Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Noukama Hwakanaka Navanaamwene, Vanaambuya Nemadzitezvara

Kuva Noukama Hwakanaka Navanaamwene, Vanaambuya Nemadzitezvara

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Kuva Noukama Hwakanaka Navanaamwene, Vanaambuya Nemadzitezvara

Jenny * anoti: Amai vaRyan vakanga vasinganyari kutaura kuti vakanga vasingandifariri. Asi ndizvowo zvaiita vabereki vangu kuna Ryan kana tavashanyira. Kutaura zvazviri, handina kumbovaona vachizviitira mumwe munhu! Tose zvedu tinomboshungurudzika patinoshanyira vabereki vedu.

Rick anoti: Amai vangu havana kumbobvira vafunga kuti vana vavo vaizoroorana nevanhu vakavakodzera, saka havana kumbobvira vakafarira Jenny. Uye ndizvo zvandaiitwawo nevabereki vaJenny—vaigara vachingonditorera pasi. Panozova nedambudziko ndepokuti zvadaro ini naJenny tinodzivirira vabereki tobva tatanga kushorana.

NYAYA dzokushushana navanaamwene, navanaambuya, nemadzitezvara dzingashandiswa kusetsa vanhu nevanotaura nyambo dzinokodza mwoyo, asi hadzisekesi muupenyu chaihwo. Mumwe mukadzi wokuIndia anonzi Reena anoti, “Kwemakore akawanda, vamwene vangu vaipindira mune zvomumba medu. Ndaiwanzogumbukira murume wangu nokuti ndakanga ndisingagoni kugumbukira amai vake. Zvinoita sokuti, nguva dzose ane zvinhu zviviri zvaaifanira kusarudza, kuva murume akanaka kana kuti mwanakomana akanaka.”

Nei vamwe vanaamwene, vanaambuya, nemadzitezvara vachipindira mudzimba dzevana vavo vakaroora kana kuti vakaroorwa? Jenny, ane mashoko ari munhanganyaya anotaura chingangove chichikonzera izvi. Anoti, “Zvingave zvakavaomera kuona mumwe munhu muduku uye asina ruzivo rwoupenyu achiva iye ava kuda kuchengeta mwanakomana kana kuti mwanasikana wavo. Dilip, murume waReena anotaurazve chimwe chikonzero. Anoti, “Vabereki vakarera uye vane zvakawanda zvavakaitira mwana wavo vangaona sokunge mwana wavo achazenge asisinei navo. Vangangove vachidyana nepfungwa dzokuti mwanakomana wavo kana kuti mwanasikana wavo haana uchenjeri hunoita kuti imba ibudirire.”

Asi pamwewo vanaamwene navanaambuya nemadzitezvara ndivo vanokumbirwa kupindira. Somuenzaniso, chimbofunga nezvaMichael naLeanne, murume nomukadzi vokuAustralia. Michael anoti, “Leanne akabva mumhuri yaiva nevanhu vaiwirirana chaizvo vaikurukura zvinhu pamwe chete vasingavanzirani. Saka taroorana, mukadzi wangu aienda kunobvunza baba vake zvinhu zvomumba medu zvataifanira kuita ini naye. Baba vake vaigona kutibatsira noruzivo mune zvakawanda, asi zvaindirwadza kuti aienda kunobvunza ivo achindisiya!”

Izvi zvinongoratidza kuti vanaamwene navanaambuya nemadzitezvara vanogona kukanganisa imba. Ndiro dambudziko rakowo here? Une ukama hwakadii nevabereki vomunhu wawakaroorana naye uye wawakaroorana naye ane ukama hwakadii nevabereki vako? Ona zvipingamupinyi zviviri zvingavapo uye zvaungaita.

CHIPINGAMUPINYI #1: Wawakaroorana naye anoita seakanyanya kurerekera kuvabereki vake. Mumwe murume wokuSpain anonzi Luis anoti, “Mukadzi wangu aifunga kuti kana taizotadza kugara pedyo nevabereki vake, ainge aratidza kusavimbika kwavari.” Anotizve, “Ukuwo, pakaberekwa mwanakomana wedu, vabereki vangu vaiuya anenge mazuva ose, zvichisiya mudzimai wangu aneta. Izvi zvakaita kuti tigare tichinetsana.”

