Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsanya—Kunokuswededza Pedyo naMwari Here?

Kutsanya—Kunokuswededza Pedyo naMwari Here?

Kutsanya—Kunokuswededza Pedyo naMwari Here?

‘Kutsanya kunokubatsira kufungisisa nezvoukama hwako naMwari uye kunokuyeuchidza kuti zvinhu zvisinei nokunamata hazvisi izvo zvinonyanya kukosha.’—MUMWE MUKADZI ANOPINDA CHECHI YEROMA.

‘Kutsanya kunokubatsira kuva noukama naMwari.’—MUDZIDZISI WECHIJUDHA.

‘Muchitendero changu, ndinotofanira kutsanya, kuratidza kuti ndakazvipira uye ndinoonga Mwari. Ndinotsanya nokuti ndinoda Mwari.’—MUKADZI ANOPINDA CHITENDERO CHECHIBAHA’I.

KUTSANYA itsika inogara ichiitwa muzvitendero zvakawanda munyika, zvinosanganisira chiBuddha, chiHindu, chiIslam, chiJain, uye chiJudha. Vanhu vakawanda vanodavira kuti kumborega kudya kwenguva yakati kunoita kuti munhu aswedere pedyo naMwari.

Unofungei? Unofanira kutsanya here? Shoko raMwari, Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyi?

Kutsanya Kwaiitwa Kare Kunotaurwa muBhaibheri

Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, vanhu vaitsanya nezvikonzero zvakasiyana-siyana zvaigamuchirwa naMwari. Vamwe vaitsanya kuti varatidze kusuruvara kana kuti kupfidza zvivi zvavo (1 Samueri 7:4-6), kuti vakumbire kufarirwa naMwari kana kutungamirirwa naye (Vatongi 20:26-28; Ruka 2:36, 37), kana kuti vanyatsoisa pfungwa pane zvavanenge vachifungisisa.—Mateu 4:1, 2.

Zvisinei, Bhaibheri rinotaurawo nezvokumwe kutsanya kwaisagamuchirwa naMwari. Mambo Sauro akatsanya asati aenda kunobvunza svikiro. (Revhitiko 20:6; 1 Samueri 28:20) Vanhu vakaipa vakaita saJezebheri nevamwewo vaizviita vatsvene vakaronga kuuraya muapostora Pauro, vaitsanyawo. (1 Madzimambo 21:7-12; Mabasa 23:12-14) VaFarisi vainyatsozivikanwa nokugara vachitsanya kwavaiita. (Mako 2:18) Asi vakatukwa naJesu, uye vakatadza kufadza Mwari. (Mateu 6:16; Ruka 18:12) Jehovha aisagamuchirawo kutsanya kwaiitwa nevamwe vaIsraeri pamusana pezviito nezvinangwa zvavo zvaiva zvakaipa.—Jeremiya 14:12.

Mienzaniso iyi inoratidza kuti kungotsanya kwoga hakufadzi Mwari. Zvisinei, Mwari aigamuchira kutsanya kwaiitwa nevashumiri vake vakatendeka vakawanda. Saka vaKristu vanofanira kutsanya here?

VaKristu Vanosungirwa Kutsanya Here?

Mutemo waMosesi wairayira vaJudha kuti “munofanira kutambudza mweya yenyu” kureva kuti vaifanira kutsanya kamwe chete pagore paZuva Rokuyananisira. (Revhitiko 16:29-31; Pisarema 35:13) Uku ndiko kwoga kutsanya kwakarayirwa vanhu naJehovha kuti vaite. * VaJudha vairarama vari pasi poMutemo waMosesi vaifanira kuteerera murayiro iwoyo. Asi vaKristu havatemerwi kuti vateerere Mutemo waMosesi.—VaRoma 10:4; VaKorose 2:14.

Kunyange zvazvo Jesu aitsanya sezvairayirwa nomutemo, vanhu vaisazviziva. Akaudza vadzidzi vake zvavaifanira kuita kana vaisarudza kutsanya, haana kumbovarayira kuti vatsanye. (Mateu 6:16-18; 9:14) Saka, nei Jesu akati vadzidzi vake vaizotsanya pashure porufu rwake? (Mateu 9:15) Uyu wakanga usiri murayiro. Zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti pashure porufu rwake, vadzidzi vake vaizosuruvara zvikuru uye vaizonzwa vasingadi kudya.

Nyaya mbiri dzomuBhaibheri dzinotaura nezvevaKristu vekare vaitsanya dzinoratidza kuti Mwari anozvigamuchira kana munhu akatsanya aine vavariro dzakanaka. (Mabasa 13:2, 3; 14:23) * Saka, hausi mutemo kuti vaKristu vatsanye. Asi, munhu anosarudza kutsanya anofanira kuziva ngozi dzingavapo.

Chenjerera Ngozi Dzokutsanya

Imwe ngozi inofanira kudziviswa pakutsanya ndeyokuzviita munhu akarurama. Bhaibheri rinotinyevera kuti tirege “kuzvininipisa kwokunyepedzera.” (VaKorose 2:20-23) Muenzaniso waJesu womuFarisi aizvikudza uyo aiona sokuti akarurama kupfuura vamwe pamusana pokuti aigara achitsanya unonyatsoratidza kuti Mwari haabvumiri mafungiro akadaro.—Ruka 18:9-14.

