Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwedu Hwakafanorongwa Here?

Upenyu Hwedu Hwakafanorongwa Here?

Vaverengi Vanobvunza Kuti

Upenyu Hwedu Hwakafanorongwa Here?

Vamwe vanoti zuva redu rokufa rakafanorongwa kare. Vamwe vanoomerera kuti Mwari pachake ndiye anosarudza nguva yedu yokufa. Uyezve, vakadaro vanoona zvinhu zvikuru zvinoitika muupenyu sezvakafanorongwa. Ndiwo mafungiro ako here?

Ungazvibvunza mibvunzo inotevera: ‘Kana tisina zvatinokwanisa kuita kuchinja upenyu hwedu nokuti hwakafanorongwa, uye kana Mwari akafanoronga zvichaitika muupenyu hwedu, nei tichikurudzirwa kunyengetera? Uye kana upenyu hwedu hwakafanorongwa, nei tichifanira kuzvidzivirira? Nei tichifanira kuzvisunga nemabhandi omumotokari patinenge tichifamba nemotokari? Uyewo nei tisingafaniri kutyaira motokari tichinwa zvinwiwa zvinodhaka?’

Bhaibheri rinoshora maitiro akadaro okusakoshesa upenyu. Pane kusiya vaIsraeri vachiita zvinhu vachiti upenyu hwakafanorongwa, Bhaibheri rakavarayira kuti vazvichengetedze. Somuenzaniso, vakarayirwa kuvaka mudhuri mupfupi pamusoro pedzimba dzavo. Zvaiitirwa kuti munhu asadonha netsaona pamusoro pemba. Saka nei Mwari aizopa murayiro wakadaro kudai munhu akanga akafanorongerwa kuti aizodonha pasi ofa achibva padenga remba?—Dheuteronomio 22:8.

Zvakadii nevaya vanofa vaita zvokuurayiwa nenjodzi dzinongoitika dzoga kana kuti nezvimwe zviitiko zvakaipa zvavasingagoni kudzora? “Musi wavo wokufa” unenge wakafanorongwa here? Kwete, mumwe munyori weBhaibheri anonzi Mambo Soromoni anotivimbisa kuti, ‘tose tinowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.’ (Muparidzi 9:11) Saka pasinei nokuti mamiriro acho ezvinhu anga asingatarisirwi, zviitiko zvakaipa hazvifanorongwi.

Zvisinei, vamwe vanofunga kuti mashoko aya anopesana nemashoko akanga ambotaurwa naSoromoni okuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, uyewo zvose zvinoitwa pasi pematenga zvine nguva yazvo: nguva yokuberekwa nenguva yokufa.” (Muparidzi 3:1, 2) Asi Soromoni akanga ari kutsigira here pfungwa yokuti zvinoitika muupenyu zvakafanorongwa? Ngatimbonyatsoongorora mashoko aya.

Soromoni akanga asiri kuti nguva yedu yokuberekwa nokufa zvakafanorongwa. Asi akanga ari kuti nguva yokuberekwa nokufa, kungofanana nezvimwe zvinhu zvakawanda zvoupenyu, zvinhu zvinongogara zvichiitika. Zvechokwadi, muupenyu munoitika zvinofadza nezvisingafadzi. Soromoni anoti, ‘Pane nguva yokusvimha misodzi nenguva yokuseka.’ Zviitiko zvakadaro zvisingafanoonekwi zvinogara zvichiitika, Soromoni anoratidza kuti zvinhu zvinoitika nguva dzose muupenyu, “zvose zvinoitwa pasi pematenga.” (Muparidzi 3:1-8; 9:11, 12) Saka, mhedziso yake ndeyokuti hatifaniri kunyanya kupedza nguva yedu yakawanda muzvinhu zvedu zvatinoita zuva nezuva zvokuti tinokanganwa Musiki wedu.—Muparidzi 12:1, 13.

Kunyange zvazvo Musiki wedu achinyatsonzwisisa upenyu norufu, haafanorongi zvinoitika muupenyu hwedu. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anopa tose zvedu mukana wokurarama nokusingaperi. Asi Mwari haatimanikidzi kuti tiite zvinodiwa kuti tiwane upenyu husingaperi. Kunyange zvakadaro, Shoko rake rinoti: “Munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.”—Zvakazarurwa 22:17.

Chokwadi, tinofanira kuda ‘kutora mvura youpenyu.’ Saka remangwana redu harina kufanorongwa. Zvatinosarudza kuita, mafungiro edu, uye zviito zvedu zvine zvazvinoita kune remangwana redu.