiro?
8 Kana chibayiro chomuIsraeri chaiva chokuzvidira kuti aratidze kuti ainyatsoonga Jehovha kana kuti chaiva chinopiwa chinopiswa chokuti afarirwe, pakadaro zvaisamunetsa kusarudza kuti opa mhuka yakaita sei. Munamati wacho aizofara kupa Jehovha zvakanakisisa zvaaiva nazvo. Mazuva ano vaKristu havapi zvibayiro zvakaita sezvaitaurwa muMutemo waMosesi; asi vanopawo zvibayiro pakuti vanoshandisa nguva yavo, simba uye zvinhu zvavo kushumira Jehovha. Muapostora Pauro akataura ‘nezvekuzivisa pachena’ tariro yechiKristu uye “kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe” sezvibayiro zvinofadza Mwari. (VaH. 13:15, 16) Maonero anoita vanhu vaJehovha mabasa iwayo anoratidza kuonga kwavanoita zvose zvaakavaitira. Saka kufanana nevaya vaipa zvibayiro munguva dzekare tinofanira kuongorora kuti tinonzwa sei nokushumira Mwari uye zvikonzero nei tichidaro.
9 Zvisinei, zvakadini nepaya painzi neMutemo waMosesi munhu aifanira kupa chinopiwa chechivi kana kuti chinopiwa chemhosva nokuti ainge akanganisa? Sezvo munhu ainzi aitofanira kupa chibayiro chakadaro, unofunga kuti zvaizomuomera here kupa nemwoyo wose uye kuva nemaonero akanaka? Kuti zvibayiro zvakadaro zvaizopiwa munhu achigunun’una here? (Revh. 4:27, 28) Munhu aisazombogunun’una kana ainyatsoda kuva neukama hwakanaka naJehovha.
10. VaKristu vanofanira kuitei kuti vagadzirise ukama hwavo nevamwe?
10 Mazuva anowo ungagumbura hama yako nokuita zvinhu nokusafunga kana kuti kuigumbura usingatombozvizivi. Hana yako inogona kukuudza kuti pane pawakanganisa. Munhu wose anokoshesa kushumira Jehovha haangaedzi here kuita zvose zvaanogona kuti agadzirise zvaanenge akanganisa? Zvingada kuti akumbire ruregerero kune waanenge akanganisira kana kuti kutsvaka kubatsirwa nevatariri vechiKristu vane rudo kana aita chikanganiso chakakura. (Mat. 5:23, 24; Jak. 5:14, 15) Saka pane zvatinotofanira kuita kuti tigadzirise zvatinenge tatadzira hama yedu kana Mwari. Kunyange zvakadaro, patinoita izvozvo zvichiita sokuti tiri kupa zvibayiro, tinogadzirisa ukama hwedu naJehovha uye nehama yedu uye tinova nehana yakanaka. Izvi zvinobva zvatipawo chivimbo chokuti zvinodiwa naJehovha ndizvo zvakanakisisa.
11, 12. (a) Zvibayiro zvokugoverana zvaipiwa sei? (b) Pakunamata kwatinoita mazuva ano tingadzidzei pazvibayiro zvokugoverana?
11 Zvimwe zvibayiro zvaitaurwa muMutemo waMosesi zvaiva zvinopiwa zvokugoverana. Izvi zvaimirira kuva nerugare naJehovha. Munhu aipa chinopiwa chacho nemhuri yake vaidya nyama yacho, zvimwe vari mune imwe yedzimba dzokudyira dzepatemberi. Mupristi aiita basa racho aipiwa imwe nyama yacho, sezvaingoitawo vamwe vapristi vaishumira patemberi. (Revh. 3:1; 7:31-33) Munamati wacho aipa chibayiro achingoda hake kuti ave neukama hwakanaka naMwari. Zvaiita sokuti munamati wacho, mhuri yake, mupristi naJehovha vaidya pamwe chete vachifara, murugare.
12 Zvechokwadi yaiva ropafadzo chaiyo kuita seuri kukoka Jehovha, iye obvuma kuti mudye pamwe chete! Pakadaro, munhu aikoka mueni anokosha zvakadaro aizoda kumupa zvakanakisisa. Urongwa hwezvibayiro zvokugoverana hwaiva chikamu chekuumbwa kwechokwadi kuri muMutemo waMosesi, uye hwairatidza kuti vaya vose vaizoda kuva neukama hwepedyo uye kuva nerugare neMusiki vaizodaro pachishandiswa chibayiro chikuru chaJesu. Mazuva ano tinogona kushamwaridzana naJehovha nokupa tichizvidira zvinhu zvedu nesimba redu mubasa rake.
YAMBIRO PANYAYA YEZVIBAYIRO
13, 14. Nei chibayiro chaida kupiwa naMambo Sauro chaisagamuchirika kuna Jehovha?
13 Jehovha aigamuchira zvibayiro zvaitaurwa muMutemo waMosesi kana bedzi zvaipiwa nevavariro yakanaka. Zvisinei, Bhaibheri rine mienzaniso inonyevera panyaya yezvibayiro zvisina kugamuchirwa naMwari. Nei asina kuzvigamuchira? Ngatikurukurei mamiriro ezvinhu maviri.