Kukanganisa zvakare kuita kuti vanhu vazive kuti uri kutsanya kana kutsanya nokuti mumwe munhu akuudza kuti udaro. Maererano naMateu 6:16-18, Jesu akadzidzisa kuti kutsanya kunofanira kungozivikanwa pakati pako naMwari chete, uye haufaniri kuudza vanhu.

Munhu haafaniri kufunga kuti kutsanya ndiko kunovhara zvivi. Kutsanya kunofanira kuenderana nokuteerera mitemo yaMwari kuti Mwari akugamuchire. (Isaya 58:3-7) Kupfidza kwechokwadi ndiko kunoita kuti munhu akanganwirwe, kwete kutsanya. (Joeri 2:12, 13) Bhaibheri rinosimbisa kuti tinokanganwirwa zvivi nomutsa usina kufanirwa waJehovha waakaratidza nechibayiro chaKristu. Hazviiti kuti tikanganwirwe zvivi pamusana pemabasa api neapi, anosanganisira kutsanya.—VaRoma 3:24, 27, 28; VaGaratiya 2:16; VaEfeso 2:8, 9.

Isaya 58:3 inoratidza chimwe chikanganiso chinowanzoitwa nevanhu. VaIsraeri vaiti Jehovha aifanira kuvaitira chimwe chinhu kana vatsanya, sokunge kuti kutsanya ndiko kwaiita kuti vafarirwe naMwari. Vakabvunza kuti: “Takatsanyirei imi mukasaona, uye takatambudzirei mweya yedu imi mukasacherechedza?” Mazuva ano, vakawanda vanofunga kuti vanogona kutarisira kuti Mwari avaitire zvimwe zvinhu kana vachinge vatsanya. Ngatisambotevedzera mafungiro akadaro asingaratidzi kuremekedza uye anopesana nemagwaro!

Vamwe vanodavira kuti vanogona kufarirwa naMwari kana vakazvirwadzisa nokutsanya, kuzvirova, kana nezvimwewo. Shoko raMwari rinoshora pfungwa iyi richiratidza kuti “kutambudza muviri kwazvo” ‘hakukoshi pakurwisa’ zvishuvo zvakaipa.—VaKorose 2:20-23.

Maonero Akanaka

Munhu haasungirwi kutsanya, asi kutsanya hakuna hako kuipa. Dzimwe nguva kutsanya kungabatsira kana munhu akadzivisa ngozi dzataurwa pamusoro apa. Zvisinei, kutsanya hakusi iko chinhu chikuru chinoita kuti Mwari agamuchire kunamata kwedu. Jehovha ndi“Mwari anofara” uye anoda kuti vashumiri vake vafare. (1 Timoti 1:11) Shoko rake rinoti: “Hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura . . . kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.”—Muparidzi 3:12, 13.

Tinofanira kuva vanhu vanofara pakunamata kwedu, asi Bhaibheri harimbotauri nezvomufaro parinotaura nezvokutsanya. Uyezve, kana kurega kudya kuchizokanganisa utano hwedu kana kutipedzera simba rokuita basa rinofadza iro Musiki wedu akapa kuvaKristu vechokwadi—basa rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo—zviri pachena kuti kunenge kusingabatsiri.

Kana tikasarudza kutsanya kana kurega, hatifaniri kutonga vamwe. VaKristu vechokwadi havafaniri kuitisana nharo panyaya iyi, “nokuti umambo hwaMwari hahurevi kudya nokunwa, asi hunoreva kururama norugare nomufaro nomudzimu mutsvene.”—VaRoma 14:17.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Kunyange zvazvo zvichiita sokuti Mwari akafarira kutsanya kwakaita Esteri, Mutambo wePurimu usati waitwa, akanga asina kumborayira kuti atsanye.

^ ndima 14 Mamwe maBhaibheri anowedzeredza nezvokutsanya, asi izvozvo hazvisi mumanyoro ekare echiGiriki.—Mateu 17:21; Mako 9:29; Mabasa 10:30; 1 VaKorinde 7:5, King James Version, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]

VaFarisi vairatidza kuzvininipisa kwokunyepedzera pavaitsanya

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

“Umambo hwaMwari hahurevi kudya nokunwa, asi hunoreva kururama norugare nomufaro nomudzimu mutsvene”

[Bhokisi riri papeji 29]

Zvakadini Netsika Yokutsanya Mazuva 40?

Tsika iyi inonzi ndeyokuyeuka kutsanya kwakaita Kristu mazuva 40. Asi, Jesu haana kumborayira vadzidzi vake kuti vayeuke kutsanya kwaakaita, uyewo hapana uchapupu hwokuti vakamboita kudaro. Zvinofungidzirwa kuti mutsamba dzaAthanasius, mufundisi weChechi yeOrthodox, dzomuna 330 C.E. ndimo mune mashoko okutanga akavimbika anotaura nezvetsika yokutsanya kwemazuva 40 kwaiitwa Isita isati yasvika.

Sezvo Jesu akatsanya pashure pokunge abhabhatidzwa kwete asati afa, zvinoshamisa kuti zvimwe zvitendero zvinoita tsika yokutsanya mavhiki mashoma Isita isati yaitwa. Zvisinei, kutsanya kwemazuva 40 pakutanga kwegore kwaiwanzoitwa nevaBhabhironi vekare, vaIjipiti, uye vaGiriki. Zviri pachena kuti tsika iyi inonzi ndeyechiKristu yakabva kumarudzi iwaya.