Pane nyaya yacho: Richirondedzera urongwa hwemba, Bhaibheri rinoti nokufamba kwenguva “murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Kunzi “nyama imwe” zvinopfuura kungogara pamwe chete. Izvi zvinoreva kuti murume nomudzimai vanoumba mhuri itsva—iri iyo yavanoisa pakutanga kupfuura mhuri dzavakaberekerwa. (1 VaKorinde 11:3) Asi murume nomudzimai wake vanenge vachiri kufanira kukudza vabereki vavo, uye izvozvo zvinowanzoda kuti vavewo pamwe chete navo. (VaEfeso 6:2) Zvakadini kana wawakaroorana naye achiwanzova nevabereki vake zvokuti iwe unonzwa seari kukusiya?

Zvaungaita: Edza kuona nyaya yacho sezvairi. Ichokwadi here kuti wawakaroorana naye ari kunyanya kurerekera kuvabereki vake kana kuti zvimwe inyaya yokuti iwe hauna ukama hwakadaro nevabereki vako? Kana zvakadaro, zvaiitika mumhuri yenyu zvingave zvakaita sei maonero ako dambudziko racho? Kuti ungave uri kutsva mwoyo neshanje here?—Zvirevo 14:30; 1 VaKorinde 13:4; VaGaratiya 5:26.

Kuti upindure mibvunzo yakadai unotofanira kuzviongorora nokutendeseka. Asi zvinokosha kuti uzviongorore. Uyezve kana nyaya dzavanaamwene navanaambuya nemadzitezvara dzichigara dzichikonzera bopoto pakati pako newawakaroorana naye, zvinongoratidza kuti dambudziko riri mumba menyu—harisi dambudziko revabereki.

Matambudziko akawanda omumba anovapo kana vanhu vaviri vakaroorana vachiona zvinhu nenzira yakatisiyanei. Ungaedza kuona zvinhu semaonero anoita mumwe wako here? (VaFiripi 2:4; 4:5) Ndizvo zvakaitwa nomumwe murume wekuMexico anonzi Adrián. Anoti, “Mudzimai wangu akakurira mumhuri yainge isina kumira zvakanaka, saka ndakaedza kusava pedyo nemhuri yake. Ndakapedzisira ndarega kuonana navo zvachose, kwemakore. Izvi zvakaita kuti mumba medu tinetsane nokuti mudzimai wangu akanga achiri kuda kuva pedyo nemhuri yake, kunyanya amai vake.”

Nokufamba kwenguva, Adrián akazotanga kuona nyaya yacho zvakanaka. Anoti, “Kunyange zvazvo ndichiziva kuti zvinomukanganisa kana akapedza nguva yakawanda nevabereki vake, asiwo akasava navo zvachose zvinokonzera matambudziko. Ndakaedza nepose pandinogona napo kuti tiwirirane nevabereki vomudzimai wangu.” *

EDZAI IZVI: Muri vaviri nyorai chamunofunga kuti ndicho chiri kunyanya kukonzera kuti munetsane zvichibva kuvabereki vewawakaroorana naye. Kana zvichiita, ungatanga nokuti “Ndinofunga kuti . . . ” Zvadaro chinjanai mapepa. Muchiita zvinhu mose, tsvagai nzira dzamunogona kugadzirisa nadzo zviri kukudyai mwoyo.

CHIPINGAMUPINYI #2: Vamwene vako, ambuya, kana kuti vatezvara vako vari kupindira muimba yenyu, vachipa mazano usina kubvunzwa. Mumwe mukadzi wokuKazakhstan anonzi Nelya anoti: “Makore manomwe okutanga tachata takaapedzera kumhuri yemurume wangu. Taigara tichikakavadzana kuti tingarera vana vedu sei uyewo pamusana penyaya dzokubika nedzoutsanana. Ndakataura nomurume wangu navamwene vangu nezvazvo, asi izvi zvakatoita kuti tinyanye kunetsana!”

