Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisa Vana Vako

Umambo Huchachinja Pasi Rose

Umambo Huchachinja Pasi Rose

UNOFUNGA kuti Umambo hupi hwatiri kureva?— *Ndihwo hwatakadzidziswa naJesu kuti tinyengeterere. Akatidzidzisa kuti tikumbire Mwari kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateu 6:9, 10) Kwemakore anoda kusvika 2 000, vateveri vaJesu vari kunyengetera kuna Mwari kuti Umambo Hwake huuye. Iwe wakambohunyengeterera here?—

Kuti unzwisise kuti chinonzi umambo chii, unofanira kuziva kuti anonzi mambo munhu akaita sei. Mambo munhu anotonga. Nzvimbo yaanotonga inonzi nyika. Nyika inotongwa noUmambo hwaMwari inosanganisira pasi rose. Umambo hwaMwari pahuchauya, nokufamba kwenguva munhu wose ari panyika achawana zvikomborero zvichaunzwa kuvanhu nokutonga kwake.

Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga. Pana Isaya 9:6, Bhaibheri rinotaura nezvoMutongi wehurumende iyi. Ona zvarinotaura nezvake: “Takaberekerwa mwana, . . . uye kutonga kwomuchinda kuchava papfudzi rake. Achanzi . . . Muchinda woRugare.”

Unoziva here kuti munhu anonzi muchinda anenge akaita sei?—Hungu, mwanakomana wamambo. Ko Mambo mukuru wokudenga ndiani?—Kana wati Jehovha wagona. Bhaibheri rinomuti “Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” (Pisarema 83:18) MuBhaibheri, Jesu anowanzonzi “Mwanakomana waMwari.” Chimwe chinoita kuti zvidaro ndechokuti Jehovha ndiye akapa Jesu upenyu. Jehovha ndiBaba vaJesu chaivo.—Ruka 1:34, 35; Johani 1:34, 49; 3:17; 11:27; 20:31; Mabasa 9:20.

Umambo hwaMwari hwatakadzidziswa naJesu kuti tihunyengeterere ihurumende chaiyo yakasiyana nedzimwe dzose. Kunonzi “kutonga kwomuchinda” nokuti Jehovha anoita kuti Mwanakomana wake, Jesu, ave Mutongi kana kuti Mambo woUmambo hwacho. Asi waizviziva here kuti pane vamwe vachasarudzwa kuti vatonge semadzimambo naJesu muUmambo hwaBaba vake?—Ngatikurukurei nezvavo.

Jesu ava pedyo nokufa, akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti akanga ari kuenda “mumba” maBaba vake vokudenga. “Ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo,” akadaro, “kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.” (Johani 14:1-3) Unoziva here kuti vaapostora nevamwe vakasarudzwa vachanoitei kudenga naJesu?—“Vachatonga naye semadzimambo.” Bhaibheri rinototaura kuti vangani vachatonga semadzimambo naJesu. Vachange vari 144 000.—Zvakazarurwa 14:1, 3; 20:6.

Unofunga kuti pasi pano zvinhu zvichange zvamira sei Muchinda Worugare nevaakasarudza 144 000 pavanenge vava kutonga?—Zvichange zvakanaka chaizvo! Panenge pasisina hondo. Mhuka dzichagara pamwe chete dzisingakuvadzani uye dzisingatikuvadziwo. Hapana munhu acharwara kana kufa. Maziso emapofu achaona, nzeve dzematsi dzichanzwa, uye vakaremara vachamhanya uye vachakwakuka sezvinoita mhembwe. Nyika ichabereka zvokudya zvakanaka zvinokwana munhu wose. Uye vanhu vose vachadanana seizvo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanofanira kuita. (Johani 13:34, 35) Ngatimbovhurai ndima dziri pano mubhuku raIsaya toverenga nezvezvinhu zvinoshamisa zvichaitika.—Isaya 2:4; 11:6-11; 25:8; 33:24; 35:5, 6; 65:21-24.

Kubvira Jesu paakadzidzisa vanhu kuti vanyengetere vachiti “umambo hwenyu ngahuuye,” mamiriyoni evanhu akadzidza nezvoUmambo ihwohwo. Ruzivo urwu rwakachinja upenyu hwavo. Munguva pfupi iri kuuya, Umambo ihwohwo pahuchauya huchatsiva hurumende dzose dziri panyika, uye munhu wose anoshumira Jehovha Mwari noMutongi wake waakasarudza Jesu Kristu, achava norugare, utano hwakanaka, uye achafara.—Johani 17:3.

^ ndima 3 Kana uchiverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kuti umbomira uye ukurudzire mwana kuti ataurewo.