Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuberekwa Patsva—Kunomboitika Sei?

Kuberekwa Patsva—Kunomboitika Sei?

Kuberekwa Patsva—Kunomboitika Sei?

JESU haana kungotaura naNikodhimo nezvokukosha, zvinokonzera uye chinangwa chokuberekwa patsva asi akataurawo kuti kunoitika sei. Jesu akati: “Kana munhu akasaberekwa nemvura nomudzimu, haangapindi muumambo hwaMwari.” (Johani 3:5) Saka munhu anoberekwazve nemvura nomudzimu. Asi mashoko okuti “nemvura nomudzimu” anorevei?

“Mvura noMudzimu”—Zvinombova Chii?

Sezvo Nikodhimo aiva nyanzvi yechitendero chechiJudha, hapana mubvunzo kuti aiziva kuti Magwaro echiHebheru aishandisa sei mashoko okuti “mudzimu waMwari”—simba raMwari rinoita basa rinoita kuti vanhu vaite mabasa anoshamisa. (Genesisi 41:38; Eksodho 31:3; 1 Samueri 10:6) Saka Jesu paakashandisa shoko rokuti “mudzimu,” Nikodhimo akanzwisisa kuti waiva mudzimu mutsvene, simba rinoita basa raMwari.

Ko zvakataurwa naJesu nezvemvura? Chimbofunga zviitiko zvakanyorwa zvakaitika nguva pfupi Jesu asati ataura naNikodhimo uye zvakaitika pashure pacho. Izvi zvinoratidza kuti Johani Mubhabhatidzi nevadzidzi vaJesu vaibhabhatidza nemvura. (Johani 1:19, 31; 3:22; 4:1-3) Izvi zvakabva zvakurumbira muJerusarema. Saka, Jesu paakataura nezvemvura, Nikodhimo akanzwisisa kuti Jesu aireva mvura yokubhabhatidza kwete mvurawo zvayo. *

Kubhabhatidzwa “noMudzimu Mutsvene”

Kana ku“berekwa nemvura” kuchireva kubhabhatidzwa mumvura, ko zvinorevei ‘kuberekwa nomudzimu’? Jesu asati ataura naNikodhimo, Johani Mubhabhatidzi akanga azivisa kuti mvura haisiri iyo chete yaizongoshandiswa pakubhabhatidza, asi mudzimu mutsvene waizoshandawo. Akati: “Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye [Jesu] achakubhabhatidzai nomudzimu mutsvene.” (Mako 1:7, 8) Munyori weEvhangeri Mako akatsanangura pakatanga kuitika rubhabhatidzo rwakadaro. Anonyora kuti: “Mumazuva iwayo Jesu akabva kuNazareta reGarireya, akabhabhatidzwa muJodhani naJohani. Achangobva kubuda mumvura akaona matenga achiparadzana, uye, mudzimu uchiburukira paari wakaita senjiva.” (Mako 1:9, 10) Jesu paakanyudzwa muna Jodhani, akabhabhatidzwa nemvura. Paakagamuchira mudzimu kubva kudenga, akabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene.

Anenge makore matatu pashure pokubhabhatidzwa kwake, Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Imi muchabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene kusati kwapera mazuva mazhinji pashure peizvi.” (Mabasa 1:5) Izvozvo zvakaitika rini?

Musi wePendekosti yegore ra33 C.E., vadzidzi vaJesu vanenge 120 vakaungana mune imwe imba muJerusarema. “Kwakangoerekana kwava noruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba rwakabva kudenga, rukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaona ndimi dzakafanana nedzomoto . . . , vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 2:1-4) Zuva iroro, vamwe vaiva muJerusarema vakakurudzirwa kubhabhatidzwa mumvura. Muapostora Petro akaudza boka revanhu kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo chepachena chomudzimu mutsvene.” Vanhu vacho vakaitei? “Vaya vakagamuchira shoko rake nomwoyo wose vakabhabhatidzwa, uye pazuva iroro mweya inenge zviuru zvitatu yakawedzerwa.”—Mabasa 2:38, 41.

Pane Zvinhu Zviviri Zvinoitika

Kubhabhatidzwa uku kunoratidzei nezvokuberekwa patsva? Kunoratidza kuti pane zvinhu zviviri zvinodiwa kuti kuberekwa patsva kuitike. Ona kuti Jesu akatanga abhabhatidzwa mumvura. Zvadaro, akagamuchira mudzimu mutsvene. Nenzira yakafanana, vadzidzi vokutanga vakatanga vabhabhatidzwa mumvura (vamwe vakabhabhatidzwa naJohani Mubhabhatidzi), uye zvadaro vakazogamuchira mudzimu mutsvene. (Johani 1:26-36) Vadzidzi vatsva 3 000 vakatanga vabhabhatidzwa nemvura, uye vakazogamuchira mudzimu mutsvene.

Tichifunga nezvokubhabhatidza kwakaitika paPendekosti ya33 C.E., tingatarisira kuti kuberekwa patsva kuitike sei mazuva ano? Semaitikiro azvakaita kuvaapostora vaJesu nevadzidzi vokutanga. Chokutanga, munhu anopfidza zvivi zvake, anosiya kuita zvakaipa, anotsaurira upenyu hwake kuti anamate uye ashumire Jehovha, uye anoita kuti kuzvitsaurira kwake kuzivikanwe nevazhinji nokubhabhatidzwa mumvura. Zvadaro, kana Mwari akamusarudza kuti azotonga muUmambo Hwake, anobva azodzwa nomudzimu mutsvene. Parutivi rwokutanga rwechiitiko ichi (kubhabhatidzwa nemvura), munhu ndiye anosarudza, parutivi rwechipiri (kubhabhatidzwa nomudzimu), Mwari ndiye anosarudza. Kana munhu akabhabhatidzwa kaviri seizvi, anenge aberekwa patsva.

Saka, nei Jesu paaitaura naNikodhimo akashandisa mashoko okuti ‘kuberekwa nemvura nomudzimu’? Kuti asimbise kuti vaya vaibhabhatidzwa nemvura nomudzimu vaizochinja zvinoshamisa. Nyaya inotevera inokurukura pfungwa iyoyi ine chokuita nokuberekwa patsva.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Nenzira yakafanana, panguva yaibhabhatidzwa vanhu muapostora Petro akamboti: “Kune munhu here angadzivisa mvura?”—Mabasa 10:47, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Johani aibhabhatidza nemvura vaIsraeri vaipfidza