Pane nyaya yacho: Paunoroorwa kana kuroora unenge usisiri pasi pevabereki vako. Bhaibheri rinoti “musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume”—kureva murume wake. (1 VaKorinde 11:3) Kunyange zvakadaro, sezvambotaurwa, murume nomukadzi vanofanira kukudza vabereki vavo. Kutaura zvazviri, Zvirevo 23:22 inotiudza kuti: “Teerera baba vako vakaita kuti uberekwe, uye usazvidza amai vako nokuti vakwegura.” Asi zvakadii kana vabereki vako kana kuti vomumwe wako vakarega kuteerera mashoko iwaya okuti murume ndiye musoro voedza kuisa pfungwa dzavo muimba yenyu?

Zvaungaita: Netsitsi edza kuona kuti nei vari kuita sevari kupindira. Ryan ambotaurwa anoti, “Dzimwe nguva vabereki vanenge vachingoda kuziva kuti vachiri kukosha muupenyu hwevana vavo.” Vangapindira kwete vachiziva uye zvichida ungashandisa zano reBhaibheri rokuti, “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.” (VaKorose 3:13) Asi zvakadii kana kupindira kunenge kuchiita vabereki vemumwe wako kukatoita kuti munyanye kunetsana nomumwe wako?

Vamwe varume nevakadzi vavo vakadzidza kuudza vabereki vavo pokuperera. Izvi hazvirevi kuti unofanira kuvaudza usingavaremekedzi. * Kakawanda unofanira kungozviratidza zvakajeka nezviito kuti wawakaroorana naye ari pokutanga muupenyu hwako. Somuenzaniso, mumwe murume wokuJapan anonzi Masayuki anoti: “Kunyange vabereki vakataura mafungiro avo, usangobva wabvuma pakarepo. Yeuka kuti uri kuvaka mhuri itsva. Saka tanga wanzwa kuti mumwe wako anoti kudii nezvezano raunenge waudzwa.”

EDZA IZVI: Kurukura nomumwe wako zvinhu chaizvo zvakananga zviri kukonzera kuti munetsane mumba menyu pamusana pokupindira kwevabereki venyu. Nyorai pamwe chete pavanofanira kugumira uye kutevedzera kwamuchaita zvamunenge manyora asiwo uku muchiremekedza vabereki venyu.

Zvinetso zvakawanda zvinokonzerwa navanaamwene, navanaambuya nemadzitezvara zvinogona kuderedzwa mukaziva vavariro dzavo uye mukaita kuti zvinetso izvozvo zvisaita mukakavadzane. Nezvenyaya iyi, Jenny anobvuma kuti: “Dzimwe nguva, nomurume wangu taishungurudzika pataikurukura nezvevabereki vedu, uye zvaiva pachena kuti tairwadziwa zvikuru kutaura kusakwana kwevabereki vedu. Zvisinei, takazorega kutaura nezvokusakwana kwevabereki vedu asi takadzidza kugadzirisa dambudziko rinenge riripo. Takaguma tava kunyatsowirirana somurume nomukadzi.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mazita akachinjwa.

^ ndima 14 Ichokwadi kuti kana vabereki vakaita chivi chakakomba, asi vachiratidza kuti havasi kupfidza, ukama hwemhuri hungakanganisika zvikuru uye kufambidzana kungava kushoma.—1 VaKorinde 5:11.

^ ndima 19 Pane dzimwe nguva, ungafanira kutaura wakasununguka zviri kukushungurudza nevabereki vako kana kuti nevabereki vewawakaroorana naye. Kana zvakadaro, zviite nokuremekedza uye nounyoro.—Zvirevo 15:1; VaEfeso 4:2; VaKorose 3:12.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

▪ Vabereki vomumwe wangu vane unhu hupi hwakanaka?

▪ Ndingaremekedza sei vabereki vangu uku ndichiremekedzawo murume wangu?