14 Muprofita Samueri akaudza Mambo Sauro kuti yainge yava nguva yokuti Jehovha atonge vaAmareki. Saka Sauro aifanira kutsakatisa vavengi ava pamwe nezvipfuwo zvavo. Zvisinei, Sauro akunda, akarega masoja ake achisiya Agagi mambo wevaAmareki ari mupenyu. Haanawo kuparadza zvipfuwo zvainge zvakanaka achiti aida kuzozvibayira kuna Jehovha. (1 Sam. 15:2, 3, 21) Jehovha akaita sei nazvo? Akaramba Sauro nokuti haana kuteerera. (Verenga 1 Samueri 15:22, 23.) Tinodzidzei panyaya iyi? Tinodzidza kuti Mwari anogamuchira chibayiro kana ari kuchipa wacho achiteerera mirayiro yake.
15. Maitiro akaipa evaIsraeri vaipa zvibayiro mumazuva aIsaya airatidzei?
15 Muenzaniso wakafanana uri mubhuku raIsaya. Panguva yaIsaya, vaIsraeri vaipa zvibayiro kuna Jehovha zvechirango chete. Zvisinei, maitiro avo akaipa aiita kuti zvibayiro zvavo zvisabatsire. Jehovha akabvunza kuti, “Kuwanda kwezvibayiro zvenyu kunondibatsirei? Ndakwana nezvinopiwa zvose zvinopiswa zvemakondohwe nemafuta emhuka dzakakodzwa zvakanaka; uye handifariri ropa renzombe duku nemakwayana makono nenhongo. . . . Chiregai kuunzazve zvinopiwa zvezviyo zvisina zvazvinobatsira. Rusenzi—chinhu chinondisemesa.” Dambudziko raiva rei? Mwari akavaudza kuti: “Kunyange mukaita minyengetero mizhinji, handizoteereri; maoko enyu azere neropa. Zvigezei; zvichenesei; bvisai zvakaipa zvemabasa enyu pamberi pangu; regai kuita zvakaipa.”—Isa. 1:11-16.
16. Chii chinoita kuti chibayiro chigamuchirwe naMwari?
16 Jehovha aisafarira zvibayiro zvaipiwa nevatadzi vasingapfidzi. Zvisinei, aigamuchira minyengetero nezvinopiwa zvevaya vaiedza kurarama zvinoenderana nemirayiro yake. Kuumbwa kwechokwadi kwaiva muMutemo kwaidzidzisa vanhu vakadaro kuti vaiva nezvivi uye vaida kukanganwirwa. (VaG. 3:19) Kuziva izvozvo kwaiita kuti vazvidembe. Mazuva ano, tinofanirawo kuziva kuti tinoda chibayiro chaKristu, icho chinogona kunyatsoyananisira zvivi. Kana tichinzwisisa uye tichionga izvi, Jehovha ‘achafadzwa’ nezvose zvatinomuitira mubasa rake.—Verenga Pisarema 51:17, 19.
TENDA MUCHIBAYIRO CHAJESU!
17-19. (a) Tingaratidza sei Jehovha kuti tinoonga chibayiro chaJesu chorudzikinuro? (b) Munyaya inotevera tichakurukurei?
17 Isu tiri nani pane vakararama chiKristu chisati chavapo pakuti hatichangogutsikani ne“mumvuri” wezvinangwa zvaMwari. (VaH. 10:1) Mitemo yaiva nechokuita nezvibayiro yaikurudzira vaJudha kuti vave nemaonero aizoita kuti vave neukama hwakanaka naMwari. Vaifanira kuratidza kuti vainyatsomuonga, uye kuti vaida kumupa zvakanakisisa zvavo, vachibvuma kuti vaida kudzikinurwa. Tichibatsirwa netsanangudzo dziri muMagwaro echiKristu echiGiriki, tinogona kunzwisisa kuti pachishandiswa rudzikinuro, Jehovha achabvisa zvachose zvinokonzerwa nechivi uye kuti kunyange iye zvino anoita kuti tikwanise kuva nehana yakanaka. Chibayiro chorudzikinuro chaJesu urongwa hwakazonaka!—VaG. 3:13; VaH. 9:9, 14.
18 Asi kuti tibatsirwe nechibayiro chorudzikinuro hatifaniri kungonzwisisa zvachinoreva chete. Muapostora Pauro akanyora kuti, “Mutemo wakava muperekedzi wedu uchitungamirira kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nokuda kwokutenda.” (VaG. 3:24) Uye kutenda kwakadaro kunofanira kunge kuine mabasa. (Jak. 2:26) Saka Pauro akakurudzira vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva nekuumbwa kwezivo kwaiva muMutemo waMosesi kuti vashandise zivo iyoyo. Nokuita izvozvo, maitiro avo aizonyatsoenderana nemitemo yaMwari yavaidzidzisa.—Verenga VaRoma 2:21-23.
19 Kunyange zvazvo mazuva ano vaKristu vasiri pasi peMutemo waMosesi, vanofanira kupa zvibayiro zvinogamuchirika kuna Jehovha. Munyaya inotevera tichakurukura kuti izvozvo tingazviita sei.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mufananidzo uri papeji 17]
Zvinodiwa naJehovha kuvashumiri vake hazvichinji
[Mufananidzo uri papeji 18]
Waizopa Jehovha mhuka ipi?
[Mufananidzo uri papeji 19]
Vaya vanopa zvibayiro zvinogamuchirika vanofarirwa naJehovha