Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?

Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?

Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?

UNGAPINDURA sei mubvunzo wokuti, “Wakaberekwazve here?” Vatendi vakawanda vari munyika yose vanonyatsopindura nechivimbo kuti, “Hungu!” Vanotenda kuti vaKristu vose vechokwadi vanozivikanwa nokuberekwazve uye kuti ndiko chete kunoponesa. Vanobvumirana nezvinotaurwa nevatungamiriri vezvitendero vakadai samufundisi Robert C. Sproul, akanyora kuti: “Kana munhu asina kuberekwazve, . . . haasi muKristu.”

Uri mumwe wevaya vanotenda kuti kuberekwazve ndiko kunoita kuti upone here? Kana uri mumwe wavo, hapana mubvunzo kuti unoda kubatsira hama dzako neshamwari kuti dzizoponawo. Zvisinei, kuti vapone vanofanira kunzwisisa kusiyana kwakaita munhu anoberekwazve nomunhu asingaberekwizve. Ungavatsanangurira sei zvinoreva kuberekwazve?

Vakawanda vanotenda kuti shoko rokuti ku“berekwazve” rinoreva munhu anenge avimbisa nomwoyo wake wose kushumira Mwari naKristu uye zvadaro, anochinja kubva pakusava noukama naMwari ova noukama hwakanaka naye. Kutaura zvazviri, duramazwi richangobva kubuda rinotsanangura munhu anenge aberekwazve richiti “kazhinji kacho muKristu anenge atangazve kana kuti anenge apupurira kuti anyatsozvipira pachitendero chake kunyanya pashure pokunge abayiwa mwoyo nezvinenge zvaitika pakunamata kwake.”—Merriam-Webster’s Collegiate Dictionary—Eleventh Edition.

Zvingakushamisa here kana ukaziva kuti Bhaibheri haribvumirani netsanangudzo iyi? Ungada here kuziva zvinonyatsodzidziswa neShoko raMwari nezvokuberekwazve? Chokwadi zvichakubatsira kana ukanyatsoongorora nyaya iyi. Nei? Nokuti ukaziva zvakarurama kuti kuberekwazve kunorevei zvichakubatsira muupenyu hwako uye netariro yako yeremangwana.

Bhaibheri Rinodzidzisei?

MuBhaibheri rose shoko rokuti ku“berekwazve” rinongowanikwa pana Johani 3:1-12, panorondedzera nhaurirano inonakidza yaiva pakati paJesu nomutungamiriri wechitendero muJerusarema. Uchawana nhaurirano yose iyi yomuBhaibheri pabhokisi rinotevera. Tinokukumbira kuti unyatsoiverenga.

Munyaya yacho, Jesu anoratidza zvinhu zvinoverengeka zvinobatanidzwa pa“kuberekwa patsva.” * Kutaura zvazviri, zvakataurwa naJesu zvinotibatsira kupindura mibvunzo mishanu iyi inokosha:

Kuberekwa patsva kunokosha zvakadini?

Tinogona here kuzvisarudzira toga kuti tiberekwe patsva?

◼ Chinangwa chokuberekwa patsva ndechei?

Munhu anoberekwa patsva sei?

◼ Ukama hworudzii hunovapo kana munhu aberekwa patsva?

Ngationgororei mumwe nomumwe wemibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mashoko okuti “kuberekwa patsva” anowanika pana 1 Petro 1:3, 23. Mamwewo mashoko ari muBhaibheri anorondedzera ku“berekwazve.” Mashoko acho ose anobva pashoko rechiito rechiGiriki rokuti, gen·naʹo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]

“Imi munofanira kuberekwazve”

“Zvino kwaiva nomumwe murume, mumwe wevaFarisi, ainzi Nikodhimo, mutongi wevaJudha. Iyeyu akauya kwaari usiku, akati kwaari: ‘Rabhi, tinoziva kuti imi somudzidzisi makabva kuna Mwari; nokuti hapana angagona kuita zviratidzo izvi zvamunoita kunze kwokunge Mwari ainaye.’ Achipindura, Jesu akati kwaari: ‘Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.’ Nikodhimo akati kwaari: ‘Munhu angaberekwa sei kana iye akura? Angapinda mudumbu raamai vake kechipiri oberekwa here?’ Jesu akapindura kuti: ‘Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Kana munhu akasaberekwa nemvura nomudzimu, haangapindi muumambo hwaMwari. Chakaberekwa nenyama, inyama, uye chakaberekwa nomudzimu, mudzimu. Usashamiswa nokuti ndakuudza kuti, Imi munofanira kuberekwazve. Mhepo inovhuvhutira kwainoda, uye unonzwa kuvhuvhuta kwayo, asi hauzivi kwainobva nokwairi kuenda. Ndizvo zvakaita munhu wose akaberekwa nomudzimu.’ Achipindura, Nikodhimo akati kwaari: ‘Zvinhu izvi zvingaitika sei?’ Achipindura, Jesu akati kwaari: ‘Uri mudzidzisi waIsraeri, asi usingazivi zvinhu izvi here? Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Tinotaura zvatinoziva uye tinopupurira zvatakaona, asi imi hamugamuchiri uchapupu hwatinopa. Kana ndakuudzai zvinhu zvepanyika asi musingatendi, muchatenda sei kana ndikakuudzai zvinhu zvokudenga?’”—Johani 3:1-12.